Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Neiko Ndiri Mukobvu Kwazvo?
“Ndinonzwa ndiri mukobvu chaizvoizvo, kunyange zvazvo apo ndinotarira pamachati ouremu, handisi mukobvu mukuwirirana naiwaya.”—Patti.
“Kuva mukobvu . . . kunoderedza kuzviremekedza kwako umene kusvika kumwero wakaderera zvikuru. Ndave ndiri mukobvu chibviro chegiredhi rechina. . . Ndipo apo kunemerwa mazita kwakatanga.”—Judd.
UREMU. Hunodokuva chinoitika chinokangaidza pakati pavanhu vaduku, zvikurukuru vasikana. Apo rimwe boka ravasikana vezera rechikoro rakanzverwa, 58 muzana vavo vakazvirangarira vamene kuva vakobvu.
Mukuwirirana neimwe nzvero yeUnited States, 34 muzana yavasikana vari kuyaruka vakobvu vakanwa mapiritsi okuderedza chishuvo chokudya kuti vave vatete. Anodokuva mumwe muvana akatendeukira kukurutsa! Richishuma pamusoro peimwe nzvero, The New Teenage Body Book rinoti: “Nenzira inokatyamadza, inodokuva hafu yavane makore mapfumbamwe okukura uye inenge 80 muzana yavane makore gumi okukura uye vane gumi nerimwe vakanga vachideredza zvokudya. Vane 70 muzana vavasikana vezera ramakore gumi namaviri kusvika kugumi namatanhatu vakanga vachiedza kuva vatete—uye 90 muzana yavane makore gumi namanomwe okukura vakanga vari kuderedza zvokudya.”
Muitiro Woutete
Kwamazana amakore, muviri wakati kobvumarei wairangarirwa kuva unokwezva muvose vari vaviri varume navakadzi. Asi mukati mama 1920, nzvimbo yebasa rokugadzira zvipfeko yeUnited States mumwero wakati yakaita chinjo. Muviri mutete kamwe kamwe wakava wakakodzera. Makumi amakore gare gare, kuva mutete kwakakodzera. TV namagazini zvakabetsera kusimudzira uyu murangariro nokuzivisa kwazvo kwoungwaru kwenguva dzose uko kunotanhamarisa vaedzi vatete vechirume nevechikadzi. Hakusiri kweitiro hanya kuvazivisi kuti vazhinji vaava vaedzi vatete vanozviita vamene kuti varambe vari vatete vari mumugariro unodokuva wokurumwa nenzara. Mamirioni epwere (navakura) akarovedzwa nenzira yemanomano kudavira kuti kukwezva kunowirirana nokutetepa. Hakushamisi, ipapoka, kuti pwere dzisina kutetepa kwazvo kazhinji kazhinji dzinozvifunga dzimene sedzakafuta uye dzisingakwezvi.
Dzvinyiriro inobva kuvaenzani haibetseriwo. Vayaruki vakobvu kazhinji kazhinji vanogona kuitirwa musere kusingagumi, kusekwa, uye kufungira mano akaipa, kuchiparira icho mumwe munyori akarondedzera sa“marwadzo akati endangariro”—marwadzo anogona kupfuurira kusvika muukuru.
Ndiani Anoti Uri Mukobvu?
Sezvineiwo, mubvunzo wokuti uri mukobvu zvapachokwadi here kana kuti kwete unobatanidza zvinopfuura kuratidzika kwaunoita kana wakapfeka zvipfeko zvokushambira nazvo—zvimwe pamurangariro wezvokurapa. Vanachiremba kazhinji kazhinji vanorondedzera munhu saakanyanyofuta kana achirema kane 20 muzana kupfuura uremu hwake hwakafanira. Machati ourefu nouremu zvinogamuchirwa akavakirwa pamaavhareji, kunyange zvazvo, uye anogona kupa mufungo usina chokwadi weicho munhu ane utano anofanira kurema. Vamwe vanachiremba naizvozvo vanofarira kuyera kunyanyofuta kwete bedzi pamusoro pouremu asiwo pamusoro pamafuta omuviri akawandisa. Mukuwirirana neA Parent’s Guide to Eating Disorders and Obesity, “mafuta anofanira kuumba 20 kusvika ku 27 muzana yenyama yemuviri muvakadzi uye 15 kusvika ku 22 muzana yenyama yomuviri muvarume.”
Vamwe vanzveri vanodavira kuti pwere shomanene zvikuru dzakafuta chaizvoizvo. Kubva mumurangariro woutano, pangasatongova nechikonzero chokuti uve mutete. Munzvero yadudzwa pakuvamba, inopfuura hafu yavasikana vakanzverwa yaizvirangarira imene kuva yakafuta, asi 15 muzana bedzi yakanga iri zvirokwazvo.
Nei Ndichitarisika Kudayi?
Ikoku kungava kwenyaradzo shoma apo unozvitarira umene muchiringiriro; ungasava newaunorangarira kuva muviri unokwezva. Mumwe musikana ari kuyaruka akachema, kuti: “Ndinoda kuva mutete, kuva akati rebei, uye kuva nomuviri wakaumbika zvakanaka.
Yeuka, kunyanguvezvo, kuti nemhaka yokuti uri muyaruki, muviri wako uri kuchinja nokukurumidza. “Vose vari vaviri vakomana navasikana kazhinji kazhinji vanofuta pakuyaruka,” anotsanangura, kudaro Dr. Iris Litt. “Asi nepo vakomana vachiwedzera zvikurukuru mutsandanyama, vasikana vanoita mafuta. Pakuyaruka, musikana anoita anenge masere muzana amafuta omuviri—avhareji inogoveranwa navakomana navasikana muupwere—kusvikira kuinenge 22 muzana yamafuta omuviri. Panguva imwe cheteyo, kuchinja kwamapfupa kunosimbisa kufuta muvasikana. Vakomana vanofara mapfudzi, nepo vasikana vanopamhamha hudyu.” Idzi chinjo dzinoda nguva. Asi musikana mukobvu wamakore gumi nerimwe okukura kana kuti 12 anogona kubuda mukuyaruka somuyaruki akaumbwa zvakanaka. Ipapo zvakare, angasadaro.
Kana ikoku kwakabvumikisa kuva chokwadi muchinoitika chako, kungava murutivi nemhaka yerongedzero yamavara awakagara nhaka kuna vabereki vako. Vamwe vanachiremba vanodavira kuti, pamwe chete neruvara rwako rweganda, chimiro chebvudzi, uye urefu, chimiro chako chomuviri chikuru “zvakanyorwa,” sokunyora kwakaita wezvamapisarema, mugadziriro yamavara anogarwa nhaka pakunamba. (Pisarema 139:16) Dr. Lawrence Lamb, achidudza pfundo rimwe chetero iro Wezvamapisarema akafuridzirwa kunyora, anoti mubhuku rake The Weighting Game: “Wakaberekwa namanyoro oupenyu anotema zvaunofanira kurema, uye kuti mafuta akawanda zvakadini aunofanira kuva nawo, panhanho dzakasiyana-siyana dzoupenyu hwako.”
Nzvero dzakapupurira tapuro yamavara anogarwa nhaka pachimiro chomuviri. Vana vokurerwa vanoda kuva namarudzi emiviri yakafanana neyavabereki vavo chaivo, pasinei hapo nechimiro icho vabereki vavo vokurera vangava nacho. Uye sezvo mapatya ane gadziriro yamavara anogarwa nhaka akatodzana, hakufaniri kushamisa kuti mapatya anoda kurema zvakafanana.
Ikoku kunorevei kwauri? Ngatitii, somuenzaniso, vabereki vako vari vose vakanyanyofuta. Ipapo une bviro ye 80 muzana yokuva akanyanyofuta iwe umene. Bviro ye 80 muzana inoderedzwa kubviro ye 40 muzana kana mubereki mumwe akanyanyofuta. Kurovedza muviri uye zvokudya zvinogona kubetsera pamwero wakati. Asi zvikurukuru, tinenge tinoitira hanya zvimiro zvedu zvikuru zvomuviri. Kana uri ectomorph, uri mutete uye wakawurungana nenzira yomuzvarirwo. Asi kana mavara anogarwa nhaka ako akakuratidzira kuva endomorph—mumwe munhu ane muviri wakatenderera uye mafuta omuviri akawanda—hauna kuitirwa bedzi kuti uve mutete. Kunyange pakurema kwako kwakakodzera mune zvokurapa, ucharatidzika kuva anorema zvikuru kupfuura zvaungada.
Kusakurira Gutsikano noMuviri Wako
Kunoodza mwoyo here? Zvichida. Asi mashoko akanaka ndeokuti Jehovha Mwari akasika varoorani vokutanga vohunhu, Adhama naEvha, vakakwana muchimiro chomuviri. Kunyange zvazvo vakava vasina kukwana ndokupfuudza kusakwana kuvana vavo, Mwari achava nechokwadi chokuti hurema hwokunyama hupi nohupi hwakagarwa nhaka hucharuramiswa mutsika itsva yake yakarurama.—Jobho 14:4; VaRoma 5:12; 2 Petro 3:13.
Yeuka, mipimo yorunako ingava muuyo weganhuriro dzenzanga uye fariro yomunhu oga. Nokudaro, chinorangarirwa kuva chakaisvonaka chinosiyana-siyana munyika yose uye chingachinja nokufamba kwenguva. Nokudaro “huregererei nyika yakakupoteredza ichikudzvinyirira muforoma yayo imene”? (VaRoma 12:2, Phillips) Kutererei kumipimo nemirangariro yazvo zvinovanzova zvakashatiswa?
Hapana chaizvoizvo dikanwo yokuzvizvidza umene kana kuti kuora mwoyo nemhaka bedzi yokuti hausiri mutete. Mwari haatitongi nokureba kana kuti chimiro chedu chokunyama. “Munhuwo zvake unotarira zviri kunze,” Bhaibheri rinodaro, “asi kana ari Jehovha unoona zviri mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Hungu, ndiye “munhu wakavanzika womwoyo” anorangarirwa naMwari—kwete ukuru hwehudyu dzako kana kuti chiuno chako. (1 Petro 3:4) Uye kana uchifara, uri munyoro, une rupo, uye uchiitira hanya vamwe, vanhu kazhinji kazhinji vanokweverwa kwauri.
Ikoku hakurevi kuti hapana chinhu chaunogona kuita kuvandudza zvitarisiko zvako. Asi kana usingafari chose chose nechimiro chako, haufaniri kurwadzisa muviri vako nokudya kusina kutsarukana. Zvichida unongodawo zvako kungwarira zvikuru pamusoro pezvitaira nemavara zvaunopfeka, kusarudza zvipfeko nemavara zvinoderedza zvaunorangarira kuva urema uye zvinosimbisa zvinhu zvako.
Zvisinei, unganzwa kuti kunokubetsera kungova mutete zviduku bedzi. Kana kuti ungave une chinetso chechokwadi nokunyanyofuta uye unofanira kuva mutete kwete kuti ungotarisikewo zvako zviri nani asi nokuda kwezvikonzero zvoutano. Kuti ungagona kukuita sei nenzira yakachengeteka kuchava musoro wenyaya yedu inotevera.
[Bhokisi riri papeji 26]
“Ndakanyanyotetepa”
Hadzisi pwere dzose dzinobvuma kuti kuva mutete kunoyevedza. “Ndiri mukomana wamakore 15 okukura ari mutete uye anoitirwa musere nguva dzose,” anonyunyuta kudaro Mark muduku. Kutetepa kazhinji kazhinji muuyo wakashata wokuyaruka. Muviri uri kukura unopedza chiverengero chikuru chamacalorie. Pwere ingasavamba kufuta kutozosvikira pashure peapo kukura nokukurumidza kunomira. Mavara anogarwa nhaka anoitawo rutivi. Chokwadika, kurwara kana kuti kusadzikama kwamahormone kunogonawo kuparira kunyanyotetepa, uye ngwariro yachiremba inokosha muzvinoitika zvakadaro. Betsero yenyanzvi nenzira yakafanana ingadikanwa nokuda kwepwere dzinorega kudya nemhaka yokuti dzakaora mwoyo kana kuti dziri kutambura vhiringidziko dzokudya dzakakomba, zvakadai seanorexia nervosa.
Ipi kana ipi ingava nhau yacho, kana uchifunga kuti wakanyanyotetepa, wana murangariro wachiremba. Kungava kuti unofanira bedzi kudzidza kubvuma—uye zvichida kunyange kudzidza kuda—chitarisiko chako.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Vazhinji vanofungidzira kuti vakobvu nemhaka yokuti havana muviri wevaedzi vari mumagazini efashoni