RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 1/8 pp. 13-14
  • Unofanira Kubhapatidzwazve Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unofanira Kubhapatidzwazve Here?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muite Vadzidzi, Muchivabhapatidza
  • Nhauro yapaMagwaroYokubhapatidzwazve
  • Makwanisire Nokuda Kworubhapatidzo
  • Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nei Tichifanira Kubhabhatidzwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Revo Yorubhapatidzo Rwako
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Kubhabhatidzwa Kunomiririrei Uye Nei Kuchikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 1/8 pp. 13-14

Murangariro weBhaibheri

Unofanira Kubhapatidzwazve Here?

LUCILA akanetseka. Kunyange zvazvo akarerwa ari muKaturike, akanga achangovamba fundo yokushingaira yeBhaibheri nebetsero yeshamwari isiri muKaturike. Aigona kuona kuti Bhaibheri raitsanangura rubhapatidzo sechimwe chinhu chakasiana nomuitiro waakanga agamuchira paucheche. “Ikoku kunoreva here kuti ndichatofanira kubhapatidzwazve?” akabvunza kudaro nenzira yapachokwadi. “Ndinotya kuti kuita kudaro kuchatsamwisa Mwari.”

Zviuru zvamazana avanhu, vose vari vaviri vaKaturike navaPurotesitendi, vakasaswa kana kuti kudirwa mvura pavari savacheche muchinoitika chorubhapatidzo. Mamirioni avamwe vanhu akabhapatidzwa muchimiro chakati chokuombekwa chose chose mumvura apo vakanga vakura. Ikoku kunomutsa mubvunzo, Chii chaizvoizvo chiri rubhapatidzo rwechiKristu? Pane here zvinoitika zvipi nezvipi zvingabvumira rubhapatidzo rwechipiri?

Pocket Catholic Dictionary rinorondedzera rubhapatidzo “sechinoera umo, kupfurikidza nemvura neshoko raMwari, munhu anocheneswa chivi chose ndokuberekwazve ndokuitwa mutsvene muna Kristu kuupenyu husingaperi.” Nezvokubhapatidzwazve, aya manyuko mamwe chetewo anoti “rubhapatidzo runoisa chiratidzo chisingadzimiki pamweya, zvinoreva kuti harugoni, nemhaka yokuti harufanirwi, kudzokororwa.” Izvi ndizvo Bhaibheri rinotaura here?

Muite Vadzidzi, Muchivabhapatidza

Pana Mateo 28:19, 20, tinorava murairo pamusoro porubhapatidzo uyo Kristu akamutswa akapa kuvadzidzi vake asati akwira kudenga. “Endai, naizvozvo, muite vadzidzi vamarudzi ose; muvabhapatidze muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muvadzidzise kuchengeta mirairo yose yandakakupai.” (The Jerusalem Bible) Nomutoo wakajeka, rubhapatidzo runodikanwa kuvadzidzi vechiKristu—avo vakadzidziswa kuchengeta mirairo yaKristu—kwete vacheche.a Ikoku kunowirirana neidi rokuti kubhapatidzwa kwose kunotsanangurwa muMagwaro kwakabatanidza vadzidzi avo kutaura idi vakanyudzwa chose mumvura. Ikoku sezvinooneka kwakanga kuri chinoitika apo Kristu Jesu akabhapatidzwa naJohane Mubhapatidzi. Nhauro yeBhaibheri inotaura kuti pakubhapatidzwa, Jesu “akabuda mumvura” yoRwizi rwaJoridhani. (Mateo 3:16, JB) Zvamazvirokwazvo, Magwaro anoratidzira kuti Johane akasarudza nzvimbo dzake dzokubhapatidzira nomutoo wokungwarira kuti agova nemvura yakawanda iripo.—Johane 3:23.

Gare gare, mukurondedzera rubhapatidzo rwengomwa yeEtiopia, Bhaibheri rinotiudza kuti “Firipo akapinda mumvura nengomwa akamubhapatidza,” pashure paikoku “vakabuda mumvura.” (Mabasa 8:38, 39, The New American Bible) Uku kubhapatidzwa kupfurikidza nokuombekwa kuri mukuwirirana nerevo yakarovedzeka yeshoko rechiGiriki ba·ptiʹzo, “kubhapatidza,” kubva muna baʹpto, rinoreva “kunyudza mu kana kuti pasi,” ari mavambo eshoko rechiNgezi “rubhapatidzo.”

Nhauro yapaMagwaroYokubhapatidzwazve

Asi zvakadini namamirioni avanhu avo vakabhapatidzwa savacheche kana kuti vasina kunyudzwa chose chose? Kwaizombova kwakakodzera here kuvabhapatidzazve? Chinoitika chinotaurwa muna Mabasa 19:1-7 chinotibetsera kupindura iyi mibvunzo. Maiva mungangova munguva yechando ya 52/53 N.V. umo muapostora Pauro akashanyira guta rakapfuma reEfeso muAsia Minor. Imomo akawana vadzidzi vaifanira kubhapatidzwazve. Pashure pokuziva kuti ava varume vakanga vabhapatidzwa norubhapatidzo rwaJohane, Pauro akavabhapatidzazve “muzita raShe Jesu.” Haana kunzwa kuti kuita kudaro kwaizotsamwisa Mwari. Nomutoo wakajeka, Mwari akabvumirana nokurangarira kwaPauro, uye panzvimbo pokutsamwira uku kubhapatidzwazve, Mwari akakutsigira nechipo chomudzimu mutsvene.

Kudai varume 12 vakaramba dzidziso yaPauro pamusoro pechimiro chorubhapatidzo noukoshi hwaMesia, Kristu Jesu, pasina panikiro Pauro aizodai akarega rubhapatidzo. Kutanga, varume vacho vaifanira kukwaniriswa nokuda kworubhapatidzo. Ndipo apo bedzi vaigona kubhapatidzwazve netendero yaMwari.

Makwanisire Nokuda Kworubhapatidzo

Tinokwanirisa sei nokuda kworubhapatidzo? Rangarira vazhinji zhinji vavanhu avo vakabhapatidzwa pazuva rePentekosta ya 33 N.V. Vakakwanirisa sei? Kutanga, savaJudha navaproseriti vechiJudha, vakavamba nezivo yakanaka yehwaro yaJehovha Mwari, kubata kwake navanhu vake, uye uporofita hweBhaibheri pamusoro paMesia akapikirwa. Chechipiri, vakapinzazve zivo yakarurama mukupupurira kwakafuridzirwa kwakapiwa nomuapostora Petro zuva iroro. Vakava nomuuyoiko?

“Vachinzwa izvozvi, vakabayiwa pamwoyo ndokuti kuna Petro navaapostora, ‘Hama, tinofanira kuiteiko?’ ‘Munofanira kupfidza,’ Petro akapindura kudaro, ‘uye mumwe nomumwe wenyu anofanira kubhapatidzwa muzita raJesu Kristu nokuda kwekanganwirwo yezvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo choMudzimu Mutsvene.’” (Mabasa 2:37, 38, JB) Cherechedza kuti kupupurira kwaPetro kwakanga kusiri kwakareruka. “Akataura kwavari kwenguva refu achishandisa zvibvumikiso zvakawanda.” Vakapwiswa nokurangarira kwake, uye vakagamuchira izvo akataura uye vakabhapatidzwa. “Zuva iroro rimene vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa kuchiverengero chavo.”—Mabasa 2:40, 41, JB.

Zvinhu zvimwe chetezvo zvinodikanwa nokuda kworubhapatidzo runoshanda rwapaMagwaro nhasi: (1) zivo yakarurama, (2) kutendeuka kwapachokwadi, uye (3) kuchinja, kana kuti kutendeukira kuna Mwari uye kubva “kuichi chizvarwa chakashata.” Uyezve, kubhapatidzwa kwakasimba kwaMagwaro kunofanira kuva “muzita raJesu Kristu,” ndiko kuti, kwakavakirwa pakugamuchirwa kwechibairo chorudzikinuro rwake nokuda kwekanganwirwo yezvivi uye kuzviisa kwaari samambo akagadzwa waMwari.—Mabasa 2:40, JB; VaRoma 5:12-19; 7:14-25.

Vanhu vapachokwadi vanokwaniriswa paMagwaro nokuda kworubhapatidzo havadikanirwi kutya kuti kupfurikidza nokubhapatidzwazve vachatsamwisa Mwari. Mukusiana, rubhapatidzo rwakakodzera rwapaMagwaro rwavanhu vakakwaniriswa runounza mufaro kuna Mwari.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwamamwe mashoko, ona nyaya inoti “Rubhapatidzo—Ndorwavacheche Here?” muOctober 8, 1986, chinyorwa chaMukai! wechiNgezi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe