RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 3/8 p. 25
  • Kuronga Mhuri Kunova Nhau Yenyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuronga Mhuri Kunova Nhau Yenyika Yose
  • Mukai!—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Navana—Kunobetsera Here kana kuti Hakubetseri?
    Mukai!—1993
  • Vana “Inhaka Inobva Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Nei Vasina Vana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 3/8 p. 25

Kuronga Mhuri Kunova Nhau Yenyika Yose

“Kuronga mhuri kungagona kuunza betsero dzakawanda kuvanhu vakawanda pakurasikirwa kushoma kupinda rumwe ‘ruzivo’ rupi norupi runowanika zvino kudzinza romunhu. . . . Ikoku kungavawo kunoitika kunyange kudai paiva pasina chinhu chakadai sechinetso chechiverengero chavagari vapasi.”—The State of the World’s Children 1992.

MUNGUVA yakapfuura kwairangarirwa kuva kune mufungo kuva navana vakawanda. Anenge makore ane zviuru zvina akapfuura, apo Rebheka akanga odokubva Mesopotamia kuti andoroorwa naIsaka, mai vake nehanzvadzi yake vakamukomborera namashoko, anoti: “Iwe, hanzvadzi yedu, uve mai vezviuru.” (Genesi 24:60) Nguva dzachinja. Nhasi, vakadzi vakawanda zvikuru vanotaura kuti vanoda vana vashoma.

“Ini ndaiva wechitatu wavana vanomwe,” akadaro Bu, mai womwanasikana mumwe weIndonesia wamakore 22 okukura. “Baba vangu vaiva mutengesi wenjemani muKlaten, Central Java, uye vabereki vangu vaitambura chitambudzo chikuru mukuedza kurera vana vaduku vakawanda kudaro. . . . Kuri nyore zvikuru kurera mhuri kana bedzi une chiverengero chiduku chavana.”

Mifungo yaBu yakafanana neiyo yavabereki munyika yose. Nomutoo unowedzera, vanyakuroorana vanoda kuronga pavachavamba kuva navana, vachava navangani, vachasiana namakore mangani, uye pavacharega. Ikoku kunoratidzwa muzviverengero zveCM kuchiratidzira kuti kushandiswa kwokuzvidira kwezvinodzivirira kubereka munyika dzichiri kubudirira kwakawedzera nomutoo unokatyamadza, kubva pa 10 muzana yavanyakuroorana muma 1960 kusvikira ku 51 muzana nhasi.

Hurumendewo dzinofarira zvikurusa kusimudzira kuronga mhuri. Anopfuura hafu yamarudzi achiri kubudirira ari kuronda mapurogiramu anoderedza wedzero yechiverengero chavagari vapasi. UN Population Fund inokarakadza kuti hwerengedzo yokushandisa mari pamapurogiramu okudzora chiverengero chavagari vapasi zvino inenge Z$22 000 000 000 pagore. Kuti zvisvitse zvinodikanwa zvomunguva yemberi, zviremera zvinokarira kuti chiverengero ichechi chichapeta nakaviri pakuzosvika mugore ra 2000.

Neiko marudzi navanhu vachifarira zvikuru kudzora mwero yokubereka? Uye chii chiri murangariro wechiKristu weiyi nhau inokosha? Nhau mbiri dzinotevera dzicharangarira iyi mibvunzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe