Zvapupu zvaJehovha ‘Zvinoiswa Kumatare Omunzvimbomo’
CHIKRISTU chakanangana nechishoro kubvira pakuvambwa kwacho. Mukupa mirairidzo kuvadzidzi vake, Jesu akanyevera, kuti: “Chenjerai vanhu, nokuti vachakuisai [kumatare omunzvimbomo, NW], nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo. Muchaiswa pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, [nokuda kwouchapupu kwavari namarudzi, NW].” (Mateo 10:17, 18) Munyika zhinjisa nhasi, chishoro kuUmambo chinoshandisa mutoo wamanomano zvikuru kupfuura mudzimu wechitambudzo chokuponda uyo wakavapo nokukurumidza pashure pokuurawa kwaJesu. Munyika yakaoma matinorarama, nhau dzinomutswa navashori dzinopfuura kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo.
Nhau Dzamaruramiro Okurera Mwana
Rimwe dare uko Zvapupu zvaJehovha zvava zvichiiswa zvikurukuru ndiro dare remhuri. MuAustria, Belgium, Canada, France, Norway, United States, uye dzimwe nyika, boka duku ravashori rakaedza kuita kuti rudzidziso ruve nhau huru mukusarudza nhau dzokuva namaruramiro okurera mwana apo Zvapupu zvakatendeka zvaJehovha zvinochatanurwa navakwanyina vasingatendi. Nemhaka bedzi yokuti vaiva Zvapupu zvaJehovha, vabereki vari Zvapupu vakarasikirwa namaruramiro okurera vana vavo.
Chimwe Chapupu chakarasikirwa namaruramiro okurera mwanakomana wacho ane makore matatu okukura uye akaganhurirwa kusadudza kunyange rudzidziso mukati menhambo dzokushanya. Bato Rapamutemo reWatchtower Society rakamangarira uyu murairo uye harina kukunda mudare rokumangarira. Nhau yacho ipapo yakaendeswa kuDare Rapamusoro reHurumende yeOhio. Nomufaro, pana April 15, 1992, dare rakatongera zvakanaka rusununguko rweChapupu chacho. Kutaura chaiko kwakarwadza ainzi nyanzvi yokupupurira, uyo chaizvoizvo ari munhu akadzingwa anotaura kuva nyanzvi yokurapwa kwendangariro. Dare rakati iye “akapupurira, pahwaro hwehurukuro yaakanga anyora, kuti chirwere chendangariro chakanga chakanyanya pakati peZvapupu zvaJehovha kupfuura pakati povoruzhinji. Ichi chipupuriro chakanga chiri kuedza kuri pamhene kushatsa rudzidziso rwose. . . . [U]hu ufakazi humwe hwechiverengero husina revo.”
Dare rakaraira kutonga kutsva, richiti: “[M]aruramiro okurera mwana haanganyimwi mubereki nemhaka bedzi yokuti haazokurudziri mwana wake kukwazisa mureza, kuchengeta mazororo, kana kuti kutora rutivi mumitambo isiri panguva yechikoro. Tinochinja mirairo yamaruramiro okurera mwana nokushanya zvokutonga kwedare nemhaka yokuti izvi zvisarudzo zvakanga zvakavakirwa zvisina kufanira pazvitendero zvorudzidziso [zvomubereki].” Somuuyo, ava amai vakafarikanya kupinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu pana April 17 vaine mwanakomana wavo parutivi rwavo muHoro yoUmambo.
Dare Rapamutemo rehofisi yebazu yeCanada yeWatch Tower Society rine nhau mbiri zvino dziri kumirira kuongororwa pamberi peDare Rapamusoro reCanada panhau imwe chete iyoyi. Bazu reAustria rakabatanidzwa murukundo runoshamisa munhau pamberi peEuropean Commission of Human Rights. Mukuwedzera, Belgium, France, uye Norway dzakashuma rukundo rwokutonga kwedare pamisi ichangobva kupfuura iyi nokuda kweZvapupu zvinodzvinyirirwa mune dzimwe nhau dzamaruramiro okurerwa kwomwana umo rudzidziso rwakanga rwuri nhau huru yedenho. Muchinoitika chimwe nechimwe, sokutaura kwakaita Jesu, kwakava uchapupu kwete bedzi kudare nokumagweta asi kumarudzi kupfurikidza nokuziviswa kwakaitwa namanyuko enhau.
Nhau Yeropa
Imwe nhau iyo Zvapupu zviri kunangana nayo inhau yeropa. Pasinei zvapo norukundo rwemisi ichangobva kupfuura iyi rworusununguko rworudzidziso uye maruramiro omunhu oga eZvapupu zvaJehovha muMatare Apamusoro eFlorida, Illinois, Massachusetts, uye New York uye pasinei zvapo nenhamburiko dzisinganetesi dzeHospital Information Services uye matare okubatana nechipatara mazhinji eZvapupu zvaJehovha munyika yose, iyi nhau inoramba ichimuka. Zvisinei, vagoveri vetarisiro youtano vari kuwana uchapupu, uye zvimwe zvipatara zviri kuedza kuziva nokukurumidza uye zvakajeka varwere vari Zvapupu zvaJehovha.
Chapupu chokuJapan chiri muCalifornia chakaita kuti chimiro chacho paropa chiremekedzwe nedare rinotonga riri muSan Diego. Icho chakatambura chirwere chouropi uye chakava mumugariro wokusaziva chinhu. Kadhi reMedical Directive rake rakasainwa zvakakodzera uye chipupuriro chachiremba wezvirwere zvavana akanga amubvunzurudza zvakakomba panhau yeropa apo akasangana nachiremba wezvirwere zvavana mubasa rapaimba neimba zvakanga zvakaringana kupwisa mutongi kuti Chapupu chiri mumugariro wokusaziva chaisazogamuchira ropa mumugariro upi noupi.
Nhau yomuLong paIsland umo Chapupu chakabatwa ndokuisirwa apo murume wacho akanga akasungwa yakaendeswa kuDare Rapamusoro reNew York neBato Rapamutemo reWatchtower Society. Kutonga kwakanaka mumarumamiro omunhu oga eZvapupu zvaJehovha kwakawanwa, uye nhau yacho zvino iri kupfuurira nomukunzverwa mumatare omunzanga. Kutonga kwapamutemo kwedare nokuda kwaane makore 16 okukura namai vake mudare romubatanidzwa muAtlanta kuri kuswedera pedyo nokutonga. Mukomana muduku wacho akasungwa ndokuisirwa kwamaawa masere. Kutambwa kwemhaka kwokuwana murairo wedare unopa chiremera uyu muitiro kwakaitwa muchipatara ndokuwanwa pasina kuziviswa kwomukomana kana kuti amai vake. Kune dzimwe nhau dzinoverengeka dziri kumirira kutongwa mumatare okumhangarira uye itsva dzinomuka zuva nezuva. Hondo dziri kukurirwa, asi kurwira maruramiro avanhu hakusati kwapera. Zvapupu zvaJehovha zvinotarira kuna Jehovha Mwari kuti areverere mutemo wake paiyi nhau, munguva yake amene yakagadzwa.
Chifo cha 1943 vashomanene veZvapupu zvaJehovha muUnited States vakamiswa pamberi pamatare omunzvimbomo pamusoro penhau yokuparidzira. Zvisinei, vhiki rimwe nerimwe Watchtower Society inogamuchira nhare dzakawanda namatsamba kubva kumitumbi yavakuru vachikumbira betsero apo zvinetso zvinosanganwa nazvo neZvapupu zvaJehovha muushumiri hwazvo hwapachena. Mumwe mushumo unobva kuhurumende yeWashington wakatanga nenzira inoshamisa. Saimba akashatirwa akavharira boka reZvapupu raiva nemotokari mukati mefenzi ndokudana mapurisa. Kudanidzira kwake kwokushatirwa netyisidziro dzamasimba masimba zvakazviparira kumirira zvakadzikama zviri mukati memota yazvo. Apo motokari yeboka ramapurisa yakasvika, panzvimbo pokusunga Zvapupu nokuda kwokupinda kusiri pamutemo, mapurisa akazvitenda. Zvisinei, mapurisa akanyumwira kuti saimba akanga ari mutizi, asi vakanga vasina kukwanisa kupinda munzvimbo yacho kuti vakubvumikise. Zvino sezvo akanga avakoka mumusha make, vakabvumikisa kuzivikanwa kwake ndokumubata nomukadzi waaigara naye ndokuvaendesa kujeri, apo Zvapupu zvakapfuurira nebasa razvo rokuparidzira nokudzidzisa.
Migariro inoratidza kuti kuchava nerwisano dzapamutemo dzakawanda nokuda kwefariro dzoUmambo. Watchtower Society inoonga fariro, itiro hanya, uye minyengetero yeZvapupu zvakawanda munyika yose nokuda kwenhungamiro nokutungamirira kwaJehovha mukubata nenhau dzapamutemo dzakaoma dzinonanganwa nadzo mukuita basa raMwari nhasi. Jehovha akaudza rudzi rwaIsraeri kuti vaisazokunda Nyika Yakapikirwa kamwe kamwe asi kuti kwaizoitwa “pashoma napashoma.” (Dheuteronomio 7:22, NW) Fambiro mberi yamaruramiro avanhu vaJehovha vazvino uno yakati fananei; pashoma napashoma vanoita fambiro mberi. Asi kukunda kana kukundwa, pane chokwadi chokuti pari pose apo vanhu vaJehovha vanoiswa pamberi pamagavhuna, madzimambo, matare, kana kuti munhu upi noupiwo zvake, kunova souchapupu kwavari nokumarudzi.
Munguva yemberi iri pedyo Jehovha achazvireverera amene chose chose kwete bedzi panhau dzinobatanidza ropa uye maruramiro okurera mwana asiwo panhau yomutemo inobatanidza uchangamire hwake. Ipapo vanhu vake vachawana rugare pavashori vose ndokufarikanya mufaro mukurusa mukutonga kwoUmambo—nemhaka yokuti Jehovha mudi weruramisiro.—Pisarema 37:28.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
Mukomana muduku wacho akasungwa ndokuisirwa kwamaawa masere