RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 8/8 p. 32
  • Magazini ine Chinangwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Magazini ine Chinangwa
  • Mukai!—1999
Mukai!—1999
g99 8/8 p. 32

Magazini ine Chinangwa

MUMWE maneja weraibhurari yevanhu vose muPrague, Czech Republic, akaisa mapeji maviri emashoko ekurumbidza Mukai! pabhodhi remashoko muraibhurari. Pazvimwe zvinhu zvaakanyora paiva nezvinotevera:

“Handisi mumwe weZvapupu zvaJehovha. Handisiwo mutsigiri akazvipira kana anopokana kwazvo neWatch Tower Society. Zvisinei, hapana chimwe chandingagona kuita kunze kwekurumbidza magazini yeMukai! zvinobva pamwoyo, yandange ndichirava kwenguva yakati. Kungorava musoro wayo kamwe chete pazuva kwaizokubatsira kwazvo. Zvisinei, kwete musoro chete asi zviri mumagazini iyi zvakanaka kwazvo kuwedzera pane zvemagazini ezvebhizimisi . . .

“Mukai! ine mashoko akanyatsofungwa. Inobudisa nyaya dzine misoro isingadi kubudiswa nemamwe magazini nemhaka yezvikonzero zvakasiyana-siyana. Inoratidza chokwadi, inodzidzisa zviri kuitika mupasi rose . . . Mukai! haisaruri. Inobudisa chokwadi nemaonero anoita zviremera, inoratidza zvakanakira zvinhu nezvazvakaipira, inoratidza mapedzerwo ezvinetso zvemazuvano nemashoko emuBhaibheri, uye yosiyira muravi kuti azvisarudzire pachake. Uyezve, Mukai! inobvunza—nokudzidzisa varavi kubvunza—mibvunzo.”

Papeji 4 yemagazini yega yega, pachikamu chinoti “Chikonzero Nei Mukai! Ichibudiswa” panotsanangura kuti: “Chinokosha kwazvo, magazini iyi inoita kuti uvimbe nezvakavimbiswa noMusiki zvenyika itsva ine rugare uye yakachengeteka yava kuda kutsiva gadziriro yezvinhu iripo yakashata, isingateereri mutemo.”

Uchawana vimbiso iyi yaMwari ichikurukurwa muzvikamu zvokupedzisira zvebhurocha rine mapeji 32 rinonzi Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana? Zvikamu izvi zvine misoro inoti “Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa” uye “Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi.” Unogona kugamuchira bhurocha iri nokuzadza ndokutumira kopani rabatanidzwa kukero yaratidzwa pakopani kana kuti kukero yakakodzera pane dzakarongwa papeji 5 yemagazini ino.

□ Nditumirei kopi yebhurocha raChii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?

□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri pamusha kwepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe