RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 1/8 pp. 5-6
  • Kunzvererei Nyika Yezvokutengeserana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunzvererei Nyika Yezvokutengeserana?
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Chikamu 5: Makambani Makuru Anobatisisa Kubata Kwawo
    Mukai!—1992
  • Chikamu 3: Kutengeserana Kwamakaro Kunoratidza Chimiro Chakwo Chechokwadi
    Mukai!—1992
  • Pachisakiso Chenhamo Dzemari
    Mukai!—1992
  • Chikamu 2: Kufutunuka Kuti Asimbise Simba
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 1/8 pp. 5-6

Kumuka Nokuwa Kwenyika Yezvokutengeserana

Kunzvererei Nyika Yezvokutengeserana?

NYIKA isina rwisano yezvamatongerwe enyika, kupokanidzana kworudzidziso, uye funganyo yemari yakaoma kufungidzira. Hapana zuva rinopfuura asi kuti zvamatongerwe enyika, rudzidziso, uye kutengeserana zvinosvasvavirira kutibata muchiverengero chenzira chipi nechipi. Ukabvisa iyi misimboti mitatu yenzanga yavanhu, ipapo muuyo ungava nyongano.

Pari pose apo mapoka avanhu anogara pamwe chete, gadziriro yakati kuti yemari—kutarisirwa kwemba—inokosha kuvagovera zvinhu namabasa avanoda. (Ona bhokisi riri pasi apa.) Naizvozvo imba iri yose inovavarira kuva nemari yakanaka. Nenzira imwe cheteyo, mari yehurumende iri yose inobatanidza zvinhu zvikuru zvina: (1) kugadza zviri zvinhu namabasa zvichabudiswa, (2) kusarudza mabudisirwe achaita zvinhu izvozvo namabasa, (3) kutema magovererwe achaitwa zvinhu zvinobudiswa, uye ipapo (4) kudzora zvinhu kuti mari iwedzere nesipidhi yakafanira ndokugovera basa nokuda kwavose.

Gadziriro dzemari dzakaitwa nomunhu nomutoo wokusapanikira dzakaita kuti upenyu huve hwakanaka zvikuru, dzichitigovera zvinhu namabasa ataizove tisingakwanisi kuzvigovera timene. Idzi gadziriro kazhinji kazhinji dzakamutsa chaizvoizvo mipimo yokurarama. Kurukurirano dzakavandudzika dzinotibvumidza kusvika vanhu murutivi rupi norupi rwenyika kupfurikidza norunhare mumasekondi mashomanene, kuvatumira mashoko nefakisi mumaminiti mashomanene, uye kunyange kufamba rwendo kundotaura navo chiso nechiso mumaawa mashomanene.

Bva, hatigoni kufuratira kuti nyika yezvokutengeserana inopesvedzera vanhu munzira iri inotobatanidza zvakawanda zvikuru. Pamwe chete norudzidziso nezvamatongerwe enyika, inogona kutapura mugumo wedu umene.a Naizvozvo zvino kwakakodzera kutendeudzira ngwariro yedu kuchinhu chikuru chechitatu chenzanga yavanhu, nyika yezvokutengeserana. Yakava sei ine simba zvikuru? Iri kunanga kupi? Ikoku kune revoi nokuda kwedu somunhu oga?

[Mashoko Omuzasi]

a Mukai! yakabudisa nhevedzano yenyaya dzakaratidzira zvakajeka kuti ikoku kwakaitika sei murudzidziso nomumasangano ezvamatongerwe enyika. “Nguva Yemberi Yorudzidziso Pakurangarirwa Kwenguva Yarwo Yakapfuura,” No. 3, 1989 kusvikira ku No. 3, 1991; “Human Rule Weighed in the Balances,” August 8 kusvikira kuna December 22, 1990.

[Bhokisi riri papeji 5]

Kurondedzera Nyika Yezvokutengeserana

Ungakuwana kwakaoma kurondedzera mashoko akadai sokuti “kutengeserana,” “kushambadza,” “mabasa okugadzirwa kwezvinhu,” “bhizimisi,” uye “ruzivo rwokudzorwa kwepfuma.” Collins Cobuild English Language Dictionary rinorondedzera “kutengeserana” se “mibato nemiitiro(wo zvayo) inobatanidzwa mukutenga nokutengesa zvinhu.” Ikoku kunobatanidza nomutoo uri madikanwa “kushambadza,” uko kuri “mubato wokutenga, kutengesa, kana kuti kutsinhana zvinhu kana kuti mabasa pakati pavanhu, mafemu, kana kuti nyika.” Chokwadika, zvinhu zvinofanira kugadzirwa kana kuti kuitwa zvisati zvagona kushambadzwa, muitiro unozivikanwa sa“mabasa okugadzirwa kwezvinhu.” Uye basa rinowirirana nokutengeserana nokushambadza rinonzi “bhizimisi.”

Kana ruri “ruzivo rwokudzorwa kwepfuma,” ndiyo “fundo yokubudiswa kwepfuma nokupedzwa kwezvinhu namabasa munzanga, uye kurongwa kwemari yayo, mabasa okugadzirwa kwezvinhu, uye kushambadza.” Rinotipa kumwezve kunzwisisa murevo yeiri shoko ndiro idi rokuti rinowanwa mumavambo echiGiriki anoratidzira kutarisirwa kwepfuma yeimba kana kuti nzvimbo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe