Zvinotaura Bhaibheri
VaKristu Vanofanira Kuona sei Misa?
VAKATURIKE vakazvipira vanobvumirana naPope John Paul II, uyo, maererano neNew York Times, nguva pfupi yapfuura “akataura kuti chechi inofunga kuti chivi kana muKaturike akapotsa Misa.” Misa chii? Chechi neBhaibheri zvinobvumirana panhau yacho here?
Mubhuku rinonzi Things Catholics Are Asked About, mupristi wechiKaturike Martin J. Scott anorondedzera Misa sezvinotevera: “Misa chibayiro chisina ropa choMuviri neRopa zvaKristu. Karivhari yaiva chibayiro cheropa raKristu. Misa yakangofanana zvikuru nechibayiro chiya chapamuchinjikwa. Iri harisi dimikira, hausi mufananidzo, hakusi kupamhidzira.” Anotiwo: “Misa inoreva kuburutsira paatari dzedu Mwanakomana waMwari, ndokuMupa kune chimwe chikamu chaMwari.”
Misa ndeyepaMagwaro Here?
VaKaturike vapachokwadi vanodavira kuti Misa yakavakirwa pakudzidzisa kweMagwaro. Souchapupu, vanonongedzera kumashoko aJesu panguva inowanzonzi Chirayiro Chokupedzisira. Sezvaaigovera chingwa newaini kuvaapostora vake, Jesu akati paaireva chingwa: “Ichi muviri wangu.” Paaireva waini akati: “Iri iropa rangu.” (Mateo 26:26-28)a VaKaturike vanodavira kuti paakataura aya mashoko, chaizvoizvo Jesu akashandura chingwa newaini kuita muviri wake uye ropa rake. Zvisinei, New Catholic Encyclopedia (1967) inoyambira kuti: “Hatifaniri kuvimba zvakanyanyisa nezvingarehwa chaizvoizvo nemashoko okuti ‘Iri iropa rangu’ kana ‘Ichi muviri wangu.’ . . . Nokuti mukutaura kwakadai sokuti ‘kucheka ndiko kuguma kwenyika’ (Mt 13.39) kana ‘Ndini muzambiringa wechokwadi’ (Jn 15.1) [chiito chokuti “kuva”] chinongoreva kuratidzira kana kumiririra.” Saka, kunyange enisaikoropidhiya iyi inobvuma kuti manyorerwe aMateo 26:26-28 haarevi kuti chingwa newaini zvakachinjwa kuva muviri chaiwo uye ropa chairo zvaJesu paChirayiro Chokupedzisira.
Mumwe angayeuka kuti Jesu akamboti: “Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kudenga. . . . Munhu upi noupi anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ane upenyu husingagumi.” (Johane 6:51, 54) Vamwe vevakanga vakateerera Jesu vakatora mashoko ake sezvaari uye vakashamiswa zvikuru. (Johane 6:60) Asi tingabvunza kuti, Jesu akashandura nyama yake kuva chingwa pachiitiko ichocho here? Chokwadi haana! Aitaura nenzira yokufananidzira. Akazvienzanisa nechingwa nemhaka yokuti nokuda kwechibayiro chake aizopa upenyu kuvanhu. Johane 6:35, 40 inoratidza zvakajeka kuti kudya nokunwa kungaitwa nokushandisa kutenda muna Jesu Kristu.
Sezvo Misa iri tsika inokosha yeChechi yeKaturike, mumwe angatarisira Magwaro kuitsigira. Haaitsigiri. The Catholic Encyclopedia (chinyorwa cha1913) yakatsanangura kuti: “Mavambo makuru edzidziso yedu . . . igamuchidzanwa, iro kubvira panguva dzapakuvamba zvikuru rakazivisa ukoshi hwekuteterera [kukumbira] hweChibayiro cheMisa.” Hungu, Misa yevaRoma Katurike yakavakirwa pagamuchidzanwa, kwete paBhaibheri.
Hazvinei hazvo nokuti rinoonwa sei, gamuchidzanwa rinopesana neBhaibheri harigamuchirwi naMwari. Jesu akazvidza vatungamiriri vechitendero vomuzuva rake achiti: “Makaita kuti Shoko raMwari risashanda nokuda kwegamuchidzanwa renyu.” Mateo 15:6) Sezvo Jesu aikoshesa Shoko raMwari, ngationgororei zvinodzidziswa pamusoro peMisa tichijekeserwa neMagwaro Matsvene.
Kristu Akazvibayira—Kakawanda Sei?
Chechi yeKaturike inodzidzisa kuti nguva nenguva apo Misa inochengetwa, Jesu anozvibayira, kunyange zvazvo ichiti haafi chaizvoizvo uye ichiti chibayiro chacho hachina ropa. Bhaibheri rinobvumirana nokutaura uku here? Cherekedza VaHebheru 10:12, 14 inoti: “[Jesu] akapa chibayiro chimwe chete nokuda kwezvivi, uye akagara pachigaro chake nokusingaperi, kuruoko rworudyi rwaMwari. Nokuda kwekupa chibayiro chimwe chete ichocho, akakwanisa nokusingaperi avo vose vanoitwa vatsvene.”
Zvisinei, muKaturike wechokwadi angaramba achiti: ‘Jesu aisafanira kuzvipa kakawanda here? Tose tinotadza kakawanda.’ Mhinduro yeBhaibheri yakanyorwa pana VaHebheru 9:25, 26 inoti: “[Kristu] haafaniri kuzvipira azvipirazve. . . . Iye akaonekwa kamwe uye zvechigarire, pakupedzisira kwenguva, kuti abvise chivi nokuzvibayira.” Nyatsocherekedza izvi: Kristu “haafaniri kuzvipira azvipirazve.” Pana VaRoma 5:19, muapostora Pauro anotsanangura chikonzero chacho achiti: “Nokusateerera kwomumwe [Adhama] vazhinji vakaitwa vatadzi, saka nechiito chomunhu mumwe chokururama [Jesu] vazhinji vachaitwa vakarurama.” Chiito chimwe chete chaAdhama chokusateerera chakatiita tose tive vanofa; chiito chimwe chete chokudzikinura chaJesu chakaisa hwaro panesu tose tinotenda muchibayiro ichocho kuti zvivi zvedu zvikanganwirwe zvino uye kuti tizova noupenyu husingaperi munguva inouya.
Musiyanoi unovapo kana Jesu akabayirwa kamwe chete kana kuti achibayirwa kakawanda? Inhau yokuonga kukosha kwechibayiro chaJesu. Ichi ndicho chipo chikurusa chati chambopiwa—chipo chinokosha kwazvo, chakakwana kwazvo, zvokuti hachizombofi chakada kudzokororwa.
Zvechokwadi chibayiro chaJesu chakafanira kuyeukwa. Asi pane musiyano pakati pokuyeuka chiitiko uye kuchidzokorora. Somuenzaniso, vakaroorana vanochengeta musi wegore negore wemuchato wavo vangayeuka zuva ravakaroorana, vasingadzokorori chaizvoizvo muchato wacho. Gore rimwe nerimwe, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta musi wegore negore werufu rwaJesu, vachiita nenzira iyo Jesu akarayira—“sechirangaridzo,” kwete muchibayiro, chake. (Ruka 22:19) Mukuwedzera, gore rose ava vaKristu vanoedza kukudziridza ukama hwakanaka naJehovha Mwari nomuna Jesu Kristu nokuita kuti upenyu hwavo, zviito, uye zvitendero zvavo zvitsinhirane neMagwaro Matsvene.
Kazhinji, kuzviita kunoreva kuchinja mukufunga kwavo. Asi izvi Zvapupu zvinofara kuziva kuti kana zvikatsigira Shoko raMwari nokuvimbika panzvimbo pegamuchidzanwa ravanhu, zvichakomborerwa. Uye kana zvikava nokutenda muropa rechibayiro chaJesu, rakadeurwa kamwe uye zvechigarire anoda kusvika makore ane zviuru zviviri akapfuura, richavanatsa pazvivi zvose.—1 Johane 1:8, 9.
[Mashoko Omuzasi]
a Magwaro ose ari munyaya ino anobva muNew Jerusalem Bible rechiKaturike.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Misa yeSt. Giles (mamwe mashoko)
[Kwazvakatorwa]
Erich Lessing/Art Resource, NY