RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 7/8 pp. 8-11
  • Marambire Aungaita une Pfungwa Dzakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Marambire Aungaita une Pfungwa Dzakanaka
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chepfu Yeuropi
  • Sarudza Varaidzo Wakachenjera
  • Tsvaka Nhungamiro yaMwari
  • Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Unogona Kuwana Varaidzo Yakanaka
    Mukai!—1997
  • Tingasarudza Sei Zvinotivaraidza?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Chii Chakaitika Kuvaraidzo?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 7/8 pp. 8-11

Marambire Aungaita une Pfungwa Dzakanaka

UTANO hwedu hwemuviri hunonyanya kutsamira pane zvatinodya. Kana munhu achirarama nezvokudya zvisingavaki muviri nguva dzose, achapedzisira asisina utano hwakanaka. Nheyo iyi yakafanana inoshanda pautano hwepfungwa dzedu.

Somuenzaniso, ungafananidza zvinhu zvatinoisa mupfungwa dzedu nerumwe rudzi rwezvokudya zvepfungwa. Zvokudya zvepfungwa? Hungu, mashoko atinowana mumabhuku, magazini, mapurogiramu eterevhizheni, mavhidhiyo, mumitambo yemavhidhiyo, Internet, nemashoko enziyo anogona kutapura kufunga kwedu neunhu hwedu sezvinongoitawo zvokudya chaizvo mumuviri wedu. Zvinodaro sei?

Aimbova mukuru-mukuru wekushambadza Jerry Mander akanyora nezvesimba reterevhizheni paupenyu hwedu achiti: “Kupfuura chinopesvedzera chipi zvacho, terevhizheni inosiya mifananidzo muuropi hwedu.” Zvisinei, mifananidzo iyoyo inosara mupfungwa, inoita zvakawanda pane kungotivaraidza chete. Magazini inonzi The Family Therapy Networker inoti: “Mutauro, mifananidzo, mitinhimira, pfungwa, vatambi, mamiriro ezvinhu, zvinokosheswa, rondedzero inosimudzira runako yezvinobudisa nhau zvinova zvinhu zvatinonyanya kufunga nezvazvo, manzwire atinoita nezvatinofungidzira.”

Hungu, tingave tichizvicherekedza kana kuti kwete, pfungwa dzedu nemanzwire edu zvinogona kutsauswa takavarairwa nezvatinoona paterevhizheni nezvimwe zvinovaraidza zvakasiyana-siyana. Ipapo ndipo pane ngozi. Sezvinotaurwa naMander kuti, “isu vanhu zvishoma nezvishoma tinochinja kuva chero mifananidzo yatinoisa mupfungwa dzedu.”

Chepfu Yeuropi

Vanhu vakawanda vanganyatsoongorora zvokudya zvavo zvokunyama vanongomedza vasingasarudzi chero zvokudya zvipi zvazvo zvepfungwa zvavanopiwa nezvinobudisa nhau. Somuenzaniso, wakambonzwa here mumwe munhu achiti: “Hapana chakanaka chokuona paTV!” Vamwe vanenge vanonakidzwa, nokuramba vachingoedza zviteshi zvakasiyana-siyana netarisiro yokuti chimwe chinhu chiri nani chichavapo chete. Havambofungi zvokudzima TV yacho!

Kuwedzera panguva yakawanda inodyiwa, mapurogiramu akawanda anobudisa nyaya idzo vaKristu vangada kudzivisa. “Kunze kwezvinoshatisa,” anodaro munyori wenganonyorwa Gary Koltookian, “nyaya dzemakakatanwa nedzepabonde nhasi dziri kuoneka kwazvo pamasikirini kupfuura kare.” Zvechokwadi, chidzidzo chichangobva kuitwa muUnited States chakawana kuti zvine chokuita nenyaya dzepabonde zvinoonekwa ka27 paavhareji muawa yega yega munguva inenge ichionekwa navanhu vakawanda.

Izvi zvinoita kuti munhu afunge kuti zvinotapura sei mafungire evanhu. MuJapan mumwe mutambo unozivikanwa weterevhizheni wakadiwa navanhu vakawanda kwazvo zvokuti zvinobudisa nhau zvenyika yacho zvakati wakaparira “kuwedzera kwoupombwe.” Uyezve, vanyori vebhuku rinonzi Watching America vanoti: “Nhasi zvakawanda zvine chokuita nezvepabonde . . . zviri kuonekwa semararamiro ayo munhu anozvisarudzira zviri pamutemo.”

Kunyange zvakadaro, mapurogiramu eTV anoparadzira nyaya dzepabonde angoriwo rutivi chete rwedambudziko racho. Chisimba chinoratidzwa zvakajeka zvakajairika futi. Zvinonyanyotyirwa ndezvinokuvadza zvinoitwa namapurogiramu echisimba eTV nemabhaisikopo pavadiki, vane pfungwa dzinobatwa nyore nyore. “Vana vadiki pavanoona mumwe munhu achipfurwa, achibayiwa, achibatwa chibharo, achiitirwa utsinye, achizvidzwa, kana kupondwa paTV,” anodaro David Grossman, mukuru-mukuru wemauto akapiwa penjeni uye nyanzvi yezvepfungwa dzokuuraya, “kwavari zvinoita sokunge zvanga zvichiitika chaizvoizvo.” Ichitaura nezvedambudziko rakafanana, The Journal of the American Medical Association yakati: “Kubvira pamakore matatu nemana, vana vakawanda havagoni kusiyanisa chokwadi nezvokunyepedzera zvinenge zviri mumapurogiramu eterevhizheni uye vanoramba vasingagoni kudaro pasinei zvapo nokurayirirwa nemunhu mukuru.” Nemamwe mashoko, kana zvazvo mubereki angaudza mwana kuti, ‘Vanhu vaya havana kufa zvechokwadi; vanga vachinyepedzera chete,’ nyange zvakadaro pfungwa yemwana haigoni kusiyanisa. Kumwana mudiki, chisimba chemuTV chinoitika zvechokwadi.

Ichipfupikisa simba “rechisimba chinobuda muzvinobudisa nhau,” magazini yeTime yakati: “Vaongorori vashoma vachiri kuda kukurukura kuti kuteura ropa kunobuda paTV nemumabhaisikopo kunotapura vadiki vanokuona.” Kunotapura chirudzii? “Makumi emakore evaraidzo dzechisimba akabudirira kuchinja maonero anoita vanhu chisimba nezvavanokoshesa,” inotaura kudaro nyanzvi yokuongorora mabhaisikopo Michael Medved. Anowedzera kuti: “Hapana kubudirira kunenge kuchiita nzanga kana isingachakwanisi kurohwa nehana.” Hazvishamisi kuti mumwe munyori akataura kuti kuenda nemwana ane makore mana kumabhaisikopo ane chisimba “ichepfu kupfungwa [dzake.]”

Chokwadika, izvi hazvirevi kuti mapurogiramu ose eterevhizheni akaipa. Zvimwe chetewo zvinoshanda pamabhuku, magazini, mavhidhiyo, mitambo yemakombiyuta, nedzimwe varaidzo dzakasiyana-siyana. Zvisinei, zviri pachena kuti, zvakawanda zvinonzi varaidzo hazvina kukodzera kune vaya vanoda kuramba vane pfungwa dzakanaka.

Sarudza Varaidzo Wakachenjera

Mifananidzo inoendeswa mupfungwa dzedu ichipfuura nemumaziso inopesvedzera zvakasimba mafungire edu nezviito. Somuenzaniso, dai taizodyisa pfungwa dzedu nevaraidzo yeunzenza nguva dzose, chisarudzo chedu chokuteerera mutemo wokuti “tizai upombwe” chaizova chisisina simba. (1 VaKorinte 6:18) Nenzira yakafanana, kana tichinakidzwa nevaraidzo dzinobudisa “vanhu vanoita zvisina kururama,” tingazviwana zvakaoma kuva “norugare nevanhu vose.” (Pisarema 141:4; VaRoma 12:18) Kuti tidzivise izvi, tinofanira kuita kuti meso edu asaona “chinhu chakaipa.”—Pisarema 101:3; Zvirevo 4:25, 27.

Zvinobvumwa kuti, nemhaka yokusakwana kwatakagara nhaka, tose zvedu tinofanira kutamburira kuti tiite zvakanaka. Muapostora Pauro chokwadi akabvuma pachena kuti: “Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu.” (VaRoma 7:22, 23) Izvi zvinoreva here kuti Pauro akanga otadza kudzora nyama yake yakaneta? Kana! Akati: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti . . . ndirege kuva wakarashwa ndimene.”—1 VaKorinte 9:27.

Nenzira yakafanana, hatingazombodi kushandisa kusakwana kwedu sechikonzero chokuita chivi. Munyori weBhaibheri Judhasi akati: “Vadikanwa, . . . ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe.” (Judhasi 3, 4) Hungu, tinoda “[kurwa] kwazvo” ndokurega varaidzo dzinotiita kuti tide kuita zvakaipa.a

Tsvaka Nhungamiro yaMwari

Kuramba une pfungwa dzakanaka hakusi nyore nguva dzose mugadziriro ino yezvinhu. Zvisinei, Bhaibheri, rinotivimbisa kuti zvinogoneka kuramba takachena muzvose zviri zviviri mupfungwa nemutsika. Sei? Pana Pisarema 119:11, tinorava kuti: “Shoko renyu ndakariviga mumwoyo wangu, kuti ndirege kukutadzirai.”

Kuviga mashoko aMwari zvinoreva kuaona seanokosha kana kuti kuakoshesa kupfuura zvose. Zviri pachena kuti, zvingaoma kukoshesa Bhaibheri kana takanga tisingazivi zvarinotaura. Nokupinza zivo yakarurama inobva muShoko raMwari, tinopinza pfungwa dzaMwari. (Isaya 55:8, 9; Johane 17:3) Somugumisiro izvi zvinotipfumisa mumudzimu uye zvinokudza kufunga kwedu.

Pane chiyereso chinovimbika chokusarudza zvinovaka mumudzimu nemupfungwa here? Hungu! Muapostora Pauro akapa zano kuti: “Zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.”—VaFiripi 4:8.

Asi kuti tibatsirwe zvechokwadi, zvakawanda zvinodiwa kupfuura kungoziva Mwari. Afuridzirwa, muprofita Isaya akanyora kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Hungu, hatidi kungotsvaka nhungamiro yaMwari chete asiwo tinoda kuita maererano nezivo iyoyo.

Imwe nzira inotibatsira mutsika nemumudzimu ndeyekutaura naJehovha, we“Kunzwa munyengetero.” (Pisarema 65:2; 66:19) Kana tikataura noMusiki wedu nomwoyo wose nokuzvininipisa, achateerera chikumbiro chedu. Uye kana tika“mutsvaka, uchawanikwa.”—2 Makoronike 15:2.

Saka zvinogoneka kuchengeta pfungwa dzedu dzakanaka munyika ino ine chisimba neunzenza here? Zvechokwadi, zvinogoneka! Nokusabvumira pfungwa dzedu kuitwa nhinhi nevaraidzo dzenyika ino, nokusimbisa mafungiro edu nokudzidza Shoko raMwari, uye kutsvaka nhungamiro yaMwari, tinogona kuramba tine pfungwa dzakanaka!

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida mashoko akawanda ekusarudza varaidzo yakanaka, ona Mukai! yaJune 8, 1997, mapeji 22-24.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Vana vakawanda havagoni kusiyanisa chokwadi nezvokunyepedzera zvinenge zviri mumapurogiramu eterevhizheni”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

“Makumi emakore evaraidzo dzechisimba akabudirira kuchinja maonero anoita vanhu nezvavanokoshesa”

[Bhokisi riri papeji 11]

Kuderedza Ngozi Yokubatwa Nehosha Yemwoyo

Nutrition Action Healthletter inotaura matanho anotevera anokubatsira kuderedza ngozi yokubatwa kwako nehosha yemwoyo.

• Rega kuputa. Kurega nhasi kunogona kuderedza ngozi yokubatwa kwako nehosha yemwoyo mugore rimwe, kunyange kana ukafuta.

• Deredza muviri. Kana une muviri wakanyanyisa, kuderedza makirogiramu mashomanana akaita semashanu kusvikira kugumi kunogona kuita kuti pave nomusiyano.

• Rovedza muviri. Kurovedza muviri nguva dzose (kanenge katatu pavhiki) kunobatsira kuderedza cholesterol yakashata (LDL), kuderedza blood pressure, ndokuita kuti usanyanya kufuta.

• Idya mafuta mashoma. Kana LDL yako yakawanda, idya nhindi dzenyama dzisina mafuta uye edza kudya mukaka une chikamu chimwe muzana bedzi (mafuta mashoma) kana kuti mukaka usina ruomba (usina mafuta) panzvimbo pemukaka une zvikamu zviviri muzana.

• Inwa doro zvine mwero. Pane zviratidzo zvokuti vaya vanonwa waini tsvuku zvine mwero vangaderedza ngozi yekuva nehosha yemwoyo.

• Idya michero yakawanda, miriwo, nezvimwe zvokudya zvine soluble fiber yakawanda.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Chisimba chinobuda muTV chakafanana nechepfu kupfungwa dzemwana

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vana pane dzimwe nguva vanotevedzera chisimba chavanoona paTV

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vabereki vanogona kubatsira vana vavo nokuvapa zvokuverenga zvakanaka zvakasiyana-siyana

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe