RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 11/8 pp. 12-16
  • Chidzidzo Chinobva Mupoto Yamafuta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chidzidzo Chinobva Mupoto Yamafuta
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhaka yechiJudha
  • Kutorwa Kwenyika neNazi
  • Kubuda Kwevakawanda Vachitya
  • Upenyu Sevapoteri
  • Chisarudzo Chemhuri Yedu Chorudzidziso
  • Ushumiri Munyika Itsva
  • Ndingamuripa Neiko Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ndakasundwa Nokuvimbika Kwemhuri Yangu Kuna Mwari
    Mukai!—1998
  • “Haiwa Nokutenda Kusingadzokeri Shure”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kuvimba Nokutarisira kwaJehovha Kune Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 11/8 pp. 12-16

Chidzidzo Chinobva Mupoto Yamafuta

Kutyisa kwehondo ndedzimwe dzeyeuko dzangu dzokutangisisa, zvikurukuru idzo dzokutiza nokuda kwoupenyu hwedu Hondo Yenyika II yava kuda kunopera, apo ndaiva nemakore mana bedzi ezera. Mhuri yedu yevanomwe yakanga yave ichigara muEast Prussia, iyo panguvayo yaiva rutivi rweGermany.

NDAKATARISA murima rinotyisa, ndichiteerera boka rendege dzinobhombha dzeRussia vanobhomba. Kamwe kamwe, kupenya kunotyisa nokuputika kunovhara nzeve kwakabatidza matangi emafuta aiva chinhambwe chemazana mashomanene emayadhi. Chitima chatakanga takakwira chakazunguzika panjanji, uye vanhu vakaridza mhere. Asi nokukurumidza ndege dzinobhombha dzakaenda, uye rwendo rwedu rwakapfuurira.

Pane imwe nhambo ndakamuka kubva muhope dzembwa kuti ndione mukadzi airidza mhere achiedza kubuda mutiroko rechitima remombe matakanga takakwira. Baba vakamudzivisa ndokumukakatira mukati. Mukadzi wacho akanga arara pedyo nomusuo, mwana wake ari mumaoko ake. Pakumuka, akaona mwana aoma nokufa nechando. Varume ipapo vakakanda chitunha chacho mumazaya echando, uye vashaya zvokuita, amai vacho vaiedza kuvhura suo kuti vasvetukire kunze kunofa pamwe chete nomwana wavo.

Kurwisa chando chinoruma, chitofu chakanga chaiswa pakati petiroko redu remombe. Huni shoma dzaiva kurumwe rutivi rwetiroko dzaishandiswa nokungwarira kubikisa matapiri. Matapiri aishandawo semibhedha yedu, sezvo kurara paari kwaigovera dziviriro duku kubva pauriri hunotonhora hwemapuranga hwetiroko.

Nei takanga tichitiza nokuda kwoupenyu hwedu? Mhuri yedu yakararama sei kwemwedzi sevapoteri? Regai ndikuudzei.

Nhaka yechiJudha

Ndakaberekwa pana December 22, 1940—gotwe pavana vashanu—muLyck East Prussia, (zvino yava Elk, Poland). Kutambudzirwa rudzidziso kwakanga kwamanikidza madziteteguru angu echiJudha kubva muGermany kupera kwema1700. Vakatamira kuRussia mune kumwe kutama kweboka kukuru zvikuru munhau. Ipapo, muna 1917, kuti vatize kutambudzwa kwevaSemite muRussia panguvayo, sekuru vangu vechiJudha vakatamira kuEast Prussia vachibva kumusha wavo waiva pedyo noRwizi Volga.

Sekuru vakawana tsamba yaivabvumidza kuva mugari weGermany, uye East Prussia yairatidzika kuva nzvimbo yakachengeteka. Avo vaiva nemazita okutanga echiJudha vakazvitumidza mazita echiAryan. Nokudaro, baba vangu, Friedrich Salomon, vakava vanozivikanwa saFritz. Amai, kune rumwe rutivi, vaiva muPrussia. Ivo naBaba, avo vaiva muimbi, vakaroorana muna 1929.

Upenyu hwevabereki vangu hwairatidzika kuva hwakazara nomufaro nekariro. Mbuya Fredericke naAmai vavo Wilhelmine (kuna Amai) vaiva nepurazi rakati kurei, raiitawo somusha wechipiri wevabereki vangu nesu vana. Nziyo dzaiva norutivi rukuru muupenyu hwemhuri yedu. Amai vairidza ngoma mubhendi raBaba rokutamba.

Kutorwa Kwenyika neNazi

Muna 1939, makore anotyisa akatanga kuoneka pajengachenga rezvamatongerwe enyika. Yainzi mhinduro yokupedzisira yaAdolf Hitler yechinetso chevaJudha yakatanga kunetsa vabereki vangu. Isu vana taisaziva nezvenhaka yedu yechiJudha, uye hatina kuiziva kusvikira parufu rwaAmai muna 1978—makore mapfumbamwe pashure pokunge Baba vafa.

Kuitira kuti pasave neaizofungira kuti vaiva muJudha, Baba vakakumbanira Mauto eGermany. Kutanga, vakashanda muboka revaimbi. Zvisinei, mumwe munhu sezviri pachena aiziva nezvedzinza ravo akataura kuti vaiva muJudha, uye naizvozvo mhuri yedu yose yakabvunzurudzwa uye yakatorwa mapikicha. Nyanzvi dzeNazi dzakaedza kuwana kana taiva nechitarisiko chechiJudha kana kuti kwete. Tinofanira kuve takaratidzika kuva vaAryan zvakakwana kwavari, naizvozvo, sezvineiwo, hatina kusungwa kana kuti kuiswa mujeri.

Apo Germany yakavhozhokera Poland pana September 1, 1939, rutyo rwakatanga kutonga nharaunda yedu yaichimbova norunyararo. Amai vaida kukurumidza kutamira kunzvimbo yakati chengetekei, asi mhuri yakadziviswa nesimba nevamiririri veNazi. Ipapo, sezvo mauto eRussia akaswedera pedyo neEast Prussia mukati mezhizha ra1944, vaGerman vakasarudza kusiya Lyck nenzvimbo dzakapoteredza dzisina vanhu. Rimwe zuva muna July, takapiwa maawa matanhatu bedzi okusiya musha wedu.

Kubuda Kwevakawanda Vachitya

Amai vakavhundutswa. Totorei? Toenda kupi? Tinofamba sei? Tichazombodzoka here? Mhuri imwe neimwe yakanga yakaganhurirwa zvikuru muzvavaigona kutakura. Amai nokungwara vakasarudza zvinhu zvinokosha—kubatanidza hari hombe yedhiripin’i raiva nezvidimbu zvebhekoni—yakakura zvakafanira kuti titakure zvakanaka. Dzimwe mhuri dzakasarudza kutakura zvinhu zvadzo zvinokosha.

Pana October 22, 1944, mauto eRussia akapinda muEast Prussia. Mumwe munyori akatsanangura kuti: “Zvaisashamisa kuti varwi veRussia vakanga vaona mhuri dzavo vamene dzichiurawa uye misha yavo vamene nezvirimwa zvichipiswa vaida kutsiva.” Kuparadza kwacho kwakaparira rutyo muEast Prussia, uye vanhu vakatiza vachitya.

Panguvayo takanga tava vapoteri, vaigara kure kumavirira kweEast Prussia. Nzira yokutiza nayo chete zvino yairatidzika kuva nokuBaltic Sea, naizvozvo vanhu vakatizira kuguta repanomira ngarava reDanzig (zvino yava Gdansk, Poland). Ikoko, ngarava dzaishandiswa nokuda kwemibato yokubatsira yokukurumidzira. Mhuri yedu yakasiyiwa nechitima chaifanira kutiendesa kwataifanira kunokwirira ngarava yeGermany yainzi Wilhelm Gustloff, yaibva kuGdynia, pedyo neDanzig, pana January 30, 1945. Takaziva gare gare kuti ngarava yacho yakanyudzwa nezvinodhuutsa ngarava zveRussia uye kuti vakwiri vanenge 8 000 vakapararira mumvura dzine magodo echando.

Nzira yokutiza nayo nomugungwa yavharwa, takananga kumavirira. Apo vaiva pazororo rechinguvana vachibva kuhondo, Baba vakatikumbanira kworutivi rwerwendo rwacho nechitima, sezvarondedzerwa pamavambo. Nokukurumidza vaifanira kudzokera kuhondo, uye takapfuurira norwendo rwurefu, rwune ngozi tava toga. Amai vakachengeta poto yamafuta, vachipakura shoma panguva. Akawedzera chero zvokudya zvataiwana munzira, achitichengeta tiri vapenyu mukati memwaka murefu, unotonhora wechando. Poto iyoyo yamafuta yakabvumikisa kuva inokosha zvikuru kupfuura ndarama ipi neipi kana kuti sirivha!

Pakupedzisira, takasvika mutaundi reStargard, umo varwi veGerman neRed Cross vakanga vagadzira kicheni maibikirwa muto pedyo nechiteshi chechitima. Kumwana afa nenzara zvikuru, muto iwoyo wairatidzika kuva denga chairo. Pashure penguva yakati, takasvika kuHamburg, Germany, tine nzara uye taneta, asi tichionga kuva vapenyu. Takaiswa papurazi pedyo norwizi Elbe, pamwe chete nevasungwa vehondo veRussia nevePoland. Sezvo hondo muEurope yakasvika kumagumo ayo pana May 8, 1945, mamiriro edu ezvinhu akanga asina chokwadi zvikuru pamusoro pezvichaitika.

Upenyu Sevapoteri

Baba vakanga vatorwa somusungwa nevaAmerica, uye vakabatwa zvakanaka navo, zvikurukuru pavakaziva kuti vaiva muimbi. Vakashandisa mano avo okuridza pakupemberera Zuva ravo Rorusununguko. Nokukurumidza pashure, vakakwanisa kutiza ndokuuya kuHamburg, uko takaonanazve nomufaro. Takagara muimba duku, uye nokukurumidza vana mbuya vedu vose vari vaviri kuna mai nokuna baba vakasvika zvakanaka uye vakakwanisa kutikumbanira.

Zvisinei, pashure penguva yakati, vagari vomunharaunda, kubatanidza Lutheran Church yedu, vakatanga kuvenga vapoteri vakawanda. Mamwe manheru mufundisi akashanyira mhuri yedu. Zvakaratidzika sokuti akaparira noune kushatirwa kupfurikidza nokutaura mashoko okutituka sevapoteri. Baba, murume akasimba, vakashatirwa ndokurova muparidzi wacho. Amai vedu navanambuya vakabata Baba. Asi ipapo ivo vakasimudza mufundisi wacho, ndokuenda naye kumusuo, uye vakamusundira panze. Kubva ipapo zvichienda mberi vakarambidza kurukurirano ipi neipi yorudzidziso mumusha mavo.

Nokukurumidza pashure pechiitiko ichi, Baba vakawana basa kuraruwe yeGermany uye takatamira kunze kweHamburg, uko takanogara mutiroko rechitima risina kushandiswa. Gare gare, Baba vakativakira imba yakanaka. Asi kuvenga vapoteri kwakapfuurira, uye somwana muduku, ndakava chipfuro chokubatwa zvisina kufanira zvikuru mumuviri nomundangariro nevana vomunharaunda.

Chisarudzo Chemhuri Yedu Chorudzidziso

Somwana, ndairara mukamuri rimwe chetero navanambuya vangu vaviri. Pasinei zvapo nokurambidza kwaBaba, apo Baba vakanga vasipo, vose vari vaviri kazhinji kazhinji vaitaura neni pamusoro paMwari, vaiimba nziyo, uye vairava maBhaibheri avo. Kufarira kwangu zvomudzimu kwakanyandurwa. Naizvozvo, apo ndakanga ndava nemakore gumi ezera, ndakatanga kufamba anenge mamaira manomwe kuenda nokudzoka kuti ndipinde chechi misi yeSvondo. Ndinofanira kutaura, kunyange zvakadaro, kuti ndakagumbuka apo mizhinji yemibvunzo yandaibvunza isina kupindurwa zvaindigutsa.

Ipapo, muzhizha ra1951, mumwe murume akapfeka zvakatsvinda akagogodza pasuo redu uye akagovera Amai kopi yemagazini yeNharireyomurindi. “Nharireyomurindi inopa nzwisiso pamusoro poUmambo hwaMwari,” akadaro. Hana yangu yakarova, nokuti izvozvo ndizvo zvandaishuva. Mai vakaramba nomutsa, pasina mubvunzo nemhaka yokushora rudzidziso kwaBaba. Zvisinei, ndakateterera zvikuru kwazvo zvokuti vakadzora mwoyo uye vakandiwanira kopi. Pane imwe nguva gare gare, Ernest Hibbing akadzoka ndokusiya bhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi.”

Panenge panguva iyi, Baba vakaita tsaona kubasa ndokutyoka gumbo. Izvi zvakareva kuti vaifanira kuganhurirwa pamba, zvinova zvakavatsamwisa kwazvo. Kunyange zvazvo gumbo ravo raiva nepurasita, vaikwanisa kukamhina. Takashamiswa kuti vaipota vachinyangarika mumasikati, vachioneka chete panguva dzezvokudya. Izvi zvakaitika kwevhiki yose. Ndakacherechedza kuti pose apo Baba vainyangarika, bhuku rangu rainyangarikawo. Ipapo, pane imwe nguva yezvokudya Baba vakati kwandiri: “Kana murume uya akauyazve, ndinoda kumuona!”

Apo Hama Hibbing vakadzoka, takashamisika kuti Baba vakarovera bhuku racho patafura ndokuti: “Bhuku iri ndicho chokwadi!” Nokukurumidza fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye pashure penguva yakati mimwe mitezo yemhuri yakakumbanira fundo yacho. Hama Hibbing vakava mupi wezano anovimbwa neshamwari yechokwadi kwandiri. Ndakakurumidza kudzingwa kuSandesikuru nemhaka yokuedza kugoverana nevamwe zvitendero zvangu zvichangobva kuwanwa. Naizvozvo ndakabuda muLutheran Church.

Muna July 1952, pamwe chete neshamwari yangu inodiwa ndakavamba kugoverana mukuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari paimba neimba. Svondo imwe neimwe, Hama Hibbing vaindirayira kuti ndinyatsoteereresa mapire avaiita shoko kuvanasadzimba. Pashure pemavhiki mashomanene, vakanongedzera mudhadhadha mukuru wezvivako ndokuti: “Ndewako wose kuti ushande uri woga.” Pashure penguva yakati, ndakakurira rutyo rwangu ndokuva anobudirira zvikuru mukutaura nevanhu uye kuvagovera mabhuku eBhaibheri.

Nokukurumidza, ndakakwanirisa nokuda kworubhabhatidzo sechiratidzo chokuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha. Tose tiri vaviri ini naBaba takabhabhatidzwa musi waMarch 29, 1953, uye gare gare gore iroro Amai vakabhabhatidzwawo. Pakupedzisira, mitezo yemhuri yedu yose yakabhabhatidzwa, kubatanidza hanzvadzi yangu Erika; vakoma vangu Heinz, Herbert, uye Werner; uye vana mbuya vedu vanodiwa zvikuru, avo panguvayo vose vari vaviri vakanga vatova muma80. Ipapo, muna January 1959, ndakava piyona, sokudaidzwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara.

Ushumiri Munyika Itsva

Baba vaigara vachindikurudzira kubva muGermany, uye kana ndichirangarira ndinodavira kuti yaiva mhaka yorutyo rwaipfuurira rwokuvengwa kwevaSemite. Ndakanyorera kutamira kuAustralia, ndichikarira kuti iri raizova danho rokuti ndibatire somufundisi kuPapua New Guinea kana kuti pachimwe chitsuwa chomuPacific. Mukoma wangu Werner neni takasvika pamwe chete muMelbourne, Australia, pana July 21, 1959.

Mumavhiki mashomanene, ndakaona Melva Peters, uyo aibatira somushumiri wenguva yakazara muUngano yeFootscray, uye takaroorana muna 1960. Takakomborerwa nevanasikana vaviri, avo vakasvikawo pakuda Jehovha Mwari uye kutsaurira upenyu hwavo kwaari. Tave tichiedza zvakaoma kuchengeta upenyu hwedu hwakapfava uye husina kuvhiringidzwa nezvinhu zvakawanda kuitira kuti semhuri tigogona kuronda zvizere nharidzano dzomudzimu. Kwemakore akawanda, kusvikira zvinetso zvoutano zvamudzivisa kupfuurira, Melva akabatira sapiyona. Pari zvino ndiri mukuru uye piyona muUngano yeBelconnen, muguta reCanberra.

Kubva muzvinoitika zvangu zvapakuvamba zvouduku, ndakadzidza kuva anofara nokugutsikana nezvinogoverwa naJehovha. Sezvaratidzirwa nepoto yaAmai yamafuta, ndakasvika pakunzwisisa kuti kurarama kunotsamira, kwete pandarama kana kuti sirivha, asi pazvinhu zvokunyama zvinokosha, uye chinokosha zvikuru, pakufunda Shoko raMwari, Bhaibheri, uye kushandisa zvarinodzidzisa.—Mateo 4:4.

Mashoko ouchenjeri aamai vaJesu, Maria, ndeechokwadi zvirokwazvo: “Vane nzara [Jehovha] wakavagutsa nezvakanaka, akadzosera vapfumi vasina.” (Ruka 1:53) Nomufaro, ndinogona kuverenga mitezo yemhuri 47 iri kufamba munzira yechokwadi cheBhaibheri, kubatanidza vazukuru vanomwe. (3 Johane 4) Neava vose, pamwe chete nevana vedu vakawanda vomudzimu nevazukuru, Melva neni tinotarira mberi kunguva yemberi yakaisvonaka muchengeteko mukutarisira kwaJehovha kworudo uye kubatanidzwazve kukuru nevamwe vadiwa vedu apo vanomutswa.—Yakataurwa naKurt Hahn.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mauto eRussia achipinda muEast Prussia, muna 1944

[Kwazvakatorwa]

Sovfoto

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mukoma wangu Heinz, hanzvadzi yangu Erika, Amai, vakoma vangu Herbert naWerner, uye ini pamberi

[Mufananidzo uri papeji 16]

Ndine mudzimai wangu, Melva

[Mufananidzo uri papeji 16]

Poto yakafanana neiyi, yakazadzwa namafuta, yakatiraramisa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe