RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 7/8 p. 21
  • Zvokudya Inhau Yokuitira Hanya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokudya Inhau Yokuitira Hanya
  • Mukai!—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Kusarudza Zvokudya Zvinopa Utano
    Mukai!—1997
  • Ndingaita Sei Kuti Ndidye Zvekudya Zvinovaka Muviri?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kuderedza Kufutisa Kunobatsira Here?
    Mukai!—2004
  • Apo Kuva Mukobvu Kusiri Nani
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 7/8 p. 21

Zvokudya Inhau Yokuitira Hanya

“ENDA zvako, udye zvokudya zvako nomufaro,” rinodaro Bhaibheri pana Muparidzi 9:7. Kudya, zvirokwazvo, hakusi chinodikanwa bedzi asiwo chimwe chezvinofadza zvikurusa muupenyu.

Rangarira Thomas ane makore 34 okukura. Anofarira nyama zvikuru. Uye anoidya zuva riri rose—kazhinji kazhinji kanoverengeka pazuva. Chisvusvuro chake kazhinji chinobatanidza mukaka, mazai anoverengeka, chingwa kana kuti tositi yakazodzwa bhata, uye sochisi kana kuti bhekoni. Panzvimbo dzinobikwa zvokudya nokukurumidza, anohodha macheeseburger, machipisi, uye mamilk shake. Apo anenge achidyira kumwe, anosarudza munyepfu wemombe sechokudya chaanofarira. Resitorendi yaanoda zvikuru inogovera munyepfu unorema magiramu 680 nembatatisi yakabhekwa yakatutirwa ruomba runovavira, nenzira yaanoda chaiyo. Keke rechokoreti rakaiswa aizikirimu yechokoreti pamusoro ndiwo museredzero waanoda zvikuru.

Thomas akareba masendimita 178 uye anorema makirogiramu 89; anorema zvinopfuura mwero nemakirogiramu 9, maererano nenhungamiro dzehurumende pamusoro pezvokudya dza1995 dzeUnited States. “Handisi kunetseka nouremu hwangu,” anodaro Thomas. “Utano hwangu hwakaisvonaka. Handisati ndarovha basa zuva rimwe mumakore 12 apfuura. Nguva zhizhinjisa, ndinonzwa zvakanaka uye ndine simba—kunze, chokwadika, kwepashure pokudya munyepfu unorema magiramu 680.”

Zvokudya zvaThomas, zvisinei, zvingagona kuva zviri kumukuvadza zvikuru here, zvishoma nezvishoma zvichimuita kuti agone kuzotambura nokurega kushanda kwemwoyo? Mubhuku rake rinonzi How We Die, Dr. Sherwin Nuland anotaura nezve‘mararamiro okuzviuraya’ uye anobatanidza maari zvokudya zvinoti ‘nyama, nhindi huru dzebhekoni, uye bhata.’

Zvokudya zvakati zvinotungamirira sei kuhosha yemwoyo muvazhinji? Chii chiri mazviri chinoparira ngozi? Tisati takurukura mibvunzo iyi, ngatinzveresesei ngozi kuutano dzokurema zvinopfuura mwero.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Neiko zvokudya zvakadai zviri nhau yokuitira hanya?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe