Ishokoi Ravari Kunzwa?
MURUDZII rwenyika rwaungada kugara? Rudzii rwenguva yemberi rwaunoda nokuda kwavana vako? Kudai waigona kuva noutano hwakakwana uye usingafi, waizosarudza here?
Ungapindura sei mibvunzo iyeyo? Vanhu vazhinjisa, pasinei hapo nomugariro worudzidziso kana kuti zvamatongerwe enyika, vangada kugara munyika yorugare namafashafasha. Vangagamuchira nyika yeruramisiro yakakwana uye tsinhirano, umo mungave musina ushati; kana kuti mungave musina mutemo mumwe nokuda kwavapfumi uye mumwe nokuda kwavarombo.
Uye nokuda kwavana vako, pasina panikiro ungada kuva nezvokudya zvakawanda, musha unofadza, uye dzidzo yakanaka. Namamwe mashoko, ungada kusimbisira nguva yechokwadi yakatsiga nokuda kwako umene navana vako. Uye kudai waizopiwa banza, waizosarudza kuva noutano hwakakwana uye kurarama nguva refu yakaringanira kuita zvishuvo zvako zvose zvakanaka namagwinyiro, kunyange kufarikanya upenyu husingaperi paparadhiso yapasi.
Kose ikoku hakuzati kuri fungidziro isingabviri. Ishoko reBhaibheri iro Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidzira mupasi rose, kubatanidza nyika dzomuMabvazuva dzeEurope.
Tariro Inoshanda yeBhaibheri Nokuda Kwenguva Yemberi
Zviporofita zvinovimbika zveBhaibheri zvakanyorwa mumazana mazhinji amakore akapfuura zvakadeya kuzivisa zvinoitika zvomuzana ramakore rechi 20, ‘hondo [dzedu] namaguhu ehondo’; ‘kudengenyeka kwapasi [redu] neperevedzo dzokudya munzvimbo nenzvimbo’; ‘shungu [yedu] yamarudzi, asati achiziva nzira yokubuda nayo, vanhu vachingunopera simba nokuda kworutyo nekariro yezvinoitika zvinowira pasi’; ‘kuparadza [kwedu] nokushatiswa kwapasi.’—Ruka 21:10-33; Zvakazarurwa 11:18.
Bva, zvinoitika zvose izvozvi nezvimwe zvizhinji chiratidzo chechokwadi chokuti nyika itsva yakapikirwa yaMwari iriwo pedyo zvikuru. Iyoyi inobatanidza “matenga matsva nepasi idzva,” ndiko kuti, ubati ushe hwenyika itsva, hurumende yokudenga, uye chaunga chapasi chakashandurwa ‘umo kururama kunogara mazviri.’ Kunoreva nyika itsva umo ‘marwadzo, rufu, uye kuchema zvisati zvichizovamozve.’—Isaya 65:17-25; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4.
Sezvinooneka, hapana sangano rezvamatongerwe enyika, pasinei hapo nokuti nderapachokwadi sei uye rinoitira hanya, rinokwanisa kuita purogiramu yakadaro. Changamire Ishe bedzi wechisiko chapose pose, Jehovha Mwari, ane zvose zviri zviviri chido nesimba rokuita ikoku. Nokuda kwechikonzero ichecho Mwanakomana wake, Kristu Jesu, akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, kuti: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, uyewo pamusoro papasi.”—Mateo 6:9, 10, NW.
Kuda kwaMwari ndekwokuti pasi rinofanira kuva imbwe rinokosha rinon’animira muchisiko chapose pose, rigarwe nemhuri yavanhu ino rudo norugare. Nokukurumidza Mwari achaita chiito chokuunza iyeyo. Chichava chiito chokuchenura kubvisa papasi shatiso yose navashatisi. Shatiso yose, ingava yokunyama kana kuti yetsika, ichabviswa papasi. Ndianiko achasara? Jesu akati: “Vanofara ndivo vanyoro, nokuti vachagara nhaka pasi.”—Mateo 5:5; Zvakazarurwa 16:14-16.
Unoda here kuva pakati paavo vanyoro vachava nechikomborero chaMwari? Ipapo onana neZvapupu zvaJehovha munzvimbo yawakavakidzana nayo uye kumbira fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, pasina kuva nomusengwa. Zvibvumikisire umene chiri “kuda kwaMwari kwakanaka, kunogamuchirika uye kwakakwana.” Uye ipapo ndokukuita.—VaRoma 12:2.