RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 5/8 pp. 30-31
  • Kutamba NdokwavaKristu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutamba NdokwavaKristu Here?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutamba Ikurukurirano
  • Kutamba—Kwakafanira Nokusina Kufanira
  • Kwakafanira Kana Kuti Kusina Kufanira—Nzira Yokuziva Nayo
  • Ndinofanira Kuona Sei Makirabhu Emadhanzi Epwere?
    Mukai!—2004
  • Ndingava Sei Nenguva Yokufara?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Tsika Dzomunharaunda Nemitemo yechiKristu—Zvinowirirana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Mukai!—1996
g96 5/8 pp. 30-31

Murangariro weBhaibheri

Kutamba NdokwavaKristu Here?

“HANDIGONI kutarira izvi. Ndichafanira kubuda panze,” akazevezera kudaro mumwe murume muduku kumudzimai wake sezvaaisimuka pachigaro chake ndokubuda mukamuri racho kuti afambe mumhepo inotonhorera yousiku. Akanga akangaidzwa.

Iye nomudzimai wake vakanga vakokwa kuzotandara neshamwari. Vagamuchiri vacho vakanga vasarudza mitambo yokuzova nayo yaibatanidza vakadzi vatatu vaitamba. Vamwe vateereri vose vaisaratidzika sevavhiringidzwa. Akanga achinyanyotapurika here? Vatambi vakanga vasiri kungoratidzira zvavo mirangariro yomukati nokufarikanya rusununguko rwokutamba here? Ngatiedzei kunzwisisa kutamba mumurangariro wechiKristu.

Kutamba Ikurukurirano

Imwe yenzira idzo vanhu vanokurukura nadzo iri kupfurikidza nemajangariko kana kuti nokufambisa muviri. Somuenzaniso, apo vainge vari munyika yokumwe, vashanyi vazhinji vakashamiswa nokuziva kuti kufambisa muviri kwavairangarira kuva kusina mhaka kune revo yakasiyana ikoko—zvichida isingadikanwi. Aichimbova mufundisi kuSolomon Islands, Malaysia, uye Papua New Guinea anotsinhira, kuti: “Mune dzimwe nzvimbo zvikarakadzo zvevatano zvinobatanidzwa nokufambisa muviri kwakati. Somuenzaniso, apo mukadzi anenge agere pauriri, kunorangarirwa sokusina kufanira kuti murume amusvetuke. Nenzira yakafanana, hakusi kuchenjera zvakafanana kuti mukadzi afambe pamberi pomurume akagara pauriri. Muzviitiko zvose zviri zviviri zvikarakadzo zvevatano zvinorangarirwa nokukurumidza.” Kunyange tichizviziva kana kuti tisingazvizivi, kufamba kwomuviri wedu kunotaura. Naizvozvo hakufaniri kutishamisa kuti munhau yose kutamba kwave kuchishandiswa sechimwe chimiro chekurukurirano.

Mirangariro yamarudzi ose ingaratidzwa mukutamba—kubva kumufaro nokufara kwokupemberera mutambo kusvikira worudzidziso wakakomba negamuchidzanwa. (2 Samueri 6:14-17; Pisarema 149:1, 3) The New Encyclopædia Britannica inoti: “Mutambi anokurukura nevateereri munzira mbiri dzakajeka, kupfurikidza nokudururwa kwemirangariro kupfurikidza nemuviri pamwe chete nechiso kana kuti zvimwe kupfurikidza nomutauro wakaoma kunzwisisa wezviratidzo nejangariko.” Mune kumwe kutamba kurukurirano yacho ingaratidzika kuva inonzwisisika zviri nyore. Mune zvimwe zvimiro zvokutamba, mutauro wacho unganzwisiswa bedzi nevashomanene vanoziva. Somuenzaniso, mukutamba mutinhimira wakapomhodzwa ruoko ruri pamwoyo runoratidzira rudo, nepowo kunongedza munwe wechina woruoko rworuboshwe kuchiratidzira roorano. MuOpera yechiChina kufamba mudenderedzwa kunoratidzira rwendo, nepo kutenderera chikuva wakabata chihepu chakatambanudzwa kunokarakadza kutasva bhiza; mureza mutema unozvuzvurudzwa pamusoro pechikuva idutu, nepo webhuruu yakacheneruka uchireva mhepo inofefetera. Nokudaro mukufambisa muviri kwekutamba nemajangariko, muviri unokurukura. Asi shoko racho rakafanira nguva dzose here?

Kutamba—Kwakafanira Nokusina Kufanira

Kutamba kunogona kuva chimiro chinofadza chevaraidzo nekurovedza muviri. Kungava ratidziro yakachena yepachokwadi, inoratidza kuita chimwe chinhu kwomuviri nomufarowo zvawo wokurarama kana kuti kuongwa kwekunaka kwaJehovha. (Eksodho 15:20; Vatongi 11:34) Kumwe kutamba kweboka uye kutamba kwerudzi kunogona kuva kunofarikanyika. Jesu, mumuenzaniso wake wemwanakomana anopambadza, akatonongedzera kuboka ravatambi, sezviri pachena chikwata chokutamba chakahayiwa, sorutivi rwemadyo. (Ruka 15:25) Naizvozvo, nenzira yakajeka, Bhaibheri harishurikidzi kutamba pachako. Zvisinei, rinonyevera pamusoro pokunyandurwa kwemifungo yakaipa nezvishuvo. Ndemuna ikoku umo marudzi akati okutamba angava asina mwero, kunyange ane ngozi kuumudzimu hwomunhu. (VaKorose 3:5) Kubvira munguva dzakare kutamba panhambo nenhambo kwave kuchinyandura zvishuvo zvevatano uye kwakashandiswa nokuda kwezvinangwa zvinokuvadza.—Enzanisa naMateo 14:311.

Muvengi wedu, Satani Dhiyabhorosi, anoziva kuti mubatanidzwa wekufambisa muviri kwokutamba nemifungo isina kufanira chombo chine simba chiri mumaoko ake. (Enzanisa naJakobho 1:14, 15.) Iye anosanoziva nezvekukwezva kwokunyama kwemuviri wemunhu ari kutamba uye nzira iyo unogona kunyandura nayo mifungo inokwezva. Muapostora Pauro akanyevera kuti Satani akatsunga pakutinyengedza kuitira kuti “ndangariro dze[du] dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.” (2 VaKorinte 11:3) Fungidzira kuti Dhiyabhorosi aizofara sei kudai isu kupfurikidza nokucherekedza kwedu kana kuti kutora rutivi mukutamba kusina mwero takabvumira ndangariro dzedu kunyura mukufunga kwounzenza. Aizofarazve kudai zvishuvo zvedu zvisingadzorwi zvikasunungurwa tikabatanidzwa mumugumisiro unorwadza wemufambiro usina kufanira. Akashandisa kufambisa muviri nokutamba nevavariro iyoyo munguva yakapfuura.—Enzanisa naEksodho 32:6, 17-19.

Kwakafanira Kana Kuti Kusina Kufanira—Nzira Yokuziva Nayo

Somugumisiro, kunyange kana kutamba kuchiitwa neboka, nevakaroorana, kana kuti nomunhu mumwe ari oga, kana kufambisa muviri kwacho kuchinyandura mifungo isina kuchena mukati mako, ipapo kutamba kwacho kunokuvadza iwe, kunyange zvazvo kungasava kuna vamwe.

Vamwe vakacherekedza kuti mukutamba kuzhinji kwazvino uno, varume nevadzimai havatombobatani. Zvisinei, ko kubata ndiyo nhau yacho chaiyoiyo here? Britannica inogumisa nokutaura kuti “mugumisiro wacho mumwe chetewo—mufaro womuviri mumubato wokutamba nokuziva zvevatano kwemumwe wacho, zvichida kana ambundirwa kana kuti acherekedzwa asinganyatsozivi.” Ko “kuziva vatano kwemumwe wacho” kuchenjera here kunze kwezvisungo zveroorano? Kwete maererano nokutaura kwaJesu kwokuti “mumwe nomumwe unotarira mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateo 5:28.

Kana ukasarudza kutamba kana kuti kurega chisarudzo chako. Kurangarira mibvunzo inotevera kungakubetsera kusarudza nokuchenjera. Chii chiri chinangwa chokutamba uku? Chii chiri mukurumbira wako? Ko kufambisa muviri kwokutamba kwacho kunosimbisei? Mifungoi nemirangariro yakunonyandura mandiri? Zvishuvoi zvakunonyandura mumumwe wangu kana kuti muavo vari kucherekedza? Zvirokwazvo, munhu anofanira kuita chimwe chinhu kuhana yake, sezvakaita murume muduku ari musumo yedu, pasinei zvapo nezvinoita vamwe.

Bhaibheri rinoratidzira kuti Musiki anoda kuti tifarikanye zvipo zvorunako, mutinhimira, uye nyasha. Hongu, zvifarikanye—asi yeuka kuti apo unotamba, muviri wako unotaura. Yeuka nhungamiro dzaPauro dziri pana VaFiripi 4:8: “Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Picture Fund/Courtesy, Museum of Fine Arts, Boston

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe