RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 6/8 p. 21
  • “Ndine Makore Manomwe”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndine Makore Manomwe”
  • Mukai!—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Varombo Vanogona Kuva Vakatendeseka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Nedikita Revana
    Mukai!—1999
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuMexico
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Ndakatorwa Kumarara, Ndikakwidziridzwa
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 6/8 p. 21

“Ndine Makore Manomwe”

Kwaziwai. Zita rangu ndinonzi Amelia, uye ndinogara muCaribbean. Ndine makore manomwe. Imwe nguva yapfuura vabereki vangu varombo vakandiisa mumaoko emhuri yakapfuma inogara muguta.

Nhasi, semazuva ese, ndamuka na5 mangwanani. Ndachera mvura mutsime riri pedyo. Zvanga zvakaoma kwazvo kutsiga mugoro unorema pamusoro wangu, asi ndakwanisa kudaro—kudai zvisizvo, ndingadai ndarohwa zvakaipisisa. Tevere ndabika zvokudya zvamangwanani ndokuzvipa mhuri. Ndati nonoke zvishoma kupa mhuri zvokudya zvamangwanani, saka tenzi vandirova netyava cheganda.

Pashure pacho, ndaperekedza mwanakomana ane makore mashanu wemhuri yacho kuchikoro. Tevere, ndabatsira kubika nokupa zvokudya zvamasikati zvemhuri. Munguva dzisiri dzezvokudya, ndaenda kunotenga zvokudya kumusika nokutumwa, kukuchidzira moto wemazimbe, kutsvaira chivanze, kugeza mbatya nokusuka ndiro, uye kuchenesa imba yokubikira. Ndagezawo tsoka dzamedhemu vangu. Nhasi pane changa chakavatsamwisa kwazvo, saka nehasha vandidira mbama. Ndinotarisira kuti mangwana vanenge vari nani.

Ndapiwa zvokudya zvasara kuti ndidye—zvanga zvichitombova nani pane zvechibage zvandakadya nezuro. Mbatya dzangu dzasakara, uye handina bhutsu. Vanatenzi vangu havambondibvumiri kugeza nemvura yandinounzira mhuri. Usiku hwapfuura ndakarara panze; dzimwe nguva vanondibvumira kurara pasi mumba. Zvinosuruvarisa kuti handina kukwanisa kunyora tsamba iyi pachangu. Handibvumirwi kuenda kuchikoro.

Ivai nezuva rakanaka. Amelia.

KUNYANGE zvazvo zita rake chairo risiri Amelia, dambudziko rake nderechokwadi.a Amelia ndemumwe bedzi wemamiriyoni evana vanofanira kushanda—uye kakawanda mumamiriro ezvinhu akaipisisa. Kushandiswa kwevana ndicho chinetso chikuru chenguva dzedu. Inhau yakaoma isina zvinoigadzirisa zviri nyore. Yakazara kwose kwose, inoparadza nzanga, uye ine njodzi mumagumisiro ayo, ndeye utsinye pavana uye inobvisa unhu hwevanhu.

Kushandiswa kwevana kwakakura zvakadini? Dambudziko iri rakatangira papi, uye rinombokonzerwa nei? Pachazombosvika nguva here apo vana—vadukusa vemhuri yevanhu vasingagoni kuzvidzivirira—vachazorega kuiswazve pasi poupenyu husingafadzi nehusina ruramisiro?

[Mashoko Omuzasi]

a Nyaya yake inotaurwa muThe State of the World’s Children 1997.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe