RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 9/8 pp. 12-13
  • Mune Ngozi Here Mukushandisa Mashiripiti?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mune Ngozi Here Mukushandisa Mashiripiti?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pesvedzero Yamashiripiti Munhau Yose
  • Zvimiro Zvitatu zvaMashiripiti
  • Pane Ngozi nokuda kwamaKristu Here?
  • Chokwadi Pamusoro Pemashiripiti Nouroyi
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Zvemashiripiti Nouroyi Zvakaipa
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Zvaunofanira Kuziva Nezvouroyi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Upenyu Hwemhuri Inofara Hunokwevera Vamwe Kuna Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 9/8 pp. 12-13

Murangariro weBhaibheri

Mune Ngozi Here Mukushandisa Mashiripiti?

‘KUNE mugariro wamashiripiti. Kamwe kamwe, kurira kwengoma kunogumisa runyararo. Meso atwiriridzirwa kuvarume vaviri vakapfeka zvakafanana vane pfuti dzavo. Vachisimudzira pfuti dzavo kupfudzi, vanotondeka n’anga yakabirwa chaizvoizvo yechiChina. Inobata ndiro yomunyakwe pamberi pechipfuva chayo. Pfuti dzinorira mukuhwetuka kwomwoto. Pakare pakarepo n’anga inodonhera pauriri, ichibuda ropa zvikuru. Nyengedzo inobata mbumburu yendiro inova ngwavaira.’ Chikanganiso chokushanda kwokuzviitikira mune imwe yepfuti chakaparira mbumburu kuti ibude ndokuboora chipfuva chen’anga. Rinorondedzera kudaro bhuku rinonzi Henry Gordon’s World of Magic.

Kubatwa zvisina kufanira sei kwechipo choupenyu—zvose nokuda kwomufaro, mifarwa, uye varaidzo zvinova pamwe chete norudzi rwakadaro rwamashiripiti. Ndiwo manzwire aunoita here? Kana kuti unonzwa kuti runongova bedzi rutivi rwengozi yakabatana nokuronga kuita kwakadaro? Ipi kana ipi ingava mhinduro yako, apo iyi nyengedzo yakakundikana yakanga ine ngozi inouraya. Kunotikuchidzira kubvunza, kuti: Pane ngozi yamanomano zvikuru here yakabatana nokushandisa mashiripiti? Nokuda kwemhinduro, ngatitarisei pazvisakiso zvaaya matandi ekare.

Pesvedzero Yamashiripiti Munhau Yose

Kubvira pakutanga kwenhau, munhu ave achikwezva nokudzorwa nechakavanzika chamashiripiti. Shoko rechiNgezi rokuti “magic” rinotorwa mushoko rokuti “magi,” dzinza rouprista rekare rechiPersia raipa ngwariro zvikuru mumibato yemiitiro. Mupfungwa yaro yehwaro, mashiripti inhamburiko yokudzora kana kuti kunyengetedza masimba omuzvarirwo kana kuti anopfuura omuzvarirwo kubatira munhu. Egipita yomuzana ramakore rechi 18 P.N.V. yaipinza basa vaprista vanoshandisa mashiripiti. Mashiripiti aiitawo rutivi rwakatanhamara murudzidziso rwavaKardhea vekare veBhabhironia muzana ramakore rechisere P.N.V. (Genesi 41:8, 24; Isaya 47:12-14; Dhanieri 2:27; 4:7) Iyi pesvedzero yakapararira pakati pavaGiriki vekare navaRoma kuburukira kuMiddle Ages ndokupinda muzana redu ramakore rechi 20 chaimo.

Zvimiro zvakasiana-siana zvamashiripiti zvingabatanidzwa munzira dzinoverengeka. Robert A. Stebbins mubhuku rake rinonzi The Magician rinoronga mashiripiti mumapoka matatu.

Zvimiro Zvitatu zvaMashiripiti

Mashiripiti akavanzika i“ratidzirwo yamapipi.” Inotaura kuti “zvinoitika kana kuti kushanda kunopokanidza zivo yavose kana kuti zivo yesayenzi” ndezve“chokwadi kana kuti zvinoshanda.” Stebbins anotsanangurazve kuti “mashiripiti akavanzika mubetseri wehambura, . . . uroyi, kuchinja zvinhu kuva chimwe chinhu, uye, mune mimwe migariro, rudzidziso.”

Namashiripiti anodyeredzera, “vashandisi vanoshandisa kana kuti vanodyeredzera mufungo wavaoni wechinhu chaicho nokuda kwokufambidzira mberi fariro dzavo vamene.” Vanoziva havo kuti vari kunyengedza vanhu, asi mukuwirirana naStebbins, “vanokurudzira avo vanoona mashiripiti kuti vadavire neimwe nzira—kudavira kuti, sen’anga, vane masimba anopfuura omuzvarirwo kana kuti batano chaidzo navanhu vomudzimu vane masimba anopfuura omuzvarirwo.”

Mashiripiti evaraidzo anoitirwa kuparira kushamisika kupfurikidza nenyengedzo inokatyamadza. Anopinda mumiitirwo mishanu yehwaro uye inopindana: “mashiripiti anoitwa pachikuva, mashiripiti anoitwa kuboka ravaoni vashoma, chipameso, mapoka anopfuurana anoitwa pachikuva achishandisa zvinhu zvikuru zvinoratidzira kuva zvinotsakatika, zvinotapatira uye kunyange kuwanziridzika, uye kurava ndangariro nokupfuudzira mifungo kune mumwe usingatauri naye.”

Pane Ngozi nokuda kwamaKristu Here?

Ngatitangei kunzvera mashiripiti akavanzika. Mashiripiti akavanzika anotekererwa munzira dzakasiana-siana. Somuenzaniso, vezvokunamatwa kwaSatani variko vanoshandisa zvose zviri zviviri uroyi hwo“kutsinga” no“hwokubvisa zvitsinga.” Uroyi “hwokutsinga” hunobatanidza kushopera, shurikidzo chaidzo, uye ziso rine kuringa kunokuvadza kuti riunzire kuvadziko vavengi vako. Uroyi “hwokubvisa zvitsinga,” kune rumwe rutivi, hunoitirwa kubudisa miuyo yakanaka kupfurikidza nokuputsa zvitsinga kana kuti kubvisa shurikidzo. Bva, kose kuri kuviri kutaura kwamashiripiti kana kuti kwezvakavanzika. Panhambo nenhambo mashiripiti akavanzika anototeketererwa kuzoedza kuwana zvikohwiwa zvakanaka kana kuti kuwina mapitse okumhanya. Kunyanguvezvo, pamusoro pourwu rudzi rwamashiripiti okutaura nemidzimu, Bhaibheri rinotaura zvakajeka, kuti: “Haufaniri kutsvaka mashura, uye haufaniri kushandisa mashiripiti.”—Revhitiko 19:26, NW; Dheuteronomio 18:9-14; Mabasa 19:18, 19.

Ngozi yakavanda papi mumashiripiti okudyeredzera? Vashoperi nokurava zvichaitika pachanza, vadeyi kutaura mhanza, uye vanorapa nokutenda, kududza hedu vashomanene, vanoshandisa mashiripiti okudyeredzera kuti vafambisire mberi fariro dzavo vamene. Havasiri kuita kuti nhema dzive chokwadi kupfurikidza nebasa ravo here? Shoko raMwari rinoti: “Hamufaniri kunyengera, uye hamufaniri kubata nomutoo wokurevera nhema munhu upi noupi neshamwari yake.”—Revhitiko 19:11, NW.

The Encyclopedia Americana inoti: “Mune zvimwe zvinoitika, zviito zvamashiripiti zvingabatira kukuchidzira midzimu.” Tinoda kukoka nhamo inobva kumidzimu yamadhemoni kupfurikidza kunyange nokupinda nomutoo usina kunanga munzvimbo yakadaro yomubato here? Akapiwa banza, madhemoni anogona uye angatishandisa. Anotsvaka ‘nguva dzakakodzera’ uye ane utsinye munhamburiko dzawo.—Ruka 4:13; Jakobho 1:14.

Nyanzvi mudandi wenyengedzo nebata kumeso haasiri mumwe munhu kunze kwaSatani Dhiabhorosi. Ave achishandisa uyu mutoo chibviro chechiito chake chokutanga pamberi pomunhu mubindu reEdheni. (Genesi 3:1-19) MuKristu akadini angada kuva akafanana naye? Panzvimbo pako, maKristu anopiwa zano rokuti “ivai vatevedzeri vaMwari” uye ku“zviisa [vamene] pasi . . . paMwari; asi kushora Dhiabhorosi.”—VaEfeso 5:1; Jakobho 4:7, NW.

Vanhu vazhinjisa, zvisinei, vanobatanidza shoko rokuti “mashiripiti” nevaraidzo. Munhu angaita bata kumeso namaoko ake (chipameso), achirangarira kuti ruoko runogona kuita nokukurumidza kupfuura kucherekedza kunogona kuita ziso chiito. Bhaibheri ringasava rinorambidza ikoku. Zvisinei, kana pane edzesero yamapipi amashiripiti, muKristu angamboda kupa mufungo wokuva nesimba rinopfuura romuzvarirwo, risingatsananguriki here? Kana kuti kana vamwe vakapiwa mufungo usina kururama kupfurikidza nechiito cha“mashiripiti,” muKristu angasada kurega varaidzo yakadaro kuti arege kugumbura vamwe here? (1 VaKorinte 10:29, 31-33) Mukuwedzera, pane ngozi inobvira yokuva anoedzwa kwomunhu kupfuurirazve, mumatandi amashiripiti.

Naizvozvo, pakureva nezvamashiripiti ari akabatana nomutoo wakajeka nokudavira midzimu, maKristu echokwadi nomutoo wokuchenjera anodzivisa kuashandisa. Kupfuura izvozvo, mumativi ose oupenyu hwomuKristu—angava anobatanidza basa, nhandaro, kana kuti varaidzo—angada “kuva nehana yakanaka,” hana isitongobvumiri mhaka inorwisana naMwari kana kuti nomunhu.—1 Petro 3:16; Mabasa 24:16.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]

The Bettmann Archive

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe