RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 1/8 pp. 16-20
  • Kicheni Inogona Kuva Inofadza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kicheni Inogona Kuva Inofadza
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidza Mu“kirasi” Yekicheni
  • Kubika Kunofadza!
  • Kuva Pamwe Chete Kwemhuri
  • 2. Ngazvigare Zvakachena
    Mukai!—2012
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Basa Rako Somubereki
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 1/8 pp. 16-20

Kicheni Inogona Kuva Inofadza

“BUDAI mukicheni!” Vana vazhinji vane nzara vakagamuchira kurayira ikoko pavaiedza kufanodya kudya kwamauro kusati kwaiswa patafura. Zvisinei, panzvimbo pokuvabudisa, vabereki vane chikonzero chakanaka chokukokera vana vavo mukicheni. Nei kwakadaro? Nemhaka yokuti kicheni, chaizvoizvo, ikirasi inofadza.

Kicheni inzvimbo umo vana vanogona kutanga kukwanisa kuita zvinhu uye unyanzvi hwokupedza zvinetso, nzvimbo umo vanogona kudzidza kushandira vamwe nokushanda sorutivi rweboka, nzvimbo umo kurukurirano dzine revo idzo dzinobaya mwoyo dzinogona kumuka nenzira yomuzvarirwo, nzvimbo umo mipimo inokosheswa zvikuru inogona kurovererwa nenzira yakanyarara. Zvechokwadi, mumakabhati akatsvikinyidzana nemadhirowa uye mumasherufu ekicheni imwe neimwe mune zvidzidzo zvizhinji zvinokosha—zvinogona kushandiswa pakugadzira zvokudya zvinotevera.

Munhambo ino yoruzivo rwesayenzi nemashoko, kushandisirei kicheni senzvimbo yokurovedzera vana? Mhinduro yacho inguva. Vabereki vazhinji vanoziva kuti hapatongorina nechinotsiva kupedza nguva vaine vana vavo—yakawanda zvikuru!a Chinetso chacho ndiko kwokuiwana. Zvimwe zviremera zvinokurudzira vabereki kurangarira basa renguva dzose ravanoita mumusha somukana wokuita zvinhu nevana vavo ndokuvadzidzisa. Ikoku kunowirirana nomurayiro uyo Mwari akapa vabereki murudzi rwekare rwaIsraeri kuti: “Mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:6, 7.

Nemhaka yokuti nguva dzose tinofanira kupedza nguva tiri mukicheni zvisinei, yaizoratidzika kuva nzvimbo iri pachena nokuda kwebasa remhuri rinogoveranwa. Uye mukusafanana nenzendo chaidzo dzokundofara, idzo dzinowanzofanira kumirira kusvikira tava nenguva yacho, simba, kana kuti mari kuti tidzironge, zvishuvo zvakanaka zvokudya zvinoramba kusundirwa mberi. Kunze kwezvo, kicheni ine kukwezva vana kwomuzvarirwo. Kunyange zvazvo zvakadaro, ndokupi kumwezve kwavanorovedzwa kushandisa mapanga nokungwarira uye kushandisa mimwe midziyo? Vana vari kufadzwa vangatoshatisa zvinhu panhambo nenhambo! Zvidzidzoi, kunyange zvakadaro, izvo kicheni inazvo zvokupa?

Kudzidza Mu“kirasi” Yekicheni

Louise Smith—anozivikanwa nevadzidzi vake vemakore mana saMai veGingerbread—akaita iyi tsinhiro yakavakirwa pamakore 17 oruzivo rwokuzviwanira mukudzidzisa vana vaduku kubika: “Zvokudya zvinoita chishandiso chikuru chokudzidzisa nemhaka yokuti chimwe chinhu icho vana vose vanonzwisisa. Pfungwa dzavo dzokunhuwidza, kuravidza, uye kubata dzinoshanda zvikuru pamazera maduku zvokuti vanova vanobatikana chose chose. Uye unogona kudzidzisa manzwikire emashoko, svomhu, uye unyanzi hwokupedza nahwo zvinetso kupfurikidza nezvokudya.” Kudurura, kukuya, kumenya, kusefa, uye kukodzonga, uye kumona zvinobetsera vana kutanga unyanzvi hwokushandisa maoko nokutsinhiranisa maziso nemaoko. Kuronga (kuisa maraisin nenzungu mumirwi yakaparadzana) uye kutevedzanisa (kuronga makapu okuyeresa ari munhevedzano) kunodzidzisa miitiro inoshanda sezvinokosha zvokudzidza svomhu. Kutevedzera resipi irovedzo mukushandisa nhamba, kuyera, kuchengeta nguva, kuva nomufungo, uye mutauro. Uye munhu haagoni kupinda mumhoteredzo yekicheni yakaoma kunzwisisa neyakazara nengozi pasina kudzidza chimwe chinhu pamusoro pekotsekano, mutoro, kurongeka kwomunhu oga, uye basa rinoitwa neboka.

Chisingafaniri kufuratirwawo ukoshi hwokudzidza kubika. Ndekwenguva dzose kuti vana vanotanga nokubetsera mukicheni vanokwanisa kugadzira kudya kwose panosvika nguva apo vanosvika makore avo evechiduku. Mubereki upi akabatikana aisazogamuchira ikoko nguva nenguva? Zvakare, kubika kunobetsera pwere kukudziridza chivimbo nokuzvimirira—mavara ayo anogona kuvabetsera apo vanova gare gare nemitoro yemunhu mukuru, kunyange vakaroora kana kuti kuroorwa kana kuti vakaramba vasina.—Enzanisa na1 Timotio 6:6.

Lee, uyo akaramba asina kuroora kusvikira mumakore ake okuvamba kwema30, anoyeuka kuti: “Mai vangu vakavamba kundirovedza mumiitiro mikuru yomukicheni apo ndakanga ndiine makore anenge matanhatu okukura. Pakutanga, ndakanga ndichifarira zvikurukuru kubika mabhiskiti, makeke, uye zvimwe zvokudya zvinotapira zvikuru. Asi pakasvika nguva yandakanga ndava nemakore mapfumbamwe, ndakanga ndava kukwanisa kuronga uye kugadzira zvokudya zvose nokuda kwemhuri yedu, uye ndakakuita pahwaro hwenguva dzose. Gare gare, somunhu mukuru asina kuroora, ndakawana kuti kuziva nzira yokuita nayo mabasa emumba akasiyana-siyana, kubatanidza kubika, kwakaita kuti upenyu huve nyore zvikuru. Uye ndaizotaura nenzira yakajeka kuti ikoku kwakaparira kuva kwangu zvino neroorano inobudirira.”

Kubika Kunofadza!

Mubereki anogona sei kuwana nguva yokurovedza vana mukicheni? Vamwe amai vanokarakadza kuronga nguva apo kunenge kune zvinotsausa zvishoma sezvinobvira. Kana une vana vanoverengeka, ungada kushanda nemwana mumwe panguva apo vanenge vachitanga. Kuti uite ikoku, sarudza nguva apo vamwe vana vanenge vachizorora kana kuti vanenge vari kuchikoro. Ronga kupedza nguva yakawanda kupfuura kudai wakanga uchibika uri woga. Uye iva akagadzirira kuva nezvinosetsa mukicheni!

Nokuda kworusando rwako rwokutanga, ungaita kuti mwana wako asarudze chimwe chinhu icho anofarira kudya.b Tsvaka resipi iri nyore iyo inounza migumisiro yokukurumidza. Iva nechokwadi chokuti inobatanidza mabasa ayo iye anogona kupedza nenzira inobudirira. Kuti uite kuti mwana wako arege kuva asingazorori neanofinhwa, muite kuti afanowana zvimwe zvezvinosanganiswa zvinodiwa nemidziyo. Ungatogadzirira zvishoma zvimwe zvezvinosanganiswa pachine nguva mberi zvokuti rusando rwacho harwuvi rwakanyanyoreba nerwunonetesa.

Rava resipi yacho yose nemwana wako, uchimuratidza maitirwe erimwe nerimwe remabasa acho. Ipa mwana wako nzvimbo yake amene mukicheni—zvimwe dhirowa rine madhishi mashomanene nemidziyo mishomanene—uye mupe epuroni. Panzvimbo pokuita kuti mukomana apfeke epuroni yomukadzi, ungamuwanira yakagadzirirwa mubiki ari munhurume. Kubvira pakutanga chaipo, simbisa ukoshi hwekotsekano uye gadza mitemo ine mufungo yemukicheni.—Ona bhokisi rine musoro unoti “Chidzidzo Chokutanga—Kotsekano,” peji 18.

Kupfuura zvose, edza kuti kufadze. Usaita kuti mwana wako angokutarira; muite kuti ageze maoko ake, ndokuachengeta akabatikana mukugadzira zvokudya chaiko. Bvumira mukana wokuti anzvere, aedze, uye abvunze mibvunzo. Uye apo zvokudya zvisingabudi zvakakwana, usanetseka. Kana mwana wako azvibika pachake, sezvinobvira achangozvidya!

Kuva Pamwe Chete Kwemhuri

Pasina mubvunzo, betsero hurusa dzichabva mukicheni dzinobatanidza kubatana uye mipimo yemhuri. Ungave wakacherekedza kuti mune dzimwe mhuri nhasi, mitezo yemhuri inoita mabasa ayo akaparadzana nokubatikana pasina kukurukurirana chaikoiko zvikuru. Mumamiriro ezvinhu akadaro, musha ungava pokumbomira kuti uzorore, pokudyira uchikurumidza ndokuenda. Mukupesana, mhuri inobika pamwe sezvinobvira zvikuru ichadyira pamwe uye kuchenesa pamwe chete. Aya mabasa anovagovera mikana yenguva dzose yokukurukurirana, kushandira pamwe, uye kuramba vachionana. “Ndakava nedzimwe dzekurukurirano dzangu dzakanakisisa nevanakomana vangu takamira pasingi yekicheni,” vanoyeuka kudaro vamwe mai. Uye Hermann, baba vechiKristu, anowedzera kuti: “Takararama tisina muchina wokugezesa ndiro nemaune kwemakore anoverengeka, zvokuti ndiro dzacho dzaifanira kugezwa uye kupukutwa nemaoko. Vanakomana vedu vakanga vakagoverwa kupukuta, vachichinjana. Yakanga iri nguva yakanakisisa yokukurukurirana kusina kurongwa.”

Hungu, nguva yaunopedza uri mukicheni nevana vako—vhiki nevhiki, gore negore—inogovera hwaro pahuri mipimo yomudzimu nemavara oumwari anogona kukudziridzwa. Mukati menhambo dzakasununguka dzakadaro dzokuva pamwe chete ndimo umo kurukurirano dzepachokwadi pakati pomubereki nemwana dzinogona kumuka nenzira yomuzvarirwo uye umo pesvedzero yomuenzaniso womubereki inogona kutapura mwoyo wemwana zvakanyarara. Kurovedza kwakadaro kunogona kubetsera mwana kwoupenyu hwose, nokuti Zvirevo 22:6 inoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”

Naizvozvo kana somubereki uri kutsvaka nzira dzokupedza nadzo nguva yakawanda uine vana vako, kuregererei kuvakumbira kukubetsera kubika keke kana kuti zvokudya zvose? Ungawana kuti kushanda navo mukicheni mutoo wezvose zviri zviviri kudyisa uye kurera mhuri yako.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwekukurukurwa kweiyi nhau, ona nyaya inoti “‘Quality Time’ Doled Out in Limited Quantities,” iri muchinyorwa chechiNgezi cheMukai! yaMay 22, 1993, mapeji 16-17.

b Mashoko ari muno anoshanda zvakaenzana kuvakomana nevasikana.

[Bhokisi riri papeji 18]

Chidzidzo Chokutanga—Kotsekano

Ngwarira Kotsekano

• Nenzira yepachokwadi asi isingatyisidziri, tsanangura ngozi dzokushanda mukicheni, kungofanana nokutsanangura kwawaizoita ngozi dzezvinofamba mumugwagwa wakabatikana. Gadza muenzaniso wakanaka iwe pachako.

• Govera tarisiro yomunhu mukuru papi nepapi vana pavanoshanda mukicheni. Usabvumira mwana kushandisa mudziyo upi noupi kana kuti chishandiso, zvikurukuru zvemagetsi, kusvikira ava kugona kuzvishandisa zvakakotsekana.

• Chengeta kicheni yako yakarongeka. Chenesa mvura dzinorasika uye bvisa zvinopinganidza nokukurumidza. Zvipfuyo zvinotambwa nazvo nezvimwe zvinotsausa zvinofanira kuchengetwa zvisiri mukicheni paunenge uchibika.

Dzivirira Zvigunwe

• Zvokukanyisa, zvokugaya zvokudya, zvokugadzirisa zvokudya zvemagetsi zvinofanira kushandiswa bedzi apo munhu mukuru anenge achitarisira. Iva nechokwadi chokuti chishandiso chacho chinodzimwa uye chinobviswa papuragi mwana wako asati aisa mudziyo mukati macho.

• Itai kuti mapanga arambe akarodzwa, sezvo banga rakagomara richida simba rakawanda uye naizvozvo rinobvira zvikuru kutsvedza.

• Apo mwana wako anenge achidzidza kushandisa banga, muite kuti atevere idzi nhano: (1) simudza banga racho wakabata mubato waro, (2) isa banga racho pazvokudya zvacho, (3) isa rumwe ruoko rwacho seri kwebanga, uye (4) dzvanyidzira kuti richeke zvokudya.

• Shandisa bhodhi rokuchekera. Kuti udzivise muriwo kukunguruka uchipararira apo mwana wako anenge achiedza kuucheka, ucheke kuita hafu kutanga uye isa rutivi rwakaenzana pabhodhi rokuchekera.

Dzivisa Kutsva

• Dzima nguva dzose chitofu uye zvidzoreso zveovheni pazvinenge zvisingashandiswi. Chengeta matauro, mabhuku okubika, uye zvokubatisa poto zviri kure nechitofu.

• Isa mibato yemapani nechepakati pechitofu, apo isingagoni kugumwa nyore nyore ndokuparira kurasika.

• Kana ukarega mwana wako kuti ashande pachitofu, iva nechokwadi chokuti akamira panzvimbo yakasimba uye yakadzikama.

• Usasimudza chinhu chinopisa kutoti uchitoziva uko uchachigadzika. Iva nechokwadi chokuti vamwe vari mukicheni vanoziva kwauri kuendesa chinhu chinopisa, zvikurukuru kana uchizofamba mushure mavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe