Nyika Isina Makaro
“PASINA kuchinja kwokufunga kwomunhu munyika yose, hapana chichachinja kuti zvinhu zvive zvakanakira vanhu, uye ngwavaira iyo nyika yedu yakananga kwairi . . . ichava isingadzivisiki.”—Václav Havel, purezidhendi weCzech Republic.
Vanhu vazhinji vanoziva kuti tsika yenyika iripo haigoni kupona. Vamwe, vakaita saVáclav Havel, vanoona chinjo yenyika yose mukufunga kwomunhu nezviito semhinduro bedzi. Mumwe mutsinhiri wemamiriro azvino enyika, somuenzaniso, anoti: “Nokuda kwemazana emamiriyoni evarombo zvikuru kwazvo, kariro yezvokudya nezvimwe zvinodikanwa zvoupenyu zvichave zvisiri nani . . . kutoti marudzi enyika akaita chiito nenzira yakasimba kuti achinje miitiro yazvino.”—Food Poverty & Power.
Zvisinei, kune chokwadi here kuisa tariro dzedu dzokupona parudzi rwakati rwechinjo huru muzvimiro zvendangariro nemiitiro zvevanhu? Tinogona here nechivimbo kuvimba nehurumende kuti “dziite chiito nenzira yakasimba kuti dzichinje miitiro yazvino”? Vamwe vanofunga kudaro. ‘Mwari akatipa rusununguko rwokuzvisarudzira, uye zviri kwatiri kuchinja zvinhu,’ vanodaro. Asi maidi anorwadza enhau anomutsa mibvunzo yakakomba pamusoro pechishuvo chomunhu nokukwanisa kuita chinjo dzinodikanwa. Uyu murangariro hausati uri usina tariro, asi panzvimbo pakwo, une chokwadi. Waizoisa upenyu hwako mutarisiro yomumwe chiremba wokuvhiya kudai waiziva kuti varwere vake vose vomunguva yakapfuura vakafa here?
Chinetso Chedzidzo Here?
“Chinetso chacho ndechedzidzo,” anodaro Ted Trainer, muDeveloped to Death—Rethinking Third World Development. Anotaura kuti kutoti kana vanhu vakagona kudzidziswa kuona kuti chinjo huru inodikanwa, “hatigoni kukarira kuwana kuchinjira kutsika yenyika inobvira.” Pasina mubvunzo pane kudikanwa kwokudzidzisa vanhu pamusoro poukoshi hwechinjo muzvimiro zvendangariro nezviito kana nyika ichizopona. Kutaura idi, kunokosha, uye Bhaibheri rinotaura pamusoro pegadziriro yakadaro yedzidzo. Rinotaura kuti pasi richa“zara nokuziva Jehovha.” Ipapo, hapana anga“kuvadz[a] kana kuparadza” kupi nokupi pasi pano.—Isaya 11:9.
Asi hapana chitsama chedzidzo, kwete kunyange gadziriro yedzidzo yaMwari, chichabvisa icho chimene mupasi vanhu vane makaro avo vanokuvadza zvikuru nevanoparira ruparadziko rwakapararira. Dzidzo ichaparira chinjo bedzi muvanhu vanoda kuchinja, vanhu vanoda kutsinhirana nemipimo yaMwari. Maererano naJesu Kristu, vashoma zvikuru. (Mateo 7:13, 14) Naizvozvo Bhaibheri harivakiri chipikirwa charo chechinjo patariro yokufungidzira yokuti rimwe zuva rudzi rwose rwomunhu rwuchaziva ukuru hwechinetso chacho ndokuchinja nzira dzavo. Rinotaura kuti Mwari achaita chiito chakananga kuti abvise mupasi vanhu vane makaro.
Kupindira Kunoitwa naMwari
Vazhinji vanorangarira iyi pfungwa yechiito chakananga chinoitwa naMwari kuva chiroto kana kuti kufungidzira. “Kufambira mberi kwoungwaru kwezana ramakore rechigumi nesere kwakatimanikidza kurega pfungwa inonyaradza yaMwari anopindira uyo aizoruramisa imba yomunhu,” inodaro World Hunger: Twelve Myths. Asi tinofanira kuisa kutenda kwedu munharo dzoungwaru neuzivi zvaavo vakarasikirwa nokutenda “Mwari anopindira” here? Mhinduro dzavo hadzisi kufungidzira here?
Kuchenjera zvikuru kuvakira tariro yedu yokupona pauporofita husingakundikani hunowanwa muBhaibheri uhwo hunonongedzera kukupindira kwaMwari. Haisi “pfungwa inonyaradza” bedzi kudavira zvipikirwa zvaMwari—itariro yechokwadi nokuda kwokupona yatinayo!
“Muparadze Avo Vanoparadza Pasi”
Mwari anopikirei chaizvoizvo? Eya, kutanga, anopikira kubvisa mupasi avo vanoshatisa nokuparadza mhoteredzo. Zvakazarurwa 11:18 inozivisa kuti ane “[nguva yakagadzwa, NW]” yokuti a“paradze avo vanoparadza pasi.” Ikoko kucharevei? Kuchareva mugumo kuvose avo vanodzvinyirira varombo nevasina dziviriro zvino. Mwari acha‘tongera vanotambudzwa vavanhu, achaponesa vanakomana vavarombo, nokupwanya munyengeri.’ Achabvisa vane makaro ndokubvumira vanyajambwa vavo vasina mhaka kubudirira. “Ucharwira mushaiwi kana achidanidzira; . . . Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.”—Pisarema 72:4, 12-14.
Ikoko kuchaunza chinjo yakadini! Maererano nomuapostora Petro, iyi chinjo ichave yakakwana zvikuru zvokuti ichaparira “denga idzva nenyika itsva.” (2 Petro 3:13) Muiyi “nyika itsva,” munhu ari wose achava nomugove wakarurama wezvibereko zvepasi. (Mika 4:4) Kunyange zvino, kune zvokudya zvakawanda nokuda kwomunhu ari wose. Kuparadzirwa kusina kuenzana ndicho chinetso. “Kwakafungidzirwa kuti tingagona kurima zvakakwana panzvimbo inogona kurimika yepasi ndokutsigira vanhu vane mabhiriyoni 38-48,” anodaro Anne Buchanan, mubhuku rake rinonzi Food Poverty & Power.
Nyika ino ichapona. Musiki wayo “akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Chiito chaMwari mukurwisana nevanhu vane makaro chichareva nhambo pfupi ye“kutambudzika kukuru.” (Mateo 24:21) Vapukunyuki vekutambudzika ikoko vachafadzwa ipapo neparadhiso yepasi, yakagarwa nevanhu vasina makaro chose chose. (Pisarema 37:10, 11; 104:5) Kuchava seizvo Bhaibheri rinopikira kuti: “Uchapisika misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8.
Unogona kuva mumwe wevapukunyuki vanofara vachabetserwa nechiito chaMwari chokubvisa makaro mupasi. Kana uchida chaizvoizvo kuita kuda kwaMwari, zvibetsere umene nebetsero yose inogoverwa kukuyamura kupona zvino munyika ine makaro. Ita chiito kuti upone “kutambudzika kukuru.” Zvapupu zvaJehovha zvakagadzirira kukubetsera kudzidza zvaunofanira kuziva. Inzwa wakasununguka kuonana nazvo paHoro yoUmambo yomunzvimbomo kana kuti nyorera kukero iri pedyosa yakarongwa papeji 5.