RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 10/8 pp. 24-27
  • “Mwanasikana Wenyu ane Chirwere cheShuga!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mwanasikana Wenyu ane Chirwere cheShuga!”
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhamo Yokuchipatara
  • Nguva Yokuchinja
  • Tava sei Zvino?
  • Basa Rakaoma Rokuchirapa
    Mukai!—2003
  • Deredza Mikana Yokubatwa Nechirwere Cheshuga
    Mukai!—2014
  • Chirwere Cheshuga—“Muurayi Anouraya Chinyararire”
    Mukai!—2003
  • Kubatsira Kungaita Bhaibheri Vanorwara Nechirwere Cheshuga
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 10/8 pp. 24-27

“Mwanasikana Wenyu ane Chirwere cheShuga!”

SIMBA remashoko iwayo akataurwa nachiremba handikurumidzi kurikanganwa. Mwanasikana wangu, Sonya, aiva nemakore gumi panguva iyoyo. Airatidzika kuva neutano hwakanaka, akasimba zvikuru—pane dzimwe nguva zvakatonyanya. Nguva yaakanga apedzisira kurapwa arwara aiva nemakore mashanu.

Zvisinei, mazuva mashoma tisati taenda kwachiremba uyu aiva akaoma. Sonya airatidza kurwara. Aida kunwa zvakawanda, uye paaidaro, aibva ada kuenda kuchimbuzi—padzimwe nguva maminiti gumi nemashanu oga oga. Usiku aimuka kanopfuura katatu. Pakutanga ndakaedza kusafunga nezvezviratidzo izvi—kwaingova kutapukirwa neutachiona mudundira, uye aizova nani. Asi mushure memazuva mashoma, ndakafunga kuti zvimwe aida mushonga wokuuraya utachiona hwacho.

Ndipo pandakaenda naye kwachiremba. Ndakatsanangura zvandaifunga kuti zvaimunetsa. Akaita kuti atorwe weti, uye ndakaona kuti weti yaiva mukomichi yaiva yakazara netumwe tunhu, twakaita semazaya echando. Mukoti akazvionawo. Zvavaifungira zvakasimbiswa nekuongorora ropa kusinganetsi. Aiva nechirwere cheshuga chinonzi Type 1.

Sonya akanzwisisa zvazvaireva. Kunyange zvazvo aiva nemakore gumi bedzi, akanga adzidza nezvechirwere cheshuga kuchikoro. Kutya kwaiva pachiso chake kwaiva kwakafanana nokwaiva pachiso changu. Chiremba akati kudzivisa imwe ngozi, aifanira kukurumidza kuenda kuchipatara. Akaronga kuti anopiwa mubhedha mukamuri revanonyanya kurwara pachipatara chemuPortland, Oregon, U.S.A. Sonya akashatirwa zvikuru kuti izvi zvakanga zvichiitika kwaari. Aisada kubayiwa majekiseni kuti arambe ari mupenyu. Aichema uye akaramba achibvunza chikonzero chacho. Zvaiva zvakandiomera kuderedza kurwadziwa kwangu pachangu. Ipapo ndakabva ndatadza kupfuurira. Taiva takagara muimba yokumirira varwere, takatsamirana, tichisvimha misodzi nokukumbira Jehovha kuti atitsigire munhamo yedu.

Nhamo Yokuchipatara

Chiremba akandibvumidza kuenda naSonya kumba kunotora zvinhu zvishoma, kuridzira murume wangu Phil runhare, uye kuronga kuti mumwe munhu andotora mwanakomana wedu Austin kuchikoro. Muawa imwe chete ini nomurume wangu takasvika naSonya pachipatara. Nokukurumidza vakamuisa padhiripi kuti arase shuga yaiva yakawanda uye urwa kubva muropa rake.a Iyi yakava nhamo chaiyo. Sonya akanga arasikirwa nemakirogiramu matatu nehafu ouremu hwake nemhaka yokurasikirwa nemvura. Tsinga dzake dzakanga dzasvava dzakanetsa kuwana. Pakupedzisira mukoti akadziwana, uye zvinhu zvakambodzikama—kwechinguva. Takagamuchidzwa bhuku guru uye mapepa akawanda ataitarisirwa kurava kuti tinzwisise tisati tabvumidzwa kuenda naSonya kumba.

Paiva navanachiremba, vanamukoti uye vanachiremba vezvokudya vaiuya nguva dzose. Takaratidzwa kuti tinogona sei kushandisa jekiseni kuti tibaye Sonya majekiseni maviri emushonga unobatsira pakugaya zvokudya zuva nezuva kubva musi iwoyo. Takadzidziswa nzira yokuongorora ropa zvaifanira kuitwa naSonya kanokwana kana pazuva kuti aone kuwanda kweshuga iri muropa rake. Paiva nemashoko akawanda okudzidza! Taifanirawo kudzidziswa nzira yokumupa nayo zvokudya. Aifanira kudzivisa zvokudya zvakawanda shuga, uye kuwedzera pakukura zvakanaka kwemuviri wake, zvokudya zvoga zvoga zvaifanira kuva nemakabhohaidhireti akakwana.

Mazuva matatu gare gare akabudiswa muchipatara. Akabvuma kuti ndimubaye majekiseni, asi aizoongorora ropa rake pachake. Mumwedzi mumwe chete akanga ava kuda kuzvibaya majekiseni emushonga unobatsira pakugaya zvokudya, uye ave achiita izvi kubva ipapo. Zvaishamisa kuona kuti akakwanisa kubvuma chirwere ichi uye kudzidza kurarama nacho. Akachinja pfungwa yake yokuda kufa ndokungomuka muParadhiso ava kuziva muviri wake nemanzwire aanoita uye zvaasingakwanisi kuita nokukwanisa kutaura pfungwa dzake kana pane chaanenge achida.

Nguva Yokuchinja

Mwedzi mishoma yokutanga yaiva yakaoma zvikuru. Nhengo yoga yoga yemhuri yaitofanira kukunda kunzwa kwakasiyana-siyana. Ndaida kuita zvakawanda zvikuru zvokuti zvakasvika pakuita kuti ndide kuramba kuita zvimwe zvinhu. Purogiramu isingachinjiki ndiyo yaiva yakaomesesa kutevera, kunyanya payaipesana nemisangano yechiKristu uye basa redu rokuparidza—ndisingatauri nezvebasa rezuva nezuva rechikoro uye mazororo. Asi nekunyengetera kazhinji, ini nemurume wangu takadzidza kutora zuva rimwe pane imwe nguva ndokutanga kuita mabasa edu matsva.

Takawana chiremba akanaka zvikuru anoita zvenhengo dzedundira uye anogara achida kubatsira pane zvinotinetsa, kunyange kutaura nesu achishandisa nhare yekombiyuta. Takaronga kugara tichimushanyira kuhofisi yake. Kumuona mwedzi mitatu yoga yoga nokuda kwokuongororwa hazvingoiti chete kuti tizive kuvandudzika kwemugariro waSonya asiwo zvinotivimbisa kuti tiri kuita zvose zvatinokwanisa pakumubetsera.

Sezvingatarisirwa, zvakanga zvakaomera mwanakomana wedu kuti anzwisise kunyanya kudiwa kwainge kwava kuitwa hanzvadzi yake. Vamwe muungano uyewo mudzidzisi wake kuchikoro vakaziva izvi uye vakamubetsera kuti arambe akabatikana uye vakaona kuti kumwe kuchinja kwaifanira kuitwa. Iye zvino ava kubetsera zvikuru kutarisira Sonya. Sevabereki vaSonya, dzimwe nguva taiita setinonyanya kudzivirira uye taitya kuchengeteka kwake zvakanyanyisa. Takaona kuti nzira yakanakisisa yokudzivisa kutya uku ndeyokudzidza zvakawanda nezvechirwere chacho ndokudzidza zvachinogona kuita chaizvoizvo kumuviri.

Tava sei Zvino?

Kazhinji tinotaura nezvezvakapikirwa naJehovha uye nezvenguva iri kukurumidza kuuya apo kurwara kuchazova chinhu chemunguva yakapfuura. (Isaya 33:24) Kusvikira izvozvo zvaitika, tiri kuvavarira semhuri kuti tirambe tichishumira Jehovha, tichiva nezvakawanda sezvatinogona kuita mukutaura nevamwe nezvezvikomborero zveUmambo hwaMwari. Tinoedzawo nepatinogona napo kuva pamisangano yeungano nguva dzose.

Makore mashoma apfuura, murume wangu akawana basa rekunyika, renguva duku muIsrael. Tichifunga nezveutano hwaSonya, takasanorangarira nezvekutama ndokuzvinyengeterera. Takasarudza kuti nekugadzirira kwakanaka, kusanganisira kuwana zvokudya zvakakodzera zvaSonya, kutama kwakadaro kwaigona kutiunzira makomborero okumudzimu akawanda. Kwegore nehafu, yaiva ropafadzo yedu kuva pamwe chete neUngano inotaura chiNgezi yeTel Aviv. Takafara kuparidza nenzira yakasiyana zvachose, uye chaiva chinoitika chinoshamisa zvikuru chekudzidza chemhuri yedu.

Mashoko mashomanana akareruka okuti “Mwanasikana wenyu ane chirwere cheshuga!” akachinja upenyu hwedu zvikuru. Asi pane kuti tiore mwoyo, takaita kuti kuchengeteka kweutano hwemwanasikana wedu kuve basa remhuri, uye izvi zvatoita kuti tinyanye kuva pedyo. Jehovha, “Mwari wokunyaradza kwose,” akatibetsera kuti tikunde. (2 VaKorinte 1:3)—Yakataurwa naCindy Herd.

[Mashoko Omuzasi]

a “Chirwere cheshuga chisina kurapwa chinopedzisira chava mota, kuungana kweurwa, kunovapo nemhaka yekugwamba kwemafuta muropa; izvi zvinoteverwa nekugwamba kwemunyu unovava segavakava muropa nekufufutirwa uye kurutsa. Sezvo zvinhu zvinokuvadza zvemakabhohaidhireti nemafuta asina kugayiwa zvakanaka zvinoramba zvichigwamba, murwere anofendeswa nechirwere cheshuga.”—Encyclopædia Britannica.

[Bhokisi riri papeji 25]

Chirwere cheShuga Chii?

Miviri yedu inogaya zvatinodya kuti zvitipe simba ratinogona kushandisa. Izvi zvinokosha sezvinoita kufema. Mudumbu uye muura, zvokudya zvinogayiwa kuva zvinhu chaizvo, kusanganisira rumwe rudzi rweshuga inonyunguduka nyore nyore. Zvinoitwa nenduru kushuga ndezvekuti inobudisa mvura inobatsira pakugaya zvokudya, inobatsira shuga kuti ipinde mumasero omuviri. Shuga inobva yapiswa kuti itipe simba.

Kana munhu aine chirwere cheshuga, zvichida nduru yake haisi kugadzira mvura inobatsira pakugaya zvokudya yakakwana kana kuti muviri wake hausi kushandisa mvura iyi zvakanaka. Saka, shuga iri muropa haigoni kupinda mumasero omuviri kuti ishandiswe. Bhuku rinonzi Kunzwisisa Chirwere cheShuga Chinotsamira Pamvura Inobatsira Kugaya Zvokudya (Understanding Insulin Dependent Diabetes) rinotsanangura kuti: “Shuga iri muropa inobva yawedzera kusvika yawanda zvikuru uye inopfachukira kuitsvo ichipinda muweti.” Varwere veshuga vasina kurapwa vangaita weti kakawanda uye vanova nezvimwe zvinoratidza kurwara.

[Bhokisi riri papeji 25]

Chirwere cheShuga cheType 1

Chirwere cheshuga ichi chaimbozivikanwa sechirwere cheshuga chevaduku, sezvo chiri rudzi rwunonyanya kuwanikwa muvana uye vachiri kuyaruka. Asi chinogona kubata vanhu vemazera ose. Nepo zvinokonzera chirwere cheshuga zvisingazivikanwi, pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvinofungwa nevamwe kuti zvakabatana nechirwere cheshuga cheType 1:

1. Kuberekwa unacho (muropa)

2. Kukanganisika kwemuviri kunoitika kwega (muviri unotadza kupindirana neimwe nyama yawo kana kuti marudzi amasero—uye panyaya iyi, munduru)

3. Zvakatipoteredza (utachiona kana kuti makemikoro)

Zvinoita kuti kutapukirwa neutachiona kana kuti zvimwe zvinhu zvigume nokukuvadzwa kwemasero enhengo yomuviri (mapoka emasero ari munduru munogadzirwa mvura inobatsira kugaya zvokudya). Masero enhengo yomuviri akawanda zvaanoramba achiparadzwa, zvinobva zvava nyore kuti munhu ave nechirwere cheshuga.

Vane chirwere cheshuga vane zviratidzo zvinoverengeka:

1. Kuita weti kakawanda

2. Kunzwa nyota zvakanyanyisa

3. Kunzwa nzara kakawanda; uye muviri unoda simba rausiri kuwana

4. Kurasikirwa nouremu. Kana muviri usingakwanisi kuisa shuga mumasero awo, unopisa mafuta awo pachawo uye mapurotini kuti uwane simba, zvichikonzera kurasikirwa nouremu

5. Kukurumidza kushatirwa. Kana munhu ane chirwere cheshuga achimuka kakawanda usiku kuti anoita weti, haagoni kurara zvakanaka. Unhu hwake hunogona kuguma hwachinja

Muchirwere cheshuga cheType 1, nduru inogadzira mvura shoma inobatsira kugaya zvokudya kana kuti haitombogadziri. Muzvinoitika zvakadaro, mushonga unobatsira kugaya zvokudya unofanira kutorwa zuva nezuva, kazhinji nokubayiwa jekiseni (mushonga uyu unoparadzwa mudumbu kana ukaita zvokudyiwa).

[Bhokisi riri papeji 25]

Chirwere cheShuga cheType 2

Chisingafaniri kuvhiringidzwa nechirwere cheshuga cheType 1, mugariro apo muviri unenge usiri kugadzira mvura inobatsira kugaya zvokudya yakakwana kana kuti usiri kuishandisa zvakanaka. Chinonyanya kuwanika muvanhu vakuru vapfuura makore 40 uye chinenge chinouya zvishoma nezvishoma. Pane chimwe chinhu chekuberekwa nacho pachirwere ichi, uye kazhinji chinowedzerwa nokudya zvisina kukodzera kana kuti nokufutisa. Kakawanda kacho mapiritsi anogona kushandiswa, kunyanya pakuvamba, kuti aite kuti nduru igadzire mvura inobatsira kugaya zvokudya yakawanda. Mapiritsi haasi mvura iyi.

[Bhokisi riri papeji 26]

Ngozi Dzechirwere cheShuga

Muviri unoda zvokudya kuti urambe uchishanda. Kana usingakwanisi kushandisa shuga inonyunguduka nyore nyore, unoshandisa mafuta omumuviri uye mapurotini. Zvisinei, kana muviri ukapisa mafuta, tsvina inonzi urwa inogadzirwa. Urwa hunowanda muropa uye hunopfachukira muweti. Nemhaka yokuti urwa uhwu hwune munyu unovava segavakava wakawanda kukunda nyama yemuviri une utano hwakanaka, kuwanda kweurwa muropa kungatungamirira kumugariro wakaipa unonzi ketoacidosis.

Zvine ngoziwo kune ane chirwere cheshuga kana shuga iri muropa rake ikaderera kudarika pakakodzera (hypoglycemia). Ane chirwere cheshuga anoziviswa nezvemugariro uyu nezviratidzo zvisingafadzi. Anganzwa achidedera, achidikitira, akaneta, aine nzara, achikurumidza kushatirwa, kana kuti kuvhiringika kana kuti hana yake ichirova nokukurumidza, asinganyatsi kuona, achitemwa nomusoro, aine chiveve, kana kuti kudedera kwomuromo. Angatobatwa nebuka kana kuti kufenda. Zvokudya zvakakodzera uye nguva yakarongwa yokudya kazhinji zvinodzivisa zvinetso zvakadaro.

Kana zviratidzo zvadudzwa pamusoro apa zvikaitika, kudya shuga inonyunguduka nyore nyore, zvichida muto wemichero kana kuti mapiritsi eshuga iyi, zvingaderedza kuwanda kweshuga iri muropa kusvika pasina ngozi, kusvika awana zvimwe zvokudya. Pazvinenge zvakaipa zvikuru, shuga inonzi glucagon inofanira kupiwa nejekiseni. Iyi imvura yemasero mapenyu inobatsira kuunzwa kweshuga yakachengetwa muchiropa, ichawedzera kuwanda kweshuga iri muropa. Mubereki wemwana ane chirwere cheshuga angada kuzivisa vekuchikoro chake uye mutyairi webhazi rechikoro kana kuti vekukireshi nezvemugariro wemwana.

[Bhokisi riri papeji 26]

Zvinetso Zvinogara Nguva Refu

Munhu ane chirwere cheshuga angava nezvinetso zvinogara nguva refu, kusanganisira hosha yomwoyo yakaipisisa, sitiroko, zvinetso zvemaziso, chirwere cheitsvo, zvinetso zvetsoka kana kuti makumbo, uye kutapukirwa neutachiona kakawanda. Zvinetso izvi zvinokonzerwa nekukuvadzwa kwetsinga dzeropa, kukuvadzwa kwetsinga dzakabatana neuropi uye kutadza kurwisa utachiona. Zvisinei, havasi vose vane chirwere cheshuga vanova nezvinetso zvinogara nguva yakareba.

Kuva nekuwanda kweshuga iri muropa iri pedyo neyakakodzera kunganonotsa kana kuti kuderedza kukuvadza kwezvinetso izvi. Mukuwedzera, kuita kuti kurema uye simba reropa zvirambe zviri pamwero wenguva dzose uye kusasvuta dzingava nzira dzinoshanda zvikuru dzokuderedza ngozi. Ane chirwere cheshuga anofanira kurovedza muviri kakawanda, kuramba achidya zvokudya zvakakodzera, nokuramba achinwa mishonga yaakarongerwa.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Mhuri yekwaHerd

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe