RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 12/8 pp. 13-15
  • VaKristu Vanofanira Kuvenga Ngochani Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaKristu Vanofanira Kuvenga Ngochani Here?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Murangariro waMwari
  • “Vengai Zvakaipa”
  • “Mwari Haazi Mutsauri Wavanhu”
  • VaKristu Vanogamuchira Vanopfidza
  • Pane Pazvinganzi Ungochani Hwakanaka Here?
    Mukai!—2012
  • Ungochani Hwakaipa Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingatsanangura Sei Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvoungochani?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Bhaibheri Rinotii Nezveungochani?
    Mukai!—2016
Mukai!—1997
g97 12/8 pp. 13-15

Murangariro weBhaibheri

VaKristu Vanofanira Kuvenga Ngochani Here?

MUNA 1969 shoko rinorondedzera kutya kusina mufungo kana kuti kuvenga ngochani rakavambwa mumutauro wechiNgezi. Shoko racho ndi“homophobia.” Mitauro yakawanda haina shoko chairo rakadaro, bva kwezviuru zvemakore, vanhu vemarudzi akawanda nendimi vakaratidza kusada ngochani.

Munguva dzichangobva kupfuura zvikuru, zvisinei, ungochani hwakatsigirwa zvakapararira seimwewo nzira yevatano. Wezvenhau Jerry Z. Muller nguva pfupi yapfuura akanyora nezve“kudikanwa kunokura kwokuzivikanwa nokuremekedzwa nevanhu vose kwoungochani sezvahwakaita.” Akatsanangura kuti ngochani “nomutoo unowedzera dzakabatana kuti dzizivise muitiro wadzo sounorumbidzwa, uye kuti dzirayire vamwe kuitawo saizvozvo.” Izvi zvinooneka zvikurukuru munyika dzokuMadokero. Zvisinei, mumativi mazhinjisa enyika, kunyange munyika dzinonzi dzakasununguka, vakawanda vachiri kushora nokunyomba ungochani.

Ngochani neavo vanofungidzirwa ungochani kazhinji kazhinji vanosarudzwa sezvipfuro zvetsinhiro dzokunyomba, kunetswa, uye masimba masimba. Kunyange vatungamiriri vorudzidziso vakaratidza ruvengo rwakadaro. Vamwe vakatanga dzingaratidzika sehondo dzavo vamene dzapachivande mukurwisana nengochani. Rangarira, somuenzaniso, tsinhiro dzakaitwa nabhishopi weChechi yeGreek Orthodox dzakatepfenyurwa munguva pfupi yapfuura muredhiyo yenyika yeGreece. Akataura kuti: “Mwari achapisa ngochani mugomba rehero yomoto nokusingaperi. Kuchema kwemiromo yavo ine tsvina kuchaungira nokusingaperi. Miviri yavo yakaipa ichanzwa marwadzo asingatauriki.” Ko ichi ichokwadi chaizvoizvo here? Ko Mwari anorangarira sei ngochani?

Murangariro waMwari

Bhaibheri harirayiri ngwariro chaiyoiyo kungochani seboka rinofanira kusashamwaridzanwa naro kana kuti kuvengwa nevaKristu. Uyezve, haridzidzisi kuti Mwari acharanga ngochani—kana kuti chipi nechipi chezvisikwa zvake—kupfurikidza nokudzipisa mumoto wehero nokusingaperi.—Enzanisa naVaRoma 6:23.

Zvisinei, Magwaro anozivisa mipimo yetsika yoMusiki wedu, iyo kazhinji kazhinji inopesana nezvimiro zvendangariro zvetsika dzomuzuva razvino uno. Zviito zvoungochani, vatano pakati pevanhu vasina kuroorana, uye vatano nemhuka zvose zvinoshorwa muBhaibheri. (Eksodho 22:19; VaEfeso 5:3-5) Mwari akaparadza Sodhoma neGomora nemhaka yemiitiro yevatano yakadaro.—Genesi 13:13; 18:20; 19:4, 5, 24, 25.

Pamusoro pezviito zvoungochani, Shoko raMwari rinotaura zvakananga kuti: “Ichi chinhu chinonyangadza.” (Revhitiko 18:22, The New Jerusalem Bible) Mutemo waMwari kuna Israeri wakataura kuti: “Kana munhu akavata nomurume sezvinoitwa nomukadzi, zvirokwazvo vose vari vaviri vakaita zvinonyangadza, vose vanofanira kuurawa.” (Revhitiko 20:13) Chirango chimwe chetecho chaipiwa kuavo vaivata nemhuka, vaiita makunakuna, uye vaiita upombwe.—Revhitiko 20:10-12, 14-17.

Muapostora Pauro akafuridzirwa kurondedzera miitiro youngochani sokuratidzirwa kwo“kuchiva kunonyadzisa” uye se“[zva]vasina kusikirwa.” Anonyora kuti: “Saka Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadzisa navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubayiro wakafanira wokurashika kwavo. Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaite zvisakafanira.”—VaRoma 1:26-28.

Magwaro haagoveri pembedzo, zvibvumirano, kana kusajeka; miitiro youngochani, upombwe, ufeve, zvose zvinonyangadza mumeso aMwari. Nenzira inowirirana, vaKristu vechokwadi havarerutsi murangariro weBhaibheri pamusoro po“kuchiva kunonyadzisa” nemhaka bedzi yokuda kuva vanokurumbira kana kuti vanogamuchirika zvikuru kutsika dzazvino uno. Uyewo havabvumirani nesangano ripi neripi rakazvipira kutsigira ungochani semararamiro omuzvarirwo.

“Vengai Zvakaipa”

Bhaibheri rinorayira kuti: “Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha.” (Pisarema 97:10) Nokudaro, vaKristu vanokarirwa kuvenga muitiro uri wose unoputsa mitemo yaJehovha. Vamwe vanhu vangatodavidza nemirangariro yakasimba yokuvenga kana kuti kusema ungochani kupfuura mamwe marudzi ounzenza, vachirangarira ungochani sevatano isiri yomuzvarirwo. Zvisinei, vaKristu vanofanira kuvenga vanhu vamwe navamwe vanoita zvinhu zvakadaro here?

Wezvamapisarema anojekesa nhungamiro panhau iyi pana Pisarema 139:21, 22: “Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handina shungu here nevanokumukirai? Ndinovavenga nembengo huru; vava vavengi vangu.” Kuvimbika kwedu kuna Jehovha nenheyo dzake kunofanira kunyandura matiri kusada kwakasimba avo vanopandukira Jehovha noune uye avo vanosarudza kuva vavengi vaMwari. Satani nemadhemoni vari pakati pevavengi vakadaro vakasimba vaMwari. Vamwe vanhu sezvingabvirawo vari muboka iri. Bva, kungaomera muKristu kuziva vanhu vakadaro nezvitarisiko zvokunze. Hatigoni kuziva zviri mumwoyo. (Jeremia 17:9, 10) Zvaizova zvisina kururama kufungira kuti mumwe munhu muvengi asingachinji waMwari nemhaka yokuti ari kuita zvisina kururama. Mune zvinoitika zvakawanda vatadzi havambozivi zvavo mipimo yaMwari.

Nokudaro, kazhinji kazhinji, vaKristu vanononoka kuvenga vamwe vanhu. Kunyange kana vangave nemirangariro yakasimba yokuvenga mamwe mararamire, havatsvaki kukuvadza vamwe, uyewo havavachengeteri pfini kana kuti ruvengo. Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinorayira vaKristu kuva “norugare navanhu vose.”—VaRoma 12:9, 17-19.

“Mwari Haazi Mutsauri Wavanhu”

Jehovha achakanganwira munhu anopfidza zvepachokwadi, pasinei zvapo nokuti unzenzai uhwo munhu iyeye akanga achiita. Hapana ufakazi hwokuti Jehovha anorangarira chimwe chimiro chounzenza sechakaipa zvikuru kupfuura chimwe. “Mwari haazi mutsauri wavanhu.” (Mabasa 10:34, 35) Rangarira, somuenzaniso, chinoitika cheungano yomuzana rokutanga remakore muKorinte. Muapostora Pauro akavanyorera kuti: “Nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, [kana varume vanovata navarume, NW] kana mbavha, kana vane ruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari.” Ipapo Pauro akabvuma kuti vamwe vaimbova zvifeve, mhombwe, ngochani, uye mbavha vakanga vagamuchirwa muungano yechiKristu muKorinte. Akatsanangura kuti: “Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.”—1 VaKorinte 6:9-11.

Chokwadika, Jehovha haashiviriri kuputswa kupi nokupi kunopfuurira uye kwenguva dzose kwemipimo yake yetsika yakakwana. Anovenga kuzvidzwa kwenharo kwenheyo dzake. Zvisinei, anochengeta suo rokuyanana rakazaruka. (Pisarema 86:5; Isaya 55:7) Mutsinhirano neizvi, vaKristu havaiti ngochani, kana kuti mumwe munhu upi noupi zvake, chipfuro chokusava noushamwari, kunyomba, kana kuti kushupa. VaKristu vechokwadi vanorangarira vamwe vanhu sevadzidzi vaKristu vanokarirwa, vachivabata nomutoo wokuremekedza nechiremera. Bhaibheri rinoti: “Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu; uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.”—1 Timotio 2:3, 4.

VaKristu Vanogamuchira Vanopfidza

Nguva nenguva, Bhaibheri rinozivisa kuti Mwari anokanganwira. Rinomurondedzera sa“Mwari unokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru.” (Nehemia 9:17; Ezekieri 33:11; 2 Petro 3:9) Bhaibheri rinomufananidzazve naBaba mumufananidzo waJesu pamusoro pomwana anopambadza, uyo akanga aparadza nhaka yake mukuzvifadza munyika iri kure. Baba vacho vakamirira nomufaro kuti vagamuchirezve mwanakomana wavo apo mwanakomana wacho pakupedzisira akafunga zvakanaka, akapfidza, uye akadzokera kumusha wemhuri yake.—Ruka 15:11-24.

Hongu, zvinobvira kuti mutadzi achinje. Magwaro anozvibvuma kupfurikidza nokukurudzira vanhu kubvisa unhu hwakare ndokupfeka hutsva uye ‘kuvandudzwa musimba rinonyandura ndangariro.’ (VaEfeso 4:22-24) Avo vanoita zvakaipa, kubatanidza ngochani, vanogona kuita chinjo huru mumafungire avo nekuzvibata, uye vakawanda zvirokwazvo vakabudirira mukuita kuchinja uku.a Jesu pachake akaparidzira kuvakadaro, uye apo vairatidza kupfidza; vakava vanogamuchirika kwaari.—Mateo 21:31, 32.

VaKristu vanogamuchira vanhu vanopfidza vanobva mumamiriro akasiyana-siyana oupenyu. Pashure pokusiya shure miitiro younzenza, ipi kana ipi yaingave yaiva, vose vanogona kufarikanya betsero dzakazara dzokukanganwira kwaMwari nemhaka yokuti “Jehovha une mwoyo wakanaka kuna vose; ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.”—Pisarema 145:9.

VaKristu vakagadzirira kugovera tsigiro yomudzimu inodikanwa, kunyange kuavo vachiri kurwisana nemirangariro youngochani. Izvi zviri mutsinhirano nokuratidza rudo kwaMwari amene, nokuti Bhaibheri rinoti: “Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.”—VaRoma 5:8.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Ndinogona Sei Kuita Kuti Iyi Mirangariro Ibve?,” iri muchinyorwa chaApril 8, 1995, cheMukai!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

VaKristu havarerutsi murangariro weBhaibheri pamusoro poungochani

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 13]

Punch

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe