RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 11/8 p. 32
  • ‘Kumirira Paradhiso Iri Kuuya Neshungu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kumirira Paradhiso Iri Kuuya Neshungu’
  • Mukai!—1998
Mukai!—1998
g98 11/8 p. 32

‘Kumirira Paradhiso Iri Kuuya Neshungu’

Ndizvo zvakataurwa naAleksandr ane makore 14 mutsamba yaakanyorera hofisi yebazu yekuRussia yeWatch Tower Society. Pwere iyi yekuRussia yakanga yapiwa makopi eNharireyomurindi nemamwe mabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Mutsamba yake akatsanangura kuti:

“Pandakaenda nevabereki vangu kuKhabarovsk nechitima, Zvapupu zvaJehovha zvakataura nesu. Zvakatiudza zvakawanda pamusoro peuporofita hweBhaibheri, mazuva okupedzisira, noupenyu husingaperi pasi pano.”

Pwere yacho yakagumisa yoti: “Zvinofadza sei kuziva kuti uipi huchapera nokukurumidza uye kuti vanhu vachararama nokusingaperi pasi pano! Ndiri kumirira neshungu nguva apo pasi richachinjwa kuva paradhiso yakanakanaka. Ndingatende kwazvo kana mukandinyorera pamusoro pemaitisirwe efundo dzeBhaibheri.”

Pamwe newewo unoda kuziva zvakawanda nezvezvinangwa zvaMwari. Kana zvakadaro, tapota zadza kopani riri pasi apa woritumira kuWatch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5.

□ Nditumirei kopi yebhurocha raMwari Anodei Kwatiri?

□ Ndapota ndionei pamusoro pefundo yeBhaibheri yepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe