RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 6/8 pp. 24-27
  • Chipupuriro Kukutenda Kwavo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chipupuriro Kukutenda Kwavo
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuratidzira kweFrance
  • Zvakaitika Zvomunhu Oga
  • Kuvambwa Kwacho
  • Davidzo
  • Vachengeti Vokutendeka Vakashinga Vanokunda Kutambudza kweNazi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Zvinofara Munyika Isingafari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Chii Chakaitika kuZvapupu zvaJehovha vaJudha Pavaiurayiwa nevaNazi?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Kutenda Kunoedzwa muNazi Europe
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 6/8 pp. 24-27

Chipupuriro Kukutenda Kwavo

GORE ra1995 rakanga riri rokuchengetwa kwomusi wegore negore kwechi50 kwokusunungurwa kwemisasa yechibharo yeNazi. MuEurope mose, vanyajambwa veNazi vakarangarira ichi chiitiko nokuungana kukuru kwakapindwa navatungamiriri veHurumende pamisasa yeAuschwitz, Bergen-Belsen, Buchenwald, Dachau, Ravensbrück, Sachsenhausen, nemimwe. Mufungo mumwe wairamba wakatanhamara wakanga uri wokuti, “Tisatongokanganwa!”

Nokuda kweichi chikonzero Zvapupu zvaJehovha zvakapa kuratidzira muEurope mukati megore racho romusi wegore negore. Vazhinji veZvapupu zvacho vakanga vadzingwa munyika ndokupfigirwa nehurumende yaHitler nokuda kwokuramba kwavo kurumbidza Hitler uye kutsigira nhamburiko yehondo. Kubvira muna 1933 zvichienda mberi, zviuru zvavo zvakaiswa mutorongo, uye vazhinji vakafa somugumisiro wokubatwa kwavakawana.

Zvakaitika zvazvo, zvisinei, hazvizivikanwi zvikurukuru navoruzhinji. Ikoku kwakaparira kutaura kwokuti “vanyajambwa venhau vakakanganwika.” Boka reZvapupu zvakapukunyuka rakataura chishuvo chokuchengetedza yeuko dzemhuri dzavo neshamwari avo vakatambudzwa, kupinzwa mutorongo, kurwadziswa, kana kuti kupondwa uye kuzivisa chipupuriro chokutenda noushingi zvakasiyiwa naava vanaBibelforscher, zita iro Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa naro mumisasa yechibharo.

Pana September 29, 1994, United States Holocaust Memorial Museum, iri muWashington, D.C., yakaita musangano pamusoro peZvapupu zvaJehovha mumisasa yechibharo. Kurangarira kubatanidzwazve kukuru kuviri kwakaitwa muFrance navapukunyuki vemisasa, pana March 28, 1995, muStrasbourg uye pana March 30, muParis. Kwakanga kuchinyandura zvikuru kunzwa ava varume navakadzi vakwegura zvino, vachakatendeka kuna Mwari makore 50 gare gare, vachirondedzera zvakaitika zvavo. Pana April 27, musangano wakafanana wakaitwa pedyo neBerlin, muBrandenburg, Germany, umo Zvapupu zvizhinji zvakaurawa kupfurikidza nokugurwa musoro. Pazuva rakatevera, vakati vavapukunyuki vacho vakapinda mitambo yakarongwa neHurumende yeBrandenburg uye vakashanyira misasa yakasiyana-siyana.

Kuratidzira kweFrance

Pauku kubatanidzwazve, kuratidzira kwaiva nemusoro unoti “Mémoire de Témoins” (Chipupuriro cheZvapupu) kwakaitwa. Kubvira muna May 1995 kusvika kuna April 1996, kwakashanyira maguta 42 muFrance namaguta akasiyana-siyana muBelgium neSwitzerland inotaura chiFrench. Chinokosha zvikurusa, varume vacho navakadzi vaiva mukuratidzira kwacho Zvapupu zvaJehovha Mwari. Asi zvapupuwo zvokutambura uko izvo nezvimwe zvakatsungirira mumisasa yechibharo. Chibvumikiso chipenyu chepfungwa yokusashivirira iyo yakaparira kutambura norufu rwamamiriyoni avanhu nemhaka yorudzi rwavo kana kuti rudzidziso. Chipupuriro cheZvapupu, zvakare, chinoratidzira nzira iyo vanonzi vaKristu vakada havo nayo mesiya wenhema, Hitler, panzvimbo paJesu Kristu; kuvenga panzvimbo pokuda muvakidzani; uye masimba masimba panzvimbo porugare.

Kuratidzira kwacho kwakanga kuine mabhodhi 70 akanyorwa mifananidzo, achitanga nechati yenguva yezviitiko—kuzarurwa kwemisasa yacho muDachau neOranienburg, muna March 1933; Mitemo yeNuremberg yoku“dzivirira ropa romuGermany,” muna September 1935; Anschluss, kana kuti kubatanidzwa kweAustria neGermany, muna March 1938; Kristallnacht (Usiku Hwakajeka), muna November wegore rimwe chetero, mukati mahwo zviuru zvamashopu avaJudha zvakapambwa uye vanhu vanopfuura 30 000 vakasungwa ndokudzingwa munyika; chirambidzo chapashoma napashoma paZvapupu zvaJehovha; kuvhozhokera kweSoviet Union, muna June 1941; uye kuurawa kwavanorwara mundangariro nenzira isingarwadzi, kubva muna 1939 kusvika kuna 1941.

Mabhodhi anoverengeka akanyorwa mifananidzo akasimbisa kudzidziswa kwavaduku muHitler Youth nokufadzwa kwokuti kuungana kukuru kweNazi muNuremberg kwakaitirwa vanhuwo zvavo. Mifananidzo yakayeuchidza vanhu kuramba kweZvapupu zvaJehovha kuvimbisa kutsigira mutungamiriri wacho ndokuita sarupu yaHitler. Mamwe mabhodhi akanyorwa mifananidzo akaratidza nzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri nayo vanyajambwa vamashoko asina kururama uye nzira iyo, kubvira muna 1935, zvakagovera nayo magazini nematurakiti airatidzira kunyanyisa kweNazi.

Zvakaitika Zvomunhu Oga

Mabhodhi anenge 40 akanyorwa mifananidzo akarondedzera zvakaitika zvavarume navakadziwo zvavo vomuEurope yose avo vakatambudzwa uye kunyange kuurawa nemhaka yokutenda kwavo. Vapukunyuki vakatsigira kuratidzira kwacho kupfurikidza nokuvapo kwavo, uye vashanyi vakavateerera nokupa ngwariro. Vana vakafadzwa sezvo Louis Arzt akataura nyaya yake. Pakuvamba-vamba ari muMulhouse muFrance, akabviswa kuvabereki vake ndokutumirwa kuGermany nokuda kwokuramba kutaura kuti “Rumbidzai Hitler!” pachikoro. “Murwi weSS akandirova nokuda kwokuramba kurumbidza Hitler. Akandirova shamhu 30. Mazuva maviri gare gare akanditora akandibata pfudzi mukundishora ndokuedza kurwadzisa mirangariro yangu. ‘Funga nezvaamai vako. Vaizofara zvikuru kukuona. Zvaunofanira kuita bedzi kutaura kuti “Rumbidzai Hitler!” uye unogona kukwira chitima.’ Kwakanga kwakaoma nokuda kwomwana ane makore 12,” akawedzera kudaro. Vazhinji vakaororwa nezvakaitika zvaJoseph Hisiger uyo akachinjana mugove wake wechingwa wevhiki neBhaibheri romumwe wake womuchitokisi wechiPurotesitendi.

Bvunzurudzo dzakatepwa muvhidhiyo dzine vaichimbova vakadzingwa munyika dzakanga dziri rumwe rutivi rwokuratidza kwacho. Dzimwe bvunzurudzo dzakaitirwa panzvimbo dzemisasa dzimene—somuenzaniso, paEbensee muAustria nepaBuchenwald neSachsenhausen muGermany. Dzimwe bvunzurudzo dzakarekodha mativi akasiyana-siyana oupenyu hwomumusasa kana kuti yeuko dzeZvapupu zvakadzingwa munyika savana.

Kuvambwa Kwacho

Mutambo mupfupi wakazarura kupiwa kumwe nokumwe kwokuratidzira kwacho, mukati mako apo mumiriri wevaichimbova vakadzingwa munyika akatsanangura kudzivisa kwomudzimu kweZvapupu zvaJehovha kuchiNazi. Vakadzingwa munyika vasiri Zvapupu pamwe chete nevezvenhau vanoverengeka nevakuru vakuru, kubatanidza raichimbova gurukota rehurumende reFrance, vakagamuchirawo nenzira yomutsa kokero dzokutaura.

Aichimbova akadzingwa munyika uyo aiziva Zvapupu zvaJehovha muBuchenwald akati pamusoro pazvo: “Handizivi nezverimwe boka ripi neripi ravakadzingwa munyika, kunze kwevaJudha, avo vakabatwa zvakashata kudaro: vakarohwa, vakanyadziswa, vakanyombwa, vakapiwa mabasa akashatisisa. Pasina kutenda kwavo, vangadai vasina kutsungirira. Ndinovaremekedza zvikuru kwazvo nokuvayemura.”

Davidzo

Vanhu vanopfuura 100 000 vakashanyira kuratidzira kwacho. Mune dzimwe nzvimbo mazana avanhu, pakati pavo paiva nevaduku vazhinji, vakaita mutsara kuti vapinde muhoro yacho yokuratidzira. Vashanyi vazhinji vakataura mirangariro yavo namashoko mashomanene mubhuku ravashanyi. Somuenzaniso, mumwe muduku akanyora, kuti: “Zita rangu ndini Sabrina. Ndine makore gumi okukura uye ndingada kuva akashinga saRuth kuti ndifadze Jehovha.”a

Zvinobudisa nhau zvakataurawo pamusoro pokuratidzira kwacho. Zvikurukuru, muguta rimwe nerimwe nyaya imwe kana kuti mbiri dzaibuda mupepanhau romunzvimbomo. Mukuwedzera, nhepfenyuro dzomunzvimbomo dzaiwanzozivisa kuratidzira kwacho ndokutepfenyura purogiramu dzairatidzira bvunzurudzo nevaichimbova vakadzingwa munyika. Terevhizheni yomunzvimbomo yakapa mishumo mipfupi. Mumwe mushumo wenhau wakabudiswa neterevhizheni wakataura nezvokuratidzira kwacho se“nyaya yakapfava asi yakaipa zvikuru iyo inonzvera rutivi rwomukatikati rwezvakashata nenzira isingatauriki. ‘Chipupuriro cheZvapupu’ chinopa ruremekedzo kuchiremera chisingatongogoni kubviswa.”

Nokuda kwavapukunyuki vacho kuchengetwa kwomusi wegore negore kwechi50 kwokusunungurwa kucharamba kwakarovererwa kwenguva refu mundangariro dzavo. Kunyange zvazvo kuyeuka yeuko dzinorwadza kwakanga kusiri nyore nguva dzose, kupfurikidza nokudzigoverana navamwe uye kupfurikidza nokubudisa yeuko dzacho mukukanganwika, Zvapupu zvacho zvakanga zvichikwanisa kusimbisa kutenda kwavamwe. Zvakakurangarira kuva ropafadzo kutora rutivi muuku kuratidzira ndokubvisa imwe yefungira mano akaipa nokusaziva uko kuchiripo pashure pamakore 50. Kunokosha zvikurusa, zvakawana gutsikano mukuziva kuti chipupuriro chazvo chinounza rukudzo kuna Mwari wazvo, Jehovha, uye zvinovimbisa kuti vamwe havasati vachizotongokanganwa izvo zvakatsungirira seZvapupu zvake.

[Mashoko Omuzasi]

a Ruth Danner akadzingwa munyika pazera ramakore mapfumbamwe pamwe chete navabereki vake uye akapfigirwa mumisasa mitanhatu yakasiyana-siyana. Ona 1980 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., peji 105.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Nyaya dziri mu“The Golden Age” dzakashurikidza kunyanyisa kwechiNazi

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mabhodhi 70 akanyorwa mifananidzo akataura nyaya yokutambudza kweNazi varume, vakadzi, uye vana avo vakaramba kurega kutenda kwavo

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Vamwe veZvapupu zvaJehovha vakanga vadzingwa munyika ndokupfigirwa nehurumende yaHitler vakataura nyaya dzavo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe