Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Zvipfeko Zvine Zita Ravagadziri Ndezvangu Here?
“ZVIPFEKO zvinomirira munhu. . . . Zvipfeko nguva dzose chiratidzo chokuti uri ani.” Akadaro Barbara Dickstein, imwe nyanzvi muzvipfeko paimwe miyuziyemu huru. “Zvinotaura mugariro wako, basa rako muupenyu, nzvimbo yako munzanga,” iye akawedzera kudaro. Hakutongoshamisi, ipapoka, kuti zvipfeko zvinokosha kuvanhu vazhinjisa—uye chinobatikanisa ndangariro pakati pepwere dzakati.
Nokuda kwavanhu vaduku vakawanda, kunyanguvezvo, kubatikana nezvipfeko kunodarika kungoitirawo zvako hanya pamusoro pokuva nezvitaera. Vakawanda vanokoshesawo zvikuru zvinhu zvine zita rechiratidzo ravagadziri. Chinodokuva chinhu chiri chose chavanotenga—kubvira pashangu dzine mukati makapfavirira kusvikira kumagogorosi—chinofanira kuva nechiratidzo ichocho chinokosha kwazvo chavagadziri chinoiswa pazvavanogadzira. Somuenzaniso, kunzvera kwemagazini inonzi Seventeen kwakazivisa kuti 90 muzana yavasikana vechiduku inorangarira kuti zita rechiratidzo ravagadziri rinokosha pakunouya kukutenga zvipfeko zvemitambo.
Tichirangarira kushambadza kune simba uko zvinozivisa nhau zvakapa zvipfeko zvine zita ravagadziri mumakore achangobva kupfuura aya, ikoku hakutongofaniri kukatyamadza. Kupfurikidza neziviso dzezvokutengeserana dzeTV, zvikamu zveziviso zvemagazini nepepanhau, zvikwangwani zvinoiswa ziviso, uye mabhaisikopo, vatengi vakaratidzirwa kunhema zhinji dzavagadziri. Vavariro yacho ndeyokupwisa voruzhinji kuti vadavire kuti chiratidzo chavagadziri chinoiswa pazvavanogadzira chinoita chinjo inodokuva yamashiripiti pachipfeko—uye mupfeki wacho. Pasina chiratidzo chavagadziri, bhurukwa redenim rinongova chipfeko chomukati chete. Nechiratidzo chavagadziri chinoiswa pazvavanogadzira, bhurukwa redenim kamwe kamwe rinova chinokosha kukutanhamara, kufara, uye rudo rwenyengano!
Kukwezva Kwechiratidzo Chavagadziri
“Zita rinokosha sei?” akabvunza kudaro mumwe mutambi mune mumwe wemitambo yaShakespeare. Pakunouya kuzvipfeko, mazita anogona kuva anokosha zvikuru. Rimwe bhuku rinofundwa rakanangidzirwa pakudzidzisa vatengesi vane unyanzvi rinoti: “Vatengi vakawanda vanodisa kuripira mitengo yakati kwirirei zvikuru nokuda kwamazita echiratidzo avagadziri . . . uye mazita avagadziri. Zvinhu zvakawanda zvine zita rechiratidzo ravagadziri zvine mukurumbira nokuda kwemiitiro yakakwirira yokuitwa kwezvitaera, chitarisiko, rudzi, uye kugadzirwa. Zvipfeko zvine zita ravagadziri kazhinji kazhinji zvinogovera chitarisiko chechienzi.” (Know Your Merchandise, rakanyorwa naWingate, Gillespie, uye Barry) Imwe nyaya muThe New York Times Magazine inoonesa nenzira yakafanana kuti “unyanzvi nejira zviri muzvipfeko zvinodhura zvikuru kazhinji kazhinji zvakasiana zvikuru” nezvipfeko zvakachipa zvikuru. Zvipfeko zvine zita ravagadziri nokudaro zvinokombamira kukugara kwenguva refu zvikuru uye zvinotarisika zviri nani kupfuura zvinhu zvine zita rechiratidzo ravagadziri zvakachipa zvikuru.
Zvisinei, nokuda kwepwere dzakawanda zviratidzo zvavagadziri hazvisati zviri zviratidzo zvikuru zvorudzi kunyange zvazvo zviri zviratidzo zvomugariro—mabheji orukudzo. Sokukutaura kunoita Sam ane makore 17 okukura, “kana usinacho, hausati uri kuwirirana nomusi!”
Simba Redzvinyiriro Yavaenzani
Hakushamisi, ipapoka, kuti imwe pwere inonzi Casey inoti: “Kune dzvinyiriro yakawanda zvikuru yokupfeka zvipfeko zvine zita ravagadziri.” Tennile ane makore 14 okukura anowedzera, kuti: “Munhu ari wose anobvunza nguva dzose kuti, ‘Sweater yako, bhachi, kana kuti jean rine zitai rechiratidzo ravagadziri?’” Mukuwirirana neimwe pwere, dzvinyiriro yacho inogona kuva huru kwazvo zvokuti kana usingawirirani, “vanhu vachakunetsa ndokutaura pamusoro pako, kutaura kuti wakapfeka shangu dzisina zita kana kuti kutaura kuti unotenga kuzvitoro zvinotengesa zvinhu zvakachipa.”
Chokwadika, ndokwomuzvarirwo bedzi kuda kukodzerana navamwe ndokuva anogamuchirwa. Andy ane makore gumi namashanu okukura anoti: “Hakuna munhu anoda kuva akatsaukana ndokuva wechienzi.” Asi unofanira kuenda kure zvakadini kuti uwirirane? Joe ane makore gumi namana okukura anobvuma, kuti: “Pane dzimwe nguva unowana zvipfeko zvausingadi—kuti ukodzere chete.”
Asi kunova nomufungo here kubvumira vamwe kukuitira zvisarudzo, kukubvisira hunhu hwako, kana kuti kukupesvedzera kukushatisa manzwire ako umene, mipimo, kana kuti kufunga kwakanaka? VaRoma 6:16 inoti: “Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera?” Ndiani anoda kuva muranda womumwe munhu? Asi izvozvo ndizvo zvaunova kana ukarega vaenzani vako vachiva neshoko rokupedzisira pamusoro pezvaunopfeka, kana kuti kana ukazvirega umene uchiendeswa uko nekoko nemhepo yefashoni.—Enzanisa naVaEfeso 4:14.
Kuwana Murangariro weBhaibheri
Unogona sei kudzidza kuzvifungira umene? Iva akarovedzana nenheyo dzeShoko raMwari. Apo kufunga kwako kunenge kwakatsamira paBhaibheri, wakakombamira zvishomanene zvikuru kukuva anodzorwa kana kuti kunyengedzwa navamwe. (Zvirevo 1:4) Chokwadi, Bhaibheri harisati riri bhuku remirairidzo pamusoro pefashoni. Asi rine nheyo idzo dzinogona kukubetsera kusarudza chokupfeka. Rangarira, somuenzaniso, mashoko omuapostora Pauro ari pana 1 Timotio 2:9. Ipapo akapangira maKristu kuti a“shonge nguvo dzakafanira, vane kunyara nokuzvidzora, vasava . . . nenguvo dzinodya mari zhinji.”
Pauro zvamazvirokwazvo akanga asiri kutaura kuti unofanira kupfeka kufanana nomurombo kana kuti kupfeka zvipfeko izvo zviri zvechinyakare nenzira inokwenudza. Jesu Kristu amene sezviri pachena akanga ane inenge nguvo imwe yakanaka. (Johane 19:23, 24) Panzvimbo pezvo, Pauro akanga achinyevera maKristu pamusoro pokukwevera ngwariro isina kufanira kwavari vamene mumapfekere avanoita. Kutenga chipfeko nemhaka yorudzi rwacho, runako, kana kuti ukodzeri kune mufungo. Asi kupfeka chinhu chine chiratidzo chavagadziri nokuda kwechikonzero bedzi chokuita “ratidziro yokuzvitutumadza” kana kuti “kunyandura makwikwi” ndekwoudyire uye ndekwokuzvitutumadza. (1 Johane 2:16; VaGaratia 5:26, NW) Ungaorora vanhu vashomanene vasingatsoropodzi, asi unganyandurawo shanje, godo, uye kutsamwa mune vamwe.
Pauro akaudza maKristu kuti aratidze ndangariro yakanaka, kana kuti chisarudzo chakanaka, mumapfekere avanoita. Mune dzimwe nharaunda, kupfeka zvipfeko zvine zita ravagadziri muitiro une ngozi. Michael Thomas ane makore 15 okukura, somuenzaniso, akauraiwa nokuda kwokupfeka shangu dzokumhanya nadzo dzine zita romugadziri dzeZ$500. Mumwe wechiduku akanga achida shangu dzacho nokuda kwake amene. The New York Times yakashuma kuti muzvikoro zvomumaguta zvakawanda zveU.S., kupfeka zvinhu zvine zita ravagadziri zvinodhura “kunogona kuva kwakakwana kutangisa kurwa uye kunyange kuuraya.” Katherine muduku nokudaro anoti: “Ndakakuwana kuva dziviriro kusapesvedzerwa zvisina kufanira navaenzani vangu mumapfekere andinoita. Nezvisizvo, ndingakwezva rudzi rusina kururama rwengwariro kwandiri ndimene.”
Chokwadika, hadzisati dziri pwere dzose dzinogona kuva nezvipfeko zvine zita ravagadziri pakutanga. Kana uri mumugariro iwoyo, ungasava nechisarudzo kunze kwokudzidza kuva ‘anogutsikana nezvokudya nezvokupfeka’—kunyange apo chipfeko ichocho chinenge chisati chiri chazvino uno kana kuti chakanakisisa. (1 Timotio 6:8) Panzvimbo pokuva nyajambwa weshanje, uko kunoparadza, edza kuita unani hwako mumugariro wako. (Tito 3:3) Zvipfeko zvako zvingasava nechiratidzo chavagadziri chamaoresa, asi zvinogona kuva zvakatsvinda, zvakachena, uye zvinotarisika.
Kutenga Nokuchenjera
Zvaunopfeka hazvisati zvichidokuva zvinokosha sorudzi rwomunhu rwauri mukati. (1 Petro 3:3, 4) Kunyanguvezvo, upi kana upi uri mugariro wako, kunongova bedzi nomufungo kupfeka nenzira yakakodzera nokuda kwenhambo imwe neimwe. SomuKristu, unewo musengwa wokupfeka nenzira yakafanira mushumiri muduku.—2 VaKorinte 6:3.
Nenzira inofadza, mwero wechiKristu hausati hawo uchireva kuti unofanira kuva wechinyakare. Tamaria muduku anokutaura zvakanaka paanoti: “Hapana chinhu chakaipa nokuva nechitaera—chero usingakunyanyisi chete.” Uyewo hapana chinhu chakaipa nokupfeka zvipfeko zvakanaka zvikuru. Kutaura idi, mukuwirirana nebhuku rinonzi Dressing Smart, rakanyorwa naPamela Redmond Satran, nyanzvi “dzinopangira kutenga zvipfeko zvakanakisisa zvaunogona kuva nazvo ndokusimbisa rudzi kupfuura uwandu.” Know Your Merchandise nenzira yakafanana inopa iri zano, kuti: “Wodhiropu duku yezvipfeko zvorudzi rwakanaka, zvakasarudzwa nokungwarira riri nani kupfuura wodhiropu huru yezvipfeko zvisingagari kwenguva refu uye zvingava zviri mufashoni kwenguva pfupi.”
Ikoku kungada kuti uve mutengi akachenjera—kufanana no“mukadzi unoita zvakanaka” anorondedzerwa muBhaibheri pana Zvirevo 31:10, 14, 18. Aizoenda “kure” kundo‘tenga zvakanaka.’ Uye unogona kudzidza ku‘tenga zvakanaka’ iwe umene. Chimwe chinyorwa cheLadies’ Home Journal chakakarakadza, kuti: “Kumbira mutengo wakaderedzwa—kunyange pazvitoro zvihombe. . . . Ita nzvero yako. Nzvera mitengo kuzvitoro zvinoverengeka.” Ungatodzidza kukurukura mitengo navashandi vokutengesa, zvikurukuru pazvitoro zviduku zvikuru.
Magazini inonzi Consumer Reports inotiyeuchidza, kunyanguvezvo, kuti “mutengo nomukurumbira hazvisati zviri nhungamiro dzisina mhaka kukunaka.” Zvamazvirokwazvo, vanzveri vavo vakawana kuti zvimwe zvipfeko zvisingadhuri zvakanga zvakadokuenzana murudzi nezvipfeko zvine zita ravagadziri zvinodhura. Bhuku rinonzi Dressing Smart rinoti: “Pane dzimwe nguva, zvipfeko zvine mitengo yakakwirira nemhaka bedzi yefashoni, zita ravagadziri, kana kuti kusimba.” Zviratidzo zvavagadziri pane dzimwe nguva zvinoiswa pazvinhu zvokunyengedzera zvorudzi rwakashata. Uye kunyange apo chiratidzo chavagadziri chacho chinenge chiri chakanaka, zvikanganiso zvokugadzira zvinogona kuitika.
Naizvozvo usanyengerwa nezviratidzo zvavagadziri kana kuti zviratidzo zvemitengo. Iva akachenjera. (Zvirevo 14:15) Nzvera nokungwarira chipfeko chacho—jira racho, kugadzirwa, kusonwa, uye zvichingodaro. Inokwana nenzira yakakodzera here? Pane jira rakawanda here nokuda kwokugadziridza? Pane zviratidzo zvinotsauranisa zvorudzi rwacho here, zvakadai sejira romukati nezvinoiswa pakati pamachira? Zvakadiniko noudzame, zvakadai sokufanana nokuenzana kwepeteni?
Kupfurikidza nokuva akachenjera neanocherekedza unogona kudzivisa kurega kukwezva kwezvipfeko zvine chiratidzo chavagadziri kuchikutsausa kukuita zvisarudzo zvisina kunaka. Unogona kupfeka zvakanaka, pasina kupfeka nokunyanyisa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Nechiratidzo chavagadziri chinoiswa pazvavanogadzira, bhurukwa redenim rinova kamwe kamwe chinokosha kukutanhamara, kufara, uye rudo rwenyengano!
[Mufananidzo uri papeji 23]
Usanyengerwa nechiratidzo chavagadziri. Nzvera nokungwarira chipfeko chipi nechipi usati wachitenga