RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 12/8 pp. 9-10
  • Nhenda—Chiratidzo Chomugumo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhenda—Chiratidzo Chomugumo Here?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhenda Nomugumo Wenyika
  • Paradhiso Ichauya
  • Nyika Ino Ichapukunyuka Here?
    Nyika Ino Ichapukunyuka Here?
  • Apo Nyika Itsva Ichauya
    Mukai!—1993
  • Mibvunzo Mina Yezvokuguma Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 12/8 pp. 9-10

Nhenda—Chiratidzo Chomugumo Here?

KO NHENDA dzomuzuva redu dzinokarakadza kuti mugumo wenyika wava pedyo here? Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, ngatirangarirei chinorehwa nokutaura kwokuti “mugumo wenyika.”

Vanhu vakawanda vanodavira kuti mugumo wenyika unoreva kuti Mwari achaparadza pasi noupenyu hwose huri pariri. Zvisinei, Shoko raMwari rinotaura kuti “waka[r]iumba [pasi] kuti [r]igarwe.” (Isaya 45:18) Donzo rake nderokuzadza pasi nevanhu vakagwinya, vanofara vanodisisa kuwirirana nemipimo yake yakarurama. Nokudaro mugumo wenyika haurevi mugumo wapasi nezvose zvinogarapo. Panzvimbo pezvo, unoreva mugumo wetsika yazvino neavo vanoramba kuita kuda kwaMwari.

Izvi zvakaratidzwa nomuapostora Petro, uyo akanyora kuti: “Nyika, [yomuzuva raNoa] yaivapo nguva iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa.” Apo nyika yakaparadzwa munguva yaNoa, vakaipa ndivo vakaparara. Pasi rakaramba riripo uye ndozvakaitawo Noa akarurama nemhuri yake. Seizvo Petro anopfuurira kutaura, Mwari achaitazve chiito munguva yemberi kuti aunze “kuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:6, 7.

Mamwe magwaro eBhaibheri anotsigira nenzira inowirirana murangariro uyu. Somuenzaniso, Zvirevo 2:21, 22 inoti: “Nokuti vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”—Onawo Pisarema 37:9-11.

Nhenda Nomugumo Wenyika

Asi izvi zvichaitika rini? Vana vevadzidzi vaJesu vakamupa mubvunzo iwoyo. Vakabvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu [kana kuti, sezvinotaura dzimwe shanduro dzeBhaibheri, “mugumo wenyika”]?” Jesu akapindura kuti: “Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noumambo huchamukira umambo, uye kuchava nokuperevedza kwezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo.” (Mateo 24:3, 7, NW) Munhoroondo yakafanana iri pana Ruka 21:10, 11, [NW] Jesu anowedzera kuti: “Uye kuchava . . . munzvimbo nenzvimbo muchava nenhenda . . . , uye kuchava nezvinoonekwa zvinotyisa uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga.”

Cherechedza kuti Jesu haana kutaura kuti nhenda dzoga ndidzo dzaizoratidza kuti mugumo wava pedyo. Panzvimbo pezvo, akadudzawo hondo huru, kudengenyeka kwapasi, uye kuperevedza kwezvokudya. Muuporofita hwake hune udzame hunowanika pana Mateo 24 ne25, Marko 13, uye Ruka 21, Jesu akafanotaura zvimwe zvinhu zvakawanda zvaizoitika. Zvose hazvo zvaizofanira kuitika pamwe chete Mwari asati aita chiito chokugumisa uipi pasi pano. Ufakazi hwakasimba hwokuti zvino tiri kurarama mumazuva okupedzisira.

Paradhiso Ichauya

Nguva yemberi haizoparadzi rudzi rwomunhu, nenhenda kana kuti noruoko rwaMwari. Jehovha Mwari anopikira kuchinjira pasi rino kuparadhiso. (Ruka 23:43) Pamusoro pezvimwe zvose, achapedza hosha dzinotambudza rudzi rwomunhu.

Tinovimbiswa izvozvi apo tinorangarira ushumiri hwaJesu Kristu, uyo akaratidzira mavara aBaba vake zvakakwana. Apiwa simba naBaba vake vokudenga, Jesu akaporesa zvirema, vakaremadzwa, mapofu, kana kuti mbeveve. (Mateo 15:30, 31) Akaporesawo vaitambudzwa nemaperembudzi. (Ruka 17:12-14) Akaporesa mukadzi aibuda ropa, murume aive noruoko rwakaunyana, uye murume aive norukandwe. (Marko 3:3-5; 5:25-29; Ruka 14:2-4) Akarapa “vane zvipusha, navakanga vakafa mitezo.” (Mateo 4:24) Panhambo nhatu akatomutsa vakafa!—Ruka 7:11-15; 8:49-56; Johane 11:38-44.

Kuporesa uku kunoshamisa kunoita kuti chipikirwa chaMwari chive chechokwadi chokuti munguva yemberi yaanoita, “hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Nhenda haizombofa yakabira zvakare vanhu utano noupenyu. Tinogona kuonga sei kuti Musiki wedu ane rudo ane zvose zviri zviviri simba nechido chokubvisa chirwere nehosha zvachose chose, nokusingaperi!—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Jesu akapiwa simba naMwari rokuporesa vanorwara

[Mufananidzo uri papeji 10]

MuParadhiso yapasi iri kuuya, Jehovha achabvisa chirwere nehosha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe