RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 2/8 pp. 29-31
  • Zvakadini Kana Vabereki Vangu Vachishora Roorano Yangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakadini Kana Vabereki Vangu Vachishora Roorano Yangu?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Izera Ripi Riri Duku Zvikuru?
  • Apo Kusiyana Kworudzidziso Kunenge Kuriko Kuri Kuitirwa Hanya
  • Zvakadini Nemisiyano Yorudzi Kana Kuti Yetsika?
  • Apo Kushora Kwomubereki Kunoratidzika Kuva Kusina Mufungo
  • Kutsvaka Rugare
  • Nhungamiro yaMwari Pakusarudza Wokuroorana Naye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kuroorana Chipo Chinobva Kuna Mwari Ane Rudo
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Masarudzire Aungaita Wekuroorana Naye
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 2/8 pp. 29-31

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Zvakadini Kana Vabereki Vangu Vachishora Roorano Yangu?

Lakesha nemukomana wake vari kufunga zvekuroorana, asi amai vake havatenderi. “Ndichange ndave nemakore 19 gore rino,” anodaro Lakesha, “asi amai vangu vanoramba vachiomerera pakuti timire kusvikira ndave nemakore 21.”

KANA wakavimbiswa kuroorwa, ndekwomuzvarirwo bedzi kuti ude kuti vabereki vako vafare newe. Zvinogona kurwadza chaizvoizvo apo vabereki vako vanenge vasingatenderi wawasarudza somukwanyina. Unofanira kuitei? Kufuratira zvido zvavo, uye kupfuurira mberi nezvirongwa zvenyu zveroorano here?a

Izvi zvinogona kuva zvinoedza kana wakura muzera uye uchikwanisa kuroorwa zviri pamutemo pasina mvumo yevabereki. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri harigadzi muganhu wezera pakukudzwa nokuremekedzwa kwevabereki vako. (Zvirevo 1:8) Uye kana ukafuratira mirangariro yavo, ungagona kuparira kuvadziko yechigarire kuukama hwako navo. Kupfuurirazve, panewo kubvira—zvichida kungatova kuti—vabereki vako vane zvikonzero zvakanaka zvokusabvumirana neroorano yako.

Izera Ripi Riri Duku Zvikuru?

Somuenzaniso, vabereki vako vari kukuudza kuti uri muduku zvikuru kuti uroore kana kuroorwa here? Eya, Bhaibheri harigadzi zera rokuroora kana kuti kuroorwa. Asi rinokurudzira kuti munhu asati aroora kana kuti kuroorwa, anofanira kunge apfuura nguva yoku“yaruka”—makore apashure pokububudza apo zvishuvo zvevatano zvinenge zvakakurisa. (1 VaKorinte 7:36, NW) Nemhaka yei? Nokuti vanhu vaduku vakadaro vachiri pamavambo pokukudziridza kukura kwemirangariro, kuzvidzora, uye mavara omudzimu ayo anodikanwa pakubata noupenyu hweroorano.—Enzanisa na1 VaKorinte 13:11; VaGaratia 5:22, 23.

Apo Dale ane makore 20 akasarudza kuroora, akapererwa nezano apo vabereki vake vakashora. “Vakati ndakanga ndiri muduku zvikuru uye ndisina ruzivo rwokuzviwanira,” anodaro. “Ndakarangarira kuti takanga tagadzirira uye taigona kudzidza sezvataipfuurira, asi vabereki vangu vaida kuva nechokwadi chokuti ndakanga ndisiri kusundwa nemirangariro bedzi. Vakabvunza mibvunzo yakawanda. Ndakanga ndagadzirira kuita zvisarudzo zvezuva nezuva, mari, kugovera mhuri mune zvokunyama, mirangariro, uye mumudzimu here? Ndakanga ndagadzirira kuva mubereki here? Ndakanga ndadzidza chaizvoizvo kukurukura here? Ndainzwisisa chaizvoizvo zvinodikanwa zvomukwanyina here? Vakarangarira kuti ndaifanira kuzviziva zviri nani somukuru ndisati ndagona kutanga kutarisira mumwe mukuru.

“Kunyange zvazvo takanga tisingadi kumira, takachinjira roorano yedu kunguva yemberi kuti tizvipe nguva yokukura. Apo pakupedzisira takaroorana, takapinda muukama tiine mavambo ari nani uye tiine zvakawanda zvokugovera mumwe nomumwe.”

Apo Kusiyana Kworudzidziso Kunenge Kuriko Kuri Kuitirwa Hanya

Apo Terri akatanga kuda mumwe murume akanga asingagoverani kutenda kworudzidziso rwake rwaakasarudza, akafambidzana naye muchivande. Pashure pokuzivisa gadziriro dzavo dzokuroorana, Terri akanetseka paakaziva kuti amai vake vaishora roorano yake. “Handidi kuti amai vangu vanzwe nenzira iyoyi pamusoro pangu,” akadandaura kudaro Terri. “Ndinoda kuti tirambe tiine ukama hwamai nomwanasikana.”

Asi ndiani akanga achivhiringidza ukama ihwohwo? Amai vaTerri vakanga vachinyanyochengera kana kuti kusava nomufungo here? Kwete, vakanga vachingotsigira zano reBhaibheri kuvaKristu rokuroora “bedzi munaShe.” (1 VaKorinte 7:39, NW) Kutaura idi, Bhaibheri rinorayira kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.” (2 VaKorinte 6:14, 15) Nemhaka yei zvakadaro?

Chimwe chazvo, tsinhirano yorudzidziso ndechimwe chinhu chinokosha zvikuru muroorano inofadza neinobudirira. Nyanzvi dzinotaura kuti dzvinyiriro nezvinetso zvinozivikanwa navose zvomuroorano dzine kutenda kwakavhengana kazhinji kazhinji zvinotungamirira pakurambana. Kuitira hanya kukuru zvikuru, kunyange zvakadaro, ndekwokubvira kwokumanikidzwa kubvumirana pane zvisina kufanira muzvitendero zvako zvorudzidziso—kana kuti kutozvisiya chaiko. Kunyange kana mukwanyina asingatendi akadzongonyedza kunamata kwako, waizongorarama nokurwadziwa kwomwoyo kunoparirwa nokukundikana kugoverana naye zvitendero zvako. Izvi zvinonzwika sezvinodiwa chaizvo kuti roorano ibudirire here?

Terri nokudaro aiva nechisarudzo chakaoma chokuita. “Ndinoda Jehovha Mwari,” Terri akadaro, “asi handidi kurasikirwa nomukomana wangu.” Haugoni kuva nezvose zviri zviviri. Haugoni kubvumiranisa pane zvisina kufanira mipimo yaMwari uye ndokupfuurira kufarikanya nyasha nechikomborero chake.

Zvichida, kunyange zvakadaro, vabereki vako vanoshora kuroora kwako mumwe muKristu. Zvinobvira kusungwa pajoko zvisina kufanira nomutendi here? Hongu, kana munhu iyeye asingagoverani nharidzano dzako dzomudzimu kana kuti kuzvipira kuna Mwari. Kana zvakadaro kana kuti kana munhu iyeye asinga“pupurirwi zvakanaka” nehama muungano yake, vabereki vako nenzira yakarurama vangaitira hanya kuroorwa kana kuroora kwako munhu iyeye.—Mabasa 16:2.

Zvakadini Nemisiyano Yorudzi Kana Kuti Yetsika?

Vabereki vaLynn vakaramba nokuda kwechikonzero chakasiyana: Aida kuroorwa nomurume worudzi rwakasiyana. Bhaibheri rinodzidzisei panhau iyi? Rinotiudza kuti “Mwari haazi mutsauri wavanhu” uye kuti “wakaita marudzi ose avanhu, achibva kuno mumwe chete.” (Mabasa 10:34, 35; 17:26) Vanhu vane mavambo mamwe chetewo uye vane ukoshi hwakaenzana mukuona kwaMwari.

Kunyange zvakadaro, nepo vakaroorana vose vachitambura “dambudziko panyama,” varoorani vemarudzi akasiyana vangava nedenho dzakawedzerwa. (1 VaKorinte 7:28) Nemhaka yei? Nokuti vanhu vakawanda munyika yanhasi yakazadzwa noruvengo havagamuchiri murangariro waMwari pamusoro porudzi. Nepo roorano dzevemarudzi akasiyana dzava kuzivikanwa zvikuru munyika dzokuMadokero, kuchine nzvimbo uko varoorani vemarudzi akasiyana-siyana vanosangana nokufungira zvakaipa kwakasimba. Nokudaro vabereki vako vangatyira kuti hauna kushongedzerwa kubata nedzvinyiriro dzakadaro.

“Vabereki vangu vakafunga kuti zvaizotiomera zvikuru,” anobvuma kudaro Lynn. Nokuchenjera, Lynn akaratidza kuremekedza mirangariro yavo uye haana kukurumidza kupinda muroorano. Sezvo vabereki vake vakacherechedza kukura kwaLynn uye vakarovedzana zviri nani nomurume waaida, zvishoma nezvishoma nenzira ine mufungo vakavamba kunzwa vava nechivimbo chokuti aizogona kubata nedzvinyiriro dzeroorano iyi. Lynn anoti: “Pavakangoona chete kuti taigona zvirokwazvo kufara pamwe chete, vakafarawo nesu.”

Pane dzimwe nguva, kunyange zvakadaro, haisi nhau yorudzi asi tsika. Vabereki vako vangave vachiitira hanya kuti, pakupedzisira, ungazowana zvakaoma kufarikanya kugara nomunhu ane mararamire, kariro, uye zvaanoda kudya, nziyo, uye varaidzo zvakasiyana kwazvo nezvako. Zvisinei hazvo, kuroora kana kuti kuroorwa nomunhu worudzi rwakasiyana kana kuti wetsika yakasiyana kunogona kupa denho dzakakura. Wakagadzirira chaizvoizvo kutarisana nadzo here?

Apo Kushora Kwomubereki Kunoratidzika Kuva Kusina Mufungo

Asi zvakadini kana uchirangarira kuti vabereki vako vari kuva vasina mufungo mukushora kwavo? Mumwe mukadzi muduku anonzi Faith anoti nezvaamai vake: “Amai vakarambwa kanoverengeka. Vanoti hautombofa wakaziva chaizvoizvo munhu anokuroora kutozosvikira kwatova kunyanyononoka. Vanopwiswa kuti handizombofari muroorano.” Kazhinji kazhinji, vabereki vakava neroorano dzisingabudiriri pachavo havakwanisi kurangarira roorano yomwana wavo pasina kwavakarerekera. Mune zvimwe zvinoitika vabereki, vane vavariro dzinomutsa mibvunzo dzokushora roorano yomwana wavo, zvakadai sokuda kudzora upenyu hwomwana.

Kana vabereki vako vasingadi kuteerera zvikonzero zvine mufungo, unogona kuitei? Pakati peZvapupu zvaJehovha, vakuru veungano vanogona kukumbirwa kuti vabatsire kugadzirisa zvinetso zvemhuri. Pasina kurerekera kudivi ripi kana ripi, vanogona kubatsira mitezo yemhuri kutaura zvinhu nenzira younyoro, norugare, uye inobudirira.—Jakobho 3:18.

Kutsvaka Rugare

Chokwadika, zvimwe zvinhu zvakawanda zvingagona kunyandura kushora kwomubereki wako roorano yako, zvakadai sekuitira hanya mari kana kuti unhu hwomukwanyina anokarirwa. Uye muzera reAIDS uye dzimwe hosha dzinoparadzirwa muvatano, vabereki vako vangave nenzira yakarurama vari kuitira hanya utano hwako kana wauri kuda kuroora kana kuti kuroorwa naye akambova nemararamire ounzenza asati ava muKristu.b

Chero bedzi uchigara mumusha wevabereki vako, unosungirwa kuziva chiremera chavo pauri. (VaKorose 3:20) Asi kunyange uchigara woga uye wakura zvakakwana kuti uite zvisarudzo zvako umene, usakurumidza kufuratira kuitira hanya kwevabereki vako. Disisa kuteerera. (Zvirevo 23:22) Nyatsoyera migumisiro inobvira yokuroora kuna kuti kuroorwa.—Enzanisa naRuka 14:28.

Pashure pokuita kudaro, ungasarudza kana uchiri kuda kuroora kana kuti kuroorwa. Nenzira yomuzvarirwo, uchafanira kutakura mutoro wakazara wechisarudzo chakadaro. (VaGaratia 6:5) Kana wakaita nhamburiko yose yokurangarira maonere evabereki vako, zvichida vachatsigira chisarudzo chako, kunyange zvazvo vachizengurira. Asi kana vakapfuurira kushora, edza kusava noruvengo kana kuti kushatirwa. Yeuka: Vabereki vako vanokuda uye vanoitira hanya mufaro wako wenguva yemberi. Ramba uchiedza kuva norugare navo. Sezvaunobudirira muroorano yenyu, zvichida chimiro chavo chendangariro chichachinja.

Kune rumwe rutivi, kana ukarangarira zvepachokwadi zvose izvo vabereki vako vanotaura ndokunyatsozviongorora pachako wauri kudisisa kwazvo kuchata naye, usashamisike kana ukasvika pamhedziso inovhundutsa yokuti vabereki vako vangave vakarurama.

[Mashoko Omuzasi]

a Mashoko ari munyaya ino akanangidzirwa kupwere dziri munyika mune tsika yokuzvisarudzira mukwanyina wako umene weroorano.

b Ona nyaya inoti “Kubetsera Avo Vane AIDS,” iri muchinyorwa chaApril 8, 1994, cheMukai!

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vabereki vako vangarangarira kuti uchiri muduku zvikuru kuti uroore kana kuti kuroorwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe