RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g91 1/8 pp. 29-32
  • Kuvhara Mukaha Uri Pakati Pavanachiremba Navarwere veZvapupu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvhara Mukaha Uri Pakati Pavanachiremba Navarwere veZvapupu
  • Mukai!—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Matare Avanyai Vezvipatara
  • Zvivhariso Zvebatira Pamwe
  • Dare Idzva Rinoita Donzo Raro
  • Wakagadzirira Here Kutarisana Nomugariro Wokurapwa Unodenha Kutenda?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Kubatsirwa Pakuchengeta Utsvene Hweropa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kushumira Vamwe Kunoderedza Kutambura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kuwedzera Kudiwa Kwomushonga Nokuvhiya Zvisina Ropa
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1991
g91 1/8 pp. 29-32

Kuvhara Mukaha Uri Pakati Pavanachiremba Navarwere veZvapupu

MUNYIKA yose vanachiremba vanoziva zvikurukuru chinhu chimwe pamusoro peZvapupu zvaJehovha: Zvinoramba kuisirwa ropa. Zvisinei, vanachiremba vazhinji havatongozivi chinhuwo zvacho pamusoro peZvapupu. Naizvozvo pavanoda kuisira ropa murwere weChapupu, kuramba kungavakatyamadza sokusina mufungo chose chose. Nokudaro, mukaha unonzwisa urombo ungaparadzanisa chiremba nomurwere.

Vanachiremba vashomanenesa zvikuru vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvirwisani nokurapa uye kuti chimiro chazvo pamusoro peropa chiri zvose zviri zviviri hachikwikwidzanirwi uye chakatsigiswa zvakasimba mumutemo waMagwaro. Kuri zvino, kuva nomufungo kwechimiro chapaMagwaro kwave kuchirevererwa nomutoo wakatsiga kupfurikidza nedirano yezviwanwa zvitsva zvesayenzi pazvose zviri zviviri ngozi dzokuisira ropa dzehomologous nekotsekano dzechinjo dzokuisira ropa. Asika Zvapupu zvaJehovha zvinogona sei kuwana aya mashoko mhiri kwenzanga yezvokurapa?

Matare Avanyai Vezvipatara

Nokuda kwedonzo irero, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakatarisira kugadzwa kwamatare avanyai vezvipatara mumaguta makuru ane zvipatara zvikuru zvokurapa. MuUnited States, matare ane zana rimwe, ane avhareji yavashumiri vashanu parimwe nerimwe, ari kutovhara mukaha uri pakati pavanachiremba neZvapupu. Mukuvamba megore rino gadziriro yakatambanudzirwa kune dzimwe nyika. Kubvira muna February 19 kusvikira kuna March 27, mitezo mitatu yeMibato Yamashoko eZvipatara muBrooklyn yakashanyira mahofisi masere amabazu eZvapupu zvaJehovha munharaunda yePacific.

Donzo racho rakanga riri ramativi matatu: kuita misangano yokurovedza vashumiri veZvapupu vakadeya kusarudzwa nokuda kwebasa redare ravanyai vezvipatara, kurovedza vashandi vapamabazu kutarisira chibhariro cheMibato Yamashoko yeZvipatara mubazu rimwe nerimwe, uye kushanyira zvipatara navanachiremba nokuda kwokukurudzira kurapa kunopfuuridzirwa uye kunofutunurwa kweZvapupu zvaJehovha pasina kushandiswa kweropa. Misangano mina yakaitwa: mumwe muSydney nokuda kweAustralia neNew Zealand; mumwe muManila nokuda kwePhilippines, Hong Kong, uye Taiwan; mumwe muGuta reEbina nokuda kweJapan neKorea; uye wokupedzisira muHonolulu nokuda kweHawaii.

Purogiramu yacho yakashandisa zvose zviri zviviri masiraidhi nevhidhio kutsanangura kushanda nezviri mukati zveropa uye ndaza inowedzera yechinjo dzokurapa kuropa rehomologous. Kurukurirano dzacho dzakafukidza nzira dzokubetsera nadzo Zvapupu zvaJehovha apo zvinonangana nezvinetso zvinobatanidza ropa. Musangano wacho wakasimbisawo ukoshi hwokubatira pamwe navanachiremba nezvipatara, nokudarokwo ndokuita kuti kuve nyore zvikuru kwavari kuremekedza chimiro cheZvapupu. Mutezo mumwe wedare ravaJapan wakati: “Purogiramu yatishongedzera chaizvoizvo kupinda mubasa rokukudziridza kunzwisisa.” Zvinopfuura Zvapupu zvine 350 zvinobva mumufambiro wose woupenyu zvakarovedzwa pamisangano mina.

Pamberi peshanyo, mahofisi amabazu akaita rangano navanachiremba vokuvhiya vakatanhamara nemitezo yavashandi vakuru vakuru pazvipatara zvikuru kuzokurukura kurapa kusina ropa nokuda kweZvapupu zvaJehovha. Zvikwata zvitatu pabazu rimwe nerimwe zvakagoverwa kuita idzi shanyo, chimwe nechimwe chichitungamirirwa nomumwe wavamiriri vatatu vanobva Brooklyn. Ikoku hakuna kupa bedzi rovedzo yapakarepo kuna avo vakagoverwa kuva mitezo yedare rechipatara asiwo kwakavaita kuti vanzwe vakasununguka pakutaura navanachiremba nenyanzvi dzokurapa dzinotarisira utano. Shanyo dzakadaro dzinopfuura 55 dzakaitwa munhambo iyi yamavhiki matanhatu.

Zvivhariso Zvebatira Pamwe

Miuyo yacho yakanga ichigutsa. MuAustralia chimwe chikwata chinoshanya chakasangana nomubetseri wegorokota routano rehurumende yeNew South Wales. Vakakurukura naye kuitwa kwokuvhiya pasina ropa pazvipatara zvizhinji zvinotarisira utano, vachikarakadza kuti Australia ingagona kuva nzvimbo nokuda kwokuvhiya kwakadaro nokuda kweZvapupu zvaJehovha muSouth Pacific. Akaona pasina chikonzero nei vanachiremba vangasagona kugadzwa kuita kuvhiya kwakadaro. Shanyo dzine makumi maviri nembiri dzakaitwa muAustralia. Chiremba mumwe wechipatara akati: “Imi munoziva zvakawanda pamusoro penyaya yeropa nokumwe kurapa kunowanikwa kupinda zvatinoita.” Mukuru mukuru mukuru weboka rezvipatara zvinomwe akapa simbisiro yokuti iye aizogadza nyanzvi yokuvhiya kuti ironde pfungwa yokugadza chikwata chavanachiremba vanovhiya pane chimwe chezvipatara zvavo kuti zviite kurapa kusina ropa nokuda kweZvapupu zvaJehovha.

Pachipatara chemwoyo cheManila—chinorangarirwa navamwe kuva chakanakisisa muMabvazuva—kwakaratidzirwa kumutarisiri wezvokurapa kuti rinenge zana reZvapupu zvaJehovha zvinomirira kuvhiyiwa kwomwoyo rakaiswa kumugumo kwomutsetse nemhaka yokuti hazvingaisirwi ropa. Iye akati aizogumisa muitiro iwowo. Mutarisiri wezvokurapa wechipatara chakaisvokurumbira chePhilippines, St. Luke’s, akaratidzirwa icho chiri bhuku rezvokurapa zvino rinotaura pamusoro pokuvhiya kusina ropa, uye iye akabvumira kuti kwakakotsekana zvikuru. “Chinhu chakaisvonaka,” akabvuma kudaro. “Ndiyo nzira bedzi yatinogona kudzivisa nayo AIDS nehosha yechiropa.” Akaratidzira kuti akanga akagadzirira kupa Zvapupu banza rokuwana kurapwa kusina ropa pachipatara chake; iye ndipurezidhendiwo webhangi reropa rechipatara.

Pamusangano wamazuva matatu weJapan, Korea yakamirirwawo, ine nhume 44 dzavashumiri veZvapupu zvaJehovha, 5 vavo vaiva vanachiremba. KuJapan kwakabva vashumiri veZvapupu vane 255, kubatanidza vanachiremba vane 41, pakati pavo paiva navamwe vanachiremba vanovhiya uropi nenyanzvi dzokutindivadza muviri, uye magweta 2. Matare ana makumi maviri akagadzwa muJapan, uye manomwe muKorea.

Pashure pomusangano wacho, varairidzi vakaenda nemitezo yomunzvimbomo yamatare ezvipatara kundoshanyira vanachiremba nezvipatara munharaunda yeTokyo kundosimudzira ukama hwebatira pamwe. “Takashanyira mubetseri wapurofesa wezvoruzivo rwokusunungusa pachipatara cheyunivhesiti,” anoshuma kudaro mufundisi mumwe weJapan. “Akanga asunungusa vana vavanenge vakadzi gumi vari Zvapupu zvaJehovha. Mumwe wavo akanga arashikirwa namasendimita amakubiti 2 800 eropa, uye mwero wake wehemoglobin wakaderera kusvikira kumagiramu 3,5 padeciliter. (Avhareji yavakadzi magiramu 14 padeciliter.) Asi chiremba akakwanisa kusunungusa pasina ropa. Kunyange zvazvo ari muBuddha, muitiro wake uri wokuremekedza zvitendero zvomurwere wake. Iye akabvumira kupfuurira kugamuchira varwere vari Zvapupu zvaJehovha.”

Mutarisiri wezvokurapa muYokohama akabvuma kuita kuti chipatara chake chinyorwe pandaza pakati peizvo zvinodisa kubatira pamwe ndokutaura kuti vachava vanofara kugamuchira varwere vari Zvapupu vanorambwa nezvimwe zvipatara. “Kurapa Zvapupu zvaJehovha pasina ropa,” chiremba akadaro, “zvamazvirokwazvo chinetso, asi ndinonzwisisa Zvapupu nokuti zvakandipa banza rokubvumikisa unyanzvi hwangu sachiremba.” Makangawo muri muYokohama umo imwe nyanzvi yezvirwere zvavakadzi yakati: “Ini ndingarwirwa maruramiro avarwere mudare kana ndikamangarirwa kuremekedza chido chomurwere uye kusaisira ropa.”

Matare akagadzwa nokuda kweKorea ari kushuma rubudiriro rwakanaka. Pana May 26 shanyo yakaitwa kuYonsei University Hospital. Chinozivikanwa zvikuru muKorea yose uye china mabazu matatu. Mitezo inobva munzvimbo idzi dzose yakapinda, ichiita hwerengedzo ye 62. Purofesa woruzivo rwokutindivadza muviri akataura pamusoro po“Kutarisirwa Kwokutindivadzwa Kwavarwere vari Zvapupu zvaJehovha.” Mashoko aakapa achanyorwa mumagazini yoruzivo rwokutindivadza muviri muKorea. Zvachiri chimwe chezvipatara zvakatanhamara muKorea, chinofanira kuva nepesvedzero yakanaka pane zvimwe zvipatara navanachiremba. Hapana mubvunzo wakamuka usina kufukidzwa kwazvo pamusangano wacho muJapan.

Matare avanyai mashanu akagadzwa nokuda kweHawaii, uye iwo ose akauya kuHonolulu nokuda kwomusanganowo. Mazhinji awo akaperekedzwa pashanyo dzezvipatara. PaChipatara Chokutarisira Utano cheHawaii, mutarisiri akati iye aizonyora nyaya pamusoro pedu mutsambanhau yavo yokutumira kuzvipatara zvose zvomuHawaii.

Pachipatara chokutarisira utano chikuru kune zvose, Queen’s muHonolulu, dare rakaratidzira kuti fomu rokubvuma raishandiswa nechipataracho raiva nokusarurama mukurongwa kwamashoko aimirira zvisino kufanira Zvapupu. Rakaratidzira kuti Zvapupu zvingasva zvafa hazvo panzvimbo pokuisirwa ropa “rinoponesa upenyu.” Kwakajekeswa kuti ichi chakanga chisati chichitongova chimiro chedu, kuti tinouya kuchipatara kuzotaviridzira utano hwedu noupenyu. Kurongwa kwamashoko kwakakuita kuratidzike kuti ropa rakanga ririro bedzi rakanaka uye kuti hakuna ropa rinoenzana norufu. Kurongwa kwamashoko kwakakundikana kubvuma kubvira kworufu nokuda kwokuisirwa ropa, nokudaro ndokusagovera murwere chisarudzo chokuziva pamusoro pokuti aidisa kuzvipinza mungozii. Gweta rechipatara rakati: “Regai ndione ikoko!” Zvaakakurava, iye akati: “Ini handina kunyora izvi!” Gweta nomutarisiri zvavakaenda, mutarisiri akati kugweta: ‘Ndinofunga kuti tinofanira kuhwirudzura uru rugwaro pamwe chete.’

Dare Idzva Rinoita Donzo Raro

Mukati mamazuva pashure porusando rwerovedzo muHawaii, Chapupu chakaendeswa nokukurumidza kuchipatara chapererwa neropa zvikurusa, kuverengwa kweropa rake kwakanga kwaderera nomutoo une ngozi. Hapana kubuda ropa kwaigona kuwanwa; kuvhiya kwokuongorora kwaidikanwa. Chiremba haati aizovhiya pasina ropa. Akachinjirwa kune chimwe chipatara uko mumwe chiremba akarambawo kuvhiya. Dare ravanyai richangobva kuumbwa rakasvika, rakataura nomutarisiri wezvokurapa nachiremba anotarisira wacho, uye rakatsanangura kuti, kureva idi, murwere akanga ari kusiiwa. Chiremba akarambazve kuvhiya uye akabviswa panhauyo. Vamwe vanachiremba vaviri vakapinzwa. Vakaita kuvhiyakwo, vakawana manyuko okubuda ropa, ndokururamisa chinetsocho. Hanzvadzi yedu yakapona. Kudai pakanga pasina kupindira kwedare ravanyai, angadai akafa, uye manyuko enhau angadai akakurondedzera seimwe nhau yeChapupu ‘chinofa chisina ropa rinodikanwa.’ Zvirokwazvo, munhau dzakadaro Zvapupu zvakafa pasina kuvhiya kunodikanwa apo vanachiremba vanovhiya vanokwanisa vangadai vakazviponesa.

Pamwero wamarudzi ose, ipapoka, matare avanyai ezvipatara ari kushanda kuvhara mukaha uri pakati panzanga yokurapa neZvapupu zvaJehovha kupfurikidza nekurukurirano ine revo nokunzwisisana. Miuyo yacho yave ichigutsa. Vanachiremba vazhinjisa vari kusvika pakuona kuti muitiro wakanaka wokurapa nokuvhiya kwounyanzvi zvinogona kugamuchira zvitendero zveZvapupu zvaJehovha. MuUnited States, vanachiremba vanopfuura 6 500 vanodisa kuita kudaro.

Kwavari, Zvapupu zvinofanira kupfuurira kuita nhamburiko iri yose kuva zvinobatira pamwe uye varwere vano mufungo. Nenzira iyeyo, vamwe vanachiremba vanotosvika pakuremekedza Zvapupu nokuda kwokuomerera kwazvo kunheyo dzakakwirira. Mubetseri wapurofesa woruzivo rwechirwere chegadziriro yokuita weti pakoreji rezvokurapa muTokyo akati: “Ini ndinoremekedza varwere vari Zvapupu zvaJehovha. Vane mipimo chaiyoiyo munyika umo musina mumwe munhuwo zvake anayo.”

Nharidzano yose yeiyi misangano neshanyo yakanga iri yokusimudzira batira pamwe dzakawanda dzinoremekedzwa nokuda kwokudzivisa kunangana. Vose avo vakabatanidzwa mune iyi nhamburiko vakarangarira kuti iyi nharidzano yakawanwa norubudiriro runogutsa. Tinovimba kuti Jehovha achapfuurira kukomborera idzi nhamburiko ndokutsigira avo vanoteerera nhungamiro yaJehovha yokurega ropa, sezvo Shoko rinovaraira kuita.

[Bhokisi riri papeji 32]

Genesi 9:3, 4, NW: “Mhuka iri yose inofamba iri mhenyu ingabatira sezvokudya zvenyu. Kana zviri zvinomera zvakasvibira, ndinozvipa zvose kwamuri. Nyama bedzi ine mweya wayo—ropa rayo—hamufaniri kudya.”

Revhitiko 17:10-12, NW: “Kana ari munhu upi noupi weimba yaIsraeri kana kuti mugari ari mweni ari kugara somweni pakati penyu anodya rudzi rupi norupi rweropa, zvirokwazvo ndichatonga mweya uri kudya ropa, uye zvamazvirokwazvo ndichamugura pakati pavanhu vake. Nokuti mweya wenyama uri muropa, uye ini pachangu ndakariisa pamusoro peatari kuti riyananisire mweya yenyu, nokuti ndiro ropa rinoyananisa kupfurikidza nomweya uri mariri. Ndokusaka ndakati kuvanakomana vaIsraeri: ‘Hapana mweya wenyu unofanira kudya ropa uye hapana mugari ari mweni ari kugara somweni pakati penyu unofanira kudya ropa.’”

Mabasa 15:28, 29, NW: “Nokuti mudzimu mutsvene nesu timene takada kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze kweizvi zvinhu zviri madikanwa, kuramba muchirega zvinhu zvakabairwa zvidhori uye neropa nezvinhu zvakadzipwa uye noufeve. Kana mukaramba muchizviparadzanisa mumene nokungwarira nezvinhu izvi, muchabudirira. Sarai zvakanaka!”

[Mufananidzo uri papeji 31]

Hospital Committee Seminar—March 12, 1990

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe