Chiri Kurambirwa Ropa Nevanhu Vakawanda
MUCHISARUDZO chakanzi chakachinja zvinhu, dare reOntario rakapa Canadian Red Cross mhosva yekuzadza HIV vanhu vaviri vakaisirwa ropa—vose vari vaviri vakanga vapiwa ropa rine utachiona rakabva kumunhu mumwe chete. “Apo chimwe chinhu chine ngozi zvikurusa seropa rine utachiona chinoisa upenyu hwevanhu vakaisirwa pangozi,” akadaro Justice Stephen Borins, “chiito chokukurumidzira chinodiwa.”
Muma1980, vanhu vekuCanada vanenge 1 200 vakatapukirwa neHIV, uye vamwe 12 000 vakabatwa nehepatitis C—vose nemhaka yeropa kana kuti zvinhu zvinogadzirwa neropa rine utachiona. Kubatsira kuderedza hosha, vanhu vanopa ropa vava kunyatsoongororwa. Asi havasi vose vanopa ropa vanotaura chokwadi pamusoro peupenyu hwavo hwevatano. Somuenzaniso, kuongorora kwakaitwa muUnited States, kwakaratidza kuti 1 pavanhu 50 vanopa ropa haana kutaura zvinhu zvine ngozi, zvakadai seungochani kana kuti kuvatana nepfambi.
Pamusoro pezvinhu zvinovhiringidza zvose izvi pane nhau yokusava nechokwadi chakazara pamusoro pekuongororwa kweropa. Maererano nemagazini yeNew Scientist, “kana munhu akapa ropa mavhiki matatu asati apera abatwa neHIV, mavhairasi acho haagoni kuoneka nokuvheneka kuripo zvino. Kana iri hepatitis C, ‘nhambo iyi yenguva’ inogona kupedza inopfuura mwedzi miviri.”
Mumakore mashomanene apfuura, nhamba yevanhu vekuCanada vanoda kupa ropa—kana kuisirwa—ropa yakaderera. Munyori wechimwe chikamu chepepanhau Paul Schratz anonyora kuti: “Nokuderera kwaita nhamba yevanoda kupa ropa, uye kukura kwenhamba yevanhu vasingabvumidzwi, tototenda Mwari kuti Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuti pave nekunzvera zvinotsiva ropa.”
Nenzira inofadza, The Toronto Star inoshuma kuti mugore rimwe chete rapfuura, vanhu vanokwana 40 “vakapiwa mubhedha muchipatara chekuCanada vakanyepedzera kuva Zvapupu zvaJehovha nemhaka yokuti vaisada kuisirwa ropa.” Zvakawanika mune kumwe kunzvera zvinoratidza kuti 90 muzana yevanhu vekuCanada vakasarudza havo dzimwe nzira pane ropa rokupiwa. Naizvozvo, kushandiswa kweropa, haisisiri nhau yekunamata zvako.