Kupararira Kweutachiona Hunouraya
Eloise nevatakurwi biyake vakatambidzwa kadhi reHealth Alert Notice pashure pokukwira ndege yaibva kuLondon ichienda kuNew York. Akanga ari May 1995. Rutivi rwokutanga rwekadhi racho rwairava, kuti:
“KUMUFAMBI: Chengeta kadhi iri muchikwama chako kwevhiki 6. Kana ukarwara mukati menguva iyi, ipa kadhi iri kuna chiremba wako ndokumuudza nezverwendo rwako rwenguva pfupi yapfuura kunze kweUnited States.
“Ungagona kuve wakasangana nehosha inopomeranwa usati wasvika muUnited States, uye kuziva nezvaikoku kungava kunobetsera kuna chiremba wako mukunzvera.”
Varindiri vemundege vakatambidzawo mapepanhau airondedzera kuwedzera kwekamwe kamwe kweEbola, hosha yevhairasi yakanga ichiuraya makumi avanhu muZaire.
Eloise akarava nezveEbola—hosha ine utsinye uye inouraya. Varwere vakatapurwa vaitanga kunzwa fivha, maronda pahuro, uye kutemwa nomusoro, kunoteverwa nokukurumidza nokurutsa, marwadzo emudumbu, uye manyoka. Kwaitevera kwaiva kubuda ropa kukuru, kusingadzorwi, mose muri muviri mukati nokunze. Muzvinoitika 9 mu10, rufu rwakauya nokukurumidza.
Mwedzi yakati kutangirezvi, kwakanga kwave kune mishumo yedzimwe hosha dzechienzi uye dzinouraya: denda muIndia, somuenzaniso. Kune imwe nzvimbo vanhu vaive vafa mukati memaawa neicho zvinobudisa nhau zvakati “utachiona hunodya nyama.”
Eloise akatendeudza kadhi racho muruoko rwake. Rumwe rutivi rwacho rwairava kuti:
“Kuna Chiremba: Murwere ari kupa kadhi rino ave ari kunze kwenyika nguva pfupi yapfuura, uye angagona kuve akabata hosha inopomeranwa isingagaroonekwa muUnited States. Kana ukafungira imwe hosha inopomeranwa isiri yenguva dzose muchinoitika chino (cholera, fivha yokubuda ropa, marariya, yellow fever, zvichingodaro), tapota ishume nokukurumidza kuguta rako, ruwa, kana kuti State Health Officer uyewo (kupfurikidza nerunhare—uchibhadharisa) Division of Quarantine, Centers for Disease Control, Atlanta, Georgia . . . ”
Kadhi racho rairatidzira kuitira hanya kuri kukura kwemarudzi akawanda pamusoro pokupararira kweutachiona hunouraya—zvikwevaropa, utachiona, uye mavhairasi—ayo, pashure pokuparira murakatira munzvimbo imwe pasi pano, angapararira nokukurumidza semwoto wesango kuenda kune dzimwe nzvimbo. Kusafanana naEloise nevatakurwi biyake, utachiona hahutakuri mapasipoti uyewo hahuremekedzi miganhu yenyika. Huri mukati memunhu atapurwa, hunofamba husingazivikanwi nyore nyore zvisingadaviriki.
Achipfekera nokungwarira kadhi reHealth Alert Notice muchikwama chake, Eloise akashamisika, ‘Hosha dzinouraya idzi dziri kubva kupi? Nei sayenzi yezvokurapa yazvino uno ichiratidzika kuva isingakwanisi kudzikunda?’ Zvichida wakashamisikawo pamusoro paikoku.