“Ndinofarira Kudzidza Zvakawanda”
MUMWE murume wokuColorado, U.S.A., akanyora zviri pamusoro apa December apfuura mutsamba yokuvabudisi vemagazini iyi. Akatsanangura kuti:
“Kunyange zvazvo maisazondirangarira kuva munhu worudzidziso kupfurikidza nemipimo yavanhu vazhinjisa, nguva dzose ndave ndichidavira kuti kunofanira kuva nezvakawanda kuupenyu kupfuura zvatinoona nokunzwa mukuvapo kwedu kwezuva nezuva. Nguva dzose ndave ndine musengwa womudzimu, kunyange zvazvo kusati kuri kurudzidziso rwakati.
“Zvisinei, pamisi ichangobva kupfuura iyi ndakazviwana ndimene ndiri mumigariro inotambudza chose chose uye ndichizviwana ndimene ndichishaiwa simba romukati rokugonana nako. Zvinetso pamusha nokubasa zvakawedzera mwero wangu wefunganyo kusvikira kupfundo randisakambowana kare. . . .
“Nenzira inoshamisa zvikuru, apo ndakanga ndava pakukangaidzika kwangu kukuru, ndakangoerekanawo ndawana rimwe ramabhuku enyu munzvimbo yamashopo. Mirangariro yenyu pamusoro paBaba Vatsvene inozorodza, uye ndinofarira kudzidza zvakawanda, asi handina chokwadi nekwokutendeukira.
“Ndingaonga zvikuru nhungamiro ipi neipi yamunogona kundipa kuti ndidzidze zvakawanda pamusoro peZvapupu zvaJehovha nezvitendero zvenyu. Sezvandadudza, ndakakuwana kuri kwechienzi kungoerekanawo ndawana rimwe ramabhuku enyu pakukangaidzika kwangu kukuru—chingava chiratidzo chenhungamiro youmwari.”
Uyu murume akatumirwa kopi yebhuku rinogovera zvitendero zvakavakirwa paBhaibheri zveZvapupu zvaJehovha, ine musoro unoti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Kana mungada kugamuchira kopi yeichi chinyorwa chine butiro rakaoma chamapeji 256 kana kuti muchishuva kuva nefundo yapamusha yeBhaibheri, tapota nyorerai Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.