RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 8/8 p. 21
  • Rufu—Denda Renyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rufu—Denda Renyika Yose
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichitya Kufa?
    Mukai!—2008
  • Pane Kwatinoenda Here Kana Tafa?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa?
    Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavakafa
  • Neiko Baba Vakafa?
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 8/8 p. 21

Rufu—Denda Renyika Yose

GORE rimwe nerimwe vanhu vane mamirioni 50 vanofa kupota nyika yose. Ikoko kunochinjira kukuva 137 000 pazuva, 5 700 paawa, vanenge 100 paminiti, kana kuti vanhu vanopfuura 3 masekondi maviri ari ose. Hapana mhuri inohesvurwa mudambudziko rorufu. Mambo kana kuti munhuwo zvake, mupfumi kana kuti murombo, munhurume kana kuti munhukadzi—vose vanofa zvakafanana.

“Munyika ino ndokwechokwadi kuti mumwe anofanira kufa uye kuripira mitero,” akanyora kudaro munyori akakurumbira weAmerica, muvambi, uye muchenjeri Benjamin Franklin kushamwari muna 1789. Cherekedzo yake, zvisinei, yakanga isati iri yechienzi. Anenge makore 2 800 pamberi pezvi, Mambo akachenjera Soromoni worudzi rwekare rwaIsraeri akati: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa.” Bva, akangosimbisawo zvake zvakataurwa makore 3 000 pamberi pezvi kumunhu wokutanga amene pasi pano, kuti: “Uri guruva uye uchadzokera kuguruva.”—Muparidzi 9:5; Genesi 3:19, NW.

Sezvo rufu rwave rwuri rwusingadzivisiki munhau yose yavanhu, ruchiri manyuko okusuruvara kukuru. Kwakataurwa zvakarurama kuti chishuvo chedu chomuzvarirwo ndechokurarama, kwete kufa. Ukama hwatinahwo nemhuri neshamwari zvisungo zvakasimba zvinoraira kupfuuridzirwa. Asi chimwe nechimwe, sezvo makore anofambira mberi, izvi zvisungo zvinodimburwa norufu. Vanasekuru vedu, vabereki, uye shamwari vanofa.

“Maidi ndeokuti vanhu vakasvika zera ramakore ane zana vachiri kurarama vapfuura gore ravo rechi 113 ndevechienzi zvikurusa uye ganhuriro yazvino yakakwana yenduramo yakabvumikiswa yavanhu haisati ichitendera munhu upi noupi anorarama kuchengeta zuva rokuberekwa ripi neripi pashure perechi 120 ravo,” rinotaura kudaro Guinness Book of World Records. Naizvozvo, hakuna munhu ari mupenyu nhasi akapupurira kuberekwa kwaWinston Churchill (1874) kana kuti uko kwaMohandas Gandhi (1869), kutengeswa kweAlaska kuUnited States neRussia muna 1867, kana kuti kuuraiwa kwaAbraham Lincoln muna 1865—tisingadudzi hedu zvinoitika zvose zvenhau zvakatangira izvozvi zvezana ramakore rechi 19.

Zvomenemene, pasinei zvapo nefambiro mberi dzazvino uno dzezvokurapa nedzesayenzi, nduramo yavanhu ichiri inosvika pane iyo yakataurwa nomunhu wakare Mosesi, kuti: “Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe; kana tine simba makore makumi masere; asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare gare aenda, nesu tabhururuka taenda.” (Pisarema 90:10) Uku kwakanga kuri kutaurawo zvako. Mosesi amene akararama makore ane 120.

Kunyange zvazvo upenyu hungave hunotambudza zvakadini, kufirwa kunounza marwadzo echienzi nenhamo. Kazhinji kazhinji iko kune tapuro yakaipa pautano hwaavo vanosiiwa uye kwave kuchitozivikanwa kuva kunoparira chirwere norufu. Zvisinei hazvo nokuti mutezo upi wemhuri unofa, pane pfungwa huru yokurasikirwa. Sokutaura kwakaita mumwe chiremba wendangariro, “apo mubereki wako anofa, warasikirwa nenguva yako yakapfuura. Apo mwana wako anofa, warasikirwa nenguva yako yemberi.” Kuora mwoyo nenhamo yendangariro zvinotevera zvinogona kuva zvisingarondedzereki. Kufirwa kunowanzoparira misengwa mikuru yezvemari, kuchiita kuti zvinhu zviipisise. Dzvinyiriro yokunamatira kumiitiro yakati netsika zvamariro inogona kuwedzera kukusuruvara kwacho.

Kune nzira ipi neipi here, kunyanguvezvo, yatinogona kubvisa nayo imwe yenhamo nemisengwa zvinotiwira apo mudikanwi anofa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe