“Betsero Huru Kurudzi Rwomunhu”
“Makabetsera rudzi rwomunhu zvikuru mukubudisa bhuku rino. Chishamiso. Muunganidzwa wakaisvonaka. Unofanira kuongwa.
“Runako rwebhuku racho nderwokuti rinobata norutivi rwuri rwose rworudzidziso, uye mukuita kudaro kwakangwarirwa kusatsoropodza. Makaita zvikuru. Zvechokwadi makaita zvikuru.”
Nderipi bhuku iro chiremba wokuTiruchchirappalli, India, uyo akanyora tsamba ino akanga achinongedzera kwariri? Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, muunganidzwa wemapeji 384 wemavambo nedzidziso zvemarudzidziso makuru enyika—chiHindu, chiBuddha, chiTao, chiConfucius, chiShinto, chiJudha, chiKristu, uye chiIslam. Maganhuro okupedzisira anotsanangura kusadavira kwazvino uno nokudzokera kuna Mwari wechokwadi. Makopi anopfuura mamiriyoni 16 eiri bhuku akadhindwa mumitauro 37.
Chiremba wacho akanga arava kopi yakakumbirwa. Aida yake amene. Kana ungada kuzvinzverera umene bhuku rino rine mifananidzo, tapota onana neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako kana kuti nyorera kukero iri papeji 5 yemagazini ino.