Mhinduro Yomunyengetero
MUMWE mukadzi womuChristchurch, New Zealand, anotaura kuti nyaya dzaMukai! pamusoro po“Kuporesa Kuvadziko Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana” dzakanga dziri mhinduro yomunyengetero wake. Anotsanangura, kuti:
‘Muna August 1991 boka redu rakava nechinoitika chinotyisa chokuona shamwari ichitambura marwadzo okuyeuka kubatwa zvisina kufanira. Ndakava nokunzwa kworusuruvaro nokutambudzika kwaanenge mazuva matatu, asi takanyengetera mukushingaira kuna Jehovha nokuda kwamagazini inobata nouyu musoro. Taida betsero. Takamirira bedzi kwamavhiki mashanu. Tinokuongai nokuda kwavanyajambwa vazhinji-zhinji nokuda kwenyaya dzakajeka, dzinotapura dzaMukai! No. 4, 1991.’
Iri pamusoro apa ndiimwe bedzi yetsamba dzina mazana mazhinji dzokuonga nokuda kwaMukai! pamusoro pokubatwa zvisina kufanira kwavana. Mune imwe tsamba yakagamuchirwa pamberi pakuvamba gore rino, munyori akataura kuti kwakada kuti atamburire kanoverengeka kuti apedze kurava nyayadzo nokuti aisagona kurega kuchema. Anoti:
“Kunyange nazvino, mirangariro yangu inotapurwa zvikurukuru sezvandinoedza kutaura kuonga kwangu nokuda kwenguva nesimba zvakapedzerwa mukubetsera avo vedu vanokunzwa kwakadaro kwokudukupiswa nokuva nemhaka pashure pokubatwa chibharo muvatano uye muutsinye nomumwe munhu aikambira ‘kutida’ apo taiva vaduku navasina dziviriro. Ndakanga ndisingazivi kuti kwakanga kuna vazhinji zvikuru vakava nechinoitika chakafanana nechangu. Ndichiri kuva nenguva yakaoma yokubata nokunzwa kwangu, asi zvikarakadzo zviri pamapeji 10 ne 11 zvinobetsera zvikuru. Ndine zvakawanda zvikuru zvokutaura, asi munhu anodikanirwa bedzi kutaura kuti minyengetero yangu inoenda kuna Jehovha nokuda kwenyu nokuda kwokuvimba naJehovha kukupai ushingi hwokunyora pamusoro penyaya dzakaisvonaka dzakadaro.”
Mumwezve akati: “Iyi yakanga iri magazini yakaisvonaka zvikuru yati yambobudiswa nemi paukama hwavanhu. Yakafumura uyu muitiro wousatani navaiti vawo, yakajekesera vasati vari vanyajambwa kupedza zano kwawo kwakakasharara; vanyajambwa vawo vakanyaradzwa uye vakadzidziswa. Suo rinopinda mukariro nokuda kwokunzwirwa tsitsi uye tsigiro zvinobva kuvanhu vaMwari rakazarurwa zvizere.”
Zvapupu zvaJehovha isangano ramarudzi ose ravadzidzi veBhaibheri vanopfuura mamirioni mana vanozvipira kubetsera vanhu vane zvinetso zvavo uye kuvabetsera kudzidza zvakawanda pamusoro pamadonzo aMwari. Kana uchida kuva namamwe mashoko kana kuti kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.