RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 1/8 pp. 18-22
  • Matambudziko Nezvikomborero Zvekurera Vanakomana Vanomwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Matambudziko Nezvikomborero Zvekurera Vanakomana Vanomwe
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndaishaiwa Pokutangira!
  • Kurera Vakomana Vedu Maererano Nenheyo dzeBhaibheri
  • Chiitiko Chinofadza Choubati Ushe hwaMwari
  • Kuwana Chirango Pakeke
  • Upenyu Hwainakidza
  • Maonero Aiita Vakomana Chirango
  • Taiva Nezvaitipinganidza
  • Kuchinja Kukuru Muupenyu Hwedu
  • Ndinoonga Jehovha Nokuda Kwevanakomana Vangu Vashanu
    Mukai!—1999
  • Mbeu Dzakazobereka Zvibereko Makore Akawanda Gare Gare
    Mukai!—1999
  • Jehovha Akandibatsira Kurera Vana Vangu 5
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Vabereki Vedu Vakatidzidzisa Kuda Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 1/8 pp. 18-22

Matambudziko Nezvikomborero Zvekurera Vanakomana Vanomwe

Yakataurwa naBert naMargaret Dickman

Ndakaberekwa muna 1927, muOmaha, Nebraska, U.S.A., ndokukurira muSouth Dakota. Ndinogona kuyeuka ndichiri mukomana mumakore akaoma eKuderera Kukuru Kwemari (1929-42). Amai vaiwanzogadzira zvavaidana kuti muto wenzara. Vaiisa mafuta mashoma mupani yekubikira vowedzera mvura, saka tainyika chingwa chedu imomo. Zvinhu zvakanga zvakaomera mhuri dzakawanda panguva iyoyo.

MHURI YEDU yakanga isinganamate—yakaona unyengeri hwakanyanyisa muzvitendero zvechiPurotesitendi zvemunzvimbomo. Kana ndiri ini, makore maviri andakapedzera ndiri muchiuto muHondo Yenyika II ndiwo aiita kuti ndifunge sezvandaiita. Ndipo pandakatanga kuda kunwa nekubhejera.

Pazororo remauto, ndakaenda kudhanzi remunzvimbomo ndokusangana naMargaret Schlaht, mumwe musikana werudzi rwevaUkraine vekuGermany. Takadanana, uye pashure pekudanana kwemwedzi mitatu, takaroorana muna 1946. Takava nevanakomana vanomwe mumakore masere, uye takadzidza nenzira yakaoma maomero azvakaita kuva mubereki.

Muna 1951, ndakaita tsaona yakakomba pamuchina wokuchekesa miti uye ndakapotsa ndazvidimbura ruoko rweruboshwe. Ndaifanira kugara muchipatara kwemakore maviri nokuda kwekunamirwa nyama nekugadzirwa mabhonzo. Munguvayi, Margaret akaita basa rekutarisira vakomana vashanu. Achibatsirwa neshamwari nevavakidzani, akakwanisa kuzviita munguva yose yakaoma iyoyo. Pandaiva muchipatara, ndaiva nenguva yakawanda yekufunga nezvechinangwa cheupenyu. Ndakaedza kurava Bhaibheri asi ndisinganyatsorinzwisisa.

Pandakangobuda muchipatara, takatamira kuOpportunity, taundi riri muWashington State, uye ndakapinda basa rekuvaka natsano vangu. Iye zvino ndichaita kuti Margaret ambotaura nyaya yacho semaziviro ake.

Ndaishaiwa Pokutangira!

Ndakarerwa papurazi patairima zviyo, tichipfuya mombe shoma dzemukaka, uye michero yemumatini nemirivo. Ndaiva nemuitiro wekushanda zvakaoma uyo wakandirovedza nokuda kwezvinetso zvenguva yemberi zveupenyu, izvo zvaizova zvakawanda. Takapukunyuka Kuderera Kwemari zviri nani zvikuru kupfuura vazhinjisa, sezvo inenge nguva yose taiva nezvokudya.

Vabereki vangu vakanga vasina nguva yekunamata, kunyange zvazvo ini pane dzimwe nguva ndaipinda Sandisikuru. Saka, takaroorana naBert ndine makore 19. Hatina kuenda kuchechi—takangoita kamutambo mukamuri rekutandarira reimba yevabereki vangu, tichitungamirirwa nemumwe mushumiri weUngano. Mumakore mashomanene, ndakabereka vakomana vanomwe—Richard, Dan, Doug, Gary, Michael, Ken uye, pakupedzisira, Scott, muna 1954. Vakanga vakawanda zvikuru!

Pashure pekunge tatamira kuOpportunity, mumwe mukadzi akashanya kumba kuzotaura nezveBhaibheri. Ndakamubvunza kana aidavira hero yemoto, dzidziso yaindityisa chaizvoizvo. Akatsanangura kuti hero yemoto haisi dzidziso yeBhaibheri uye kuti kunyange dzidziso yemweya usingafi haisi muBhaibheri, ndakanyaradzwa sei! Ndakanga ndararama ndichitya nekufunganya pamusoro pekufa uye ndaisagona kubatanidza hero yemoto naMwari ane rudo. Ndakatsunga kuti ndaisazofa ndakadzidzisa vana vangu nhema dzakafanana naidzodzo.

Muna 1955, ndakavamba kudzidza Bhaibheri ndichibetserwa nebhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazwokwadi.”a Sezvaungafungidzira, ndipo chaipo apo muparidzi wePendekosti akangotanga kundifarira uye achida kundirwira paZvapupu zvaJehovha! Akakanganisa zvikuru—akatanga kundiparidzira nezvehero yemoto! Akatotumira vakadzi vatatu vekuPendekosti kwake kuti vaedze kundidzivisa kudzidza neZvapupu.

Munguvayi, Bert aiteerera fundo yangu yeBhaibheri ari mukamuri rekutandarira. Gare gare, akatanga kurava New World Translation of the Christian Greek Scriptures, uye zvinhu zvakatanga kumujekera. Aishanda shifiti yaiguma pakati peusiku. Chokwadika, aiuya kumba ndarara. Umwe usiku ndakaverevedza ndichiburuka masitepisi ndokumuwana achirava mabhuku angu pachivande! Ndakanyahwaira ndichidzokera kunorara, ndichinzwa kufara kuti akanga achinzvera kuti azvionere ega. Pakupedzisira, akafundawo Bhaibheri, uye muna 1956 takava Zvapupu zvakabhabhatidzwa.

Pashure pekunge tava nevanakomana vanomwe mumakore masere, ndakawana kuti kutarisira mabasa ezuva nezuva ekuvapa zvokudya nekuvapfekedza nekuedza kuchengeta imba yakachena uye yakatsvinda zvakanga zvakaoma. Vakomana vacho vakadzidza kuita mabasa avo pamusha. Ndaiwanzotaura kuti ndakanga ndisina muchina unogeza ndiro wega—ndaiva neminomwe! Mumwe nemumwe aiita jana mupurogiramu iyi yaikosha. Chokwadika, Bert aibetsera zvikuru. Aigara achivaranga nekuvapa mitemo yepamba asi achiwanawo nguva yekukurukura navo. Vakomana vacho vairemekedza baba vavo asi vakanga vasingavatyisi. Bert haana kutomboregeredza basa rake rekudzidzisa vanakomana vedu nezveizvo vanomuyeuka nemufaro achizvitaura se“nyaya dzekugara nevasikana.”

Richard, mwanakomana wedu mukuru, akaenda kunoshanda semuzvipiri kudzimbahwe reWatch Tower Society muBrooklyn, New York, muna 1966. Kuona wekutanga achibva pamusha kwaiva muedzo chaiwoiwo kwandiri. Chigaro ichocho chisina munhu patafura chairwadza mwoyo wangu zuva nezuva. Asi ndaifara kuti akanga achiwana ruzivo rwakanaka nekurovedzwa.

Ndichaita kuti Bert apfuurire nenyaya yacho.

Kurera Vakomana Vedu Maererano Nenheyo dzeBhaibheri

Ini naMargaret takabhabhatidzwa pakokorodzano muSpokane, Washington. Zvino takanga tava nemuedzo wekurera vakomana vedu maererano nenheyo dzeBhaibheri—izvo zvaungataura kuti nzira yechinyakare. Ndaisabvumira kunyepa kupi nekupi kana kuti mitemo miviri, uye vakomana vacho vaizviziva. Takavadzidzisa kuti Jehovha akafanirwa nezvakanakisisa.

Zvisinei, vaiziva kuti vaigona kuvimba neni nemhaka yekuti taiva neukama hwapedyo uye taiita zvinhu zvakawanda pamwe chete. Semhuri, tainakidzwa nekuenda kumahombekombe, kuva nemapikiniki mumakomo, uye kutamba softball. Taiva nemhuka negadheni, uye vakomana vose vaibetsera kuita chipi nechipi chaida kuitwa. Nokudaro vakadzidza kushanda nekutamba. Takaedza kuramba tiri pakati nepakati mumabasa edu.

Chiitiko Chinofadza Choubati Ushe hwaMwari

Kudivi rezvemudzimu, tose taienda kumisangano yechiKristu kuHoro yoUmambo pamwe chete, uye taiva nefundo yeBhaibheri yemhuri yedu yenguva dzose. Muna 1957 takapinda kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muSeattle, Washington. Mupurogiramu yacho makakumbirwa kuti mhuri dziende kunoshanda kwaidiwa Zvapupu zvakawanda kuti zvinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Mhuri yedu yakafunga kuti yakanga iri pfungwa yakanaka, uye takatanga kuronga nezvekutama kwedu. Kutanga takaenda kuMissouri muna 1958 uye ipapo kuMississippi muna 1959.

Muna 1958 takava nechiitiko chedu chokutanga chikuru chinofadza choubati ushe hwaMwari. Ndakagadzira karavhani, yataidhonza neDeSoto ya1947 yekare ine masirinda matanhatu, inotakura vanhu vatatu. Gore iroro tose tiri vapfumbamwe takaenda kuNew York nemota iyoyo kunopinda kokorodzano yemarudzi akawanda. Takapedza vhiki dzinoverengeka tiri munzira, tichirara munzira murwendo rwedu rwekubva kuSpokane, kuWest Coast, kuenda kuNew York—rwendo rwemakiromita 4 200! Vakomana vacho vanoyeuka nemufaro rwendo irworwo senguva yakanaka neyainakidza zvikuru.

Kuwana Chirango Pakeke

Pakokorodzano iyoyo takawana makopi edu ebhuku rinonzi Kubva Kuparadhiso Yakarasika Kuparadhiso Ichawanikwazve.b Bhuku iroro pamwe chete neBhaibheri zvakava hwaro hwefundo yedu yeBhaibheri yevhiki nevhiki. Vakomana vose vakadzidza kurava vachiri vaduku. Vapedza chikoro Marge aipedza nguva yakati ane vakomana, achivateerera vachirava Bhaibheri. Hatina kubvumira TV kuti idzore pfungwa dzavo.

Taiva nechirango neruremekedzo mumhuri. Pane imwe nguva Margaret akabika keke hombe—rimwe reakanakisisa ake. Zvokudya zuva iroro zvaibatanidza makarotsi. Nguva dzose taikurudzira vakomana kungoravirawo havo mirivo yavo. Doug aisada makarotsi. Akaudzwa kuti kutoti akadya makarotsi, aisazombowana keke. Kunyange zvakadaro akaramba kupedza zvokudya zvake. Margaret akati, “Kana ukasadya makarotsi iwayo, keke rako richadyiwa nembwa.” Handifungi kuti Doug akafunga kuti airevesa kutozosvikira aona Blackie ichikabira keke rake rainaka! Akadzidza chidzidzo kubva muchiitiko ichocho, uye ndizvo zvakaitawo vamwe vakomana vose. Sevabereki, taiita zvatinenge tataura.

Upenyu Hwainakidza

Ini naMargaret taitungamirirwa nemashoko aJesu anowanwa pana Mateo 6:33 anoti: “Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Semhuri, taiedza kutanga kuita zvinhu zvoUmambo. Tose tainakidzwa nokuenda kunoparidza pamwe chete, uye vakomana vaiita majana okuenda neni paimba neimba. Mumwe nemumwe aiva nebhegi rake pachake remabhuku, Bhaibheri, nemabhuku eBhaibheri. Taivarumbidza nokuda kwekufambira mberi kupi nekupi kwavaiita. Margaret aiwanzovambundira zvikuru. Zvechokwadi, nguva dzose taivaratidza chidakadaka. Nguva dzose taiwana nguva yekuva nevakomana—upenyu hwainakidza!

Sezvo vakomana vakakura, vakava nemabasa akadai sekutakura vanhu vachivaendesa kumisangano, kuzarura Horo yoUmambo, uye kubatsira nemamwe mabasa. Vakadzidza kukoshesa Horo yoUmambo senzvimbo yavo yekunamatira uye vaifadzwa nekuichengeta.

Takavakurudzira kutsinhira pamisangano yechiKristu. Vaikurukura hurukuro dzavo pfupi dzomudzidzi muChikoro Choubati Ushe hwaMwari, umo mavakadzidza zvishoma nezvishoma kuva vakurukuri. Michael, mwanakomana wedu wechishanu, nguva dzose aivenga kutaura paruzhinji uye ainetseka pachikuva. Pane imwe nguva muhurukuro dzake, aitanga kuchema misodzi yekugumbuka, sezvo aisagona kupedza. Kwapera nguva yakati, akazvikurira, uye zvino, semurume akaroora, anobatira semutariri anofambira, achishanyira ungano dzakasiyana-siyana uye achipa hurukuro kanoverengeka pavhiki. Kuchinja kwakadini!

Maonero Aiita Vakomana Chirango

Mukai! yakataura naMichael kuti inzwe pfungwa dzake pamusoro pokurerwa nenzira yechinyakare. “Taiona Baba semunhu anoranga zvakanaka. Ndinoyeuka kuti ndichiri kuyaruka, ndakaenda kunoshandira nhepfenyuro yeredhiyo. Ndaida mota kuitira kuti ndigogonawo kupinda mubasa reushumiri hweupiyona hwenguva yakazara. Manija wenhepfenyuro yacho akataura kuti aigona kunditengesera Ford Mustang yake ine madhoo maviri ine denga rinobva, mota yemijaho inozivikanwa nevanhu vaduku. Mwoyo wangu wose wakanga wava pairi, kunyange zvazvo ndaiziva kuti yakanga isiri mota yaigona kushanda zvikuru kunditakura pamwe chete nevanhu muushumiri. Ndakaenda kuna Baba nepfungwa yakati yekutya. Pandakavaudza nezvayo, vakati, ‘Ngatimbotaura nezvayo.’ Ndakaziva kuti zvairevei! Vakarangarira neni ndokundiratidza zvakanakira mota inoshanda zvikuru. Nokudaro ndakatenga sedan ine madhoo mana, uye pashure pekuifambisa kwemakiromita 160 000 mumugove wangu wokuparidza, ndaingogona kutaura kuti, ‘zvakare Baba vakanga vakarurama.’

“Kutama pataiva vaduku—kubva kuWashington kuenda kuMissouri uye ipapo kuenda Mississippi—kwaiva chiitiko chinofadza. Takanakidzwa nazvo. Kunyange zvazvo tose tiri vapfumbamwe takagara mukaravhani yemamita 2,5 nemamita 11 kwegore, zvose zvainakidza zvikuru uye zvakatidzidzisa kuva vakarongeka uye kurarama pamwe, kunyange munzvimbo yakatsvikinyidzana. Chokwadika, taiwanzotamba panze kakawanda.

“Chimwe chinhu chandinoyeuka nekukoshesa chaiva maitisiro aiita Baba kurangarirwa kwerugwaro rwezuva nesu. Muna 1966 vakapinda chikoro chevakuru paPurazi roUmambo, muSouth Lansing, New York, uye vakaona kuti mhuri yeBheteri yainzvera kuti itsinhire rugwaro zuva rimwe nerimwe. Vakabatanidza gadziriro yakafanana mumuitiro wedu wemhuri. Mumwe nemumwe wedu wevakomana vanomwe aigoverwa mangwanani ekutsinhira pane zvatakanga tanzvera. Kunyange zvazvo padzimwe nguva tainyunyuta, zvakatidzidzisa nzira yokunzvera nayo ndokutaura nemashoko edu. Miitiro yakadaro inogara kweupenyu hwose.

“Ndakaororwa nekurega zvimwe zvinhu kwaiitwa naAmai naBaba nokuda kwedu. Apo madzikoma angu Richard naDan vakagona kudai vava kuwana mari yekubetsera mhuri, vabereki vedu vakavakurudzira kuenda kuBrooklyn, New York, kunoshanda sevazvipiri padzimbahwe renyika yose reWatch Tower Society. Vabereki vedu vakachengetawo mari kuitira kuti isu taikwana vashanu tigone kuenda nendege kuNew York kunoona dzimbahwe racho pachedu. Izvozvo zvakanditapura zvikuru. Zvakawedzera kuonga kwedu sangano raJehovha.

“Zvino regai ndidzorere nyaya yacho kuna Baba.”

Taiva Nezvaitipinganidza

Kufanana nedzimwe mhuri dzose, taiva nezvaitinetsa nekutipinganidza. Sezvo vakomana vakasvika pazera rokuroora, ndaifanira kuvapa zano rokusamhanyira kuroora musikana wekutanga kuvakwezva. Takavawo nechokwadi chekuti vaiperekedzwa zvakafanira nowechitatu. Taida kuti vawane ruzivo muupenyu vasati vasarudza wekuroorana naye kweupenyu hwose. Padzimwe nguva vaibudisa misodzi uye kunyange kuodzwa mwoyo kwechinguvana, asi pakupedzisira, vakaziva uchenjeri hunobva muzano reBhaibheri—zvikurukuru kuroora “munaShe.” Takavarumbidza nokuda kweuchenjeri hwavo.—1 VaKorinte 7:39.

Scott, mwanakomana wedu wechinomwe, akatichemedza. Akabvuma kufurirwa nevanhu vakaipa vaaisangana navo kubasa kwake. Pakupedzisira, akadzingwa muungano. Chakanga chiri chiitiko chakaoma kwatiri tose, asi takaremekedza chisarudzo chekutonga chevakuru. Scott aifanira kudzidza zvakaoma kuti kubatira Jehovha ndiyo nzira yakanakisisa yeupenyu.

Hatina kurega kumukurudzira kudzoka muungano. Zvinofadza kuti akadzorerwa muungano papera makore mashanu. Achitarira shure, anoti, “Chinhu chimwe chete chakandibetsera pandakanga ndakadzingwa chaiva chekuti kunyange zvazvo kusonganirana nemhuri kwakanga kwava kushoma, nguva dzose ndaiziva kuti ndaidiwa nemhuri yedu.” Scott akapfuurira kufambira mberi uye ave achibatira semukuru kwamakore masere apfuura.

Zvinosuruvarisa kutaura kuti, vazukuru vedu vaviri vakadzingwa mumakore achangobva kupfuura. Asi tinonyaradzwa kuti chirango chaJehovha chinogona kuguma nekuchinja kwakanaka.

Kuchinja Kukuru Muupenyu Hwedu

Pakupedzisira, muna 1978, vakomana vose vakanga vabva pamusha. Nokufamba kwemakore, ndakanga ndawana ruzivo muzvinhu zvekudziyisa, kufefetedza kwemhepo, uye zvinodzora tembiricha yemhepo. Muna 1980, ini naMargaret takagamuchira tsamba yakatishamisa yaitikoka kuzoshanda padzimbahwe reBrooklyn reWatch Tower Society kwemwedzi mipfumbamwe. Papera makore gumi nemasere, tichiripo!

Tave tichikomborerwa zvikuru. Zvaive zvisiri nyore nguva dzose kurera vanakomana vedu nenzira yechinyakare, maererano nenheyo dzeBhaibheri, asi isu zvakatibhadhara. Mamiriro akaita mhuri yedu zvino ndeokuti vashanu vevakomana vedu vanobatira sevakuru muungano, uye mumwe chete mutariri anofambira. Tine vazukuru 20 nevana vevazukuru 4—uye vakawanda vacho vari muchokwadi uye vakatendeka kuna Mwari.

Taona kuti mashoko emunyori wePisarema ndeechokwadi okuti: “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa. Semiseve muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana voujaya.”—Pisarema 127:3, 4.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., muna 1946; iye zvino harisisiri kudhindwa.

b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Tine vanakomana vedu nevaroora (kurudyi) uye vazukuru (kurudyi nechekwekupedzisira) pagore rechi50 remuchato wedu, muna 1996

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe