Makore Okuumbika—Apo Kuita Napaunogona Napo Pose Kunodikanwa Zvikurusa
VANA vanotaurwa kuva “nhaka inobva kuna Jehovha.” Vanotaurwa kuva “vakafanana nenhungirwa dzemiti yemiorivhi dzakakomberedza tafura rako.” (Pisarema 127:3; 128:3, NW) Vabereki vanorairidzwa kuti “varerei muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4, NW.
Kana uchizoumba miti yemiorivhi nokuda kwokubereka michero yakaisvonaka, nguva yokukuita iri apo inenge ichaka‘fanana nenhungirwa dzakakomberedza tafura rako.’ Sokuumbwa kunoitwa nhungirwa, ndiwo makurire anoita muti. Kana uchizorovedza vana vako kuva vanochinjirwa kunzira dzaMwari, nguva yakanakisisa yokukuita inovambira paucheche hwavo. “Rovedza mukomana mukuwirirana nenzira yake; kunyange apo iye anokura haasati achizotsauka pairi.” (Zvirevo 22:6; 2 Timotio 3:15, NW) Muucheche uropi hunopinza mashoko pamwero unokurumidza zvikuru, unokurumidza zvikuru kupfuura zvahuchazomboitazve. Inguva yako yakafanira yokuita napaunogona napo pose nokuda kwavana vako.
Masaru Ibuka, mutangi weSony Corporation, akanyora bhuku rine musoro unoti Kindergarten Is Too Late! Pamusoro pebutiro raro paioneka aya mashoko, anoti: “Bviro yomwana wako yokudzidza ihurusa mukati mamakore maviri okutanga kana kuti matatu oupenyu. Naizvozvo, usamirira . . . Kindergarten Is Too Late!”
Musumo Glenn Doman, mutarisiri weThe Institutes for the Achievement of Human Potential, anotaura zvinotevera: “Bhuku rinoshamisa raVaIbuka uye rakapfava hariiti kutaura kunokosha zvikuru kworudzi rwupi norwupi. Iye anongokarakadza hake kuti vana vaduku vane simba mavari rokudzidza chinodokuva chinhu chipi nechipi vachingunoveri vaduku. Anokarakadza kuti icho ivo vanodzidza pasina nhamburiko ipi neipi yokungwarira pamakore maviri, matatu, kana kuti mana ezera chinogona kudzidzwa nenhamburiko huru bedzi, kana kuti chingasatongodzidzwa, muupenyu hwapashure. Anokarakadza kuti icho vakura vanodzidza nomutoo unorwadza vana vanodzidza nomufaro. Anokarakadza kuti icho vakura vanodzidza pashoma napashoma, vana vaduku vanodzidza nomutoo unenge wokukurumidza. Anokarakadza kuti vakura padzimwe nguva vanodzivisa kudzidza, nepo vana vaduku vangatosva havo vadzidza pane kuti vadye.”
Chikonzero chinopa Ibuka nokuda kwokutaura kuti chikoro chavana vadukusa kunyanyononoka ndechokuti pakuzosvika panguva iyeyo makore akanakisisa omwana nokuda kwokudzidza apfuura. Asi pane chimwe chikonzero. Mumazuva ano kuputsika kwetsika kwasvika chikoro chavana vadukusa, uye mwana asati asvikako, vabereki vanodikanirwa kupinza mumwana bumbiro rakasimba retsika kumudzivisa pashatiswo.
Iyi dikanwo inoratidzirwa nomushumo wakaitwa navabereki vomukomana wezera ramakore matanhatu akanga achangobva kupinda chikoro chavana vadukusa. “Mukati mevhiki rokutanga muchikoro chavana vadukusa, mwanakomana wedu akadenhwa mune zvevatano nomumwe mukomana mukati mamaminiti 15 aanokwira bhazi rechikoro. Ikoku kwakapfuurira kwamazuva anoverengeka. Kwakanga kusati kuri kungoedzesera bedzi kuva chiremba asi wakanga uri muitiro wenguva dzose, wakajeka.
“Vana vazhinji vari mukirasi romwanakomana wedu vanopinda mabhaisikopo ane zera ravana rinorambidzwa akashata mune zvevatano kana kuti amasimba masimba navabereki vavo. Zvichida vabereki vanokurangarira kuva kwakakotsekana zvikuru kuenda navo pane kuvasiya vari mutarisiro inopanikirika yomureri. Vamwe vavana vanotarira mabhaisikopo ane zera ravana rinorambidzwa kupfurikidza neterevhizheni yecable kana kuti namabhaisikopo anochengetwa navabereki vavo pamba.
“Ukoshi hwokupinza nheyo dzetsika mumwanakomana wedu mukati mamakore ake okuumbika, kubvira paucheche zvichienda mberi, hwakarovererwa patiri nechinoitika chinokatyamadza pamba pedu pamene. Pamwe chete navaenzi vakura, musikana wezera ramakore mana akanga aripo. Iye nomwanakomana wedu, uyo akanga asanorovedzwa kuti vatano yakanga iri bedzi nokuda kwavakura vakaroorana, vakanga vari mukamuri rake rokutambira. Musikana aida kuita mahumbwe uye akatsanangura kuti mukomana anofanira kuvata pasi. Apo iye mukusaziva akaita kudaro, musikana akavata pamusoro pake. Akavhunduka ndokukuwa, achiti: ‘Ndokwavanhu vakaroorana bedzi!’ Zvaakapudzunyuka ndokubuda achimhanya mukamuri rokutambira, musikana akadanidzira nenzwi guru, achiti: ‘Usaudza munhu upi noupi!’”—Enzanisa naGenesi 39:12.
Zvinotevera ndizvimwe zvezvinhu zviri kuitika mose muri muviri munzvimbo dzamaguta dzinogara vanhu vazhinjisa nomumasabhabhu—zvinhu izvo vana venyu vaduku vanofanira kudzivirirwa pazviri kubvira paucheche zvichienda mberi.
Vakomana vaviri vezera ramakore manomwe vakatongerwa kubata chibharo musikana wezera ramakore matanhatu muchimbudzi chokuchikoro. Vakomana vatatu, vezera ramakore matanhatu, manomwe, uye mapfumbamwe, vakadenha mune zvevatano musikana wezera ramakore matanhatu. Mukomana wezera ramakore masere akavata mwana wechikoro chavana vadukusa. Mukomana wezera ramakore 11 akatongerwa kubata chibharo musikana wezera ramakore 2. Dzimwe nyanzvi dzokurapa dzinotaura kuti kazhinji kazhinji vapari mhaka vakadaro vaiva vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira muvatano apo vaiveri vaduku zvikuru.
Ikoku kwakasimbiswa muchinoitika chomumwe mukomana muduku. Paaiveri mucheche, tete vake vezera ramakore 20 vaijaidza kuita vatano yomukanwa paari. Kubvira pazera remwedzi 18 kusvikira kumwedzi 30, akaitwa uku kubatwa zvisina kufanira mune zvevatano. Makore maviri kana kuti matatu gare gare akanga achibata zvisina kufanira muvatano vasikana vaduku. Paakatanga chikoro, akapfuuridzira uyu mubato uye akadzingwa ari mugiredhi rokutanga uye zvakare ava mugiredhi rechipiri.
Dikanwo Yerovedzo Yapakuvamba
Kundikano yavabereki yokupa rovedzo yakafanira mukati mamakore okuumbika inokura nzira yousindimari, uhwo hungazarura nzira youtsotsi hwakakomba zvikurusa: kushatsa zvinhu, umbavha, uye kuuraya. Inotevera mienzaniso mishomanene yezvinhu zvakadaro.
Vatatu vane zera ramakore matanhatu vakapamba imba yomutambi biyavo, vachishatsa chose chose kamuri riri rose riri mairi. Mushatsi zvinhu wezera ramakore mapfumbamwe akatongerwa utsotsi, uye umbavha, kutyisidzira mumwe mwana nebanga, uye kupisa bvudzi romusikana nomwoto. Vakomana vaviri vezera ramakore 11 vakapinza chifefe chamamirimita mapfumbamwe mukanwa meane zera ramakore 10 ndokuba wachi yake. Mukomana wezera ramakore ane gumi akapfura ndokuuraya musikana wezera ramakore manomwe nokuda kwokuitirana nharo pamusoro pomutambo wevhidhiyo. Mumwe wezera ramakore ane gumi akapfura mutambi biyake ndokuvanza mutumbi wake pasi pemba. Wezera ramakore mashanu akasundidzira mwana mucheche akafa kubva pamatanho enhurikidzwa yechishanu. Wezera ramakore 13 akakumbanira pwere mbiri mukunyerudza wezera ramakore 7 kuti vawane mari mumhuri yokwake, asi kunyange pamberi pokuridzira runhare mhuriyo kuti varaire rudzikinuro, vakaviga mukomanayo ari mupenyu.
Ipapo, sokurangarira kwokupedzisira, kune tyisidziro yezvikwata zvavachiri kuyaruka, zvakashongedzera pfuti, zvinodzungaira mumigwagwa, zvichirwa hondo dzepfuti, mabara achipararira, zvisati zvichingourayana bedzi asi vana navakura vasina mhaka vanobatwa pakati pokupfurana. Zviri kutyisidzira vavakidzani vazhinji vari mumaguta makuru—munyika yeLos Angeles yoga bedzi, “mune 100 000 nemitezo yezvinopfuura zvikwata 800 zvinozivikanwa.” (Magazini inonzi Seventeen, August 1991) Vazhinji vanobva mumisha yakaputsika. Chikwata chinova mhuri dzacho. Vazhinji vanoguma vava mujeri. Vazhinji vanoguma vafa. Izvi zvikamu zvamashoko zvakatorwa mutsamba nhatu dzakanyorerwa mujeri ndezvorumwe rudzi.
Kutanga: ‘Ini ndiri mukamba nokuda kwokuedza kuba. Isu taiva vana. Ipapo mapurisa akasvika. Vaviri vechikwata chedu [mhuri yechikwata] vakatiza neimwe nzira, asi ini nomubiyangu takatizira neimwe nzira, asi tisingamhanyisi kupfuura imbwa dzokufudza dzechiGermany dzakatibata. Apo ini ndinobuda, ndinokarira kuti rimwe zuva ndichava mumwe munhu chaiye. Kuenda kuchikoro uye kuwana mamakisi akanaka kwakanga kwakandiomera nguva dzose. Asi, shamwari, hausati watongoona chinhu chipi nechipi chakaoma chakadai sokuva mujeri!’
Chechipiri: ‘Apo ndakatanga kuuya ndichibva Mexico, ndakanga ndichingova bedzi nezera ramakore masere. Apo ndakava nezera ramakore 12, ndakanga ndava muchikwata. Apo ndakava nezera ramakore 15, ndakanga ndichibatanidzwa zvikuru. Ndaiwanzopfura vanhu ndiri mumotokari. Ndakanga ndine pfuti yangu parutivi pangu nguva dzose. Apo ndakava nezera ramakore 16, ndakapfurwa uye ndakadokufa. Uye ndinoonga Ishe kuti iye akanga achigere kundida nokuti ndakanga ndisati ndagadzirira kuenda kwaari. Iye zvino ndine mwena yamabara mumakumbo angu. Naizvozvo pangiro yangu ndeyokusava mutezo wechikwata!!! kana kuti iwe uchava uri woga hako uye wakaremera mujeri kufanana neni!’
Chechitatu: ‘Ndave ndiri mutezo unozivikanwa wechikwata chifo chokuva kwangu nezera ramakore 11. Ndakabaiwa kana, ndakapfurwa katatu, uye ndakapfigirwa mutorongo uye kurohwa kazhinji zvikuru zvokuti kwakaoma kuramba uchiverenga. Chinhu bedzi chandisarira ndechokufa, asi ndave ndakagadzirira ikoko zuva riri rose chifo chokuva kwangu nezera ramakore 13, uye zvino ndava nezera ramakore 16. Munguva ino ndiri kubatira tongero yemwedzi misere mutorongo uye mumakore anoverengeka ndichave ndafa, asi iwe unogona kudzivisa chinhu chose kupfurikidza nokusatanga kuva mutezo wechikwata.’
Shandisai Nguva Yakafanira
Zvino, donzo raikoku harizi rokutaura kuti kundikano yokurovedza vana mukati mamakore okuumbika ichaguma nouhu utsotsi hwakakomba. Asi kundikano yokuita kudaro inogona kuparira mufambiro unoparadza, uyo unogona kupinda muusindimari, uye kana ukapfuurira usingadziviswi, usindimari hunogona kupinda mumufambiro woutsotsi, jeri, uye rufu.
Uye kudziviswa kwekombamiro dzipi nedzipi dzakadaro muvana venyu kunoitwa nomutoo uri nyore zvikuru pamberi pamakore okutanga kuyaruka pane kumirira kutozosvikira pamakore avo okutanga kuyaruka. Kutaura idi, nguva yapamberi pechikoro chavana vadukusa ndiyo nguva yokutanga, apo nguva yavo yakawandisa inopedzwa vainewe mukati mamakore okuumbika, pesvedzero dzokunze dzisati dzakwikwidza nokuda kwengwariro yavo. Kana wave usati uchiva pedyo navo muucheche hwavo, vangasakurega uchiswedera pedyo navo mukuyaruka kwavo. Ungawana kuti vezera ravo vakutsivai. Naizvozvo zano rokuvabereki ndeiri, Musaregeredza vana venyu mukati mamakore iwawa okuumbika apo kuita napamunogona napo pose kwenyu nokuda kwavo kuchabereka chibereko chako chakaisvonaka, kuchikomborero chenyu nechavo.—Enzanisa naMateo 7:16-20.