RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 8/8 pp. 20-21
  • Kubhejera NdokwavaKristu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubhejera NdokwavaKristu Here?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Vanhu Vachibhejera?
  • Murangariro waMwari
  • Chii Chakaipa Nokubhejera?
    Mukai!—2002
  • Bhaibheri Rinorambidza Zvokubheja Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Dzivisa Musungo Wokubhejera
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 8/8 pp. 20-21

Murangariro weBhaibheri

Kubhejera NdokwavaKristu Here?

KUBHEJERA MUITIRO UNODHURA. UNOPEDZA KAZHINJI KAZHINJI HAFU YEMARI INOTAMBIRWA YOMUNHU UYE KUNOGONA KUTUNGAMIRIRA KUZVIKWERETI ZVIKURU. UYU MUITIRO UNOGONA KUPARADZA ROORANO NAMABASA UYE UNGATOITA KUTI VAMWE VAVE VANOBATANIDZWA MUUTSOTSI. VANANYAJAMBWA VAKO VANOPINDWA MUROPA UYE VANOGONA KUTAMBURA ZVIRATIDZO ZVOKUDA KUREGA ZVAKAFANANA NEIZVO ZVIRI MUNE VAMWE VAKAPINDWA MUROPA.

KUBHEJERA kunoitwa kunzvimbo iri yose zvikuru zvokuti dzimwe nyika dzinokurangarira kuva “varaidzo yorudzi.” Zvisinei, kubhejera, chii, chaizvoizvo? Kubhejera “kuisa zvinhu pangozi pamuuyo wechinoitika chomunguva yemberi,” rinodudza kudaro The World Book Encyclopedia. “Vabhejeri vanowanzobhejera nemari kana kuti chimwe chinhuwo zvacho choukoshi sebheji pamuuyo wavanodeya kutaura. Apo muuyo wacho unosarudzwa, muwinhi anotora mari yavarasikirwa.”

Kubhejera hakusi chishamiso chitsva. VaMaya vakare veCentral America vaichimbotamba mutambo webhora wakakurumbira wainzi poktatok—unozivikanwa navaAztec setlachtli—“umo vamwe, vachiva varasikirwa nepfuma yavo [kupfurikidza nokubhejera pamutambo wacho], vakaisa upenyu hwavo vamene pangozi,” inodaro magazini inonzi Américas. Ava vakare vakapindwa muropa nokubhejera, padzimwe nguva “vachiisa upenyu hwouranda pangozi pakubhamba kusingavimbiki kwebhora rerabha.”

Nei vazhinji vakapindwa muropa nokubhejera? Mukuwirirana naDuane Burke, purezidhendi wePublic Gaming Research Institute muUnited States, “vanhu vakawanda zvikuru vari kubata kubhejera sechimiro chinogamuchirwa chomubato wokusununguka.” Kunyange mamwe masangano orudzidziso anotendera kubhejera senzira yokuwana nayo mari.

Kunyange zvazvo kubhejera kwakakurumbira uye kune nhau refu, kunogona kungova bedzi varaidzo isina mhaka nokuda kwavaKristu here? Kana kuti kune zvakawanda here kwakuri kupfuura izvozvo?

Nei Vanhu Vachibhejera?

Mukupfupikisa, kuti vawinhe. Nokuda kwavabhejeri, kubhejera kunoratidzika kuva nzira inokurumidza, inofadza yokuita nayo mari pasina nhamburiko nechirango zvinobatanidzwa mukushanda pabasa rokunyika. Nguva yakawanda inopedzwa mukuita fungidziro pamusoro po“kuwinha kukuru” uye icho chitsama chemari iyoyo chinogona kuvaunzira mumbiri nezvinhu.

Asi bviro dzinopesana nomubhejeri dzinokurira. Somuenzaniso, nyanzvi yokuverengwa kwavanhu Ralf Lisch anotaura kuti muGermany “une bviro huru yokurohwa nemheni kane kana munhambo yegore pane ku[winha] mumari dze[rotari yeGermany].” Kana ikoko kusinganzwiki sokunopwisa, anowedzera kuenzanisa kunotevera: “Kana uri murume, mabanza ako okurarama kusvika ku[zera ra]makore 100 nekane 7 000 kupfuura zvikuru [ayo okuwinha rotari yacho].” Nenzira yechienzi, mubhejeri angava achiziva ikoku. Naizvozvo, chii chinomuita apfuurire kubhejera?

Mukuwirirana naDr. Robert Custer, mubhuku rake rinonzi When Luck Runs Out, nokuda kwavamwe avo vanobhejera, “mhindu yemari ndirwo bedzi rutivi rwokuwinha. . . . Nokuda kwavo chinhu chinokosha ruchiva, ruremekedzo, kuyemurwa, kunyanyorumbidzwa izvo kuwinha mari yacho kunogona kurayira.” Anowedzera kuti nokuda kwaava ndiwo “mufaro wokukwanisa kuratidzira mari yamapepa kana kuti kungokwanisa bedzi kuti, ‘Ndawinha mashanu mahombe’ ndokufarikanya mumbiri.”

Kuno rumwe rutivi, kuwinha—nomufaro uyo unova pamwe chete nako—zvichiri zvisina kukwana nokuda kwavabhejeri vazhinji. Kurudziro yokubhejera ingakura kuva yakasimba zvikuru zvokuti vanova vabhejeri vanomanikidzirwa. Munzvero yakaitwa naDr. Custer nemitezo yeGamblers Anonymous, 75 muzana yaavo vakanzverwa yakati vaizvitutumadza pamusoro pokuwinha kunyange apo vakanga vachirasikirwa! Hungu, kubhejera kungagona kuva kupindwa muropa kwakakomba nokunoparadza sokupindwa muropa nezvinwiwa zvinodhakisa kana kuti mumwe murimo upi noupi. Vabhejeri vangani vakadarika mutsara mutete iwowo mukusapa ngwariro vachibva mukubhejera sevaraidzo vachienda kukubhejera sechinobatikanisa mifungo? Vangani vakaita kudaro uye vasingatongokuzivi?

Murangariro waMwari

Bhaibheri harikurukuri kubhejera muudzame. Kunyanguvezvo, rinotigovera nheyo idzo dzinotibetsera kusarudza maonere aMwari kubhejera.

Ruzivo rwokuzviwanira rwakaratidza kuti kubhejera kunoratidzira makaro. Bhaibheri rinoshora zvakasimba makaro, richinyevera kuti ‘hapana munhu ana makaro achava nenhaka ipi neipi muumambo hwaMwari.’ (VaEfeso 5:5) Makaro anooneka kunyange apo vabhejeri vanorasikirwa. Mukuwirirana nechimwe chiremera, mubhejeri “anoedza kuwinhazve icho arasikirwa nacho—achitsvaka ‘kuwinha kukuru.’ Kana awinha zvikuru, anoita kubhejera kukuru zvikuru, uye pakupedzisira anorasikirwa no‘kuwinha kukuru’ kwake.” Hungu, makaro zvamazvirokwazvo rutivi rwokubhejera.

Kubhejera kunoshandiswa navamwe senzira yokutsigira nayo rudado rwavo. Imwe nzvero yakaitwa navabhejeri vanomanikidzirwa yakaratidza kuti 94 muzana yairangarira kubhejera kuva “mubato unovaka kuzvikudza,” uye 92 muzana yakati yainzwa so“munhu anokosha” apo vaibhejera. Bva, Mwari anoti: “Kuzvikudza namanyawi . . . ndinozvivenga.” Nokudaro, vaKristu vanokurudzirwa kusakurira kuva nomwero nokuzvininipisa.—Zvirevo 8:13; 22:4; Mika 6:8.

Kubhejera kungaparirawo usimbe, sezvo kuchiratidzika senzira iri nyore yokuita nayo mari pasina nhamburiko inobatanidzwa mukushanda. Asi Shoko raMwari rinokurudzira zvakajeka vaKristu kuva vanoshanda nesimba, basa rakaoma.—VaEfeso 4:28.

Kupfuurirazve, icho vanodana kuti mhanza chinokosha zvikuru kuvamwe vabhejeri zvokuti vanova vakabatikana mumifungo nacho, vachichiita mwari wavo. Ikoku kwakafanana nenhauro yeBhaibheri pamusoro pavarume avo vakanga vachi“gadzirira Gadhi tafura.” Nemhaka yechiito chavo chokunamata chidhori, vakatsaurirwa ku“munondo.”—Isaya 65:11, 12.

Zvakadiniko kana munhu akagoverwa tiketi rerotari rapachena kana kuti mari yapachena yokushandisa nokuda kwokubhejera? Muchinoitika chipi kana chipi, kugamuchira kupa kwakadaro kwaizovazve kutsigira basa rokubhejera—basa risati richiwirirana nenheyo dzoumwari.

Aiwa, kubhejera hakusati kuri kwavaKristu. Seizvo mumwe munyori wamagazini anotaura, ‘kubhejera hakusati kuri kwakashata bedzi asi chinhuwo chokusachenjera chokuita.’

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]

Valentin/The Cheaters, Giraudon/Art Resource

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe