Mutambo weSapporo weSinou neAizi
Yakanyorwa nomunyori waMukai! muJapan
MUKATI memwedzi mirefu yomunguva yechando, Sapporo, guta rokuchamhembe reJapan, rinofukidzwa nesinou. Kwemwedzi mishanu kusvika kumitanhatu yegore, kwakanga kune zvishomanene zvokuti vagari vemo vaite mune zvemibato yenhandaro kutozosvikira vakuru vakuru veguta vataura pamusoro pomugariro wacho kuti vawane chigadzikiso ndokufunga pamusoro pepfungwa: mutambo wesinou unotanhamarisa mifananidzo mihombe yesinou.
Muna 1950, vafundi vechikoro chapamusoro vakabetserwa kuvaka mifananidzo mitanhatu, inovambira pamamita matatu kusvika kumana muurefu. Vanenge vanhu 50 000 vakauya kuzoona “Venus de Milo” akaitwa neaizi nemimwe mifananidzo. Yuki Matsuri, kana kuti Mutambo weSinou, wakanga watanga zvakanaka.
Mukati mamakore ose mutambo wacho wakakura muukuru nomumukurumbira. Gore rimwe nerimwe zvino, vashanyi vokuona nyika vanosvika mamirioni maviri, kubatanidza vakawanda vanobva kunyika dzokumwe, vanouya kuzoona nokukatyamadzwa namazana ezvivezwa zveaizi nesinou. Ichi chishamiso chomunguva yechando chisiri chorudzidziso chamazuva manomwe chazova chikurusa chorudzi rwacho muJapan yose.
Muvhakacho Mumutambo
Panzvimbo nhatu dzemitambo, Ōdori Park ndiyo huru. Iyi yaichimbova chirasiro chesinou yomunguva yechando yakatambanuka midhadhadha 11 yomuguta pakati peSapporo. Pano napaMakomanai, daro pfupi, zvitsetswa zvakakura zvikuru zvinoshamisa zvinogona kuonwa. Vana vanoshamiswa navanhu vakuru zvikuru vanopfuura vomuzvarirwo vomumifananidzo yavo yavanoda zvikuru yomushoo yomuterevhizheni namabhuku ekomiki. Pana Ultraman anoshamisa wezera rechadenga uyo tukomana tunoda kutevedzera. Uye pedyopo pana Chibi Maruko-chan neshamwari dzake, vana vanotanhamariswa mukatuni yomuterevhizheni inozivikanwa zvikuru.
Vakuruwo vanoshamiswa. Paris Opera House yakasanogadzirwa nenzira inoshamisa, yakanatswa namadziro akanyerenyetedzwa nomutoo unoorora uye kunyange mifananidzo yavaimbi iri padenga, inoraira ngwariro. Pane Diet House yakare yeGermany, chivako chesinou chechimiro chokunyanyisa. Shongwe huru yeArabia inoonesa Aladdin ne‘rambi rake remapipi’ iri nyore kuziva.
Zvinenge zvinoti pfupikiswei nezvivezwa zvakakura zvikuru ndizvo zvitsetswa zviri muCitizens Square, zvizhinji zvazvo zvine mashoko chaiwo. Chitsetswa cheBrandenburg Gate chiripo sechiyeuchidzo chomubatanidzwa wemisi ichangobva kupfuura iyi weGermany. Zvimwe zvitsetswa zvinoratidzira itiro hanya nokuda kwepasi, wirirano yaro, uye mhuka.
Kumugumo kweŌdori Park tinowana International Square uko timu dzinobva kunyika dzakawanda dzinokwikwidzana. Vamwe vavavezi inyanzvi dzinobhadharwa mari dzinoshanda kazhinji kazhinji namamarble, matombo, uye zvimwe zvinovezwa. Vakagoverwa mumwe nomumwe sinou yakaenzana mativi ose yamamita matatu yakaomeswa nemvura ndokupiwa mazuva matatu kuti vapedze zvivezwa zvavo kuti zvipinde mumakwikwi.
Asi zvivezwa zvihombe zvinogadzirwa sei, uye vavezi vanowana sei ururami hunoshamisa kudaro hwoudzame?
Nzira Iyo Zvivezwa Zvesinou Zvinogadzirwa Nayo
Kuvaka chinhu chikuru chakadaro harisati riri basa riri nyore. Mubasa rimwe chete, kuvaka chaiko kungatora unodokusvika mwedzi, kuchibatanidza mazuva anopfuura 1 500 ebasa ravarume. Chimwe chivezwa chikuru chakanga chiri mufananidzo weFlinders Street Station, Melbourne, Australia. Ukuru hwacho hwakanga huri mamita 35 urefu namamita 35 kufara namamita 15 mukukwirira. Kwakada marori 1 400 anotakura matani mashanu kuti atakure matani 7 000 esinou yakashandiswa machiri. Hakushamisi kuti chifo cha 1955 rakawanda rebasa rokuita mifananidzo mihombe rakaitwa nemauto anozvidzivirira, akakumbanirwa gare gare nevadzidziswi vebato ravadzimi vemwoto. Ngationei kuti vanoita sei mukuvaka mativi makuru kudaro omufananidzo wesinou.
Kutanga, chinhu chinofanira kusarudzwa. Mashoko nemifanikiso zvinounganidzwa. Zvichitsamidzwa pana izvozvi, mienzaniso inoitwa nomunyakwe, papier-mâché, kana kuti zvimwe zvinhu. Ipapo, unenge mwedzi pamberi pomutambo, sinou yakachena inounganidzwa ndokutakurirwa kunzvimbo yokuvakira. Ikoko inoburutswa, inoiswa yakasanobatana muforoma huru yamapuranga ndokuomeswa nemvura. Tevere foroma yacho inobviswa, machanja anomiswa, uye kutsetsa kunotangwa nokushingaira.
Kazhinji kazhinji vachishanda nomuusiku apo tembiricha dzinenge dzichisanova pasi pokuva chando, mhizha dzinoshandisa matemo nefoshoro nokuda kwebasa rokutanga uye mbezo duku zvikuru nokuda kwamativi maduku.
Vanhu vamwe navamwe namapoka maduku anogonawo kukumbanira mumufaro wacho. Chinenge chikamu chimwe chezvitatu chamazana avakumbiri chinobva munyika yose chinosarudzwa kupfurikidza nokusika mijenya chinogoverwa nhungamiro dzinobva kuboka chairo renyanzvi. Mukumbiri mumwe nomumwe anopiwa sinou yakaomeswa yamativi akaenzana amamita maviri uye mazuva mashanu okupedza mufananidzo wake.
Zvinoyevedza Zvinofadza
Zvitsetswa zvakaitwa neaizi chaiyo zvinowedzerazve rumwe runako kumutambo wacho. Izvi zvinoitwa zvikurukuru nemitezo yeIce Carvers Union. Vazhinji vabiki vakuru vanobva muhotera dzinosanozivikanwa kazhinji kazhinji vanoratidzira unyanzvi hwavo mumakamuri emitambo yamadyo. Vanodisa kuuya kuSapporo, uye miuyo yacho inofadza.
Kuridza nziyo dzamarimba uye shoo zvinowedzera kuchimiro chomutambo. Pane makwikwi, mabhendi anofamba achiridza, kudzana, mutserendende wokusvetuka, uye zvimwe zvakawanda. Vana vanofadzwawo nezvitserendendeso zvapaaizi zvakawanda, izvo zvinogoverwa nokuda kwokufarikanya kwavo uye zvakavakirwa muzvitsetswa chaimo.
Nguva yousiku zvikurukuru inguva yakanaka kuona mutambo. Zviuru zvezviuru zvamabharubhu maduku machena zvakasungirirwa pamapazu emuti asina chinhu munhanga, pamwe chete nezviedza zvamavara zvakawanda zvinoratidzira pazvifananidzo zvinovaima, zvinoita mhoteredzo inoorora yechiedza noruvara munyika yezvishamiso yomunguva yechando. Pashure pokuona mutambo, ungaororwa neizvo fungidziro yomunhu inozvitangira yakapiwa naMwari namaoko ane unyanzvi zvinogona kuita.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Zvivezwa zvikuru zveaizisechiri pasi apa zvingava mamita 35 kufara uyemamita 15 mukukwirira, zvichida matani 7 000 esinou kuvaka