RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 7/8 pp. 3-4
  • Chatanuro—Uko Mabvazuva Ari Kupesvedzerwa naMadokero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chatanuro—Uko Mabvazuva Ari Kupesvedzerwa naMadokero
  • Mukai!—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzero Yechatanuro
    Mukai!—1992
  • Roorano—Chikonzero Nei Vazhinji Vachisiya
    Mukai!—1993
  • Chatanuro—Muuyo Wayo Wakakomba Zvikuru
    Mukai!—1992
  • Kurambana Kunokanganisa Sei Vana?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 7/8 pp. 3-4

Chatanuro—Uko Mabvazuva Ari Kupesvedzerwa naMadokero

Yakanyorwa nomunyori waMukai! muJapan

“REGAI ndirege basa ranguwo.” Aya mashoko akauya sekatyamadzo kumukuru-mukuru ari kurega basa mukambani huru inoita shavo yeJapan. Mudzimai wake akanga achida kurega kuva mukwanyina wake nomugadziri wemba. Nyika yavo iri kuwana wedzero huru mumwero wayo wechatanuro, iyo, nomutoo unokatyamadza, inomonzvera vezera rapakati napakati navakura. Pakati paavo vari mumakore avo omuma 50 nomuma 60, chiverengero chechatanuro chakapeta nekatatu mumakore 20. Kurega roorano dzavo kunoratidzika kuve kwava banza ravo rokupedzisira rokuwana upenyu hunofadza zvikuru.

Kune rumwe rutivi rwechiyero chezera, vakaroorana vaduku vanova vanobatisana dombo mumazororo avo anotorwa navachangobva kuchata vanosarudza kuva neNarita rikon (chatanuro yeNarita). Narita chiteshi chendege chamarudzi ose cheTokyo, uye kutaura kwacho kunonongedzera kuvaroorani vachangobva kuchata vanooneka mumwe nomumwe neroorano yavo pavanodzoka kubva kuNarita. Chokwadika, mumwe muvaroorani vana kana kuti vashanu anoedza kuwana chatanuro muJapan. Vanorangarira chatanuro sesuo rokuenda kuupenyu hunofadza zvikuru.

Kunyange muHong Kong, umo mipimo yekare yeChina ichiri yakasimba, mwero wechatanuro wakapeta nekanopfuura kaviri mumakore matanhatu pakati pa 1981 na 1987. MuSingapore, chatanuro pakati pavose vari vaviri vaMuslim navasati vari vaMuslim yakawedzera neinenge 70 muzana pakati pa 1980 na 1988.

Sezvinobvumwa, mirangariro yavakadzi muMabvazuva yanguve ichidzorwa. Somuenzaniso, mumazuva ekare muJapan, murume aigona kuchatanura mudzimai wake ne“mitsetse mitatu nehafu” bedzi yokunyora. Zvaaifanira kuita bedzi kwakanga kuri kunyora mumitsetse mitatu nehafu kutaura kunosimbisa chatanuro ndokugamuchidza pepa kumudzimai wake. Mudzimai wake, kune rumwe rutivi, akanga asina nzira iri nyore yokuwana nayo chatanuro kunze kwokupotera mutembere yaipa nzvimbo tsvene kuvakadzi vanotiza varume vanoshusha. Vasina mutoo wokuzvitsigira vamene nawo, vadzimai vaitofanira kutsungirira roorano dzisina rudo uye kunyange vatano dzokunze kweroorano dzomurume.

Nhasi, varume vazhinji vanobatikana mumabasa avo vanodokusiya mhuri dzavo. Havaoni chinhu chakaipa mukuraramira makambani avo. Nokuzvipira kwakadaro kubasa, vanoregeredza chinodikanwa chavadzimai vavo chokukurukura uye vanovarangarira savabatiri vasingabhadharwi vanobika, vanochenesa, uye vanogeza zvipfeko nokuda kwavo.

Kudirana kwemifungo yokuMadokero, zvisinei, kuri kushandura nzira iyo vakadzi vokuMabvazuva vanorangarira nayo roorano noupenyu hweroorano. “‘Sununguko’ yavakadzi,” inotaura kudaro Asia Magazine, “nomutoo usingapanikirwi chinhu chimwe chinokosha zvikurusa mukutungamirira kumwero wechatanuro unowedzera muAsia.” Anthony Yeo, mutungamiriri weCounselling and Care Centre yeSingapore, akati: “Vakadzi vava vane chivimbo zvikuru namaruramiro avo uye vanoziva zvikuru chiremera chavo. Havasati vachadisazve kutsungirira chinyararire mugariro wakashata. Vakadzi vanhasi vane zvisarudzo zvakawanda uye shiviriro shomanene yokuregeredzwa nokubatwa zvisina kufanira. Uye chatanuro chisarudzo chaichoicho nokuda kwaavo vasingagoni kuwana mufaro weroorano, zvikurukuru apo nyadzi dzakabatana nechatanuro dzave dzichidukupiswa uye dzave dzisiri zvadzaichiwanzova dzakaita makore 25 apfuura.”

Nyika dzokuMadokerowo dzakatambura chinjo huru mukati mamakore anenge 25 apfuura. Samuel H. Preston akaidza chinjo yacho kuti “chimwe chinhu chakakamuranisa zvikuru mhuri dzeAmerica mumakore 20 apfuura.” Muna 1985 chinenge chikamu chimwe chezvina chemisha yose ine vana vari pasi pamakore 18 chaiva mhuri ine mubereki mumwe bedzi, zvikurukuru nemhaka yechatanuro. Kuri kudeya kutaurwa kuti 60 muzana yavana vakaberekwa muna 1984 vangararama mumusha une mubereki mumwe vasati vasvika makore 18.

Negadziriro yesangano reroorano iri kuneta, chatanuro zvomenemene isuo rokuenda kuupenyu hunofadza zvikuru here? Kuti tipindure ngatitangei kunzvera chakasakisa vanhu kurangarira chatanuro sechigadzikiso chezvinetso zvavo zvemhuri.

[Bhokisi riri papeji 4]

Chibereko “Chokugara muImba Imwe Cheteyo Savakachatanurana”

PASI pechiverengero chechatanuro chaidzoidzo pakavanda chatanuro “dzisingashingairi.” MuJapan, umo vakadzi vazhinji vachiri vanotsamira mune zvemari pavarume vavo uye vari pasi pegamuchidzanwa rinopfuurira rokudzora kwavanhurume, vakaroorana nomutoo wokusadisa vangararama muimba imwe cheteyo mumugariro unonzi “kugara muimba imwe cheteyo savakachatanurana.” Mumugariro wakadaro, vakadzi vanokombamira kukudururira simba ravo rose mukurera vana. Ava vanamai vanowanzova vanonyanyodzivirira, vachikuita kuti kuve kwakaomera vana vavo gare gare kuti vazvimirire.

Somuuyo, apo vanakomana vavanamai vakadaro vanokura ndokuroora, vazhinji vavo vanotambura “chimiro chendangariro chokusada kubatwa muviri.” Ivava havatongobati vadzimai vavo nenzira yorudo, kunyange pashure pamakore anoverengeka oupenyu hweroorano. Vanotambura icho chakanzi chinetso chokuti “Ndinoda Amai” uye kazhinji kazhinji vakaroora nemhaka yokuti vanaamai vavo vakavaudza kudaro. Mukuwirirana neAsahi Evening News, Dr. Yasushi Narabayashi, uyo ari nyanzvi huru mukupa zano muroorano, anotaura kuti chinetso chave chichikura kwamakore gumi uye kuti kune makumi ezviuru zvavarume vanotya kutsvaka pangiro nemhaka yenyadzi dzavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe