RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 7/8 pp. 26-27
  • MaUFO—Inhume Dzinobva Kuna Mwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • MaUFO—Inhume Dzinobva Kuna Mwari Here?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rongedzero Yavaenzi Yokupukunyuka Pasi
  • Kurukurirano yaMwari Norudzi Rwomunhu
  • Zvokwadi yeBhaibheri Inokurira Gamuchidzanwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Dzidziso Youmwari Inorwisana Nedzidziso Dzemadhemoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Mukai!—1996
g96 7/8 pp. 26-27

Murangariro weBhaibheri

MaUFO—Inhume Dzinobva Kuna Mwari Here?

SEZVO zana ramakore rechi20 rinosvika kumugumo uye mamirire ezvinhu pasi achiipa zvakatsiga, kudavira muzvinhu zvinobhururuka zvisingazivikanwi zvomudenga (maUFO) navakwiri vazvo, vanhu vanogara kunze kwepasi, kunopfuurira kuwanda. MaUFO inganowo zvayo, nyengedzo, unyengeri hunoitwa navanhu vanoda kuseka nhendedzero yavanhu here?

Avo vanotaura kuti vakaona maUFO kana kuti vatakurwi vawo vanogara muchadenga vanobatanidza vanhu vanoratidza kuva kwavo vane mwero, vanhu vakavimbika; kutaura idi, avo vanodavira mune ava vashanyi vanobva mune dzimwe nyika vanobatanidza mapurofesa akadzidza zvikuru namasayindisiti. Ava vanhu vanopwiswa kuti zvinogara muchadenga zviri kuongorora uye, pane dzimwe nguva, kukurukura navanhu. Anonzi mapoka evanhu vanogara muchadenga aripo kubetsera vanhu vanoti vakataura nevashanyi vaibva muchadenga.a

Rongedzero Yavaenzi Yokupukunyuka Pasi

MuAliens Among Us, Ruth Montgomery anobvunzurudza vamwe venhamba iri kuwedzera yavanhu vanopwiswa kuti vashanyi vanogara muchadenga vanogara mumiviri yavanhu, vakadai saJohn, akanokorwa mashoko mubhokisi. Vamwe vaivava vanotaura kuti vagari vomuchadenga vakaitwa vanhu vanofanotaura kuti mugore ra2000, kuchava ne“chimwe chiitiko chomuchisiko chose icho mapoka engirozi navatongi vave vachigadzirira nokuda kwacho.” Vanhu vakadai saJohn vanodavira kuti zvinhu zvinogara muchadenga zviri kushandisa maUFO kuunganidza ndokuchengetedza zvinotorwa pamiti inomera nemhuka kana kuti maUFO achashandiswa sengarava kununura mamiriyoni avanhu mukuparadzwa kuri kuswedera kwepasi. Pashure poruparadziko rukuru, vanhu vachadzorerwa kuti vavambe “Nhambo Itsva Nenhevedzo Itsva” yekuziva kwezvomudzimu. Rimwe jaya rinobva muColorado, U.S.A., mumwe mutezo weboka rinozvidana rimene kuti “Alien Youth,” rakaudza Mukai! zvapachokwadi, kuti: “Shamwari dzangu neni takamirira madzitateguru edu ari vaenzi kuti atitakurire mudenga.”

Vashomanene veavo vakataura kuti vanhu vanogara muchadenga vanotaura kuti vanotungamirirwa naMwari, uye vamwe vanotaura kuti vanotaura norusununguko naye nokuda kwezano mukubatsira vanhu. Ko Mwari ari kushanda kupfurikidza nevashanyi vanobva kune dzimwe nyika here kuti aponese rudzi rwomunhu pangwavaira yenyika iri kuuya?

Kurukurirano yaMwari Norudzi Rwomunhu

Pakuvamba munhau yomunhu, Mwari akakurukura navanhu. Chinyorwa cheBhaibheri chinorondedzera kukurukurirana kwaMwari naAdhama naEvha, Noa, Abrahama uye vamwe.b (Genesi 32:8-10; 6:13; 15:1) Zviroto, manzwi, uye zviono zvaishandiswa kukurukura kuda kwaMwari uye kuita Bhaibheri. Zvisinei, pashure pokunge Bhaibheri rapedzwa, pakanga pachine dikanwo yekurukurirano yomudenga yakananga norudzi rwomunhu here? Aiwa, sezvo Bhaibheri richitaura kuti Magwaro Matsvene anoita kuti “munhu waMwari akwane, akagadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” (2 Timotio 3:17) Maererano neBhaibheri nhungamiro nokuda kwenguva dzino dzinotambudza ichabva muShoko raMwari rakanyorwa. Kunyange zvakadaro, pane here chikonzero chipi nechipi chokudavira kuti tichagamuchira kurukurirano kana kuti mirayiridzo chaiyo zvakananga kubva kuna Mwari kupfurikidza navatauriri vavanhu vomuchadenga? Aiwa, nokuti muapostora Pauro akati: “Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.”—VaGaratia 1:8.

Kunyange zvazvo kutaurwa kwezvinonzi zvinhu zvinogara muchadenga kuchiratidzika kuva kunobvumirana nouporofita hweBhaibheri kuti pasi nokukurumidza richava nechinjo huru dzinoparadza, kunopa mutoo wokupukunyuka nawo unotsamira pazvisikwa. Bhaibheri harikurudziri vanhu kutizira kuinonzi chengeteko yechitundu musere musere chechienzi kana kuti imwe nzvimbo ipi neipi. Panzvimbo pezvo, rinotiudza kutsvaka dziviriro muukama hwakatsaurirwa naMwari, tsauriro iyo inoratidzirwa kupfurikidza nerubhapatidzo rwomumvura. (1 Petro 3:21; enzanisa naPisarema 91:7; Mateo 28:19, 20; Johane 17:3.) Uye Jesu akataura kuti “asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.”—Mateo 24:13.

Magwaro aya haasati achisimbisira ukama naMwari nokuda kwokupukunyuka panzvimbo penzvimbo inooneka youtiziro here? Naizvozvo, panzvimbo pokubetsera rudzi rwomunhu kupukunyuka, nhau pamusoro pe“zvisati zviri vanhu” dzinotsausa ngwariro yavanhu paicho Mwari anoda chaizvoizvo nokuda kwegarikano yavo isingaperi.

Ndiani angaedza kutsausa rudzi rwomunhu kubva pamutoo waMwari wokupukunyuka nawo, asi achitaura kuti anomirira Mwari? Ed Conroy, mubhuku rake rinonzi Report on Communion, anotaura kuti “nyanzvi dzezvinhu zvisingazivikanwi zvinobhururuka mudenga [avo vanofunda nezvemaUFO] nerovedzwo yezvendangariro nesayenzi yezvemagariro evanhu” inobatanidza fundo dzokuenzanisira dze“‘vanoshanya mumba yokurarira,’ zvipoko, zvidhoma, madzangaradzimu, zviono zvorudzidziso, uye chave chichizivikanwa semadhemoni.” Nyanzvi dzezvinhu zvisingazivikanwi zvinobhururuka uye avo anotaura kuti vanhu vanogara muchadenga vari muchimiro chemunhu vanotaura kuti kushandisa zvitundu musere musere kuti vafambe zvikurukuru hakusiri madikanwa. Vanoti ava vanhu vanogona kufamba vasingaoneki uye kuva nomuviri unooneka kupi nokupi pasi pano pasina kusvika vari muchitundu musere musere.

Bhaibheri rinonyevera kuti Satani uye madhemoni ake vari kuedza kutsausa rudzi rwomunhu. Vanoshandisa kuora mwoyo kurudzi rwomunhu uye kusava netariro kugovera mhinduro dzinokwezva, asi dziri dzenhema. (2 VaKorinte 11:14) Nokudaro, nyevero yeBhaibheri “Panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa.”—1 Timotio 4:1.

Nenzira yakafanana nhasi, dzipi nedzipi dzinonzi shanyo uye inoratidzika kuva nhungamiro inobetsera inobva kuvanhu vakadaro kunofanira kurambwa, pasinei zvapo nechimiro chavangava nacho. Vangasva zvavo vatevera zano revanonzi vanogara muchadenga panzvimbo peShoko raMwari vachatsauswa—mhosho huru zvikuru munguva dzino dzinotambudza.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwekukurukurwa kwemaUFO noupenyu huri muchadenga, ona chinyorwa chechiNgezi cheMukai! chaApril 8, 1990, uye November 8, 1990.

b Munyori weBhaibheri Ezekieri akapupurira icho vamwe vakadudzira seUFO. (Ezekieri, ganhuro 1) Zvisinei, ichi chakanga chiri chimwe chezviono zvokufananidzira zvakarondedzerwa naEzekieri navamwe vaporofita, kwete chiono chaichoicho chokunyama sezvinotaurwa munguva dzazvino uno.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe