RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 8/8 pp. 30-31
  • Zvishongo Zvedenga reAfrica

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvishongo Zvedenga reAfrica
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Zvionioni
  • Dzinoshanda Nesimba Asi Hadzikwezvi
  • Matendere Akarembera
Mukai!—1998
g98 8/8 pp. 30-31

Zvishongo Zvedenga reAfrica

Yakanyorwa nemunyori weMukai! muKenya

BANI reAfrica rakaoma uye rakatsvukuruka, rakakangwa kusvika raoma nezuva rinopisa zvikurusa renzvimbo dzinopisa. Tinoverevedza nomumiti yemichecheni ine minzwa inohaka nemumakwenzi ane minzwa.

Kamwe kamwe tinobva tamira. Tayeverwa nekupenya kwemavara anochinja chinja semuraraungu. Chiri kuuya kuzomhara pabazi remuunze rine maruva ishiri duku ine mavara anopenya zvakajeka sekunge kuti zuva pacharo rakaputirwa mutuminhenga twayo. Chishongo chine mapapiro ichi chinodaidzwa zvakakodzera kuti shiri yezuva (tsodzo).

Zvionioni

Kune marudzi anopfuura zana etsodzo. Dzakawanda dzacho dzinowanika munzvimbo dzinopisa dzeAfrica, asi dzinogona kuwanikwawo muAsia, Australia, nemuzvitsuwa zvePacific chaimo. Semanakire akaita kusiyana kwadzo, tsodzo dzinopenya muchiedza chezuva sezvionioni zviduku duku, dzichiratidza mavara emuraraungu anopenya: matsvuku anochinja chinja semuraraungu, yero, bhuruu, uye girini nemavara akasiyana-siyana mashava.

Tsodzo dzinowanzofananidzwa nemahummingbird eAmerica. Kungofanana nemahummingbird, dzine mavara anoyevedza uye dzinodya dakunanzva remaruva. Zvisinei, dzakati kurei kupfuura mahummingbird hadzina unyanzvi hwekubhururuka seshamwari dzadzo dzeNorth America.

Kazhinji kacho, tsodzo inozvisvetera dakunanzva remaruva kupfurikidza nekumhara paruva nekushandisa muromo wayo murefu, wakakombama kusveerera mukati mehuro yemaruva. Asi kana ruva rakaita sechubhu rakarebesa kuti isvikire, tsodzo inoboora chigadziko cheruva yokwekweta zviri mukati maro zvinokosha. Dzinodyawo zvipembenene zvadzinojobora pamaruva nemashizha ari pedyo.

Hono dzacho inyanzviwo dzokuimba. Zvadzinoridza zvinosiyana-siyana kubva ku“tssp” wetsodzo yakanakisisa kusvika ku“tsik-tsik-tsik-tsik-tsit tree-tree-turrrr” akaisvonaka anoitwa netsodzo yakatsvuka kuti piriviri yekuEast Africa. Kazhinji kacho rwiyo rwadzo ndirwo runoita runoratidza padzinenge dziri mugwenzi. Zvisinei, dzangozikanwa padziri bedzi, dzinooneka nyore nyore mubani rakatsvukuruka reAfrica.

Dzinoshanda Nesimba Asi Hadzikwezvi

Kunyange zvazvo tsodzo hono ichifadza kuona nekunzwa, hadzi yacho yakati dukupei uye ine ruvara rwakadzima. Nokudaro inowanzofuratirwa nevanoda kuona nekutora shiri mifananidzo. Chokwadi ndechekuti, inowanzooneka kana ine hono chete. Zvakashaikwa nehadzi muruvara, pasina mubvunzo inozvitsiva nekushanda nesimba.

Ihadzi inowanzovaka dendere nekuita zhinjisa rebasa chairo chairo rokurera manyana. Painenge ichizvibatikanisa nemabasa anoitwa padendere, hono inorinda, yakagadzirira kudzingira kure nedendere anodzongonyedza.

Matendere Akarembera

Kunyange zvakadaro, matendere etsodzo hazvisi zvinhu zvakanaka zvinoshamisira. Anowanzoratidzika sezvimarara-rara zvaunganidzwa nemhepo yanga ichipfuura ndokuhakwa nemunzwa wemuunze. Richitarisika sesokisi rakarembera, rakaita sedonhwe redova, dendere retsodzo rakagadzirwa netambo dzemiti dzakarukwa kana kuti kunamwa dzobva dzasunganidzwa nematandadzi edandemutande. Kunze kwedendere racho kwakashongedzwa neuchenjeri netwumiti, mashizha akaoma, zvidimbu zvehohwa, uye kazhinji kacho demhe remhodzi kana kuti maviri akarembera kuwedzera zviri pamusoro apa.

Mukati, dendere rakawaridzwa zvinhu zvakapfava sedonje, uswa hwakapfava, minhenga, nezvimwe zvinhu zvakapfava-pfava. Pekupinda napo pacho iburi duku riri kudivi rimwe, nechekumusoro. Hadzi inowanzorarira mazai iri yoga. Painenge yakagara mudendere rayo rinenge mukombe, muromo wayo murefu, wakakombama unowanzooneka uchibuda nepaburi redendere. Inokandira zai rimwe kana maviri, achachechenywa mumazuva anenge 14. Manyana paanobuda mudendere, nguva dzose anenge asina ruvara samai vawo. Zvisinei, sezvo hono dzinotanga kuva shiri huru, dzinotanga kuva neminhenga yakaisvonaka ichaita kuti dzizivikanwe seshiri dzezuva.

Tsodzo unongova mumwe muenzaniso wekupfuma nekugona kuita zvakasiyanisa-siyanisa kweMurongi akachenjera. Manakire eruvara rwadzo nemuitiro wemuzvarirwo zvinotiita kuti tionge zvikuru Musiki wadzo. Nokudaro tsodzo dziri pakati pezvinorayirwa neBhaibheri kuti: “Rumbidzai Jehovha imi vapasi, . . . zvinokambaira neshiri dzinobhururuka.” “Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.” (Pisarema 148:7, 10; 150:6) Zvishongo zvedenga reAfrica izvi zvinofanira kutiita kuti tide kurumbidza Musiki ane rudo akazvigadzira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe