RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 8/8 p. 20
  • ‘Kushata Kwetsika Mudzidzo Yapamusoro’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kushata Kwetsika Mudzidzo Yapamusoro’
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Ibasai Randinofanira Kusarudza?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kushandisa Mari Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma
    Dzimwe Nyaya
  • 2 | Chengetedza Zvinhu Zvako
    Mukai!—2022
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 8/8 p. 20

‘Kushata Kwetsika Mudzidzo Yapamusoro’

“KWEMWEDZI 6 yakapfuura chikwata chavanzveri chave chichinzveresesa maakaundi e 14 amayunivhesiti apamusoro enyikayo [U.S.A.], chichitsvaka ndyiko dzakachajwa ‘nomutoo wokuposha’ pamari dzehurumende. ‘Takawana kuti zvikoro 14 zvakabatanidza anenge [mamirioni Z$102] endyiko dzisingabvumidzwi’” vanzveri vakanokorwa mashoko savanotaura kudaro mumushumo wakabudiswa mumagazini yeBritain inonzi New Scientist yaJanuary 25, 1992.

Vanzveri vehurumende vakanzvera gore rakapera apo kwakawanwa kuti Yunivhesiti yeStanford yakanga yashandisa mamirioni Z$125 emari yavateri. Dzakabatanidzwa dzakanga dziri ndyiko dzakadai sedzamaruva matsva ezuva nezuva eimba yapurezidhendi wapayunivhesiti, mabiko omuchato, kuderera kwomutengo paigwa renhangemutange, mibhadharo yebandiko refambidzano, uye kutarisira nzvimbo yokutenga. Anangana naaya maidi asingafadzi, purezidhendi wapaStanford panguvayo, Donald Kennedy, akataura kuti aizobvisa “ndyiko dzinogona kusanzwisiswa nomutoo uri nyore navanhu vose” uye nokudaro “ndokudzivisa nyongano ipi neipi ingavapo.” Boston Herald, January 1, 1992, ichitsinhira pamusoro pemhinduro yake, yakati: “Namamwe mashoko, chinetso bedzi chakanga chiri chokuti vanhu vasina kudzidza vazhinjisa vari kunze kweyunivhesiti vangasakwanisa kunzwisisa izvo Vadzidzisi vakakwirira zvikuru vakanga vachiita munzanga yechikoro.”

Pakanga pari pashure peidzi wadzanyuro pamusoro peStanford apo vanzveri vehurumende yeU.S. vakatumwa pachakairo yavo yemisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru yamayunivhesiti 14 uye vakawana kubiwa kwamamirioni Z$102. Akabatanidzwa akanga ari mayunivhesiti akakurumbira akadai seYunivhesiti yeMichigan, Johns Hopkins, Yale, uye Emory. Ndyiko dzakatumirwa namayunivhesiti 14 dzakabatanidza mashoko akadai sokuti “ndyiko yokubhadhara ndege nokuda kwavadzimai vamapurezidhendi; ndyiko yokubhadhara ndege kuenda kuGrand Canyon kundopinda musangano wavaronzesi; kuchaja kusingaverengeki kwokuenda kumitambo yenhabvu; mari yokubhadhara kuhaya mumwe munhu kuti arondedzere nhau papati yeKrisimisa; uye kuva mitezo mumabandiko emitambo yokurovedza muviri apayunivhesiti namabandiko efambidzano akasiana-siana kubatanidza nebandiko reigwa renhangemutange.”

Apo vanzveri vomubatanidzwa vakazivisa kuti vakanga vachiendawo kuM.I.T. (Massachusetts Institute of Technology) uye Harvard, kutapudza kukuru kwakaziviswa naaya masangano. M.I.T. yakatapudza Z$3 655 000 pakukumbira kwayo nokuda kwendyiko dzokunzvera; Harvard yakatapudza Z$2 500 000 pandyiko dzayo. Duke yakawana “zvikanganiso zvemhosho” mune zvayakanga ichichaja. Cal Tech yakasarudza kuti haisati yaizochajazve hurumende nokuda kwemitezo yayo yamabandiko yenyika yacho. Yunivhesiti yePittsburgh haisati yaizotora mari yavateri kuti ibhadhare matikiti amabhaisikopo anokusiya une chiringa kana kuti matikiti endege nokuda kwapurezidhendi wayo nomudzimai wake kuti vaende kuChitsuwa cheGrand Cayman.

“Kushata kwetsika,” The Boston Herald yakadaro, “kunopfuura zvikuru kwazvo nhau dzemari. Ikoko kunoitika uko munhu anopidigura ibwe ndokuita kuti vanhu vaone changa chichikambaira munyasi. . . . Ruzvidzo rwokupambadza paStanford namamwe masangano apamusoro harukoshi nokuda kwezvitsama zvemari inobatanidzwa kupfuura chiratidzo chekundikano huru zvikuru yetsika. Kuramba bedzi kwavanhu nechinjo dzamasangano sezvinobvira zvingadzivisa kombamiro.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe