RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 8/8 pp. 11-14
  • Ushati Hwetsika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ushati Hwetsika
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Wakakwana
  • Kusakurira Tsika dzechiKristu Munyika Isina Tsika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • “Zvibatei Nomutoo Wakafanira Mashoko Akanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Kuratidza Tsika Dzakanaka Sevashumiri vaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Tsika Dzakanaka—Dzinoratidza Vanhu Vakazvipira Kuna Mwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 8/8 pp. 11-14

Ushati Hwetsika

Mamiriyoni achiri kushandisa tsika dzakanaka. Mamwe mamiriyoni anodzifuratira.

PAKUVAMBA kwezana ramakore, mitemo yetsika dzakanaka yakatanga zvakaipa, mukuwirirana neThe New Encyclopædia Britannica: “Mukupera kwezana ramakore rechi 19 nokuvamba kwerechi 20 avo vari muboka rapamusoro rechaunga vakarangarira kuchengetwa kwezvinorayira zvisingakoshi zvikurusa zvemitemo yetsika dzakanaka nomutoo unotevedzana senhandaro uye, nokuda kwavakadzi, basa. Miitiro ine udzame yakawanda yakaitwa kuti iite pfungwa yokusabatanidzwa nokuda kwavari kutanga uye kuchengeta vasina kufanirwa, vasingazivi, vari kure.”

Ikoko kwakasiyana zvikuru neizvo tsika dzakanaka dzinofanira kuva. Amy Vanderbilt chiremera chinoremekedzwa zvikuru panhau yetsika, uye anonyora mune rake rinonzi New Complete Book of Etiquette, kuti: “Mitemo yakaisvonakisisa yomufambiro inofanira kuwanwa 1 VaKorinte muGanhuro 13 raVaKorinte Wokutanga, hurukuro yakaisvonaka pamusoro pomutsa yakapiwa naSt. Paul. Iyi mitemo haina chokuita namapfundo akaisvonaka omupfekero kana kuti neayo etsika dzapamusoro. Ine chokuita nemirangariro nezvimiro zvendangariro, kuva nomutsa, uye kurangarirwa kwavamwe.”

Icho Amy Vanderbilt akanongedzera kwachiri chikamu chamashoko cheBhaibheri chiri pana 1 VaKorinte 13:4-8, chinoti: “Rudo runo mwoyo murefu, runo mwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi, haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura; harufariri zvisakarurama, asi runofarira zvokwadi; runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi.”

Kwaizova kusiri kwenguva dzose zvakadini kuona rudo rwakadai ruchishandiswa nhasi! Kunzvimbo iri yose, tsika dzose dzaizova dzisina chadzingapomerwa! Nzvimbo yokutangira mukudzidzisa nokudzidza tsika dzakadaro mumusha wechiKristu. Mhuri yakaita somuchina wakanaka zvikuru uyo mativi awo ari mubatano yapedyo nerimwe nerimwe. Kuisa mafuta kwounyanzvi bedzi kunogona kuuita kuti urambe uchishanda zvakanaka. Kuziva nzira yokuva anobetsera nayo, ane tsika dzakanaka, anofadza, uye munyoro chinhu chinokosha mukuita kuti musha ufare. Kudzidza nzira yokutaura nayo kutaura kunogamuchirwa kwezuva riri rose kwetsika dzakanaka nerangariro—kwakadai sa“Mazvita,” “Ndapota,” “Ndiregerereiwo,” “Ndine urombo”—kuchaita zvakawanda kubvisa kakavadzano inoparadza musonganirano dzedu. Aya mashoko maduku ane revo huru. Munhu ari wose anogona kuataura zvakakodzera. Hapana chaanotitorera, asi nawo tinowana shamwari. Kana tikashandisa tsika dzakanaka zuva nezuva mumisha yedu, hadzisati dzichizotisiya apo tinobuda kunze kweboka remhuri ndokusangana navoruzhinji.

Tsika dzakanaka dzinobatanidza kuratidza rangariro nokuda kwemirangariro yavamwe, kuvapa ruremekedzo, kuvabata sezvataizoda kuti vatibate. Vazhinji vakacherekedza, zvisinei, kuti tsika dzimene dzashata. Mumwe munyori akati: “Tiri kushayiwa tsika dzakanaka nemhaka yokuti kuzvimirira kwakava norukundo rukuru.” Muzivi Arthur Schopenhauer akanyora, kuti: “Udyire chinhu chakashata zvikuru zvokuti takachinja unyoro kuti tihuvanze.” Nhasi vazhinji vanodavira kuti “unyoro” hunoreva “utera” uye kuti kuisa vamwe pakutanga utera. Rakanga risati riri here gumi ramakore raIni rama 70 iro rakatipinza mumuraramire waini pakutanga uripo zvino? Rimwe pepanhau reguta guru rakati: “Chinetso chacho chasvika papfundo apo kuzvibata zvakafanira kunozivikanwa navose kusingagonizve kurondedzerwa sokunozivikanwa navose.”

Daily Mail yeLondon inoshuma kuti vana vaduku savane makore mashanu ezera vari kuwedzera kuva vane ukono, vasingaremekedzi midziyo yavamwe vana, vanoshaya ruremekedzo nokuda kwavakuru, uye vanoshandisa mutauro wakashata. Vadzidzisi vakawanda vakanzverwa vanonzwa kuti vabereki vari kuipisa vana vavo uye kuti ichi ndicho chisakiso chikuru chokuwedzera mumufambiro wokusafambidzana. Pavadzidzisi vakabvunzurudzwa mune imwe nzvero, 86 muzana yavo inopomera “kushayikwa kwemipimo nekariro zvakajeka pamba.” Makumi masere nembiri muzana vanonongedzera kukushayikwa kwomuenzaniso woubereki sechisakiso. Misha yakaputsika, chatanuro, kubika mapoto, kuona terevhizheni kwakanyanyisa, kusavapo kwechirango, kusavapo kwemitemo inomanikidzirwa—zvose zvinoguma noruparadziko rwemhuri.

Mumwe mukuru mukuru wechikoro chepuraimari akati: “Ndinonetseka nokushayikwa kworuremekedzo pakati pavana nhasi. Havaratidziki kuva vanoitira hanya kana vakanyadzisa vaenzani kana kuti kutsamwisa vakuru. . . . Vanoratidza kusaremekedza kwavo munzira zhinji—majangariko anotsamwisa, mitauro yakashata, kuramba kuteerera mirao yakapfava . . . , kudisa kutamba bhora voga . . . [Kuno rumwe rutivi,] vana vanobva mune mimwe misha vanoda kuremekedza vamwe. Havafaniri kuva mudzidzi akagamuchira nyasha dzomudzidzisi . . . , asi vanozvibata noruremekedzo kuna vamwe. Vanomirira jana ravo apo vamwe vanopindira . . . Kwakajeka kuti kwakarovererwa [muvana vacho] kana kuti zvimwe kwete.”

Mumwe mukuru mukuru wechikoro chepuraimari, ane ruzivo rwokuzviwanira rwamakore mazhinji, anopfuurira, kuti: “Tiri kuona ushati huri pachena chaizvoizvo. Munhandare dzokutambira vana havaratidziki kuva vanotamba seizvo vaichimboita; vanofamba-famba mumapoka. Vanokurumidza kuona vane utera, vana vanorangarirwa kuva vokumwe, vana vasingapfeki matenisi anogamuchirwa kana kuti majini. Vanovatsvaka, vanovashora; pane kukasharara kwokurura kwakuri. Taedza kukugumisa, asi tave tisingabudiriri zvikuru.”

“Vanhu vazhinji vari kutyaira nomutoo wokuvirima zvisingadaviriki,” anodaro Purofesa Jonathan Freedman weColumbia University. “Inodokuva nhandare yehondo pamigwagwa.” Monthly Letter yeRoyal Bank of Canada inotaura nezve“kuurawa kwavanhu kunopfuurira pamigwagwa” uye inogumisa kuti “chisakiso chikuru chechinetso chacho kuzvibata kusiri kwetsika dzakanaka. Tsika dzakanaka, rangariro, mwoyo murefu, kushivirira noruremekedzo nokuda kwamaruramiro avanhu ayo anoumba pepuko zviri kushayikwa nomutoo unonyadzisa.”

The New York Times inozivisa migwagwa yeGuta reNew York neiyi nzira: “Vatyairi vemotokari vayo vanorwisana namaAmburenzi.” Vatyairi vemotokari vakawanda muguta iroro vari kuramba kutera kumotokari dzekurumidziro, dzakadai samaamburenzi namaturaki emwoto—kuchiwedzera ngozi yokuti mumwe munhu uyo ari kurwara zvakakomba kana kuti akuvadzwa achafa nemhaka yokuti haagoni kusvikwa kana kuti kuendeswa kuchipatara nokukurumidza zvakakwana. Captain Ellen Scibelli weEmergency Medical Services akataura nezvomurume akanga achityaira paPelham Parkway muBronx uyo akaramba kudziurira nzira amburenzi yakanga ichienda kwayakanga yashevedzerwa murwere ane chirwere chemwoyo. “Akaedza kuva murume akaoma ndokusafamba, asi apo akasvika pamba pake, akaziva kuti hwakanga huri upenzi sei chaizvoizvo. Amai vake vakanga vaine chirwere chomwoyo uye amburenzi yacho yakanga ichiedza kuvasvika.”

The New York Times International yakataura nezvesangano rechiNgezi rinonzi Polite Society iro rakaumbwa nemhaka yokuti “vanhu vava noumhuka chaizvoizvo kuno mumwe nomumwe, uye chimwe chinhu chinofanira kuitwa.” Muchimwe chikamu muThe Evening Standard, munyori wenhau wokutepfenyura akasundwa kunyunyuta, kuti: “Rudzi rwaichimbova runokudzwa nokuda kwokuva rune tsika dzakanaka ruri kuva nyika yavanhu vasina tsika.” Kambani yeinishuwarenzi yeScotland “yakagumisa kuti 47 muzana yetsaona dzose dzomumugwagwa inogona kurondwa kudzokera shure kusvika kuchiito chokusava netsika dzakanaka.”

Terevhizheni yakatsigira zvikuru kukukukurwa kwetsika, zvikurukuru muchinoitika chavana navachiri kuyaruka. Mupfekero wavanhu, mataurire avanhu, nzira iyo vanhu vanogonana nayo noukama hwavanhu, nzira iyo vanhu vanodzokorora vadzokororazve kupedza nayo zvinetso namasimba masimba—terevhizheni ndiyo mudzidzisi. Kana isu navana vedu tikaona nguva dzose mapurogiramu okunyepedzera uye asina mufungo, pakupedzisira tsika dzedu dzicharatidzira zvimiro zvendangariro zvakasimba, zvokusaremekedza, uye zvokutsoropodza zvavatambi vatinoona. Vabereki vanoratidzirwa kazhinji kazhinji savanhu vasingafungi uye vana savanhu vakangwara.

Nyika inowana gutsikano mukutaura nenzwi guru rokuganza, rinorayira—ichidzongonyedza, ichidada nokuva inoshusha, ine ruzha, inozvitutumadza, inotsamwisa, inodenha. Kwaichimbova kuti mufambiro wokuvirima waisatenderwa nenzanga yose zvakafara, uye mupari wemhaka aidzingwa. Muchaunga chanhasi chiito chokuvirima chinogona kuitwa pasina kuzvidzwa kumupari wemhaka. Uye kana munhu upi noupi akaramba, angatukwa kana kuti kurohwa! Dzimwe pwere dzinofamba dziri mumapoka anoita ruzha dzinozadza mhepo nomutauro wakashata, majangariko akashata, dzichitsamwisa vacherekedzi nomufambiro wadzo wakashata, zvose zvinoitwa namaune kuti dzikwevere ngwariro kukupanduka kwadzo kwechisimbwa uye kuti dzikatyamadze vakuru kupfurikidza nokuratidza kwadzo kwakajeka kuvirima. Zvisinei, sokutaurwa kwazvaitwa, “kuvirima kutevedzera simba kwomurume ane utera.”

Mitemo iyo munhu akaunganidza kuti adzore mufambiro worudzi rwomunhu yaizozadza raibhurari, bva haina kuguma nenhungamiro inoda rudzi rwomunhu. Tinoda mimwezve here? Kana kuti zvimwe mishomanene here? Kwakataurwa kuti kana chaunga chiri nani, chinoda mitemo mishomanene. Zvakadiniko nomutemo mumwe chete bedzi? Uyu, somuenzaniso: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murayiro navaporofita.”—Mateo 7:12.

Kuteerera mutemo iwoyo kungabvisa zvinetso zvakawanda zvazvino uno, asi zvakare, kukwanisa zvinodikanwa zvechaunga, mumwe mutemo unokosha zvikuru unofanira kuwedzerwa: “Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.”—Marko 12:30.

Chaunga chanhasi chinoramba zvose zviri zviviri zveizvi zvinodikanwa zveBhaibheri sezvisiri madikanwa, pamwe chete nedzimwe nhungamiro dzipi nedzipi dzinowanika muBhaibheri. Bhaibheri rinotaura nezvavanhu vakadaro pana Jeremia 8:9: “Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, . . . vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?” Havaoniwo dikanwo yebvumirano yavoruzhinji pamipimo yechokwadi iyo yave ichizivikanwa mugamuchidzanwa seiri madikanwa nokuda kwenhungamiro yedu. Tsika dzavo itsva inzira yakafara iyo inobvumira mararamire anotsiva api naapi ayo vanhu vamwe navamwe vangasarudza—nzira yakafara iyo Jesu akazivisa somugwagwa unotungamirira muruparadziko—uye vazhinji ndivo vanopinda mairi.—Mateo 7:13, 14.

Muenzaniso Wakakwana

Jesu Kristu, uyo “uri pachifuva chaBaba,” muenzaniso wakatanhamara wakafanirwa nokutevedzera. (Johane 1:18) Mukubata navanhu, akanga ari munyoro naanonzwira tsitsi kuno rumwe rutivi, ane simba naakatsiga kuno rumwe; bva akanga asingatongovirimi kana kuti asina mutsa kumunhu upi noupi. Richitsinhira pa“chipo chake chechienzi chokuva akasununguka navanhu vamarudzi ose,” bhuku rinonzi The Man From Nazareth rinoti nezvaJesu: “Nenzira yakafanana pamhene napakavanzika akasonganirana navarume navakadzi mukusasarura. Akanga akasununguka navana vaduku mukuva kwavo vasina mhaka uye nomutoo wechienzi zvikuru akanga akasunungukawo namakororo anonetswa nehana akadai saZakeyo. Vakadzi vanochengeta musha vanoremekedzwa, vakadai saMaria naMarta, vaigona kutaura naye nokuva vakajeka kwomusikirwo, asi zvifeve zvaimutsvakawo sokunge zvakavimbiswa kuti aizozvinzwisisa ndokuzviita shamwari . . . Kusaziva kwake miganhu kwechienzi uko kwaidzivisa vanhuwo zvavo ndiro rimwe ramavara ake anozivisa makuru.”

Jehovha Mwari ane tsika nguva dzose pakubata naavo vari pasi pake, kazhinji kazhinji achiwedzera “ndapota” kuzvikumbiro zvake. Pakupa shamwari yake Abrahama chikomborero, akati: “[Ndapota, NW] simudza hako meso ako ipapo paugere.” Zvakare, akati: “[Ndapota, NW] tarira kudenga, uverenge nyeredzi.” (Genesi 13:14; 15:5) Pakupa Mosesi chiratidzo chesimba Rake, Mwari akati: “[Ndapota, NW] isa ruoko rwako muchifuva chako.” (Eksodho 4:6) Makore mazhinji gare gare, Jehovha, kupfurikidza nomuporofita wake Mika, akati kunyange kuvanhu vake vakatsauka: “[Ndapota, NW] chinzwai henyu, imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsraeri: . . . [Ndapota, NW] chinzwai henyu chinhu ichi, imi vakuru.” (Mika 3:1, 9) Muna ikoku, takava here “vateveri vaMwari” mukuti ndapota pakubata navamwe?—VaEfeso 5:1.

Naizvozvo, inhungamiroi kana kuti irayiroi dzetsika idzo vakachenjera venyika vanogovera sezvinotsiva nokuda kwedzeBhaibheri dzavanoramba sedzisingagamuchiriki? Nyaya inotevera inorangarira ikoku.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Kuzvibata zvakafanirakunozivikanwa navosehakuchagonizve kunzikunozivikanwanavose

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Amburenzi yakangaichiedza kusvikaamai vake

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

“Kuvirimakutevedzera simba kwomurumeane utera”

[Bhokisi riri papeji 11]

Kuruboshwe: Life; Kurudyi: Grandville

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe