Pfuma Inogona Kutenga Mufarwa Here?
SEZVINOONEKA kuva nemari yakawanda hakuzati kuchiita kuti vanhu vafare zvikuru. Magazini inonzi Psychology Today inoti: “Kana wangopfuura mwero wourombo bedzi, wedzero nomutoo unoshamisa ine ukama huduku nomufarwa womunhu.”
Ikoku kwakasimbiswa nechiziviso chorufu cheNew York Times October 29, 1993, chaiva nomusoro, unoti: “Doris Duke, 80, Mudyi Wenhaka Wechikadzi Ane Pfuma Huru Yaisagona Kutenga Mufarwa, Afa.” Nyaya yacho yakati: “Humwe usiku muRome muna 1945, Muzvare Duke, uyo panguva iyoyo akanga ava namakore 33 okukura, akaudza shamwari kuti pfuma yake yakawanda zvikuru munzira yakati yakanga iri mhinganidzo kumufarwa.”
“Mari yose iyeyo chinetso padzimwe nguva,” Duke akaudza imwe shamwari kudaro. “Pashure pokunge ndavhakacha nomumwe murume nguva shomanene, iye anotanga kundiudza kuti anondida zvikurusa sei. Asi ndinogona sei kuziva kana iye achirevesa chaizvoizvo? Ndingambogona sei kuva nechokwadi?” Times yakati: “Mashoko ake usiku ihwohwo akaratidza kuti upenyu hwake hwakanga hwatapurwa zvikuru, kunyange kutyisidzirwa, nepfuma yake.”
Nomutoo wakafanana, Jean Paul Getty, ainzi murume akapfuma zvikurusa munyika, akati: “Mari haizati hayo ine batano ipi neipi nomufarwa. Zvimwe nokusafara.” Uye Jane Fonda, mumwe mutambikadzi akakurumbira zvikuru weHollywood, uyo mukati mama 1970 akagamuchira hafu yemiriyoni yamadhora pafirimu imwe, akati: “Ndakaravira pfuma nezvinhu zvose zvokunyama. Hazvirevi chinhu. Pane murapi wendangariro anoenda nedziva rokushambira riri rose kuno, tisingadudzi chatanuro navana vanovenga vabereki.”
Nepo pfuma yoga isati ichizotongounza mufarwa, urombo hwokushaiwa chinhu hahuunziwo. Nokudaro, murume akachenjera, akati: “Regai kundipa urombo kana kuti pfuma.” (Zvirevo 30:8, 9) Mumwe munyori weBhaibheri akataura kuti icho munhu anoda kuti afare ndiko “kunamata Mwari pamwe chete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinofumisa kwazvo; nokuti hatina-kuuya nechinhu panyika, hatigonivo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.”—1 Timotio 6:6-10.