RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 6/8 p. 27
  • Mamiriro Ekunze Enzvimbo Ari Kuuya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mamiriro Ekunze Enzvimbo Ari Kuuya
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chipikirwa Cherudo cheMusiki
  • Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvemamiriro Ekunze Uye Ramangwana Redu
    Dzimwe Nyaya
  • Pasi Riri Kurwara Pane Mushonga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekuparadzwa Kuri Kuitwa Nyika?
    Dzimwe Nyaya
  • Hakuzovizve Nenjodzi Dzemamiriro Okunze!
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 6/8 p. 27

Mamiriro Ekunze Enzvimbo Ari Kuuya

KUSHATSWA kwemhepo yakatenderedza pasi redu ndechimwe bedzi chezvinetso zvemhoteredzo izvo vanhu vakaita. Zvimwe zvacho zvinobatanidza kutemwa kwemasango kukuru, kuparadzwa kwemarudzi emhuka, uye kushatswa kwenzizi, nyanza, uye makungwa. Chimwe nechimwe chezvinetso izvi chakanyatsonzverwa, uye zvikarakadzo zvakaitwa kuti zvigadziriswe. Sezvo zvinetso zvacho zviri zvepasi rose, zvinoda mhinduro dzepasi rose. Pane kubvumirana kwakapararira pazvinetso nezvingaitwa kuzvigadzirisa. Gore negore, tinonzwa kudaidzira kwekuita chiito. Gore negore, zvishomanene zvinoitwa. Kazhinji kazhinji vanoronga maitirwe ezvinhu vanotaura zvinetso zvacho uye vanobvumirana kuti chimwe chinhu chinofanira kuitwa asi vanowedzera, chaizvoizvo kuti, “kwete nesu, kwete iye zvino.”

Muna 1970 pazuva rapakuvamba reEarth Day, varatidziri muNew York City vakatakura chiratidzo chikuru. Chiratidzo chacho chairatidza Pasi richichema kuti “Rubatsiro!!” Pane upi neupi achapindura kuchema ikoko here? Shoko raMwari rinogovera mhinduro yacho: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” (Pisarema 146:3, 4) Wezvamapisarema tevere anonongedzera kuMusiki, nokuti Iye oga ane simba, uchenjeri, uye chido chekupedza zvinetso zvose zvakaoma zvakatarisana nerudzi rwomunhu. Tinorava kuti: “Uno mufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye, wakaita kudenga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.”—Pisarema 146:5, 6.

Chipikirwa Cherudo cheMusiki

Pasi chipo chakabva kuna Mwari. Akarironga nekurisika, pamwe chete nezvinhu zvose zvakaoma kunzwisisa nezvakaisvonaka zvinoita kuti mamiriro ekunze enzvimbo epasi afadze. (Pisarema 115:15, 16) Bhaibheri rinotaura kuti: “[Mwari] Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nouchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake. Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa pfuma yake.”—Jeremia 10:12, 13.

Kuda rudzi rwemunhu kweMusiki kwakarondedzerwa nemuapostora Pauro kuvanhu vemuRistra yekare. Akati: “Asi [Mwari] haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17.

Nguva yemberi yepasi haitsamiri panhamburiko nezvibvumirano zvevanhu. Pamusoro pemamiriro ekunze enzvimbo, Uyo ane simba rekuadzora akapikira vanhu vake vekare kuti: “Ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo.” (Revhitiko 26:4) Nokukurumidza vanhu vachafarikanya mamiriro ezvinhu akadaro mupasi rose. Vanhu vanoteerera havachazombotyizve matutu anoparadza, mafungu egungwa, mafashamo, kusanaya kwemvura yakakwana, kana kuti imwe ngwavaira yemusikirwo ipi neipi.

Mafungu egungwa, mhepo, uye mamiriro ekunze enzvimbo zvose zvichava zvinofadza. Vanhu vangava vachiri kutaura nezvemamiriro ekunze, asi havazoiti chinhu chipi nechipi pamusoro pawo. Munguva yemberi inoitwa naMwari, upenyu huchava hune mbiri kwazvo zvokuti havazofaniri kudaro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe