Zvinotaura Bhaibheri
Masarudzire Aungaita Wekuroorana Naye
MUMWE MUKADZI ASINA KUROORWA AKABVUNZWA KUTI, “UNOMBOFUNGA ZVOKUROORWA HERE?” “KUFUNGA?” AKAPINDURA NOKUKURUMIDZA. “HAMHENO.”
UKU kutaura kupfupi kwemukadzi uyu kunonyatsoratidza madire anoita vamwe vanhu rudo neushamwari. Vamwe vanoona kuwana wekuroorana naye sechimwe chezvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu. Saka, munyika yose, kwave kune kuwedzera kukuru kwemabasa akagadzirirwa kubetsera vanhu kuwana wekuroorana naye. Zvisinei, munzvimbo dzakawanda dzenyika, nhamba yemichato isingabudiriri inopfuura yeinobudirira.
Munyika dzokuMadokero zvinozivikanwa kuti vanhu vanozvisarudzira vega wekuroorana naye. Asi mune dzimwe nzvimbo dzeAsia neAfrica, kuroorana kwakarongwa ndiyo ichiri tsika. Muzviitiko zvose, muitiro wacho ndiwo usingafaniri kuitwa zvachero. Zvimwe zvisarudzo zvishoma zvinoitwa nemunhu muupenyu zvingangokonzera mufaro kana kuti kusuwa. Kuroorana kune rudo kunogona kuva kunofadza kwazvo uye kunogutsa. Kusiyana naizvozvo, kuroorana musingapindirani kunogona kugara kuchikonzera kurwadziwa nekutambudzika.—Zvirevo 21:19; 26:21.
Savamwe, vaKristu vechokwadi vanoda kuti kuroorana kwavo kuunze mufaro nekugutsikana. Asi vanodawo kufadza Mwari nekumukudza. (VaKorose 3:23) Zvaari Musiki neMuvambi wekuroorana, Mwari anonyatsoziva zvatinoda chaizvoizvo uye zvakanyatsotinakira. (Genesi 2:22-24; Isaya 48:17-19) Kunze kwezvo, aona mamiriyoni nemamiriyoni emichato, yakanaka neyakaipa, kwezviuru zvemakore ekuvapo kwevanhu. Anoziva zvinoshanda nezvisingashandi. (Pisarema 32:8) Achishandisa Shoko rake, Bhaibheri, anoronga nheyo dzakajeka, dzakananga dzinogona kubetsera muKristu chero upi zvake kuita zvisarudzo achiziva. Ndedzipi dziri dzimwe dzenheyo idzodzi?
Tarira Zvinopfuura Chitarisiko Chomuviri
Uko vanhu vakasununguka kusarudza wavacharoorana naye, vangaerekana vasangana nevavangangoroorana navo kana kuti vangasumwa neshamwari kana kuti nemhuri. Kazhinji, unotanga kunzwa uchida munhu nemhaka yokukwezva kwomuviri. Nyangwe ichi chaizvoizvo chiri chishuvo chokuzvarwa nacho chakasimba, Bhaibheri rinotikurudzira kutarira zvakadzama kupfuura chitarisikowo zvacho paunofunga zvokuroora.
“Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa,” inodaro Zvirevo 31:30. Muapostora Petro akataura nezve“zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.” (1 Petro 3:4) Hungu, unhu hwomudzimu hweangazova mumwe wako—kuzvipira kwemunhu iyeye kuna Mwari uye kuda kwaanoita Mwari uyewo unhu hwake hwechiKristu—zvinokosha zvikuru pane runako rwemuviri. Zvinokosha kutora nguva yokunyatsosarudza, mumwe munhu ane vavariro dzomudzimu dzakafanana nedzako uye ari kuedzawo kuratidza zvibereko zvomudzimu waMwari. Izvozvi zvichabatsira zvikuru kuva nemuchato unofadza.—Zvirevo 19:2; VaGaratia 5:22, 23.
‘Rooranai Bedzi MunaShe’
Kuva nevavariro nezvitendero zvakafanana nemunhu waunoda kuroorana naye zvinokosha zvikuru. Muchato chinhu chakaoma chaizvoizvo, unoda kuchinja kwakawanda mumufambiro nemafungiro zvavaviri vanoda kuroorana. Zvine musoro kuti kana wagara une zvakawanda zvakafanana nezvine waunoda kuroorana naye, kuchinja ikoko kuchava nyore.
Izvi zvinotibetsera kuona kuti nei muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti vadzivise ku“sungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.” (2 VaKorinte 6:14) Pauro aiziva kuti kuroorana nemumwe munhu asina kutenda kwakafanana nekwako uye asinganzwisisi nheyo dzeBhaibheri sezvaunoita kunogona kukonzera kupesana nekusawirirana. Zano ro‘kuroorana bedzi munaShe’ rine musoro. (1 VaKorinte 7:39) Rinoratidza kufunga kwaMwari. Avo vanoritevedzera nokuchenjera vanodzivisa zvinetso nematambudziko zvakakura zvakawanda.—Zvirevo 2:1, 9.
Kuroorana Kwakarongwa
Zvakadini nenzvimbo uko kuroorana kwakarongwa kuchiri tsika? Somuenzaniso, kumaodzanyemba kweIndia, vamwe vanofungidzira kuti 80 muzana yemichato yose inorongwa nevabereki. Kana vabereki vechiKristu vachitevedzera kana kusatevedzera tsika iyi vanozvisarudzira vega. Zvisinei hazvo, kuronga kuroorana kwakadaro kunobudirira apo zvinhu zvinokosha zvomudzimu zvirizvo zvinokosheswa.
Avo vanoda kuroorana kwakarongwa vanofunga kuti izvi zvinoita kuti vanhu vane ruzivo rwakakura uye vakura vasarudze. “Vamwe vabereki vanofunga kuti nemhaka yezera revana vavo uye kushaya ruzivo rwakakura, havagoni kuvimbwa navo kuti vazive zvakarurama kukura mumudzimu kwewavangazoroorana naye,” anodaro mumwe murume mukuru wechiKristu wemuAfrica. “Vechiduku havana ruzivo rwakakura muupenyu uye vangasarudza zvinhu maererano nemanzwire avanoita,” anowedzera kudaro mumwe mushumiri anofambira wekuIndia. Sezvo vabereki vachiziva unhu hwevana vavo zviri nani pane munhu chero upi zvake, vanofunga kuti ndivo vega bedzi vanogona kusarudzira vana vavo nokuchenjera. Vaizovawo vakachenjera kufunga maonero anoita jaya racho nemhandara yacho.
Zvisinei, vabereki pavanorega kushandisa nheyo dzeBhaibheri, vangapedzisira vava kutambura nezvingazoitika kana muchato wacho ukazova nezvinetso. Zvinetso zvingavapo, nemhaka yokuti vanoda kuroorana vanowanzova nemukana muduku wekufanozivana zvakanaka. Uye pazvinovapo, “tinowanzoda kupomera vabereki,” vanotsanangura kudaro vamwe baba vechiKristu vomuIndia.
Nokuda kwevabereki vechiKristu vari kuronga muchato, zvavanovavarira zvinofanirawo kufungwa. Apo vavariro dzokuda zvenyika kana kuti kuda kuva nemukurumbira dzinotungamirira kusarudza wekuroorana naye, zvinetso zvinotanga. (1 Timotio 6:9) Naizvozvo, avo vari kuronga muchato vanofanira kuzvibvunza kuti, ‘Chisarudzo ichi ndakachiita kuti ndive nechokwadi chokuti vaviri vacho vafare uye vave neutano hwomudzimu hwakanaka here? Kana kuti ndechekuti ndiwedzere kunaka kwemukurumbira wemhuri kana kuti upfumi kana kuti kuwana betsero yemari here?’—Zvirevo 20:21.
Zano reBhaibheri rakajeka uye rinobetsera. Panenge pachifungwa nezvemunhu wekuroorana naye, zvinhu zvakanaka zveachada kuroora nekuva kwake munhu wakakura mumudzimu nguva dzose zvinofanira kuva zvinhu zvokutanga kufunga nezvazvo, pasinei nokuti chisarudzo chacho chinoitwa sei. Izvi pazvinenge zvaitwa, Jehovha Mwari, Muvambi wegadziriro yokuroorana, anokudzwa uye avo vanoroorana vangava nenzvimbo yomudzimu yakasimba yokutangira. (Mateo 7:24, 25) Izvi zvichabetsera zvikuru kuti pave nekuroorana kunofadza.