RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 2/8 pp. 16-19
  • Rudzi Rwezvipfeko Zvatinopfeka—Rwune Basa Chaizvo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzi Rwezvipfeko Zvatinopfeka—Rwune Basa Chaizvo Here?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Fashoni Inotaurei?
  • Chii Chiri Kuitika Kumitemo Yokupfeka?
  • Kuzvinetserei Nokuzvida Uye Nokuda Kuzivikanwa?
  • Ndakapfeka Zvakafanira Here?
  • Pfeka Ne‘Pfungwa Dzakanaka’
  • Mapfekero Ako Anoita Kuti Mwari Akudzwe Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Zvipfeko Zvangu Zvinoratidzira Ini Chaiyeiye Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuva Nomwero Mumupfekero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 2/8 pp. 16-19

Rudzi Rwezvipfeko Zvatinopfeka—Rwune Basa Chaizvo Here?

“HANDIZIVI kuti ndopfekei!” Uku kutaura kwokukumbira kubatsirwa hakuna kujairika here? Chokwadika, zvitoro zvemafashoni zvanhasi, zvinogaroda kwazvo kukubatsira—kana kuti kutokuvhiringidza—nemafashoni azvo azvino.

Zvichiita kuti kusarudza kuve kwakatonyanyooma, mazuva ano ungatokurudzirwa kupfeka, kwete zvakanaka, asi zvisina kutsarukana. Nezveizvi zvinoitika zvinopesana nezvakanaka zvomuma90, mubudisi wezvefashoni anoti: “Zvinogona kuvimbisa kuziva kuti hazvina kunaka chete kutarisika seunotambura zvishoma, achembera, apera basa neasakara, asi zvinodiwa.”

Hungu, mumakore mashoma achangobva kupfuura aya kushambadza kune simba zvikuru, vanhu vomuenzaniso vomuTV, vaenzani, kuzvikwidziridza, uyewo kutsvaka kuzivikanwa zvapesvedzera zvikuru kwazvo rudzi rwezvinhu zvinopfekwa navanhu, kunyanya pavaduku. Vamwe vavo vanotoba kuti vave nechitarisiko chakanaka.

Zvitaera zvakawanda zvakakurumbira zvomuma90 zvinowana zvakatangira patsika dzokunyanyisa dzenguva ichangobva kupfuura dzakadai sezvipfeko zvechihipi zvomunzanga dzekuMadokero dzemuma60. Kuchengeta ndebvu, bvudzi refu risingakamurwi, nezvipfeko zvine tsvina zvaizivisa kuramba tsika dzomunzanga dzechinyakare. Asi kupfeka kwokupandukira kwakatangisa kutevedzerana kutsva, kwekumanikidzwa kuda kufanana nevawakaenzana navo.

Zvipfeko zvazova chinhu chinoshandiswa kwese kwese uye chinonyatsotaura zvakanaka panhau yekuda kuzivikanwa. Zvipfeko, kunyanya maT-shirt, azova zvikwangwani, zvinoshambadza chinyararire mitambo yakakurumbira uye nyanzvi dzemitambo, nyambo dzinosetsa, ugamba, chisimba, tsika—kana kushaikwa kwadzo—uye zvigadzirwa zvinotengeswa. Kana kuti zvinogona kuvhundutsa. Chimbofunga nezvemusoro wemunguva pfupi yapfuura weNewsweek waiti: “Utsinye Mashoko Anotaurwa Nefashoni Yevechiduku.” Nyaya yacho ine mashoko ewechiduku ane makore 21 achitaura nezveT-shirt yake kuti: “Ndinoipfeka nokuti inoudza vanhu zvandinenge ndichifunga. Handidi zvemarara uye handidi zvokunetswa.”

Zvinoratidzirwa padundundu nekumusana kwemaT-shirt zvingasiyana pamunhu nemunhu. Nepo kuda kutevedzerana—nerimwe boka rinozivikanwa kana kuti mudzimu unenge uripo wekupandukira, pfungwa yeudyire, unzenza, kana chisimba—kuri pachena. Mumwe musoni anoboora maburi pazvipfeko maererano nezvinenge zvataurwa nemutengi wake. “Vanogona kusarudza maburi echivhorovhoro, maburi echifefe, kana kuti maburi ezvigwagwagwa,” anodaro. “Mashoko efashoni chete.”

Fashoni Inotaurei?

“Kazhinji kazhinji zvipfeko inzira yokutaura nayo kuti uri werudzi rupi munzanga,” anodaro Jane de Teliga mumwe mukuru mukuru anoona nezvefashoni paPowerhouse Museum, muSydney, Australia. Anowedzera kuti: “Unosarudza rudzi rwaunoda kuzivikanwa narwo uye unopfeka saizvozvo.” Dr. Dianna Kenny, mudzidzisi wezvepfungwa wepaYunivhesiti yeSydney, akataura kuti senzira yokusiyanisa nayo vanhu, kupfeka kunokosha semakoshero anoita chitendero, upfumi, basa, rudzi, dzidzo, uye kero yeimba yake. Maererano nemagazini inonzi Jet, kusanzwisisana kweurudzi pachikoro chinenge chiri chose cheVarungu muUnited States “kwakatanga apo vasikana vechirungu vakarukwa, vakapfeka zvipfeko zvihombe, nezvimwe ‘zvitaera zvomumugwagwa’ nokuti ndezveVatema.”

Urudzi huri pachenawo mune dzimwewo tsika, dzakadai sedzokuimba: “Muzvinoitika zvakawanda,” inodaro magazini yaMaclean, “kupfeka kwacho kunoenderana nenziyo yacho: vatsigiri vereggae vanopfeka zvinhu zvine mavara akajeka nemakepisi ekuJamaica, nepo vanofarira rock ine ruzha vachipfeka bhutsu dzine pasi pakati sandara nekepisi dzakarukwa dzemujibha nemazihembe akarengenduka.” Chero zvazviri, kupfeka zvachero, zvisina kutsarukana, kwokuita semurombo, kuya kunonzi kwouyanga, kunogona kudhura.

Chii Chiri Kuitika Kumitemo Yokupfeka?

“Chinhu chose chakapesana nechaungafunga,” anodaro munyori wenyaya dzemupepanhau Woody Hochswender. “Mafashoni evarume, kare aimbodzorwa nemitemo yakaoma, ava kuramba achitadza kudzoreka . . . Zvinhu zvose zvinofanira kuratidzika sezvangokandwa zvachero.” Zvisinei, tsika iyi inoratidzira uyanga. Kana kuti zvingatoratidza pachena kushaikwa kwekuzviremekedza kana kuti kusaremekedza vamwe.

Mune imwe nyaya yemaonere anoita vadzidzi vadzidzisi vavo, pepanhau rinonzi Perceptual and Motor Skills rinotsanangura kuti: “kunyange zvazvo mudzidzisi aipfeka majini aionekwa seaisekesa mukirasi, zvaanodzidzisa zvairemekedzwa zvishomanana uye aisarudzwa semudzidzisi anoita seasina zvaanoziva.” Pepanhau iroro rinoti “mudzidzisi wechikadzi aipfeka majini aionekwa seanosekesa, akasununguka, asinganyanyozivi, asingafaniri kunyanyoremekedzwa, asingataridzike semudzidzisi, uye anowanzodiwa.”

Zvinhu zvichakadai, munyika yebhizimisi, tine mamwezve mashoko efashoni: kupfeka kwekukwezva. Mumakore achangobva kupfuura vakadzi vakawanda vave vachida kuwana zvinzvimbo zvepamusoro mumabasa. “Ndinopfeka zvekutouraya chaizvo,” anodaro Marie, mumwe mukuru mukuru wekambani inobudisa mashoko. “Ndinoda kuonekwa saakasiyana nevamwe. Ndinoda kuratidzika sechimwe chinhu chakanakisisa,” anowedzera kudaro. Marie ari kutaura chokwadi pakufoonora kuti pfungwa dzake dziri paari pauzima.

Mafashoni akakurumbira nenzira isingarambiki ari kupindawo mumachechi. Vamwe vanonyanya kufarira mafashoni vakatoshandisa kunyange machechi avo kuratidzira zvipfeko zvavo zvitsva zvichangobva kugadzirwa. Asi, nhasi, vafundisi, vakapfeka magemenzi avo, vari pachikuva vanowanzotarisa ungano yakapfeka majini netenisi dzemitambo kana kuti yakapfeka zvitaera zviri mufashoni.

Kuzvinetserei Nokuzvida Uye Nokuda Kuzivikanwa?

Zvipfeko zviri mufashoni—zvikurukuru pakati pavaduku—nyanzvi dzezvokushanda kwepfungwa dzinoti, inzira yokuzvifunga nayo, mukuti inoratidzira chishuvo chokuda kuonekwa nevanhu. Vanozvitsanangura se“muitiro wokunyanyisa kuvayaruki kuona sokunge kuti iwe pachako uri chinhu chinofanira kutariswa nevamwe.” Chaizvoizvo, mukomana kana kuti musikana anoti: “Ndinofunga kuti muri kundinetsekera sezvandiri kungozviitawo.”—American Journal of Orthopsychiatry.

Uzivi hwokuzvikoshesa kwemunhu achiti Mwari haana basa hwakasimudzirawo kufunga (zvikurukuru kwezvokutengeserana) kwokuti iwe pachako, ndiwe unokosha zvikuru muchisiko chose. Chinetso chacho ndechokuti, pari zvino kune vanhu ava ‘vanokosha zvikuru’ vanenge mabhiriyoni matanhatu. Mamiriyoni muzvitendero zveChikristudhomu akabatwawo mumambure okunyanyoda zvenyika, vachivavarira “upenyu hwepamusoro, hwazvino.” (Enzanisa na2 Timotio 3:1-5.) Kuwedzera pane izvozvi kune kupera kwekubatana kwemhuri uye kupera kwerudo rwechokwadi, uye hazvishamisi kuti vakawanda, zvikurukuru vaduku, vanongoti chamuka inyama nepfungwa yokuda kuzivikanwa uye yokuva vakachengeteka.

Zvisinei, avo vane hanya nezvipfeko zvavo nezvavari pamberi paMwari vanobvunza nomuzvarirwo kuti: Ndinofanira kutevedzera kuchinja kwemitemo yokupfeka kusvika papi? Ndinoziva sei kana mapfekero angu akafanira? Anopa zviratidzo zvisirizvo kana kuti zvinovhiringidza pamusoro pangu here?

Ndakapfeka Zvakafanira Here?

Zvatinopfeka zvikurukuru zvinhu zvatinosarudza semunhu oga. Zvino tinofarira semunhu mumwe nomumwe zvinosiyana, sezvinongoitawo mari yatinowana. Uye tsika dzinosiyana munzvimbo nenzvimbo, munyika nenyika, uye mamiriro okunze emunzvimbo dzakasiyana-siyana. Chero angava mamiriro ako ezvinhu, yeuka nheyo iyi inoti: “Chinhu chose chine mwaka wacho, nechinhu chose chine nguva yacho pasi pedenga.” (Muparidzi 3:1, Revised Standard Version) Nemamwe mashoko, pfeka zvinoenderana nenguva yacho. Uye chechipiri iva, “[“nomwero,” NW] pamberi paMwari wako.”—Mika 6:8.

Izvozvo hazvirevi kupfeka zvokunyanyisa asi, panzvimbo pezvo, munzira yaka“fanira” uye inoratidzira “kuzvidzora.” (1 Timotio 2:9, 10) Kakawanda, izvi zvinongoreva kuzvidzora, unhu uhwo magazini inonzi Working Woman inobatanidza nekugona kusarudza nechiremera. Semunhu ane musoro, usabvumire kuti zvipfeko zvako zvive zvokutanga kubata pfungwa dzevanhu paunopinda mukamuri, kuti uorore vamwe. Working Woman inoti: “Pfeka . . . zvokuti vanhu vanoona zvinopfuura zvipfeko zvako voona unhu hwako semunhu.”

Pepanhau rinonzi Perceptual and Motor Skills rinoti: “Mabhuku akawanda anoongorora basa rezvipfeko pakuumba unhu hwemupfeki uye kutaura pasina mashoko anoratidzira kuti zvipfeko chinhu chinokosha chinoshandiswa kuziva zviri munhu wacho.” Achitsigira izvi mumwe mukadzi ari mumakore okuma40, uyo aimbodada nesimba rake rokukwezva nemapfekero ake, anoti: “Zvakakonzera zvinetso zvikuru kwazvo kwandiri nokuti zvaioma kusiyanisa basa rangu neupenyu hwangu somunhu oga. Nguva dzose vandaisangana navo mubhizimisi vaida kuenda neni kudhina.” Mumwe mukadzi anoita basa reakaunzi, achirondedzera mamwe mapfekero akasiyana, anoti: “Ndave ndakatarisa zvinoita varume kuvakadzi vanopfeka zvisina kutsarukana, kana avo vanopfeka sevarume. Vanoonwa sevakadzi vane nharo vakangogadzirira kupokana shoko ripi neripi uye vanooneswa nhamo nevarume.”

Mumwe musikana muduku anonzi Jeffie akaona kuti akanga ari kupa zviratidzo zvinovhiringidza apo akagerwa zvaiva mufashoni. “Ndakangofunga kuti zvairatidzika ‘sezvakasiyana,’” anoyeuka kudaro. “Asi vanhu vakatanga kundibvunza kuti, ‘Chaizvoizvo uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?’ uye izvozvo zvainyadzisa.” Jeffie aifanira kuzvibvunza mibvunzo yakaoma. Zvechokwadi, hachisi chokwadi here kuti hausi chete muromo wedu asiwo mapfekero edu nemagadzirirwe ebvudzi anotaura “zvizere pamwoyo”? (Mateo 12:34) Mapfekero ako anoratidzei—mwoyo unoda kuti vanhu vaise pfungwa paMusiki kana kuti pauri here?

Pfeka Ne‘Pfungwa Dzakanaka’

Chimbofungawo zvipfeko zvako zvazvinoita pauri. Kupfeka kwokuda kukwezva nekunopfuura mwero kungatowedzera udyire hwako, kupfeka kusina kutsarukana kungasimbisa pfungwa dzisina kunaka dzaunadzo pamusoro pako, uye maT-shirt anoshambadza mabhaisikopo aunofarira kana nyanzvi yomutambo nerimwewo gamba zvingaita kuti unamate magamba— kunamata zvifananidzo. Hungu, zvipfeko zvako zvinotaura kuvamwe—uye zvinovaudza zvauri.

Zvipfeko zvako zviri kutaurei pamusoro pako kana uchipfeka zvokufa chaizvo kana kuti zvokuda kuonekwa? Uri kusimbisa unhu hwaunofanira kutorwisa kukunda here? Uyezve, munhu worudzii wauri kuedza kukwezva? Zano rakanyorwa pana VaRoma 12:3, [NW] rinogona kutibatsira kukunda udyire zvisina maturo, rudado, nokufunga kwakaipa. Ipapo muapostora Pauro anotipa zano rokuti “[ti]sazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga; asi [ti]funge kuti [ti]ve nepfungwa dzakanaka.” Kuva ne“pfungwa dzakanaka” zvinoreva kushandisawo pfungwa.

Izvi zvinokosha zvikurukuru kune avo vane mutoro. Muenzaniso wavo une simba rinochinja vamwe. Sezvingakarirwa, avo vari kuvavarira ropafadzo dzebasa muungano yechiKristu nevadzimai vavo vechiKristu nenzira yakafanana vanofanira kuratidza kuva nemwero pamapfekero avo namagadzirirwe ebvudzi uye vanoremekedzeka. Hatimbofaniri kuda kufanana nemurume uyo Jesu akataura nezvake mumuenzaniso wake wemutambo wekuwana paakati: “Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona munhu asina kupfeka nguo yomutambo wokuwana.” Paakaziva kuti murume uyu akanga asina chikonzero chakanaka chokupfeka zvipfeko zvakadaro zvokusaremekedza, “mambo akati kuvaranda: Mumusungei makumbo namaoko, mumukandirei kunze murima.”—Mateo 22:11-13.

Saka, zvinokosha kuti vabereki vachishandisa shoko pamwe nomuenzaniso vaite kuti vana vavo vasarudze zvipfeko zvakanaka nezvakatsvinda. Izvi zvingareva kuti vabereki vanofanira kuomesa pane dzimwe nguva sezvavanokurukura nemwanakomana kana kuti mwanasikana wavo. Asi zvinokurudzira sei patinorumbidzwa tisina kukumbira nemhaka yokunyatsopfeka zvakanaka uye mufambiro wakanaka wevaduku vedu neweduwo!

Hungu, vabatiri vaJehovha vakasunugurwa pazvinhu zvisina maturo, fashoni dzinodhura, uye kuzvinetsa nokuzvida. Vanotungamirirwa nenheyo dzaMwari, kwete mudzimu wenyika. (1 VaKorinte 2:12) Kana ukararama neidzi nheyo, kusarudza zvipfeko zvako hakufaniri kuva kwakanyanyooma. Uyezve, kungofanana nefuremu iri pamufananidzo yakanyatsosarudzwa, zvipfeko zvako hazvizokanganisi unhu hwako kana kuita kuti huzvidzwe. Paunoramba uchiedza kuva akafanana naMwari, ndipo paunobva wanyanya kukudziridza kunaka kwemudzimu kunopfuura zvikuru zvipfeko.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe