RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 10/8 pp. 22-24
  • Dzora Upenyu Hwako Zvino!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzora Upenyu Hwako Zvino!
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chiri Murangariro weBhaibheri?
  • Betsero Yakanakisisa Inowanika
  • “Shoko raMwari Ibenyu Uye Rinoshandisa Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Imhosva Yaani—Yako Here Kana Kuti Wakazvarwa Wakadaro?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?
    Kuna Mwari Anoitira Hanya?
  • Nzira Yaunogona Kuchinja Nayo Zvauri
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 10/8 pp. 22-24

Dzora Upenyu Hwako Zvino!

NZVERO yesayenzi yomufambiro womunhu nekuchidziro yakatibetsera munzira dzakawanda. Zvichida takabetserwa kugonana nohumwe urwere kupfurikidza nokuva nenzwisiso huru zvikuru yahwo. Panguva imwe cheteyo, kuchenjera kuva akangwarira rondedzero dzinofadza, zvikurukuru idzo dzinoratidzika sedzinopokanidza nheyo dzakanyatsobvumikiswa.

Panhau yemavara okugara nhaka nomufambiro, mibvunzo inomuka, inoti: Tinogona here kurasa mitoro yedu ndokusabvuma mhaka nokuda kwezviito zvedu? Tinogona kuramba kana kuti kunyange kupa mhaka mumwe munhu kana kuti chimwe chinhuwo zvacho here nokuda kwokusachenjera kana kuti chikanganiso, nokudaro ndokukumbanira nhamba dziri kuwedzera muchizvarwa chino cha“handisini”? Nyangwe napaduku pose. Vanhu vazhinjisa vanobvuma kurumbidzwa nokudisa nokuda kwokubudirira kupi nokupi muupenyu, naizvozvo nei vasingafaniri nenzira yakafanana kudisa kugamuchira mutoro nokuda kwezvikanganiso zvavo?

Nokudaro, tingabvunza kuti, Ko Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, rine chii chokutaura pamusoro pokuti ndiani kana kuti chii chinodzora upenyu hwedu nhasi?

Chii Chiri Murangariro weBhaibheri?

Chinhu chokutanga chatinofanira kuziva ndechokuti tose zvedu tinoberekerwa muchivi chakagarwa nhaka kubva kuvabereki vedu vapakuvamba, Adhama naEvha. (Pisarema 51:5) Mukuwedzera, tiri kurarama munguva chaiyo, inonzi “mazuva okupedzisira,” apo vanhu vanowana “nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1) Ikoku kunoratidzira kuti, kazhinji kazhinji, taizosangana nezvinetso zvakawanda mukudzora zvakanaka upenyu hwedu kupfuura izvo vakatitangira vakaita.

Kunyange zvakadaro, vanhu vose vane rusununguko rwokusarudza nzira youpenyu hwavo, vanogona kuzviitira zvisarudzo zvavo zvomunhu oga. Kusvikira kumwero iwoyo vari kudzora upenyu hwavo. Ikoku kwave kwakadaro kubvira munguva dzapakuvamba uye zvinogona kuonekwa mumashoko aJoshua kurudzi rwaIsraeri, okuti: “Zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira.”—Joshua 24:15.

Bhaibheri rinobvuma kuti Satani Dhiyabhorosi akadzingwa kudenga uye zvino, kupfuura nakare kwose, anoisa pesvedzero yakasimba yezvakaipa parudzi rwose rwomunhu. Rinotiudzawo kuti kunyange mumazuva omuapostora Johane, nyika yose yakanga iri musimba rowakaipa. (1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 12:9, 12) Zvisinei, sezvo Mwari Wamasimba ose asingadzori chiito chedu chiri chose kana kuti kufanotemera mugumo uyo iye anoziva bedzi, hatifaniri kupa mhaka Satani zvakananga nokuda kwechimwe nechimwe chezvikanganiso zvedu kana kuti kukundikana. Zvokwadi yakadzikama yeMagwaro ndeyokuti, “munhu mumwe nomumwe anoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi, nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.” (Jakobho 1:14, 15) Muapostora Pauro akanyora aya mashoko akafuridzirwa, kuti “musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.”—VaGaratia 6:7.

Naizvozvo Jehovha Mwari anoita kuti tizvidavirire somunhu mumwe nomumwe nokuda kwezviito zvedu. Tinofanira kungwarira kusaedza kuzviruramisa timene nemhaka yechimiro chemavara edu okugara nhaka nekusakwana kwakagarwa nhaka. Mwari akaita kuti nzanga yemasimba masimba, yeungochani yeSodhoma neGomora rekare izvidavirire nokuda kwezviito zvayo zvakaipa. Sezviri pachena, haana kurangarira vaigaramo sezvisikwa zvinosiririsa nemhaka yechikanganiso chemavara okugara nhaka chakati chaifungidzirwa zvaisagona kudzivisa kuva zvakaipa. Nenzira yakafanana, vanhu vairarama mumazuva aNoa vaive nepesvedzero dzakaipa zhinji dzakanga dzakavapoteredza; kunyange zvakadaro, vaifanira kuita chisarudzo, chisarudzo chomunhu oga, kana vaizopukunyuka Boporodzi rakanga rodokuitika. Vashomanene vakaita chisarudzo chakarurama. Vazhinjisa havana.

Muporofita wechiHebheru Ezekieri anosimbisa kuti kuzvidzora kwomunhu oga kunodikanwa kana tichizofanirwa nenyasha dzaMwari: “Kana iwe ukanyevera wakaipa, akasatendeuka pazvakaipa zvake, kana panzira yake yakaipa, iye uchafira muzvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.”—Ezekieri 3:19.

Betsero Yakanakisisa Inowanika

Chokwadika, tose zvedu tinoda betsero kuti tishandise kuzvidzora kwomunhu oga muupenyu hwedu hwezuva nezuva, uye nokuda kwevazhinji vedu, ikoku idenho huru. Asi hatifaniri kupera mwoyo. Kunyange zvazvo miitiro yedu yokuita chivi yakagarwa nhaka isingagamuchiriki kuna Mwari, kana tichida kunatsiridza mufambiro wedu, achatigovera betsero yakanakisisa inowanika—mudzimu mutsvene wake nezvokwadi yake yakafuridzirwa. Pasinei zvapo nekufanopesvedzerwa kwemavara edu okugara nhaka kupi nokupi kwatingava nako uye pesvedzero dzokunze dzipi nedzipi dzingatitapura, tinogona ku“bvisa munhu wekare namabasa ake, [ndokuzvifukidza timene] munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika.”—VaKorose 3:9, 10.

VaKristu vazhinji muungano yeKorinte vakaita chinjo dzinoshamisa mumufambiro wavo. Chinyorwa chakafuridzirwa chinotiudza, kuti: “Nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, kana mbavha, kana vane ruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari. Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.”—1 VaKorinte 6:9-11.

Naizvozvo kana tiri kutambura nokusakwana kwedu, ngatiregei kutera kwakuri. VaKristu vazhinji vomuzuva razvino uno vakabvumikisa kuti nebetsero yaJehovha, vakakwanisa ku‘shandurwa nokuchinja mirangariro yavo ndokuzvibvumikisa vamene kuda kwaMwari kwakanaka nokunogamuchirika uye kwakakwana.’ Vanodyisa ndangariro dzavo zvinhu zvipi nezvipi zvechokwadi, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvakanaka, zvinorumbidzwa; uye vano“ramba vachifungisisa izvozvi.” Vanodya zvokudya zvomudzimu zvikukutu uye kupfurikidza nokuzvishandisa vanoita kuti masimba avo okurangarira arovedzwe kusiyanisa zvose zviri zviviri chakanaka nechakaipa.—VaRoma 12:2; VaFiripi 4:8; VaHebheru 5:14.

Zvinokurudzira kuziva nezvokutambura kwavo, kukundikana kwavo kwechinguvana, uye kubudirira kwavo pakupedzisira nebetsero yomudzimu mutsvene waMwari. Mwari anotivimbisa kuti kuchinja mufambiro wedu kazhinji kazhinji kunobatanidza mwoyo nechishuvo chawo: “Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta; zvikurwire panzira yezvakaipa, napavanhu vanotaura zvisakarurama.”—Zvirevo 2:10-12.

Naizvozvo, kana uchida kuita upenyu husingaperi nharidzano yako—upenyu husina zvinetso zvenyika yakaipa uye husina kusakwana kunopedza simba—‘zvishandise’ mukudzora upenyu hwako zvino ndokutungamirirwa nouchenjeri hwokudenga. (Ruka 13:24) Zviyamure umene nebetsero yomudzimu mutsvene waJehovha kuitira kuti ugobereka chibereko chokuzvidzora. Kuite chishuvo chomwoyo wako kuita kuti upenyu hwako huwirirane nemitemo yaMwari, uye teerera zano, rokuti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Kubatisisa “upenyu chaihwo” munyika itsva yaMwari—umo Jehovha Mwari acharuramisa kushayikwa kwose kwemavara okugara nhaka pahwaro hwokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu—kwakafanirwa nenhamburiko dzose dzaunoita kudzora upenyu hwako munyika ino!—1 Timotio 6:19; Johane 3:16.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kufunda Bhaibheri kunogona kutipa simba rokukurira utera hwakakomba

[Mufananidzo uri papeji 23]

Fundo yeBhaibheri inogona kutibetsera kubvumikisa kuti mipimo yaMwari yetsika ndeyechokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe