RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 6/8 p. 3
  • Mwana Anonzi Murombo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwana Anonzi Murombo
  • Mukai!—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Zviri Kuitwa Kupedza Urombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Tevedzera Muenzaniso waJesu Uratidze Kuti Une Hanya Nevarombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 6/8 p. 3

Mwana Anonzi Murombo

MUNE mumwe musha muduku weAfrica, murume anonzi Okot nemudzimai wake, Matina, vakafara pakuberekwa kwemwana wavo wekutanga, musikana. Hama neshamwari dzakauya kumusha wacho kuzounza zvipo nokutaura tariro yadzo yokuti mwana wacho ave neupenyu hurefu nehunofadza.

Vaviri vacho vairarama upenyu hwakaoma uye hwakaderera. Vairima munda muduku, uye musha wavo, umo Matina akasunungukira, chaiva chivako chevhu chine denga rakapfurirwa. Vakanga vakatsunga kushanda zvakaoma kuti zvinhu zvirerukire dangwe ravo kupfuura zvazvakanga zvaita kwavari. Kuvayeuchidza nezvevavariro iyi, vakatumidza musikana wavo kuti Acan, zvichireva kuti “Ndiri Murombo.”

Nguva yemberi yakachengeterei Acan? Kana upenyu hwake hukatevera mutoo wevakawanda munyika yake, angasafa akadzidza kurava nekunyora. Apo anova mukuru, kana akagona kuwana basa, angawana mari inopfuura zvishoma $3 045 bedzi pagore. Uye munyika make, nduramo yeupenyu makore 42 bedzi.

Nhamo yaAcan haisi yechienzi. Pamabhiriyoni anenge matanhatu pasi pano, anenge mabhiriyoni 1,3 anoita mari iri pasi pe$5 920 pagore. Avhareji munyika dzakapfuma i$345 568. Zuva rimwe nerimwe, 67 000 vokuwedzera vanokumbanira mapoka makurusa evarombo, anenge mamiriyoni 25 makore ose.

Vazhinjisa vanogara munyika dzichiri kusimukira—muAfrica, Asia, uye Latin America. Asi kunyange munyika dzakapfuma, kune nzvimbo dzine urombo. Uye vanomwe mugumi vevarombo venyika vanhukadzi.

Vanhu vazhinjisa havambofa vakatiza urombo hunosiririsa. Hunovashayisa zvinodikanwa zvavo zvinokosha zvikurusa—zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara. Hunogona kuvabira rusununguko, chiremera, dzidzo, uye utano hwakanaka. World Health Organization inoti: “Urombo hune tapuro inoparadza padanho rose reupenyu hwemunhu, kubva pakunambwa kusvika paguva. Hunowirirana nehosha dzinouraya nedzinorwadza zvikurusa kuparira kurarama kwokusava nematuro kuvose vanotambura nahwo.”

Asi mararamire munyika dzichiri kusimukira haasi kuvandudzika here? Mudzimwe, hongu. Mudzimwe dzakawanda, kwete. Magazini yekufambira mberi kwemunhu inonzi Choices inorondedzera kutaura kwokuti “varombo vari kuuya nazvo” se‘ngano ine ngozi.’ Panzvimbo pezvo, inotaura kuti: “Tinogara munyika iyo chaizvoizvo yazova yakakamukana zvikuru mune zvemari, pose pari paviri pakati penyika uye mukati madzo.”

Urombo hucharamba huchitambudza rudzi rwemunhu nokusingaperi here? Munyaya mbiri dzinotevera, Mukai! inoongorora nyaya iyi yakaoma kunzwisisa ndokuratidza ichava mhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe