Peji Yepiri
Masimba Masimba Omumba Achazombopera Here? 3-14
‘Kunyange vashandi vedu vari kudenhwa apo vanoenda kundofeyafeya masimba masimba omumba,’ anoshuma kudaro mutarisiri wamagariro avanhu. Neiko mhuri ine masimba masimba zvikuru? Chii chinogona kuitwa kuedza kuadzivisa? Zvakadiniko kana usingagoni? Achazombopera here?
Chii Chakashata Nenziyo Dzangu? 18
Vanhu vaduku vanoda kuteerera rudzi rwavo vamene rwenziyo. Asi vamwe vangaramba. Chii chiri murangariro wakadzikama pamusoro peiyi nhau?