RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 7/8 pp. 13-15
  • Zvakadiniko Nokufambafamba?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakadiniko Nokufambafamba?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Apo Vanhu Vanofamba-famba
  • Misikanzwa Namasimba Masimba
  • Kushandiswa Zvakanakisisa Kwenguva
  • Zvinotsiva Zvakanaka
  • Dhina Anopinda Muchinetso
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Ndinogona Sei Kuva Nenguva Inofadza?
    Mukai!—1996
  • Nei Dzimwe Pwere Dziine Mufaro Wose?
    Mukai!—1996
  • Neiko Ndisingagoni Kuva Nenguva Inofadza Panhambo Nenhambo?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 7/8 pp. 13-15

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Zvakadiniko Nokufambafamba?

NZVIMBO dzamavhidhiyo, zvitoro zvinotengesa zvokudya, makona emigwagwa, zvitoro zvomunzvimbomo zvinovhurwa kwamaawa akawanda—mudzose dziri mbiri nharaunda dzakapfuma nedzine urombo—dzazova nzvimbo dzokuungana uko vanhu vaduku vanofamba-famba.

Nzvimbo dzine zvitoro zvikurukuru ndemokufamba-famba makakurumbira muUnited States. Imomo mapoka epwere anogona kazhinji kazhinji kuoneka achitenderera-tenderera kwamaawa. “Nzvimbo dzine zvitoro nguva dzose dzichava nzvimbo yokuenda,” anotaura kudaro mumwe musikana wechiduku, “nemhaka yokuti kune zvakawanda zviri kuitika, uye nguva dzose kune chimwe chinhu chokubata ngwariro yako—savakomana!”

Hapana nzvimbo ine zvitoro iri pedyo here? Ipapo nzvimbo isina chinhu kana kuti kona romugwagwa richakwana. Tari ane makore 15 okukura anoti: “Shamwari dzangu neni tinoenda nemotokari kunzvimbo dzokumisa motokari dzakakura mumunhanga uri pedyo, kugara pamabhuti emotokari dzedu ndokutaura kwamaawa.”—Magazini inonzi ’Teen, September 1990.

Chokwadika, hapana chinhu chitsva chaizvoizvo pamusoro pokufamba-famba. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu munguva dzapakuvamba avo vaiungana munzvimbo dzavose ndoku“farira chinhu chimwe chete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.” (Mabasa 17:21) Asi neiko uku kuvarairwa kwakakurumbira kwazvo pakati pepwere nhasi?

Mukuwirirana nebhuku rinonzi The Adolescent, rakanyorwa naF. Philip Rice, vachiri kuyaruka “vanova vanoziva nenzira inowedzera nezvezvinodikanwa zvavo zvokuva veboka. Vanoda kudiwa navaenzani vavo.” Nokudaro, kufamba-famba neshamwari kunoratidzika kuva kunogutsa chinodikanwa choushamwari netsigiro.

Dzimwe pwere dzinokuona bedzi senzira yokurwisana nayo nokufinhwa. Michelle muduku anotsanangura, kuti: “Kunofinha kugara pamusha usiku. Unoda kuvhakacha ndokufara nemhaka yokuti kana ukasadaro uchava namanheru anofinha.” Ed ane makore gumi namatanhatu okukura anotaura kuti kufamba-famba “ndechimwe chinhu chokuita uye kunoti dzivirirei pazvinetso.” Asi kunodaro chaizvoizvo here?

Apo Vanhu Vanofamba-famba

Bhaibheri harishurikidzi kuva nenguva yakanaka neshamwari. Kunyanguvezvo, rinonyevera, kuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Zvino, vangani vepwere dzinomira pasina zvadziri kuita mumakona omugwagwa vanogona kutaurwa kuva vanhu vakachenjera—avo vane ruremekedzo chairwoirwo nokuda kwenheyo dzeBhaibheri? Vangasava havo vanoparira zvinetso, asi boka guru repwere dzafinhwa, dzisingatarisirwi uye nguva yakawanda isina zvairi kushandiswa zvinogona kuguma nenhamo nenzira iri nyore.

Nokuda kweichi chikonzero Bhaibheri harirumbidzi kufamba-famba. Rangarira nguva iyo muapostora Pauro naSirasi vakashanyira guta reTesaronika. Vashori veshoko rechiKristu “vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe [“nyope,” Today’s English Version], vakaunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta.” (Mabasa 17:5) Mukuwirirana neVine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, idzi simbe dzapamusika dzakanga dziri vanhu “vaifamba-famba mumisika, uye vachitenderera-tenderera kwazvo pasina zvavari kuita.” Kunonzwika kuva kwakarovedzanwa nako here? Zvisinei, idzi simbe sezvinobvira dzakanga dzine fariro shomanene kana kuti dzisina mushoko raPauro, asi dzisina chinhu chiri nani chokuita, dzaigona kunyengerwa nenzira iri nyore kuti dziite chimurenga.

Misikanzwa Namasimba Masimba

Funga, zvino, nezvenhamo inobvira apo boka repwere dzisina zvadziri kuita rinova pamwe chete. Hakusati kuri kuti munhu upi noupi anoronga masimba masimba. “Hakuna zvakawanda zviri kuitika,” anotaura kudaro ane makore 16 okukura anonzi Ken uyo anofamba-famba panzvimbo inopakwa motokari yechikoro. “Tinogara pamotokari dzedu ndokutaura misere youpenzi kana kuti kungotaura pamusoro pokuronga misi yokundovhakacha chete.” Hungu, kwechinguvana, kukurukura pamusoro pemitambo, nziyo, uye vemitezo yokubereka nayo yakasiana kungaita kuti munhu ari wose arambe achivaraidzwa. Kazhinji kazhinji zvikuru, kunyanguvezvo, pwere dzinokurumidza kuneta nokutaura chete.

Vanzveri Mihaly Csikszentmihalyi naReed Larson vanoshuma, kuti: “[Pwere] dzairondedzera dzarondedzerazve idzi nhambo [dzokufamba-famba] so‘kunyongana,’ kuva noruzha, upenzi, uye upengo. . . . Kune chimwe chinhu pamusoro pokutapurana kweboka kwavaenzani uko kunoita kuti kunyongana kuitike, kunyange kana vechiduku vamwe navamwe vanobatanidzwa vasingakudi. . . . Mibato yakanyongana yaibatanidza kuchaira motokari vachidanidzira, vachikanda matini asina chinhu muzvivanze zvavanhu, uye kurwa.” (Mashoko akatsveyamiswa ndeedu.)—Being Adolescent.

Chokwadi, ungave usingadi kuita chimwe chinhu choufuza nemhaka bedzi yokuti shamwari dzako dzinodaro. Asi ungagona kuzviisa umene mudzvinyiriro huru kuti uite zvakaipa kudai waiva pakati pavaiti vezvakaipa. (1 VaKorinte 15:33) Uye kunyange kana ukarega kukumbanira munyongano yacho, kuvapo kwako ipapo kungagona kupa vamwe murangariro usina kururama pamusoro pako. Izvozvi ndizvo zvakaitika kumusikana muduku anonzi Dhina, mwanasikana watateguru wechiHebheru Jakobho.

Dhina akarerwa kuti ave munamati waJehovha Mwari, kunyange zvazvo mhuri yake yaigara munyika yeKanani—nyika yakazadzwa neshatiso yevatano nokunamata zvidhori. Baba vake, Jakobho, naizvozvo vakaedza zvakaoma kuganhurira onano navaKanani voutere kupfurikidza nokudzika musasa wavo kunze kweguta reShekemi uye vachitanga mugove wemvura wakaparadzana. (Genesi 33:18; Johane 4:12) Bva, Dhina “wakabuda kundoona vakunda venyika iyo,” zvichida nguva dzose. (Genesi 34:1) Dhina angave akarangarira kufamba-famba navaKanani sokufara kusingakuvadzi. Asi vakadzi vechiKanani vakanga vane mukurumbira wokuva voutere. Naizvozvo apo murume wechiKanani anonzi Shekemi akacherekedza Dhina ari pamwe chete navakadzi vakadaro, iye “akamutora, akavata naye, akamunyadza.”—Genesi 34:2.

Nenzira yakafanana, kufamba-famba neboka risina kururama kunogona kukupinza munhamo chaiyoiyo. Jaya rinonzi Leonard rinoyeuka kuti pasinei zvapo neidi rokuti iro rakarerwa somuKristu, iro rakavamba “kufamba-famba neboka rakapanduka. Taitenderera-tenderera tichinwa doro pamwe chete—kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndiri wezera rapamutemo. Pandakazosvika zera ramakore 18, ndakanga ndichisvuta mbanje.”

Kushandiswa Zvakanakisisa Kwenguva

Imwe fundo yakawana kuti 44 muzana yepwere dzakanzverwa dzakapedza maawa matatu kusvikira kumashanu kana kuti anopfuura nguva imwe neimwe yadzakashanyira nzvimbo ine zvitoro; 14 muzana dzakapedza maawa matanhatu. Asi panzvimbo pokupedzera nguva mumufambiro usingabetseri, pwere yakachenjera ‘inotenga nguva yakafanira nemhaka yokuti mazuva akaipa.’—VaEfeso 5:15, 16.

Basa rako rokuchikoro namabasa apamba zvinotambura nemhaka yenguva yaunopedza pakufamba-famba kwevechiduku here? Zvakadiniko nemibato yako yomudzimu—fundo yomunhu oga yeBhaibheri, misangano yechiKristu, basa rokupupurira kuvamwe? Uri kuregeredza mitoro yakadaro here? Apo unova ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe,” hakusati kuri kungabvira kuti uchava nenguva yakawanda yokuva uri asina zvokuita.—1 VaKorinte 15:58, NW.

Zvinotsiva Zvakanaka

Nhandaro rutivi runokosha rwoupenyu. (Muparidzi 3:4) Asi kufamba-famba haisati iri nzira bedzi yokuva nenguva yakanaka. “Ndinofarikanya kuva kwangu ndiri ndoga,” inodaro imwe mhandara inonzi Lucy. “Ndinoda kurava, uye ikoku kwakandibetsera kutanga kufarira nhau yenyika dzokumwe, tsika, uye mutauro. Ndinoshanyira miziyemu nenzvimbo dzinochengeterwa zvinhu zvekare, ndinosona uye ndinobika. Ndinofarikanyawo kunyora mifananidzo nokunyora tsamba, uye ndinotoedza kunyora nhetembo duku panhambo nenhambo.” Aiwa, kuva uri woga hakufaniri kuva kunofinha.

Mhuri yako ingava mamwe manyuko enhandaro yakanaka. Zvino, usati waramba iyi pfungwa, teerera jaya rinonzi Jack. Iro rinoyeuka, kuti: “Vabereki vangu nguva dzose vakanga vane chimwe chinhu chakarongwa chokuti tiite. Taiita ice-skating neroller-skating; taienda kuminhanga, nzvimbo dzinochengeterwa mhuka, uye miziyemu. Kunyange kuchenesa ruvazhe kana kuti imba kwaifadza apo taikuita semhuri.” Zvichida mhuri yako yakarega zvishoma nezvishoma kuitira zvinhu pamwe chete. Kana zvakadaro, kuregererei kufunga nezvepfungwa dzokuvhakacha kwemhuri? Ungakufarikanya zvikuru kupfuura zvawaikarira!

Ikoku hakusati kuchireva kuti haungagoni kufarikanya songaniro navaenzani vako—kubatanidza nguva yaunongopinda mukurukurirano yokufara kana kuti kungofaranuka pamwe chete. Asi iva anosarudza mukusarudza kwako shamwari. Rimwe jaya rinonzi Enrique rinoti: “Ndaisifamba-famba nepwere dzokunyika, asi apo ndakangotsaurira upenyu hwangu kuti ndibatire Jehovha bedzi, ndakasonganira navaduku vari muungano. Taipinda mubasa rokuparidzira pamwe chete, taitamba bhora pamwe chete—ndakaedza kuita zvakawanda sezvandaigona navo.”

Shelleace nenzira yakafanana aisifamba-famba neboka risina kunaka. Anoyeuka nezvedzaichimbova shamwari dzake, kuti: “Upenyu hwadzo hwaisava nedonzo nenhungamiro. Kwakanditorera nguva yakati kuti kuti ndizviparadzanise ndimene nadzo, asi apo ndakadaro, ndakazvipoteredza ndimene navasonganiri vakanaka. Panguva iyoyo bedzi apo ndakafambira mberi mumudzimu.”

Naizvozvo nepo kufamba-famba kungava kufara kana kuti kunotofadza padzimwe nguva, hakusati kuchizokubetsera mumudzimu, uye sezvingabvira zvikuru kuchakukuvadza. Iva akachenjera. Wana nzira dziri nani dzokushandisa nadzo nguva yako.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kufamba-famba ndiko kushandiswa zvakanakisisa kwenguva yako here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe