RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 1/8 p. 32
  • Apo Zviroto Zvorugare Zvakaputsanywa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Zviroto Zvorugare Zvakaputsanywa
  • Mukai!—1992
Mukai!—1992
g92 1/8 p. 32

Apo Zviroto Zvorugare Zvakaputsanywa

VANHU vashomanene zvikuru vaikarira 1914 kusava chimwe chinhu kunze kwegorewo zvaro. Kutaura idi, nguva yemberi yairatidzika kuva yakajeka nomutoo wechienzi kuna vanhu mumakore apashure. Sayenzi yakanga ichienderera mberi mukurwisana nehosha. Nehondo here? Eya, sokutaura kwakaita pepanhau reVatican L’Osservatore Romano muna February 1991, pamberi pa 1914 vanhu “vaidavira kuti hondo yakanga yaiswa kunzvimbo iri kuresa yeyeuko yenhau” uye kuti munhu pakupedzisira akanga achirarama mu“zera umo hondo yakanga yarambidzwa navanhu vanoziva uye hurumende.”

Zvisinei, 1914 uye makore anotevera akava nekatyamadzo dzoutsinye dzakachengeterwa rudzi rwomunhu rwakavarairwa. Yokutanga yakanzi Hondo Huru ya 1914-18 yakaputsa zviroto zvorugare. Kutaura idi, L’Osservatore Romano rakaitumidza kuti “kuponda kukuru kwokutanga kwenhau yazvino, kwakaratidzirwa, pakati pezvimwe zvinhu, nokuwana kworuzivo urwo nyanzvi huru dzesayenzi dzezvizvarwa zvekare dzakanga dzadavira kuva dzakapirwa kuvavariro dzine rugare.” Hondo yakaita sayenzi isekwe somutoo wokuwana nawo rugare; panzvimbo pakwo, sayenzi yakapa hondo simba rayo risingaenzaniswi nokuda kwokuuraya kukurusa.

Uye apo kuuraya kwehondo kwakanga kwapera, kumwe kuuraya kwakavamba. Murakatira weSpania wa 1918-19 wakauraya vanhu vanopfuura mamirioni 20—vakawanda zvikuru kupfuura chiverengero chinotyisa chorufu rweHondo Huru imene. Nzira dzokupererwa nezano rose dzakashandiswa; kuparadzira hosha kwakaziviswa kuva mhaka mune dzimwe nyika. Mapurisa akatosunga vanhu nokuda kwokuhotsira pamhene! Asi hakuna kuva namaturo. Sechamupupuri chikuru, hosha yakapararira isingadziviswi kutozosvikira iyo imene yapera. Mataundi ose akaparadzanywa. Mitumbi yakaitwa murwi mumamochari omuguta.

Zera rechinjo rakapinzwa na 1914 rakasiya munhu achidzedzereka. Zviono zvake zvorukundo pahondo napahosha, zviroto zvake zvorugare rwenyika zvakaitwa nouchenjeri hwomunhu, zvakasiiwa zviri mumamvengemvenge anonzwisa tsitsi. Uye apo zvinhu zvakapfuurira kuipisisa, sezvo Hondo Huru yakaderedzerwa kuHondo yeNyika I nomutevedzeri wayo mukurusa, Hondo yeNyika II, sezvo hosha, urombo, kurumwa nenzara, uye kusateerera mutemo zvakapfuurira kubuda mumwero yakapararira munyika yose, vezvenhau vakatanga kubvuma 1914 senhambo yokuchinja kukuru munhau yavanhu.

Asi mukusafanana nenyika yose, Vadzidzi veBhaibheri (sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyeyo) vaikarira 1914 kuva gore rinokosha kare iro risati rasvika. Uye mumakore chifo chaipapo, Zvapupu zvaJehovha zvave zvisingakatyamadzwi nokuona nyika ichishata kuva mugariro usina maturo wayazova nhasi. Zviporofita zveBhaibheri zvakazvibetsera kukarira izvi zvinoitika uye kunyange kuona nguva ine mbiri yetariro iri mberi. Ikoko kunobvira sei? Nguva inotevera apo Zvapupu zvaJehovha zvinokushanyira, ungada kuzvibvunza pamusoro pakwo. Kana kuti unogona kunyorera vabudisi veiyi magazini.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Redrawn from artwork of Franklin Booth

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe