Kupera Kwamasimba Masimba Omumba
“Kudzivirirwa kwamasimba masimba mumusha nokuderedzwa kwamasimba masimba emhuri kunobatanidza chinjo huru mumuumbirwe nokuda kwavose vari vaviri nzanga nemhuri.”—Behind Closed Doors.
KUPONDA kwokutanga munhau yomunhu kwakabatanidza mukoma nomunun’una. (Genesi 4:8) Mukati mezviuru zvose zvamakore chifocho, munhu ave achitambudzwa nezvimiro zvose zvamasimba masimba omumba. Zvigadzikiso zvisingaverengeki zvakakarakadzwa, asi zvizhinji zvine mhinganidzo.
Somuenzaniso, kuvandudzwa kunongosvika bedzi vatadzi vanobvuma chinetso chavo. Mumwe mubati zvisina kufanira mukadzi ari kunaya akachema, achiti: “Pamumwe wedu ari wose [ari kuvandudzwa], pane varume vatatu ipapo vanoti, ‘Unofanira kuita kuti mudzimai arambe achidzorwa.’” Naizvozvo mubati zvisina kufanira anoda kudzidza kubata nomugariro wake amene. Neiko akatanga kubata zvisina kufanira? Kupfurikidza nokuwana betsero yokururamisa mhaka dzake amene, pakupedzisira angakurira chinetso chacho.
Asi mapurogiramu amagariro avanhu ane vashandi vashomanene zvikurusa. Nokudaro, kunokarakadzwa kuti mu 90 muzana yemhaka dzokuponda vana muUnited States, migariro yemhuri ine ngozi yakanga yashumwa pamberi pokuuraya. Nokudaro, mapurogiramu amagariro avanhu namasangano amapurisa ane ganhuriro. Pane chimwe chinhuzve chinodikanwa nomutoo unokosha.
“Hunhu Hutsva”
“Chinodikanwa chinopfuura kuumbwazve kwoukama pakati pemitezo yemhuri,” rinodaro rimwe boka ravanzveri. Masimba masimba omumba haasati achingova bedzi chinetso chokurova; chinetso chikurusa chendangariro. Chinovamba namarangarirane anoita mitezo yemhuri—mukwanyina, mwana, mubereki, murumudzani—mumwe nomumwe. Kuumbazve uhu ukama kunoreva kupfeka icho Bhaibheri rinoidza kuti “hunhu hutsva.”—VaEfeso 4:22-24; VaKorose 3:8-10.
Ngatinzverei nheyo dzakati dzeBhaibheri dzine chokuita nemhuri dzinotibetsera kupfeka hunhu hutsva hwakafanana nohwaKristu hunogona kushandira ukama huri nani pakati pemitezo yemhuri.—Ona Mateo 11:28-30.
Murangariro wavana: Zvakawanda zvinobatanidzwa mukuva mubereki kupfuura kubereka mwana. Nomutoo unosuruvarisa, kunyange zvakadaro, vazhinji nhasi vanorangarira vana vavo somutoro nokudaro vanoshaiwa musengwa kubasa ravo roubereki. Ivava varovi vanokarirwa.
Bhaibheri rinoidza vana kuti i“nhaka inobva kuna Jehovha” uye “tuso.” (Pisarema 127:3, NW) Vabereki vanozvidavirira kuMusiki mukurera nhaka iyeyo. Avo vanorangarira vana semhinganidzo vanodikanirwa kukudziridza hunhu hutsva muna ikoku.a
Kariro chaidzoidzo dzavana: Kumwe kufunda kwakazivisa kuti vanamai vazhinji vanobata zvisina kufanira vanokarira vacheche kuziva chakanaka nechakaipa apo mwana anenge ava nezera regore rimwe. Chikamu chimwe chavatatu chaavo vakanzverwa chakaratidzira mwedzi mitanhatu.
Bhaibheri rinoratidza kuti munhu ari wose anoberekwa asina kukwana. (Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Haritauri kuti nzwisiso inowanwa pakuberekwa. Panzvimbo pako, rinoti “kupfurikidza nokushandisa” masimba okunzwisisa omunhu ano“rovedzwa kutsauranisa zvose zviri zviviri chakanaka nechakaipa.” (VaHebheru 5:14, NW) Kupfuurirazve, Bhaibheri rinotaura nezve“miitiro yomwana,” “upenzi” hwoukomana, uye “kusava namaturo” kwokuyaruka. (1 VaKorinte 13:11; Zvirevo 22:15; Muparidzi 11:10, NW) Vabereki vanofanira kunzwisisa idzi ganhuriro, vasingakariri zvinopfuura zviri zvakakodzera kuzera namano zvomwana.
Kushandisa chirango kuvana: MuBhaibheri shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chirango” rinoreva “kudzidzisa.” Naizvozvo, nharidzano yechirango iri zvikurukuru, kusati kuri kuparira kurwadza, asi kurovedza. Kwakawanda kwaikoku kunogona kuitwa pasina kurova, kunyange zvazvo ikoko kungava kuri madikanwa pane dzimwe nguva. (Zvirevo 13:24) Bhaibheri rinoti: “Inzwai kurairira muve vakachenjera.” (Zvirevo 8:33) Zvakare, Pauro akanyora kuti munhu anofanira kuzvichengeta amene achizvi“dzora pakuitirwa zvakashata,” achishandisa tsiuro no“mwoyo murefu.” (2 Timotio 2:24; 4:2, NW) Ikoku kunobvisa kupopota kwokutsamwa nesimba rokunyanyisa kunyange apo kurova kuri madikanwa.
Nokuda kweidzi nheyo dzeBhaibheri, zvibvunze umene, kuti: ‘Chirango changu chinodzidzisa here, kana kuti chinongodzora bedzi kupfurikidza nokukuvadza here? Chirango changu chinopinza nheyo dzakarurama kana kuti rutyo bedzi here?’
Ganhuriro dzokuzvibata nokuda kwavakuru: Mumwe murovi akataura kuti akanga ango“rasikirwa noudzori” bedzi ndokurova mudzimai wake. Mupi zano akabvunza murume wacho kana iye akanga ambobaya mudzimai wake. “Handingatongoiti kudaro!” murume wacho akapindura kudaro. Murume wacho akabetserwa kuona kuti akanga achiita zvinhu mukati meganhuriro, asi chinetso chakanga chiri chokuti dzakanga dzisiri ganhuriro dzakakodzera.
Ganhuriro dzako dzakagadzwa papi? Unorega here kusabvumirana kusati kwakura ndokuva chimwe chinhu chokurova nokuda kwacho? Kana kuti unoshatirwa uye pakupedzisira ndokutanga kutuka, kuvirima, kusayidzira, kukanda zvinhu, kana kuti kurova?
Hunhu hutsva hune ganhuriro yorumano, yakasanogadzwa kure nokubvumira kurwadzisa ndangariro kana kuti kurova. “Kutaura kwakaora ngakurege kubuda mumuromo menyu,” inodaro VaEfeso 4:29. (NW) Ndima 31 inowedzera, kuti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri.” Shoko rechiGiriki nokuda kwe“hasha” rinoratidzira “mugariro unosunda.” Nomutoo unofadza, bhuku rinonzi Toxic Parents rinotaura kuti vara rinozivikanwa pakati pavarovi vavana ndiko “kushaika kunokatyamadza kwokuzvidzora kunosunda.” Hunhu hutsva hunodzora sundo, mose muri muviri mukurova nomukutuka.
Chokwadika, hunhu hutsva hunoshanda kumudzimai pamwe chete nokumurume. Anofanira kushandira kusanyandura mukwanyina wake, achiratidza kuonga nokuda kwenhamburiko dzake dzokutarisira mhuri, achibatira pamwe naye. Uye vose vari vaviri vanofanira kusada kune mumwe nomumwe icho pasina anogona kuchiita—kukwana. Panzvimbo pako, vose vari vaviri vanofanira kushandisa 1 Petro 4:8: “Kupfuura zvinhu zvose, ivai norudo rukuru nokuda kwomumwe nomumwe, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”
Ruremekedzo nokuda kwavakwegura: “Ratidzai ruremekedzo nokuda kwavanhu vakura uye vakudzei,” inodaro Revhitiko 19:32. (Today’s English Version) Ikoku kungava denho apo mubereki akwegura anenge achirwara uye zvimwe achinyanyoraira. Timotio Wokutanga 1 Timotio 5:3, 4 (NW), inotaura nezvokupa “rukudzo” uye “muripo wakafanira” kuvabereki. Ikoku kungabatanidza gadziriro yemari pamwe chete noruremekedzo. Nokuda kweizvo zvose vabereki vedu vakatiitira apo takanga tiri vacheche vasingagoni kuzvibatsira, tinofanira kuvapa kurangarira kwakafanana apo kunodikanwa.
Kurira rwisano yavarumudzani: Utsinye hwaKaini husati hwatungamirira kukuuraya kwake munun’una wake Abheri, iye akapiwa zano, rokuti: “Chivi chiri kukuvandira pamukova wako. Chinoda kukutonga, asi unofanira kuchikurira.” (Genesi 4:7, TEV) Kunzwa kunogona kudzorwa. Dzidzai kuva anoshivira mumwe nomumwe, “muchikanganwirana zvikuru nokuti munodanana.”—VaEfeso 4:2, Phillips.
Kudzidza Kuvimba
Vanyajambwa vazhinji vamasimba masimba omumba vatamburi vasingaudzi vamwe pamusoro pamasimba masimba acho. Asi Dr. John Wright anokurudzira, kuti: “Vakadzi vanorovanywa vanofanira kutsvaka dziviriro yokurwadzwa ndangariro nomuviri kumunhu wechitatu anokwanisa.” Kunodarowo kumutezo wemhuri upi noupi unorohwa.
Pane dzimwe nguva nyajambwa anokuwana kwakaoma kuvimba nomumwe munhu. Pashure pokurangarira zvose, kuvimba mukati meboka refambidzano rapedyosa—mhuri—kwakaguma namarwadzo. Zvisinei, “shamwari iriko inonamatira kupfuura hama,” inodaro Zvirevo 18:24. Kuwana shamwari iyeyo uye kudzidza kuvimba nayo nomutoo wokuchenjera inhano inokosha mukuwana betsero inodikanwa. Chokwadi, mubati zvisina kufanira anodawo kuwana betsero.
Gore rimwe nerimwe mazana ezviuru zvavanhu anova Zvapupu zvaJehovha. Ivava vanogamuchira denho yokupfeka hunhu hutsva. Pakati pavo pane vaichimbova vaiti vamasimba masimba omumba. Kudzivisa kombamiro ipi neipi kukudzokerazve kumuitiro wacho, vanofanira kupfuurira kuita kuti Bhaibheri rive “rinobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu.”—2 Timotio 3:16, NW.
Nokuda kweizvi Zvapupu zvitsva, kupfeka hunhu hutsva muitiro unopfuurira, nokuti VaKorose 3:10 (NW), inoti uri “kuitwa mutsva.” Naizvozvo nhamburiko inopfuurira inodikanwa. Nokuonga, Zvapupu zvaJehovha zvine tsigiro yavazhinji-zhinji ve“hama nehanzvadzi navanamai navana” vomudzimu.—Marko 10:29, 30, NW; onawo VaHebheru 10:24, 25.
Ipapowo mune dzose dzeungano 70 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose, muna vatariri vane rudo vakafanana ne“chidziviriro pamhepo nechivando pamadutu.” “Meso [avo] nenzeve zvichasvinurira zvinodikanwa zvavanhu.” (Isaya 32:2, 3, TEV) Naizvozvo Zvapupu zvitsva zvaJehovha, pamwe chete nezvine mano zvikuru, zvine dura rinoshamisa rebetsero inowanikwa muungano yechiKristu sezvazvinoshandira kupfeka hunhu hutsva.
Vatariri Vanonzwira Tsitsi
Apo vanhu vanouya kuvatariri vechiKristu vari muungano yeZvapupu zvaJehovha nokuda kwezano, ava vatariri vanorovedzwa kuteerera vose vasingasarudzi. Vanokurudzirwa kuratidza munhu ari wose, zvikurukuru vananyajambwa vokurova kwakakomba, kunzwira tsitsi kukuru uye kunzwisisa.—VaKorose 3:12; 1 VaTesaronika 5:14.
Somuenzaniso, mudzimai akarohwa angave akakuvadzwa nomutoo woutsinye. Munyika zhinji nhasi, kudai kurova kumwe cheteko kwakaitwa pano mumwe munhu wokunze kwemhuri, murovi aizodai akaguma nokuiswa mutorongo. Naizvozvo nyajambwa anoda kubatwa nomutsa zvikurusa, sezvinoita vanyajambwa vamamwe marudzi okubata zvisina kufanira, zvakadai sokubata chibharo.
Kupfuurirazve, vapari vemhaka mukurwisana nemitemo yaMwari vanodikanirwa kuzvidavirira. Neiyi nzira ungano inoitwa kuti irambe yakachena, uye vamwe vanhu vasina mhaka vanodzivirirwa. Uye chinokosha zvikuru, kuyerera kwomudzimu waMwari hakudziviswi.—1 VaKorinte 5:1-7; VaGaratia 5:9.
Murangariro waMwari Weroorano
Apo vanhu vanova Zvapupu zvaJehovha, vanobvuma kuva vanotevera nheyo dzokurarama kwechiKristu dzinowanwa muShoko raMwari. Vanodzidza kuti murume akagadzwa somusoro wemhuri, kuti aitungamirire mukunamata kwechokwadi. (VaEfeso 5:22) Asi umusoro hahutongobvumiri kubata mudzimai noutsinye, kuputsa hunhu hwake, kana kuti kufuratira zvishuvo zvake.
Mukusiana, Shoko raMwari rinojekesa kuti varume vanofanira “kupfuurira kuda vadzimai [vavo], kungofanana naKristu akadawo ungano ndokuzvipa amene nokuda kwayo . . . Varume vanofanira kuda vadzimai vavo semiviri yavo vamene. Iye unoda mudzimai wake anozvida amene, nokuti hakuna murume akambovenga nyama yake amene; asi anoidyisa nokuichengeta.” (VaEfeso 5:25, 28, 29, NW) Zvamazvirokwazvo, Shoko raMwari rinotaura nomutoo wakajeka kuti vadzimai vanofanira kupiwa “rukudzo.”—1 Petro 3:7, NW; onawo VaRoma 12:3, 10; VaFiripi 2:3, 4.
Zvirokwazvo hakuna murume wechiKristu angataura zvapachokwadi kuti iye anoda zvomenemene mudzimai wake kana kuti anomukudza kana achimutuka kana kuti kumurova. Ikoko kungava nyengedzo, nokuti Shoko raMwari rinoti: “Imi varume, rambai muchida vadzimai venyu uye regai kuvaitira hasha.” (VaKorose 3:19, NW) Nokukurumidza, apo rutongeso rwaMwari runowira tsika ino yakaipa paArmagedhoni, vanyengeri vachawana mugumo mumwe chetewo savashori vokutonga kwaMwari.—Mateo 24:51.
Murume anotya Mwari achada mudzimai wake somuviri wake amene. Angarova muviri wake amene here, kuzvibhagura muchiso, kana kuti kuzvidhonza bvudzi rake amene namasimba masimba? Angazvizvidza amene nokuzvishora nokuzvinyomba pamberi pavamwe here? Munhu anoita zvinhu zvakadaro angarangarirwa kuva asina kudzikama mundangariro, kutaura hedu zvishoma.
Kana murume wechiKristu achirova mudzimai wake, kunoita kuti mamwe mabasa ake ose echiKristu ave asina maturo mumurangariro waMwari. Yeuka, “murovi” haasati achikwaniriswa nokuda kweropafadzo muungano yechiKristu. (1 Timotio 3:3, NW; 1 VaKorinte 13:1-3) Chokwadika, mudzimai upi noupi anobata nomutoo mumwe chetewo nomurume wake ari kuputsawo mutemo waMwari.
VaGaratia 5:19-21, (NW) inoisa pakati pamabasa anoshorwa naMwari “kuvengena, kukakavara, . . . kufufutirwa nehasha” uye inotaura kuti “avo vanoita zvinhu zvakadaro havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.” Nokudaro, kurova mukwanyina wako kana kuti vana hakutongoruramiswi. Nguva dzose kunorwisana nomutemo wenyika uye zvamazvirokwazvo kunorwisana nomutemo waMwari.
Nharireyomurindi, yechiNgezi, magazini inobudiswa neZvapupu zvaJehovha, yakagovera murangariro wapaMagwaro panhauyo, ichitaura nezveavo vanokambira kuva maKristu bva vari varovi: “Munhu upi noupi anotaura kuva muKristu uyo anodzokorora adzokororazve uye nomutoo wokusapfidza anotera kukufufutirwa nehasha kwamasimba masimba anogona kudzingwa,” kutandwa.—May 1, 1975, peji 287; enzanisa na 2 Johane 9, 10.
Izvo Mutemo waMwari Unobvumira
Pakupedzisira Mwari achatonga avo vanoputsa mitemo yake. Asi munguva ino, Shoko rake rinobvumirei nokuda kwavakwanyina ivavo vechiKristu avo vakarohwa apo mushushi asingachinji asi achipfuurira nokurova kwake? Vanyajambwa vasina mhaka vanosungirwa kupfuurira kupinza mungozi miviri yavo, ndangariro, noutano hwomudzimu here, zvimwe kunyange upenyu hwavo?
Nharireyomurindi, ichitsinhira pamusoro pamasimba masimba omumusha, inotaura izvo Shoko raMwari rinobvumira. Inoti: “Muapostora Pauro anopa zano, kuti: ‘Mudzimai haafaniri kubva pamurume wake; asi kana achifanira kubva chaizvoizvo, ngaarambe asina kuroorwa kana kuti zvimwe vayananezve nomurume wake; uye murume anofanira kusasiya mudzimai wake.’” Nyaya yacho inopfuurira kuti: “Kana kubatwa zvisina kufanira kunova kusingatsungiririki, kana kuti upenyu humene hunopinzwa mungozi, mukwanyina anotenda angasarudza hake ‘kubva.’ Asi nhamburiko inofanira kuva ‘kuyananazve’ munguva yakafanira. (1 VaKorinte 7:10-16) Zvisinei, ‘kubva’ iko kumene hakugoveri zvikonzero zvapaMagwaro zvechatanuro ndokuroorazve; zvisinei, chatanuro yapamutemo kana kuti paradzano yapamutemo ingagovera mwero wakati wetaviridziro pakupfuurirazve kurohwa.”—September 1, 1983, mapeji 28-9; onawo chinyorwa chaNovember 1, 1988, mapeji 22-3.
Icho nyajambwa anosarudza kuita mune iyi migariro chinofanira kuva chisarudzo chomunhu amene. “Munhu mumwe nomumwe uchatakura mutwaro wake amene.” (VaGaratia 6:5, NW) Hakuna mumwe munhu anogona kuita chisarudzo chakadaro nokuda kwake. Uye hapana munhu anofanira kuedza kumudzvinyirira kudzokera kumurume anobata zvisina kufanira uko utano hwake, upenyu, umudzimu zvinotyisidzirwa. Ichecho chinofanira kuva chisarudzo chake amene, chokuzvisarudzira kwake amene, kwete nokuti vamwe vari kuedza kuisa kuda kwavo paari.—Ona Firemoni 14.
Kupera Kwamasimba Masimba Omumba
Zvapupu zvaJehovha zvakadzidza kuti masimba masimba omumba muenzaniso weizvo Bhaibheri rakadeya kutaura nokuda kwaaya mazuva okupedzisira, umo vazhinji vaizova “vane utsinye,” va“sina chidakadaka chomuzvarirwo,” uye vano“tyisa.” (2 Timotio 3:2, 3, The New English Bible) Mwari anopikira kuti pashure paaya mazuva okupedzisira, achapinza nyika itsva ine rugare umo vanhu va“chagara chaizvoizvo muchengeteko, vasina munhu anovadederesa.”—Ezekieri 34:28, NW.
Munyika itsva iyeyo yakaisvonaka, masimba masimba omumba achava chinhu chomunguva yakapfuura nokusingaperi. “Vanyoro vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo vachawana zvamazvirokwazvo mufaro wavo mukuru muhukuru hworugare.”—Pisarema 37:11.
Tinokukurudzira kudzidza zvakawanda pamusoro pezvipikirwa zveBhaibheri nokuda kwenguva yemberi. Zvamazvirokwazvo, unogona kuwana betsero kunyange zvino kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri mumhoteredzo yako yemhuri.
[Mashoko Omuzasi]
a Zano rakanaka zvikuru pamusoro poubereki hunobudirira rinobatanidzwa mubhuku rinonzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., maganhuro 7 kusvikira ku 9, “Kuva Navana—Mutoro Netuso,” “Basa Renyu Savabereki,” uye “Kurovedza Vana Kubvira Paucheche.”
[Mifananidzo iri papeji 10]
Nheyo dzeBhaibheri dzinobetsera kugadzikisa rwisano dzemhuri
[Mufananidzo uri papeji 13]
Vanyajambwa vanodikanirwa kuvimba neshamwari inokwanisa