“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa Yaswedera Pedyo
Mazuva matatu anotusa omurairidzo weBhaibheri akakumirira pa“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha. Mumaodzanyemba eAfrica bedzi, kokorodzano dzinopfuura 20 dzakarongerwa mukupera kwegore. Naizvozvo uchakwanisa kupinda imwe chete iri pedyo zvikurusa nokwaunogara.
MuZimbabwe kokorodzano ichavamba norwiyo pa 9:20 a.m. paChishanu, uye purogiramu ichaguma pazuva irero panenge panguva yechina. PaChitanhatu neSvondo, marusando achavamba pa 8:30 a.m., uye achaguma panenge panguva yechina masikati paChitanhatu masikati uye 3:15 p.m. paSvondo.
Hurukuro chaiyo paChishanu mangwanani haisati ichizongoratidza bedzi chiri rutyo rwoumwari asi ichazivisa betsero kuna avo vanosakurira rutyo rwakadaro. Purogiramu yose yekokorodzano ichasimbisa idzi betsero.
Mukati mehurukuro dzokusiirana dzourefu hweawa nemienzanisiro Chishanu masikati, uchanzwa kuti rutyo rwoumwari runogona sei kusimbaradza roorano noupenyu hwemhuri, uyewo kuti runogona sei kubetsera vechiduku kuramba vakatsiga muruvimbiko rwavo kuna Mwari. Marusando eChishanu achaguma nehurukuro inofadza inoti “Nyaradzo Nokuda Kwavakafirwa.” Uchaonga betsero inoshanda inogoverwa mukati mehurukuro iyeyo kutsigira avo vakarasikirwa navadiwa murufu.
Purogiramu yeChitanhatu icharatidza kuti rutyo rwoumwari runogona sei kusimbisa kunamatira kwedu kunhungamiro yaJehovha pamusoro peungano noushumiri hwedu. Hurukuro inoti “Vanhu Vasina Kusiiwa naJehovha” icharondedzera kuti chipikirwa chaMwari chokusasiya vanhu vake chinofanira kuvatapura sei munyika yanhasi. Gare gare masikati iwayo, muhurukuro inoti “Rava Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, Zuva Nezuva,” nhume dzichagamuchira zvikarakadzo zvinoshanda zvokurava nokufunda Bhaibheri. Purogiramu yeChitanhatu ichaguma nehurukuro pamusoro unonyandura fariro unoti “Zuva Rinotyisa raJehovha Rava Pedyo.”
Rumwe rutivi rwepurogiramu yeSvondo ihurukuro inoti “Kuchava Norumuko Rwavakarurama.” Muhurukuro inotevera inoti, “Kuponeswa Vari Vapenyu Nomudambudziko Guru,” tsananguro ichapiwa yechipikirwa chinoshamisa chaJesu pamusoro paavo vasati vachizotongofa.—Johane 11:26.
Rusando rwamangwanani rweSvondo ruchaguma nechinoitika chamaminiti 40 chinonyandura mufungo chinoti Zvisarudzo Zvawakatarisana Nazvo. Vateereri vachadzoserwa shure kuzuva raJoshua uye vachaona chisarudzo chake chakasimba chokubatira Jehovha chichiratidzirwa. Vachapupurirawo, muedzo womwoto mumazuva aEria, uye zvifundo zvichatorwa muzvose zviri zviviri zveizvi zvinoitika izvo zvichabetsera nhume kuratidzira rutyo rwoumwari.
Pfundo guru rekokorodzano Svondo masikati richava hurukuro yavose inoti, “Chikonzero Nei Tichitya Mwari Wechokwadi Zvino.” Zvirokwazvo uchabetserekana kupfurikidza nokuvapo mazuva ose matatu! Unokokwa nomwoyo wose kuti upinde. Kuti ugowana nzvimbo iri pedyo zvikurusa nomusha wako, svika paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunzvimbomo, kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
T. Rosenthal/SUPERSTOCK